Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 8)

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 8) - Responsive Blogger Template

Lewis akaita mazuva maviri akagara ega akanyarara mumba make achitemeseka musoro nepfungwa pamusoro penyaya yake nemudzimai wake. Nedzimwe nguva aionekwa achieredza misodzi ari ega achifunga kuti achazovei asina mudzimai wake.

Kufunga kuti Isabella wake angave nemumwe murume waanosekerera raive pfumo kwaari, asi akada kutsvaga chokwadi nekuziva kuti upenyu hwake nemuchato zvaive zvakamira sei uye aizovei asina Isabella. Akaramba achidaidzira kuna Mwari wake kuti nyaya iyi ive yenhema uye ipfuure agare nemudzimai wake sezvavaive kare.

Akabva arangarira nyaya yaakamboudzwa naIsabella vachangosangana, achiti vaimbove best friends naHazel, vakaparadzana nenyaya yemurume. Akada kunzwisisa kuti chii chaizvo chakaitika. Nekuti pakataurika nyaya iyi haana kunge aita hanya nedetails kuti chii chakaitika uye zvakafamba sei. Asi apa akaona kuti kana dai aizoziva nyaya iyi nemazvo zvaigona kuzomubatsira kunzwisisa unhu hwaIsabella hwakange hwakavanzika kwaari, uye zvimwe zvinhu zvakamboitika kare. Zvaigona kuzomujekesera kuti azive kuti Isabella anofunga sei uye angaite zvakadaro here.

Akafunga kuti sister Hazel vaikwanisa kuzomubatsira, she was a woman of God, an anointed worshipper in the house of the Lord and a private assistant of the mighty man of God, vaigona kumubatsira kuti azive zvaiitika mumba make.

Musi weChipiri achibva kubasa masikati, akandogara ega mumba make achirwadziwa nekusuwira upenyu hwake hwaange ajaira naIsabella. Ange ave kufunga kuti afonere Barbra kuti vambotaurirana asati ataura naHazel. 
Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 8)
Akabva afonerwa naambuya vake amai vaIsabella vachiti Isabella ange amhanyiswa kuAvenues Clinic achirwara zvakaipisisa. Akabva ambosiya zvese zvaaiita ndokuendawo kuClinic kwakange kuchirapiwa mudzimai wake. Akawana mudzimai arembedzwa tambo dzese nemishini yekumubatsira kuti arambe ari mupenyu. Kumeso kwake matama aiita seapomberwa mweya nekuzvimba kwaange aita.

Vakagara vese vakanyararisana amai vaIsabella, nemunin’ina wake naiye mukwasha Lewis vakamirira kuzonzwa kubva kuna chiremba. Ambuya vange vakasungira dhuku ravo mumaziso vasingade zvekutaura nemunhu. Munin’ina waIsabella ange akabata amai vake ruoko vachisimbisana, achipota achitarisa vaimbove babamukuru vake neziso rekutsamwa nehasha.
Lewis airwadziwa nezvaiitika, ange ave kuvhiringika asingachaziva chakanaka nechakaipa. Aingodemba kuti dai nyaya iyi isina kumbobvira yaitika zvayo, aive nemibvunzo yakawanda asi pasina mhinduro zvachose.

Mushure meawa yese, Chiremba vakauya ndokuti; “You are Isabella Katsande’s family right?” Lewis akasvetuka achiswedera padyo naChiremba ndokuti; “I am her husband, that is her mother and sister, how is she? How is my wife doctor?”
“Come to my office” vakadungamidzana vese ndokundogara muoffice machiremba.
“Mrs Katsande is now stable, she will be fine. I am sorry she lost the baby, due to extremely high blood pressure, the baby could not survive. But the mother is fine, she needs to rest and a lot of family support so that her blood pressure stabilizes.” Chiremba vakatsanangura.
Chiremba vakazopedzisa kutaura amai vaIsabella misodzi yoerera. Lewis akadzungaira kushaya pekubata with mixed feelings. Vakabva vazoenda vese vondoona Isabella. Vakadzi vatatu vakangotarisana ndokuchema misodzi, hapana akataura shoko. Lewis akaswedera padyo achida kubata ruoko rwemudzimai wake asi Isabella akadzungudza; “Are you happy now?” Isabella akamubvunza asi Lewis akatadza kupindura izvi. Vakazoparadzana voenda kudzimba kwavo.
Lewis akasvika ndokurara asina kudya, pfungwa dzichipishana nezvaiitika muupenyu hwake. Akazvipira kuti akurumidze kuwana umboo hwese hwaiita azive paamire nemudzimai waange akaroora. Akabva afonera Hazel; “Sister Hazel, zviri sei? Ndaita problem, ndokumbirawo kukuonai mangwana kana muri free, in the morning. Kumba kwangu.” Lewis akadaro inzwi rake richinzwika kuneta.
Hazel hana yairova nemufaro uye mukana wange wazviuyira wega; “Are you ok baba Katsande?”
“I just got serious issues of life that I need information from you.” Lewis akashingirira kudaro.
“Ok ndosvika kuma 10am, do not worry, God is in control.” Hazel akadaro semunhu waMwari.
“Thanks so much my sister, I needed to hear that….” Lewis akadaro achinge achachema.
Hazel akarara akasekerera nekuti aiziva nyaya yaange adaidzirwa naLewis, akanyatsoruka nekukwenenzvera mashoko aaida kundotaura kunaLewis aizotuma Lewis kuti aite zvaaitarisira chaizvo, akagutsikana.
Lewis ange otadza kushanda, ange ongoswera mumba pasina chaaiita, kwaive kubata bata nekuona photos and videos ake nemudzimai wake mazuva avaifara vari vese zvaive muComputer yake.
Pazuva rakatevera, Hazel akasvika pamba paKatsande 10 dzamangwanani dzichichaya sekuvimbisa kwaange aita. Mushure mekukwazisana, vakagara pasi vese Lewis ndokuti;
“Thank you very much sister Hazel, this is very difficult for me, but I need closure, I need to decide and to move on. So the information you are going to give me, will help me do all that.”
Hazel akanyatsozembera musofa agadzirira kudya kwenzeve dzake. Lewis akaenderera achiti; “I want to know what happened between you and my wife, kuti musazove mafriends, akambondiudza in passing kuti makapesana nenyaya yemukomana. What really happened?” Lewis akabvunza.
Nyangwe Hazel aifarira kutaura zvakaipa pamusoro paIsabella, nyaya yaWilliam yaimurwadza, aisada kuramba achiidzokorora. Akangoti; “Yes we were best friends, and your wife ruthlessly and shamelessly dated my fiancé, a few months before my wedding. I can confidently say she caused his death. Dai asina kutiparadzanisa, William would be here with me now.”
“What does that mean……. I mean character-wise, I am just thinking…..” Lewis akadaro achinge aitaura ega. Bva, Hazel ndomubvunzo waange akamirira.
“Simple, she believes she can get any man that she wants, at anytime and can get away with it. Where is she anyway, ngaauye pano nditaure aripo musazosara muchinditi ndanyepa.” Hazel akadaro kunge aisaziva kuti Isabella airwara muchipatara.
“She is not here, she had a miscarriage, she is in hospital as we speak. We had adultery issues in our marriage, that’s why I had to dig up the past a bit. I am confused, I feel like I don’t know the woman I married anymore. Who is Isabella?”
Hazel akaseka ndokuti; “Miscarriage yekwaani, kuti ndokutanga here? Maabortions hobho aaingoita.” Hazel akadaro ndokutarisa Lewis kuti aone kuti aifungei nazvo.
Akaenderera achiti; “Anyway that’s not the issue we have here. But who would want to keep a baby asingazikanwi kuti baba vacho ndiani? I am really sorry, some characters are hidden, asi panozoitika chinhu chimwe chete chinovhura zvese.”
Lewis akadzungudza ndokuti; “But sister Hazzie, you are a prayer warrior, help me here. You were friends naIsabella for a long time, do you think she is the adulterous type?”
Hazel akaseka ndokuti; “Don’t be ridiculous. Dai ndaiziva kuti achanditorera boyfriend aizoita shamwari yangu here? She shocked me the way she just shocked you now.”
“It’s fine, thank you for the infor, I know you are saying the truth sister Hazel, but this is getting more complicated than I thought. I was actually hoping to get some information that would prove her innocent.” Lewis akadaro achipererwa.
“I am also sorry to disappoint you. You can do your investigations, find infor from someone else.” Hazel akadaro achiratidza kunzwa tsitsi.
Lewis akagomera ndokuti; “No no no, do you think this was easy for me, can you imagine what the information you are telling me is doing to me? It’s killing me. You are confirming things I have been praying kuti zvisave chokwadi kuti ichokwadi. Now I see there is a possibility that my wife had an affair …”
Lewis akagara pasi ndokubwaira bwaira seave kuda kuchema, akasimudza musoro ndokuti; “Thanks my sister, I want to be alone now.”
Hazel akasimuka ndokuti; “Life sucks, I know exactly how you feel, zvakamboitika kwandiri and its hell I tell you. But kana vamwe vakabuda mazviri so can you. Zvakaoma asi hazviurayi. Betrayal is real, sometimes uchinzwa nyaya dzevamwe you think hazviitike kwandiri but here we are, I am sorry. I will remember you in my prayers. Still God is in control.” Hazel akadaro ndokusimuka obuda. Akaona kuti akaramba aripo achitaura aizoitirwa hasha nemurume aidzimbikana nekuparara kweimba yake.
Lewis akasara ndokufunga zvese zvange zvataurika, semunhu aivimba naHazel nekuda kwechigaro chake muchurch, akagutsikana nenhoroondo iyi akati mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.
PaSvondo rakatevera, Isabella akabuda muchipatara ndokuenda kumba kwavabereki vake kuChitungwiza. Lewis ndiye akandomutora kuchipatara ndokumuperekedza kumba kwavo, uye kubhadharawo mari dzese dzaidiwa muchipatara nekutenga mishonga yese yaainzi aifanira kuzondopedzera ave kumba.
Vaviri ava vakatadza kutaudzana kana kubvunzana zvako nezvenyaya yaive pakati pavo. Vese vakange vakagumbuka uye vasingazive pekutangira. Kunyararisana kwavo, kwakapa mukana wekupinda kwezvimwe zvakawanda zvaiwedzera kuvaparadzanisa.
Musi weMugovera wesvondo iyi, Lewis paakaona ave kusurikirwa ari ega, uye asingade kutaura nemashamwari ake echirume, aisada kutaura nevanhu nezvemumba make, akafonera Barbra vakandoswera kuLake Chivero. Musi uyu haana zvaakataura nezvaIsabella, vakatandara vachitaura nezvavo vari vaviri kuita sekuti kwakange kusina vamwe vanhu kana zvimwe zvainetsa muupenyu hwavo. Zuva iri rakanakidza vese, Lewis akanakidzwa nekuterera kwaBarbra uye kusaziva kwake zvedhorobha, akanakidzwa achimuudza zvakawanda zvaaisaziva.
Barbra ainakidzwa nekusetswa nekuseka nemurume aimurovesa nehana, murume waakange andoitira mhiko dzaimuzoresa mafuta aaisaziva kuti ndeemhuka ipi pese paaienda kundoshanda kumba kwake. Akange onzwa hwuMrs Katsande kunhuwira.
Musi weMugovera wakatevera, Hazel akadaidza Barbra ndokubva vasangana mudhorobha, vakandogara paWimpy Hazel ndokutaura hurongwa hwaaive nahwo pamusoro peupenyu hwaBarbra. Barbra haana kunge audza Hazel nezvaambuya Mangena, yaive secret yake yaakange asingade kuti izivikanwe kana nani zvake.
Zvaisaita kuti amuudze kuti aizora mafuta ainzi kana Lewis akamutarisa arambe achimufunga, ko zvaitaurika here kuti aipfungaidza twumidzi mumba manaKatsande achidaidzira kuti Isabella chikanganwa nezveimba ino usadzoke futi kusvika wafa. Hazel aizotii nazvo? Aizoti saka plan yaakaita yechitororo iyi haina zvayakashanda here.
Hazel akatarisa shamwari yake ndokuti; “Ndoti chii? Toti takahwina here nhai asikana?” Hazel akadaro achibvunza Barbra. Barbra akanyara nyara kunge mhandara yaitaura navatete pamazuva ekutanga kupfimbwa.
Barbra akabva ati; “Ndofunga zviri bho, ari kunonoka kutaura kuti ave kundida, asi tinoswera tese. Pandinoenda kundoshanda kumba kwavo, nguva yakawanda inyaya, kana iri weekend totoenda out chaiko kundotandara asi anondiita kunge sisi vake.”
Hazel akaseka ndokuti; “Patience mainini patience, dzikamai usiku hurefu. Munhu akarwadziwa kana akakurumidzisa kuita imwe relationship anenge achingokudembera nezvavamuhure vaye vakaenda. Mupe nguva. But pane zvandave kuda kuti uchiita now.”
Barbra akafemedzeka nekufara akati; “Anything sisi, ndoitei?”
“Yangu ndakapedza, Isabella akadzokera kuvabereki vake, haachina murume, ave mvana yakarambirwa chihure, inini ndichiri single and searching.” Hazel akamboseka ndokuenderera achiti; “Ngatichionai kuti iwewe wave Mrs Katsande sezvaunoda. Ngatiitisei Lewis jealous, atsve moyo abve aona kuti akaramba achinonoka uchatorwa nevamwe.”
Manzwi aya akatapira chaizvo munzeve dzaBarbra, akanyemwerera zvekuti akaona masiriri ave patable pavaive vari. Akakurumidza kupukuta neka serviette kange kakaputirisa ice-cream yaaidya. Hazel akafinyama achisemburwa ndokutsikitsira asi haana zvaakataura.
“Ndoda kuti uchichinja lifestyle yako, uite mudzimai wanhasi, wepataundi. Wochinja mbatya dzako, matauriro mafambiro, mashamwari, kana masekero nematsengero chaiwo amainini. And wobva kwauri kugara, wogara wega muflat, kuti kana bamunini vakashanya unovasotera mumba mako, vazoona kwaedza varimo nhaika?” Hazel akatsanangura.
Barbra akasekerera achizvitarisa tarisa ndokuti; “Inga ndinogeza wani nhai sisi Hazie.”
“Yes you are always smart, and you are very beautiful, toda kuti zviwedzere uite professional lady. Anopfeka suits and stilletos, like I promised, unouya wozoita receptionist kuCompany kwangu, uchazoona kuti vasikana variko vanopfeka sei, vanotaura sei, then wodzidzawo. Ndine flat kuBudiriro, wondogara ikoko, kwaigara Accountant wangu manje akabuda ave neimba yake. I know it will be temporary for you because hwumadame Katsande hwuri kukudaidza Mebhorini uko.” Vakadzi vakaseka vachirovana maoko.
Hazel akaenderera; “Simple things like a hairstyle should last for 2 weeks only, kwete zvatinoona mumastreets umu kumirira kuti weave ibve yega. Your nails agadziriswe manicure and pedicure zvinyatsoitwa. I can see face make up unoigona, excellent. But just saying, unoona some ladies with trimmed eyebrows, face well polished asi muhapwa muine sango rebvudzi ratove red and richinhuwa dikita. Bvudzi rese riri under garments ubvise ndokuti roll on nema deodorants zvibatire. Murume waunoda is smart and classy, unofanira kusvika pastandard iyoyo kuti akuone, nhaika.”
Barbra ichi chikoro aichida, ange asina nungo nekuchidzidza, aiterera zvese zvaitaurwa nasisi vaaiyemura ava.
Hazel akaenderera achiti; “So your first make up will be my treat, toenda tese kuSalon panoenda Euthenia ladies this afternoon. Ko muchurch hamuna zvaunokwanisa kuita here? Kuti umire mire uchionekwawo.”
Barbra akabva ati; “Ndogona décor sisi Hazzie, pandaive kuMasvingo ndakatodzidzisa musikana anonzi Rudo aigara next door, iye akazoramba achiita ini ndikatadza ndoitawo zvimwe.”
“Oh great, ubva waita zvekuti munhu wese anozviona kuti unozvigona. Inini I will make sure Bishop vakutenda by mentioning it in front of everyone during the service. Nekuti now the Church hires vanhu veDecor everytime, saka ibva waita nzvimbo yako iyoyo zvachose, especially kana wave Mrs K.”
Barbra ange ongogutsurira akaterera achiona kuti ange otangana nezvimwe muupenyu hwake, ko zvakwange kwatove kushandira hwuMrs hwacho nhandi ah.
Hazel akabva ati; “And one more most important thing, kana mave mese naLewis you have to forget about everyone, vana Ben nemamwe maboorangoma NO NO, nhaika. Wazviona kuti muchinda wacho akangofungira zvake kuti uri kumutamba unorova road and haateveri.”
Vakazosimuka apa voenda mumaBoutique votenga mbatya itsva dzaBarbra dzaaizoendesa kubasa pamusi weMuvhuro waitevera.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion