“Mamuka sei mamma?” Vimbai akadaro achitambira miriwo yakange yakabatwa naMai Niko.“Ndamuka mwanangu. Waona wasiiwa wega?” Amai Niko vakadaro vachiseka ndokugara pasi chaipo paverandah pavo. Vimbai akabva agarawo.
Vakambonyarara Vimbai ndokuzoti; “Ndanonoka kumuka, ndakarara kuma2am.”
“Ko waiitei wega wega?” Mai vakada kuziva.
“Ko waiitei wega wega?” Mai vakada kuziva.
Vimbai akabva ati; “Ndakaona bhuku rinonzi When my God when? Gire1 pashelf iri mumba mandinorara. Ndaida kungoverenga kuti ndibatirwe nehope. Asi ndakazotadza kuritsveta pasi.”
“Hooo, wakasangana nebhuku raSis Rue? Ndinovimba rakakubatsira.” Mai Nicholas vakadaro vachinyemwerera chaizvo.
Vimbai akaeredza misodzi ndokuti; “Dai ……… dai ndakariverenga just 3 years ago ………… dai ndisiri mvana isina mwana sezvandave now…….. dai…..” Vimbai akabata kumeso ndokutanga kuchema. Amai vakamurega achipedza shungu dzake ndokubva azoti; “Nezuro ndakati handisi youth, asi handisi single mother zvakare. Saka ndiri chii nhai mamma?”
The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 6 |
Mai Nicholas vakaramba vakanyarara. Ko vaigozviziva sei kuti Vimbai aive chii? Zvaitoda iye muridzi kutsanangura zvaivavhiringawo kana ivo.
“Pamaitaura kuti muri HIV positive, asi upenyu hwenyu hwese maive nababa vaNicholas……….. dai zvaiita taichinjana ndokupai my Negative status, mondipa zvenyu your Positive status. It’s only fair.” Vimbai akadaro zvekare.
Mai Nicholas vakashama muromo ndokuti; “Zvambodiiko mwanangu?”
Vimbai akamonya muromo ndokuti; “I am 23 now, imi muri 40 ani? Whatever……….. asi varume vandakarara navo and my sexual experience ndiri chembere chaiyo. Ndakarara nevarume vemazera ese from 16 year olds vandaibvisa virginity to 70 year olds vave kudya mishonga yemisana. Mamiddle ages handichatauri. Ndosaka ndaiti handisi youth nekuti varume nebonde ndinoziva chaizvo kupinda vakadzi vakuru. Asi handina mwana so handisi single mother. Saka hameno kuti ndiri chii. Ndakambonzi nemumwe mukomana uri mvandara. Kuda ndozvandiri.”
Vimbai akapedzisa achikwidza mapipito, akambofemedzeka achishaya zvekutaura. Mai Nicholas vakabva vati; “Book raGire handiro rega rakanyorwa nasis Rue. Mamwe ari mumba mangu mekurara. Hande undoona.”
Vakasimuka vese ndokupinda mumba mairara amai. Vakasarudza mabhuku aive pakasherefu kavowo ndokutambidza Vimbai. Vakagara pamubhedha vese ndokutanga kuona mabhuku aye.
“Uri mvandara hako sekutaura kwako ……..” vakamboseka vese amai ndokuenderera mberi; “Asi uchiri mwana mudiki. Mwari vanokugadzirisira nekudzima pakaminama. Verenga iri Train Up A Child, ugozoverenga Too Busy to die. Unodzidza zvimwe zvakawanda paupenyu hwevechidiki. Kuna Mwari hakuna irreversible situation.”
Vimbai akabva ati; “Dai ndakangoenda zvangu kuchikoro saGire, nekuti ndaivewo neupenyu hwakaoma sehwake. Asi zvese zvandaisarudza ndozvakazondiitisa mvandara. Ko ivo mai Lovely Rutendo Nzira ava ndivo Gire here? Vakanyora upenyu hwavo pana Gire?”
Mai Nicholas vakaseka ndokuti; “Ivo vanoti hapana nyaya yechokwadi pamabhuku avo asi uchiverenga unoti ndezvechokwadi. But unogona kuzovabvunza.”
Vimbai haana kunzwisisa ndokuti; “Kuvabvunza kupi? Kuti chii?”
Mai Nicholas vakabva vati; “Vanombouya kuchurch kwedu kuLiving Faith. PaBaptism iri kuuya iyi ndivo Guest Speaker muchibhabhatidzwa. And vanozoitawo Baptism of Fire. Vanoshanda vese nanaMufundisi Charumbira zvakanyanya. Saka unogona kutaura navo”
“Aaaaah? Hoo?” Vimbai akashamisika
Mai Nicholas vakaseka ndokuti; “Asi unoti munhu wemubhuku chete? Aiwa, munhu anofamba muroad sewe neni. Pandakabuda muchipatara vakauya kuzonditora kuchipatara nanaPastor Mai Charumbira. Vanombondishanyira kana vakafambira kuno. Saka kana uchida kuvaona ndinovafonera toenda kuOffice kwavo.”
Vimbai akaramba akanyarara ndokuzoti pave paya; “Oooohk horaiti”
Mai Nicholas vakaseka ndokuti; “Ukavaona uchaseka uchifunga kuti aaah ndovacho ivava.” Vese vakamboseka Vimbai ave kuvhura vhura bhuku raakange anzi atange kuverenga.
Mai Nicholas vakabva vati; “Wakauya pano naDr Tapfuma. Ihama yako here?”
Vimbai akatsikitsira ndokuti; “Ndaive small house yavo. Ndichigara muFlat ravo kuGlen Norah. Mukadzi wavo akazozviziva akauya kuzondidzinga. Ndange ndisina kwekuenda vakazondisiya pano.”
Mai Nicholas vakaramba vakanyarara, Vimbai akavatarisa hana ichirova ndokubva ati; “Mamma, ndinonzwisisa hangu kana mukati hamudi hure pamba penyu. Kana Dr Tapfuma vakangouya nezvimwe zvinhu zvangu especially stuff yangu yandaitengesa, ndinobva hangu pano. Handidiwo kuti Nicholas azive kuti ndozvandaiita.”
Mai Nicholas vakanyemwerera vachimubata ruoko ndokumuti; “Don’t worry mwana wangu. Inga nezuro ndakatenda Mwari kuti vandipa mwanasikana. Unobva pano nemuchato wako. Kana kuti unobva pano uchienda kubasa, that is kana wawana basa outside Harare. Kana uri muno, handichadi mwana wangu musikana anogara ega, nyika iri abusive. Unoitwa yese yese……………..”
Vakatasanudza magumbeze ndokuti; “But what really happened in your life? Chii chakapinza muchipfambi chakadzika dzika zvakadai, iwe uri mwana mudiki akadai? Hande kukitchen tindobika tea yedu uchindiudza nyaya yeupenyu hwako.”
Vimbai akasimukawo ndokufamba achitevera kumashure kwamai Nicholas; “Regai ndikuudzei upenyu hwangu hwese kubvira ndichizvarwa mamma…….”
• Mai Niko naVimbai ndivananiko muupenyu hwaMufundisi naMufundisi Charumbira.
• Inyaya ipi iri muupenyu hwaVimbai?
• Chii chakaitwa nana Mufundisi Charumbira kuna Mai Niko chakavasanganisa?
• Zvese izvi zvinopindurwa muTHE PASTORS Vol 1
• GET YOUR OWN COPY +264 81 484 3456