Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 4

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 4 - Responsive Blogger Template

Kupera kwemwedzi waFebruary, apo vanhu vepasangano rePower of Grace Ministries kwaBishop Pasipanodya vakange vapedza kunamata uri musi weSvondo. Vasikana vechidiki vakatanga kutsvaira nekurongedza muimba yekunamatira iyi vanhu vave kubuda. 

Bishop Pasi vakapinda muhofisi mavo nevamwe vavaishanda navo vachiverenga mari nekupanana mabhuku esangano nekuita hurongwa hwevhiki yaitevera.

Mai Pasipanodya vakandomira panze pamotikari yavo vamirira murume wavo. Vakaperekedzwa nemadzimai aivabatira mabhuku avo. Vachangomirapo pakabva pasvika mumwe mudzimai achida kutaura navo.

“Amai makadii? Ndange ndichitsvaga Bishop ndavashaya after service……..” amai vaye vakadaro.
“Yes, ndiri right. Mange muchida kubatsirwa nei?” Mai Pasipanodya vakapindura.

“Musi weChina patakauya kuPrayer manheru, ndakanzwa Bishop vachiti vari kuenda kuMasvingo nemusi weChipiri. Ndange ndichida kuvabatisawo pasuro yangu kundopa munin’ina wangu anogara kuMasvingo.” Amai vaye vakatsanangura.

Mai Pasipanodya vakatarisa pasuro ndokupeta maoko avo vachifuratira, vachisiya amai vaye vakatambanudza ruoko rwaida kuvatambidza. Vakafamba vachibva apa vondopinda mumota. Mai vaye havana kuzotevera vakabva vandokwira manera vachidzokera muchechi.

Mai Pasipanodya vakandogara mumotikari vamirira murume wavo. Vairamba vachitarisa nguva nekuti vane zvimwe zvavaida kundoita kumba kwavo. Vakagara kudaro pakabva pauya mumwe mwana wesangano ravo aive mukomana akange achangopedza fomu yechina.
The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 4
“Amai makadii?” Mukomana uya akadaro.
“Ndiri right, nhai ndiwe uri kubva upstairs muchechi umo. Bishop vachiri muOffice here? Endawoka undotarisa ugouya wondiudza.” Mai Pasipanodya vakadaro zvakare. Mukomana uya akafambisa odzokera muchechi ondoita zvaange atumwa.
Pasina nguva akadzoka ndokuti; “Vachirimo muOffice mavo, uye makazara vanhu handina kukwanisa kutaura navo.”
Mai Pasipanodya vakaridza tsamwa ndokuramba vakanyarara. Mukomana uya akaramba akamirawo, mai Bishop vakasimudza musoro ndokuti; “Chii? Uchiri kuda chii ipapo?”
“Amai vangu vati makataurirana. Mai Masango …….mari yehuku dziya dzamakatora muna October…………”
Mai Pasipanodya vakasunga huma yavo ndokuti; “Hezvo, inga vanondishura amai vako. Saka iwewe haunyare kutumwa naamai vako kuna Bishop kuzobvunza zvinonyadzisa kudaro? Unonzi ani?”
“Petros Masango…….” Mukomana uya akadaro atsikitsira oshaya kuti oenda here kana kuti oramba akamira.
“Saka ndozvavari kuregera kuuya kuchechi kubva gore rese rapera?” Hapana mhinduro yakauya pamubvunzo uyu.
“Amai vako vakatenga magrocery amufundisi?” mai Pasipanodya vakabvunza.
“Havana ……….. handinyatsoziva……..” Petros akadaro.
“Ko Chegumi vakabvisa? Card ravo riri up to date?” Mudzimai waBishop akadaro zvakare.
Petros akaramba akanyarara, amai vakanderera; “Even iwewe, watokura so, chegumi chako nemari ye grocery rekwaBishop wakatobvisa?” Mai Bishop vakabvunza vakatarisa Petros mumaziso.
Petros akadzungudza ndokuramba akatsikitsira. Mai Pasipanodya ndokuti; “Ndozvandati haunyare chokwadi kutumwa zvinonyadzisa kudaro? Dai ndirini iwewe ndairamba. Amai vako vanoda Jesu, dherivharenzi chaiyo ………….”
“Petros….. uri sei mwanangu? Maresults ari kuuya in two weeks time. Handikutyire wakapasa iwewe.” Bishop Pasipanodya vakanzwikwa kudaro vari kumashure kwaPetros. Mai Pasipanodya vakavhunduka nekuti vakange vasina kutarisira kuti murume wavo angauye nedivi raakauya naro.
“Vari sei baba mazuvano? Ndakapedzisira kuona amai muchechi muna November.” Bishop Pasi vakadaro zvakare.
Petros akabva ati; “Baba ndovari kurwara, havaite kusiya vega ndosaka amai vasiri kuuya kuchechi.”
“Eish nanhasi here? I am sorry, undovaudza kuti ndichavashanyira nhasi manheru. Kubvira pakabva vana Elder Shambare ndakazobatikana nezvimwe handina kuzomboita follow up. Ndichasvikako nhasi.” VaPasipanodya vakadaro ndokuvhura motikari yavo vopinda kuti vatyaire.
“Wange wakandimirira here? Wange uchidei?” Bishop vakadaro vosunga bhande remumota vachigara zvakanaka.
“Hoo…….. aaaah ndange ndatumwa namai kuzobvunza chikwereti chehuku dzakatorwa namai Bishop.” Petros akadaro. Mike Pasi akatarisa mudzimai wake, vakasanganidzana maziso mudzimai ndokufinyama achitarisa panze nepahwindo.
“Watopiwa here?” Bishop Pasipanodya vakabvunza vatoona kuti kubva kumudzimai wavo kwaisave nemhinduro.
“Vati, raive grocery renyu vafundisi saka havabhadhari.” Petros akadaro zvakare. VaPasipanodya vakavhura chikwama chavo ndokuti; “Imarii?”
“$21, dzaive huku nhatu.” Petros akaudza mubhishopu wake. VaPasipanodya vakabudisa $14 ndokutambidza Petros uyo akabva akurumidza kufamba achibvapo ave kutiza mudzimai waBishop.
VaPasipanodya vakavhura mudashboard ndokuisa pasuro yavaive nayo yaive yakaputirwa mubepa rekhaki uye iri mubepazve replastic.
“Chiiko ichi?” Mai Pasipanodya vakadaro vachibata bata pasuro iya zvekutoedzesera kuivhura.
“I think it’s just a book. Ndapiwa naamai Chisuvi kuti ndinopa munin’ina wavo kuMasvingo pandiri kuenda on Tuesday.” VaPasipanodya vakapindura vave kufambisa motikari yavo zvishoma zvishoma nenhendashure. Vainyemwerera nekusimudzira maoko vana vesangano ravo vakange vakazara nzvimbo yese.
“Hezvo, you mean amai vaye vave chirikadzi, singuru hwumani, vane murume akafa last year apa? And mai vaye vanotondishura. Vauya pano vakataura nyaya yavo, pandazosimudza musoro vange vatoenda. Ko ndagoziva kuti vatouya kwauri? Ndokutsvaga kuzoti mai Bishop vanotuka idzo chirikadzi dzichipesvuka pamurume wangu vachiita zvisina maturo so.” Mai Bishop vakadaro vave kugumbuka.
VaPasipanodya havana kupindura, vakabva vati; “Ko Petros wange uchimuti chii?”
Mai Pasi vakakosora ndokuti; “Zvaanondishura nhai vese namai vake…..”
VaPasipanodya vakadimbudzira mudzimai wavo; “Bva nhasi wangofambira kuzoshurwa kuchechi.”
Mai Pasipanodya vakange vasina mufaro; “Vanhu vanoda kungopiwa everytime. Vakambobvisa tithes kana kutenga grocery raBishop wavo? Pavanenge vachishanyirwa nekunamatirwa vanoti unorarama nemhepo? Mota yako inodirwa mvura yekuna Mukuvisi? Mukwane nhaika!”
Bishop Pasipanodya vakadzungudza musoro wavo; “But haungakweretika zvinhu zvebusiness remutendi kana wotarisirwa kubhadhara wotaura stories like that. You just reduced yourself to a beggar, Lydia.” VaPasipanodya vakadaro vasina mufaro.
“Iwe unayo mari yacho yekuvapa? Wadii kumupa $21 yese? Ari kuisa fuel kuti uende kuMasvingo kumusangano wechechi futi ndiani? Ndini. Aikubikira huku dzacho uchidya ndiani? Ndini. Asi wave kundipusisa pavanhu vacho as if ndakavabira. Mese hamunditendi, from the Bishop to the street kid in the church. Vamwe hamuna zvekuita ndosaka muchishandira mahara.” Mai Pasipanodya vakadaro inzwi rakwira, Bishop Pasipanodya vakawedzera ruzha rweradio yemumota mavo. Vakanyararisana kusvika vave kumba kwavo.
Vachiri kure kudaro vakaona pagedhe pavo pakagara munhu airatidza kuti akavamirira. Vese vakatarisa vachida kuona kuti ndiani sezvo vakange vasingatarisire muenzi pazuva iri. Pavakazosvika padyo, vana vavo vakabva vabuda mumotikari vachifara zvakanyanya vomhanyira mbuya vavo amai vababa vavo. Mai Pasipanodya vakazobudawo mumota ndokusiya murume ari ega ondomisa motikari payaimira nguva dzese.
Vese vakazopinda mumba vokwazisana nekubvunzana mufaro.
“Ko kwakanaka here mbuya vaRue mafamba nhasi Svondo kudai?” Mike Pasi akabvunza amai vake.
“Nhai nhai amai. Chokwadi mungangosvika tisingazive? Ko dai matishaya? Ko mari dzacho dzemabhazi dzekuti mudzokere in a few days todziwana kupi? Ko dai mawana takafamba?” Muroora akadaro achikwazisa vamwene.
“Muri right here amai? Pandakuonai ndatoti asi amai varwara zvavafamba tisingazive?” Michael akazodaro kuna amai vake.
Muchembere akabva ati neinzwi raive pasi; “Hanzvadzi yako iri kuAustralia ndiye akatumira mari. Ndoyandauya hangu kuzotora kuBhengi nekutenga tunhu twangu nababa venyu.” Mumba makambonyararwa, mbuya ndokuzoti; “Kana zviri zvekukushayai pano, inga ndatokuwanai nhai mai Rue mwanangu.” Mai Pasipanodya vakasimuka vachiseka seka ndokundobika kudya kwemasikati.
Apo zuva range rodoka, Bishop Pasipanodya vakabva vafonerwa nehanzvadzi yavo mai Shambare; “Mukoma Mike, ndokumbirawo mota, muzondibatsirawo kuendesa zvinhu zvangu kuCustomer. Mukwasha wenyu aendesa mota kuService haasati adzoka.”
Bishop Pasipanodya vakamboseka nasisi vavo ndokuzobva panhare. Vakabva vatarisa mudzimai wavo naamai vavo ndokuti; “Ndave kumboenda kundonamatira baba vaPetros vaMasango. Ndobva ndaenda nekuKambuzuma kwatete mai Shambare ndivabatsire zvavari kuda.”
Mbuya Pasipanodya vakabva vati; “Chiendaika nezvandavavigirawo kubva kumusha. Nyangwe ndikazondorara kumba kwavo ndisati ndadzokera kumusha asi vanenge vawana miriwo yavo ichiri fureshi.”
“Zvakanakai amai, regai ndinovapa.” Michael Pasipanodya akadaro ndokubva vaenda vese mumba mekubikira. Mudzimai wake akatanga kurongedza patsva achisarudza zvaaida kubva pane zvakange zvauya nambuya vaRuvarashe.
Vakabuda vese voenda kumotikari; “Imi baba Rue, dai matokumbira mbuya vaRue mari yekuti muende kuMasvingo. Ini yangu haikwane and mukashandisa yekuShop order dzacho hadzizobatani. Yatove monthend………..” Mai Pasipanodya vakadaro, ndokubva vadimbudzirwa.
“Don’t worry about that. Handina mari yako kana yamai vangu yandinokumbira. Tiri kuenda naShambare naPastor Chisi nemota imwe chete. Mari tatora kuchurch saka itai zvamunoda neSalary yenyu mai Rue.” Bishop Pasipanodya vakadaro ndokupinda mumota ndokutyaira vachibuda vasina kucheuka.
Mai Lydia Pasipanodya vakandogara mumba mekutandarira maive navamwene vavo. Mbuya vaRuvarashe vakabva vati; “Ndanzwa baba vaRue vachiti vanoenda kuMasvingo neChipiri. Zvino mangwana monondisiya kwaShambare ndibatsirwe kutenga zvinhu zvangu naiye mai Shambare sezvo imi muri munhu webasa ndingakunetsai.”
Mai Pasipanodya vakakurumidza kuti; “Zvakanakai. But amai mumbotaura naye mwana wenyu Bishop uyu.”
“Chii chanetsa?” Vamwene vakada kunzwisisa.
Mai Pasipanodya havana kuzeza kutaura zvakare; “Anopedza nguva achiita zvinhu zvechechi izvi zvisingamupe mari. Zvese zvinodiwa pano, kudya, kupfeka ndini. Ndaneta ini.”
“Inga imba akakuvakirai yakanaka wani? Kana kuchikoro kuyunivhesiti kwamakandodzidza ndiye aibhadhara nhai muroora. Nhamo yenyu yambozodii?” Mbuya vakabvunza mwoyo worwadza kuudzwa hurombe hwemwana wavo.
“Mazuva aye aitamba nevanhu vaiita zveMining zvaitombove nemusoro, aiunza mari zuva nezuva. Paakazotanga zvechurch izvi atopusa chaiko. Musazoti handikufariri pano. But vanhu vekumusha kwenyu havabudi muHarare. PaSvondo ndinoita four or five visitors vanorara pano. Ndozvikwanisa sei kufidha mhuri yese yekwa Pasipanodya inini? Iye mwana wenyu haana basa nazvo. Hanzi chikafu hachinyimwe munhu…….”
Mbuya vakange vaterera vakabata rushaya, vakatura befu ndokuti; “Chikafu rudziiko chamunoda nhai muroora wangu? Chibage chesadza chiriko kumusha. Huku dzemafidha tinenge tototengesa pavhiki mbiri. Inga mbudzi dzese dziri pamusha ndedzenyu. Nyama kusadya kuda kwenyu henyuka.”
Mai vaRuvarashe vakadzungudza musoro; “Aaaaah, inga ndiri kutaura ndega, toswerera nekurarira nyama yembudzi nekunhuwa chikotora kwainoita? No no noooo. Anyway hamungandinzwisisi. But ingozivai kuti chokwadi zvakaoma hazvo kuchengeta munhu wechirume.” Mai Ruvarashe vakadaro ndokusimuka voenda kumba kwavo yekurara.
Bishop Pasipanodya vakatanga kuenda kumba kwanaMasango maive muKambuzuma makare. Mushure mekunamata nekuparidzira mhuri iyi vakabva vazoenda kumba kwana Shambare. Vakawana hanzvadzi yavo akavamirira ari ega.
“Thanks mukoma Mike. Ndine customer wandakasonera curtains and bed covers. So anogara ari busy achiita business rake outside Harare. Andiudza just now kuti ndiuye nazvo abva andipa mari yangu.” Mai Shambare vakadaro vabatirana mabhokisi aive nezvisonwa zvavo vachiisa mumotikari mehanzvadzi yavo.
Vakapinda vese mumota ndokunanga kumaAvenues Flats kwaigara munhu akange atenga zvinhu kuna mai Shambare. Vakamboita nyaya dzekumusha Mike Pasipanodya achiudza hanzvadzi yake nyaya dzaakange audzwa namai vake.
Mai Shambare vakamboseka zvekumusha ndokumboverenga mamessage aipinda muphone mavo ndokuti; “Ndiri kutumirwa kisses naShambare. Stress yese yadzika we were worried nerwendo rwenyu rwekuMasvingo. Mange muchashaya kana yedrink muroad. And from mari yechurch mangowana fuel cheteka. Imwe yese tave kutogadzirira Easter Conference. This year we want it big mukoma Mike. So we are sacrificing every cent in the church account.”
“Saka iwe ndiwe uri kupa mukwasha mari yekufambisa from your business?” Bishop Mike akadaro achifunga kuti dai iri mari yaLydia mudzimai wake paibuda chakanaka here.
“Imi mukoma Mike, imari yedu. Takatenga tese the sewing machine. Kana ndichisona Jeff anenge akagara paside achiita nyaya kuti ndisaneta. Nekundipawo drink or mvura. Especially pandinosona husiku paye ndave behind time. Saka at the end ndezvedu tese.” Mai Shambare vakadaro ndokumbosekerera vakatarisa panhare yavo vachipindura message.
Vakazotarisa hanzvadzi yavo ndokuti; “And muri kufambaka imi. Maizofamba makatsanya here? Ko mota ikaita problem muroad? Isu tinosara pamba tingatosara tisina mari it’s ok. But imimi you are ok, mai Rue vakatotambira kuCollege kwavo. Maonaka kunaka kweFormal employment.”
“Mai Rue haabatirwe mari yake. Haazvide, even amai ndoziva kuti vatosara vachiudzwa kuti ndiye anondichengeta.” Mike Pasi akadaro ave kumisa motikari.
Vakabuda vese mai Shambare ndokuti; “Ndinozviziva hangu. Ko anombovanza here kuti ndiye anokuchengeta hanzvadzi yangu? Zvamave kutoita seakavaka nemi imba yenyu. Inga ndimi maimubhadharira mafees. Baba vake vakange vafa here zvaakazoitira Degree kwaPasipanodya? Even pazvakambotiomera naJeff pano taingodya yenyu mari. Kuchengetwa kwamuri kumboitwa mukoma Mike ndekupiko?”
Mike akaramba akanyarara ndokubva vabatirana mabhokisi avo vokwira manera aienda kumba kwavakange vafambira. Vakasvika ndokugogodza, mudzimai aive nemakore angaite makumi matatu nemashanu akabva avhura musuo vese ndokupinda.
“Makadii sisi Abbie, ndauya nezvinhu zvenyu. Ava ndimukoma vangu Mike. Mukoma Mike ava ndisisi Abbie, customer yangu vandiri kuitira interior décor.” Mai Shambare vakadaro vagara mumba, vaviri ndokukwazisana.
Abigail akaramba akatarisa Bishop Pasipanodya ndokuti; “You are not a new face, ndokuzivirai kupiko?” Mukadzi akabata musoro achifunga.
Mai Shambare vakabva vati; “NdiBishop Michael Pasipanodya vePower of Grace Ministry, vanoitira maPrayers muUpper Room iri muna Chinhoyi Street.”
“Hamuna kumboita program paZTv here at one time? Ndaitevera your teachings.” Abigail akadaro achinyemwerera.
“Hoo ya, ndakapiwa 12 weeks chete ndichiita 2 days per week. That was two years ago.” Bishop Pasi vakadaro.
“Yes I remember well. You were teaching about bitterness and the Holy Spirit. It was the most difficult time of my life. Makandibatsira kupora, ndomazuva andaitoda kuzviuraya chaiko. But thank God I listened to your teachings ndiri pano.” Abigail akadaro ndokubwaira bwaira.
Bishop Michael Pasipanodya vakanyemwerera vachiti; “Haleluia!! Glory to the Holy Spirit our Comforter.”
“So how are you now my sister? God saved you for a purpose.” Mufundisi vakazodaro.
“Ndiri right zvangu. Like I said, I got emotional healing pane zvaindinetsa mazuva iwayo. But makaregerei that program? If I am saying yakaita kuti inini ndisazviuraya, zvinoreva kuti pane vakawanda vakabatsirwawo nayo.” Abigail akadaro.
“Ndakange ndangowanawo akatibhadharira for that slot paTv. Zvakazotadza kuenderera mberi. National Tv ndiyo yakatochipa. One-Zim Tv iyo it’s private and their rates anodhura zvakanyanya.” Bishop Pasi vakadaro.
“But Pastor as I am saying, you are a powerful man of God. Kana mukapiwa slot at prime time, vanowana advertisers.” Abigail akadaro zvakare.

“Hameno, ndakamboita appointment naPRO wavo akasvika achindiudza kuti my church does not even afford 15mins chaidzo. So nyangwe proposal yandakange ndaenda nayo ndakangozosiyawo zveshungu but ndichinyatsoona kuti hapana kwazvaienda. I will write a proposal and submit to the Station, again. Ndichaona kuti this time vachapindura here.” Bishop Pasipanodya vakadaro.
“Oh, is it? By the way, I am Abigail Ranganai. Alfred Ranganai, the MD of One-Zim Tv Station is my brother. Ndivo first born kumba kwedu. Ndichavabvunza. Imimi endai munogadzira another detailed proposal then ndokurongerai appointment naMD chaivo. This time hamundooni small boys.” Abigail akadaro ndokusimuka oenda mumba make mokubikira.

Akadzoka nejuice ndokupa vaenzi vake, iye haana kunwa akatanga kuvhura achiona zvaakange asonerwa. Vakazobatsirana kuturika maketeni imba yese yaive flat ine dzimba dzekurara mbiri, yekutandarira neyekubikira.

• Amai vanoparadza sangano nemuromo nemaitiro avo.
• Baba vachaita sei kuti vawane mufaro wavowo
• Ndiani akakonzeresa mumwe?
• Sangano richararama seiko pakadai?
• Get your own copy and get answers.
• Contact +264 81 484 3456
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion