Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 2

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 2 - Responsive Blogger Template

Bishop Michael Pasipanodya vaive nesangano ravo mudhorobha reHarare. Vateveri vesangano iri vaisangana mudhorobha chaimo zuva nezuva panguva yekudya masikati, uye musi weSvondo.

Bishop Pasipanodya ndivo vaivo muvambi nemukuru wesangano iri. Vakange vambotanga kubata mune rimwe sangano raive hombe munyika. Vakazobudamo apo vakuru vesangano vakange vorwira nekuparidza mari kupinda Mwari. Ndipo pakazoenda vaPasipanodya kundodzidzira ufundisi ndokuzovhura sangano ravo voda kuita zviri mugwara reShoko raMwari.

Sangano ravo iri vakaridaidza kuti Power of Grace Ministry. Rakange ratanga zvakanaka chaizvo uye vanhu vakange vave kuwanda nekuda kweminamato yemasikati yavaiita.

Musi weMugovera uyu vakange vaita musangano wevatungamiriri vese vePower of Grace Ministry pamba pavo kuMarimba Park apo vakaungana vese. Vaive ivo Bishop Pasipanodya, vafundisi vaviri nemaElder vaviriwo uye madzimai avo. PamaElder paive naElder namai Shambare, mai Shambare vaive hanzvadzi yaBishop Pasipanodya, sezvo vana baba vavo vaive mukoma nemunin’ina.

Yaive tsika yaBishop Pasipanodya kuita misangano yekuronga mafambisiro avaiita kereke yavo kumba kwavo nevamwe vavo. Uku kwaive kutanga kwegore, vaida kuita urongwa hwegore rese hwesangano ravo.

Vatungamiri ava vakataurirana zvese zvavaida kuzoita kunyanya pamwedzi mitanhatu yekutanga kwegore. Mushure mekupedza nhaurirano dzavo, vanhu vese vakapiwa kudya kwakange kwabikwa pamba apa namai Pasipanodya vachibatsirwa navatete vavo mai Shambare. Vakagara vese vave kudya nekunwa vachiita nyaya dzavo. 

“Happy new year amai. Takazonzwa kuti makange musipo paChristmas neNew Year, makadii?” Mudzimai wemumwe Mufundisi akadaro kuna mai Pasipanodya.

“Aiwa tinofara asikana. KuNew Year we were invited naProphet Mudziwepasi kuVictoria Falls. He booked lodge yese yatakandogara nekudzidza zvakawanda tiri maBishop chete nemadzimai avo. Umm asikanaka, ndakaona kuti tiri kutamba isu mufunge.” Mai Pasipanodya vakadaro vachinyemwerera chaizvo.

Vamwe vese vakabva vaterera kuti vanzwe zvaitaurwa nemudzimai waBishop wavo; “Mukaona zvinoitwa nevanhu vekuChurch kwaProphet Mudziwepasi munoshamisika imi. Amai Mudziwepasi vaive nemonarch rembatya kubva kuvatendi veAustralia. Ipapo vakange vakatomirira mota yechi 6 yaibva kuvatendi vavo vekuUK.”
The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 2
Mai Shambare vakatarisa hanzvadzi yavo ndokuti; “Ndiri kutoshamisika kuti sei makabvuma invitation yaMudziwepasi. Munhu wamaishanda naye mukaparadzana nekuti maisada mafambisiro aanoita church inga wani. Makaendera chii?”
Bishop Pasipanodya vakabva vati; “It was an all Bishop’s Conference. We all contributed towards it. But you know Mudziwepasi, he paid more to spoil everyone so zvakazopedzisira zvave kuita saiye akaironga ega.”
Mai Pasipanodya vakadzungudza vakatarisa murume wavo; “Umm shamwari, vana Mudziwepasi vari kugona kuronga zvinhu. It was his idea. Iyezvino in every town mune church yavo, their own buildings mufunge. Isu tinongove neka 1 rented room. Teteka ndakavaudza brother venyu ava kuti dai vakave loyal kuna Mudziwepasi tingadai tavewo nemota dzakabereka mavhiri semamwe maBishop. Ivo mai Mudziwepasi vave kufamba nemaAssistants. Kuita queen chaiye.”
Mai Pasipanodya vakaramba vachitaura; “Kana Prophet Jakata vekwaMutare vaye, ummm asi kuita saMinister? Vanofamba separately namai Jakata. Mai Jakata vanomira pavanoda nemadrivers avo. Havasweri vachinzi kurumidza or usatenga izvo zvatinoitwa vamwe tichingonetswa.” Vamwe vakadzi vevafundisi vakaseka asi hapana akapindura.
Mai Pasipanodya vakaenderera; “Ivo Prophet vekwaMutare ava ndovari popularly known as General CJ. Vanodiwa kani nevana vavo.” Mai Pasipanodya vakatarisa murume wavo ndokuti; “Asi nhai Bishop, makaona twuma belts netwuma tie zvaisungwa naGeneral CJ here? Kunge fake leather yakasakara. Belt racho kunge richadimbuka bhurugwa rikadonhera pasi imika imi.” Vamwe vese vakaseka zvakare vakaterera havo nyaya dzevazodziwa vaMwari vakange vasangana Victoria Falls.
Amai Bishop ava vaive nezvakawanda zvekutaura zvekuti havana kuona kuti hapana akange achavapindura. Vakazoona vamwe vafundisi nemaElder vasimuka vave kuoneka kuti voenda. Baba namai Shambare ndovakaperekedza vese vaienda kusvika panze, ivo ndokumbosara paukama hwavo.
Mai Pasipanodya vakatarisa murume wavo akanga akagara akatarisana navo ndokuti; “Asi zvinoshata? Hamuna kudya wani?”
“Ndaguta. Zviri bho, you cooked well.” Bishop Pasipanodya vakadaro vakangotarisa chikafu chavo vachirova rova mundiro mavo nefork yavaifanira kudya nayo.
Mai Pasipanodya vakaridza tsamwa ndokuti; “That is your problem Mike. Haudi kuudzwa anything neni, wamudhurira success yanaMudziwepasi inongove pachena kudaro? Did you see mota yaifamba naMudziwepasi? Ndakakuudza kuti tisabude muchechi mavo. So ndiwe ungadai uri deputy wake. Wakaona muchinda uya Pastor Ben, nekamukadzi kake kasingagone make-up. Ndiye atove assistant waProphet and Prophetess Mudziwepasi. Vanoenda vese kuma International Trips avo, Pastor Ben asingagone kana to interpret the Bible like you do but ndiye atove accomplice waMudziwepasi”.
“Escort not accomplice. But you are right, they are accomplices. That’s one thing chine mature chawataura about Mudziwepasi.” Bishop Pasipanodya vakadaro vachishama n’ai dzekusvotwa ndokukwenya matama avo.
Mai Pasipanodya havana kuita hanya nemhinduro yavakapiwa; “Ndinongoreva kuti convoy yavo chete. Wakaona kuti anofambawo nemota yakadii? Even mukadzi wake aifamba with an assistant. Vakadzi vemaPastor ekwaMudziwepasi vanopfekedzwa nekubatirwa mahandbag nemaAssistant avo paid by the church.”
Mai Pasipanodya vakambofemedzeka neshungu, “Look at me ….. look at us. Bishop vezita you have nothing to show for it………..” vakazoti “you” vanhongedza murume nechigunwe.
Bishop Pasipanodya vakaramba vakatsikitsira, vakatura befu ndokuti; “Nhai Lydia, wakasununguka kudzokera kwavaMudziwepasi. I won’t have any problem with it. And wange uchitaura zvakadai vana Pastor Chisi vari pano iwe uchiziva kuti takabuda tese kwavaMudziwepasi, vanofungei nesu? And waitarisa belt riri muchiuno memurume wemunhu iwe uri mukadzi wemunhu, chii chawaiona?”
Mai Pasipanodya vakaseka chikwee chavo vega chaive neruzha ndokuti; “Are you jealousy? Vese General CJ naMudziwepasi are your age-mates, paita stiff competition ka apa.” Bishop Mike Pasi vakafinyama vachitsikitsira.
Elder namai Shambare vakabva vadzoka ndokugarawo paive nehama dzavo. Mai Pasipanodya vakabva vati; “Ndokufurirwaka kwawakaitwa nevanhu vasina vision. Nhai tete munozvinzwawo? Bhudhi venyu pataive kuVictoria Falls akange akati nama nama naPastor David Charumbira, vemukadzi wavo uya asingabvise African attire. Mai vaye handisati ndamboona vakarukwawo Brazilian yakanyatsonakawo. Asi kungoisa short hair or braids kunge mwana wechikoro. Vanewo kamota kavo kaVitz. Saka kana Bishop Pasi vaine vanhu vakadaro ndopavanoona sevari nane.”
“Beautiful and confident women havazvinetse nema expensive hairstyles, and masks of make-up to make them look better ……… hamenowo Lydia.” Bishop Pasipanodya vakadaro vachifemedzeka.
VaShambare namai Shambare vakabva vatarisa mai Pasipanodya vaterera; “Iyezvino every newspaper, paTv paRadio munhu wese anongotaura about Prophet Mudziwepasi. Kana isiriyo success in the Ministry, saka chii?”
Mai Shambare vakabva vati; “ah nhai amaiguru, inga mamwe maPastor vakabva kwaMudziwepasi, vanoti pavakabuda vachitevera mukoma Mike nekuzovaita Bishop, vaMudziwepasi vange voita some things zvisiri biblical. Kana iyo minana yacho yavanoita, yekufamba kwechair isina munhu nekuona muCellphone mave ne airtime yausina kuisa? Kana ndimiwo maiguru, zvinopa mbiri kuna Jesu pakudii izvozvo?”
Mai Pasipanodya vakabva vati; “That is living in the supernatural. Ndiko kuve nesimba risina vamwe vanhuka nhai. Saka bhudhi venyu vasingafambise chair vakaitei?”
Mai Shambare vakaridza tsamwa yavakavhara nekuseka seka ndokuti; “You are not serious! Pastor Charumbira nemudzimai wavo ndovatinoti vakuru vanofamba naJesu. And remember they are both ordained Pastors. Imimi pano, Pastor ndimukoma Mike vega ndosaka musingavanzwisise.”
Mai Shambare vakaenderera; “As for testimonies by mukoma Mike, akawandisa kana uine mweya unoona nekutenda Mwari. For example, mai vaye vakati mwana wavo was scheduled for operation akanamatirwa naBishop Mike akapora wani. Couple iya vakakutengerai groceries and dinner sets last month vakaita mwana vanamatirwa naBishop Mike after seven years of trying and frustrations hazvireve chinhu kwamuri here? Muno muMarimba Park and other nearby Shopping Centres hapachina street kids and vagabonds because of soul winning yaBishop Pasi.”
Mai Pasipanodya vakazvidirira juice ndokuti; “Nemiwo tete mune shavi renhamo. Kubvisa maStreets kids ibasa remaSocial Workers, is that something to write home about kuti pana man of God vazviita? Catholic Church has orphanages everywhere zvitsva here?” Mukadzi wemukuru wesangano akapofoka kuseka ndokupedzisira okosora zvakanyanya adzipwa nekunwa nekuseka nguva imwe chete.
Vakaenderera; “Munoda twuminana twenyu twamunoita mopiwa grocery modya zvopera. Vana Mudziwepasi vari kuita minana Southern Africa yese, UK, Australia vachipiwa motikari mai mwana. So what kana a poor child akarega kuitwa operation? Mai vake does not have a cent to her name. Zvinotibatsira chii pano izvozvo? Zvichavhura Tv station yaMike Pasi? Anofa akaita televangelist here uyoyu?”
“But yavaMudziwepasi ichechi here iya? It’s a cult, he is a known cultist ndozvinodaidza vanhu kuchurch yake……….” Mai Shambare vakadaro vave kushatirwa nenhaurirano iyi.
Bishop Pasipanodya vakabva vati; “You know we don’t talk or comment negatively about men of God. Prophet Mudziwepasi has a calling different from mine. We don’t understand his calling so we are in no position to comment.”
Mai Pasipanodya vakaseka tete vavo ndokuti; “Udza sisi vako shamwari. Ndovanokukurudzira kuunganirwa nevarombo vasina kana bank account sorry shame. Kurarama nekupiwa magroceries. Kutengerwa groceries nevanhu, vachitenga mumwe nemumwe zvaada, kuita pantry yangu tuckshop. Nhasi ndageza negeisha, mangwana jade kuswera mangwana protex dzeSouth Africa idzi dzinouya nemaCross Boader. You think mai Mudziwepasi vanoita zvakadaro?” Mai Pasipanodya vakambomedza mate ndokuseka chaizvo.
Vakazoenderera; “Ana mai Mudziwepasi vanogeza ne one type of shower gel or any soap, yavanoda kwete dzekupungurirwa nevanhu dzavanenge vasingachadi. Kupiwa green bar rakaoma kuti ngi ravanenge voda kurasa. Bishop my foot!”
Mai Shambare vakaridza tsamwa ndokuti kumurume wavo; “Ko tichiri kuiteiko pano? Ndange ndasara kuti ndibatsire mai vepano kusuka ndiro dzavo manje aah vane zvimwe zvinovanetsa. Handei hedu.”
Vese vakasimuka ndokubuda, mai Pasipanodya havana kure kwavakaenda, vakangosvika pamusuwo ndokudzoka mumba mavo. Vakatanga kugwenderedza ndiro dzavo vachisuka vega vatsamwira tete vavo nekusanzwisisa kwavo.
Pashure vakazogara vese voona Tv zuva ratodoka. Murume akange akagara achiita basa rechechi yake paComputer. Mudzimai akange akarara nemanhede pasofa achitevera maGroup epaWhatsApp achitandara ari ega. Vana vavo vaive musikana ane makore manomwe nemukomana aive nemakore mana. Vana ava vaitamba vari vaviri vakagara pasi.
“Ndiitireiwoka tea Lydia ndipedzise report rangu iri.” VaPasipanodya vakadaro kumudzimai wavo maziso avo ari paComputer pavo.
“Tea is just boiling water veduwee. Ndinonetawo. Waunza mazivanhu ako ese pano. Ndange ndakamira cooking kubva makuseni. Ndoti ndichizorora wodazve kudya. Chausingagone kuisa sugar nemukaka mukapu here Mike? Zvimwe zvinhu zvaunoda kuitirwakaaaa….” Mai Pasipanodya vakadaro ndokudzokera kubata cellphone yavo pavaiverenga zvakasiyana siyana.
Bishop Pasipanodya vakaramba vakanyarara vachipota vachitarisa mudzimai wavo. Murume paakaona kuti amai ava vaisazosimuka zvekumhanya, akasimudza computer yake ndokuenda mumba mekurara ondopedzisa basa rake.
Pazuva rakatevera, mai Pasipanodya vakaenda kuCollege kwavaidzidzisa. Bishop Pasipanodya aindosiya vese amai nevana kuzvikoro kwavaiswera nekuzovatora manheru. Ivo Bishop vaive nehofisi yavo mudhorobha pavaiitira chechi yavo, ndomavaiswera. Apa paive padzimba dziri padenga, pazasi pacho paive nechitoro chavo mavaiita zvekunyora pama T-shirts, mazambiya nekugadzira maName tags.
Muhofisi mavo umu maipinda vanhu vakawanda wanda vaiuya kuna Bishop Pasipanodya. Vamwe vaiuya kuzonamatirwa, nekuzobatsirwa nedzimwe nyaya dzeupenyu. Vamwewo vaida Mike Pasi muzvinabhizimisi vachinyoresa mbatya dzavo zvakasiyana siyana.
Nguva apo dzange dzave 12 dzemasikati, Bishop Pasipanodya vakatora bhaibheri ravo vogadzirira vanhu vaiuya masikati kuzonamata. Vamwe vanhu vaisaziva zita resangano iri vakange vongodaidza apa kuti kuUpper Room nekuti yaive imba yepamusoro. Vazhinji vaifarira mharidzo dzaBishop Mike Pasi nekuti vaidzidzisa munhu kuzvinamatira ega akatarisa Jesu Muponesi.
Muchechi mavo havana zvavaipa vatendi vavo kunze kwekunzwisisa ukama naJesu. Ndozvakange zvodaidza vanhu vakawanda kuzonamata panguva yekudya, vana vechidiki vaifarira Bishop Michael Pasipanodya vachivati prayer-made-easy naMike. Dzidziso yavo iyi ndiyo yakange yavadzingisa kubva kuna Mudziwepasi. KwavaMudziwepasi kwaitengeswa mvura, oiri, zvekupfeka mumaoko nemuhuro. Kwaitengeswawo hat, maT-shirt, shangu nemahengechepfu esangano. Yese mari yaienda muhomwe yemukuru wesangano.
Pavakaramba vachinetsana navaMudziwepasi, vakatanga kufumurana kumapepanhau. VaMudziwepasi vakatanga kuparidza vega, vasingape mumwe wavo Pasipanodya mukana. Kana pavaienda kuUK kana kuAustralia, vatendi vaisara muZimbabwe vairatidzwa mharidzo dzavaMudziwepasi paTv, ivo vaPasipanodya varipo.
Nekufamba kwenguva vaMudziwepasi vakange voita chiporofita chaibuda mumapepanhau. Vaiudza munhu zvaakasimira seri kwejean rake, kana bvudzi vaiti vanoziva kuti munhu ane ngani mumusoro make. Vaiudza munhu mamiriro epamusha pake kuruzevha kwaainge asina kusvika iye. Nekudaro vakafarirwa vakapemberwa neguta reHarare rese nekunze.
VaPasipanodya vabvuma vega kuti zvavaitsvaga mubhaibheri zvange zvakasiyana ndokubuda kusangano iri. Vakateverwa nevamwe vakange vasinganzwisisewo zvaiitika ndokubva vandotanga sangano ravo vega. Ndorakange rave kukurawo zvishoma nezvishoma nekuda kwemharidzo dzavaipa pese pese pavaiwana mukana.
Apo vakange vorongedzera mharidzo nemunamato wamasikati, pamusuwo pavo pakagogodzwa. Shamwari yavo Robert Kaseke ndokupinda. Varume vakakwazisana ndokumbotaura zvemhuri yavo Robert ndokuzoti; “Ndiri kusangana namadam vangu pano nhasi muUpper room. Tati tiuye kumunamato then tozoenda kuChinhoyi kune kabusiness kamuka ikoko.”
“Oh great. Maita zvakanaka. Prayer inovhura zvese. Vari seiko amaiguru vangu mai Kaseke?” Bishop Pasi vakabvunza sahwira wavo.
Robert akanyemwerera ndokuti; “She is fine. Pavakabuda muhospital paye and all the prayers dzamakavaitira she has been too well. You are a man of God my friend.”
Bishop Pasipanodya vakaruma ruma muromo wavo ndokubwaira bwaira ndokuti; “I wish my wife could see what God has ordained me to do. I am just a failure and a joke to Lydia.”
“Even church ichikura so here nhai? Amainini vangu havasati vachinja nanhasi here?” Robert akabvunza.
Bishop Pasipanodya vakadzungudza musoro; “Anoda kuti ndifanane naMudziwepasi, ndigofanana nevamwe varume vese vane mari vane mbiri. But that’s not me. Handizvide handizvigone.”
“Most Pastors vave kungoshanda vese husband and wife mazuvano. Ko imimi muri kuzvitadza sei? Kana vakaitawo hands-on kuda vanganzwisisa kuti zvinofamba sei.” Robert akadaro.
“Ane nungo dzekunamata Lydia. Patakatanga tese ndichimuudza kuti I want to be a Pastor she was ok. Tainamata tese, you know kuti takakurira muLiving Faith Pentecostal Church. And God would reveal things kwaari. As a youth aitorotera vanhu, patakaroorana she would actually prophesy. Trouble started when we joined Mudziwepasi. Pane a lot of indoctrination and twist of the gospel zvaiitika and ndozvakabva zvamutora moyo.” Bishop Pasipanodya vakarondedzera.
Robert akamboita nguva akanyarara ndokuzoti; “But kana zvechurch zvichinetsa kunzwisisa, how about your marriage? She must respect your marriage.”
“Everything about me is now silly and a burden to her. Mumba macho kana maSales ekuShop ari bho ndopaanobika. Kana zvisiri kufamba ndisina mari yandauya nayo, kwese kukitchen nekubedroom inzara yega yega.” Bishop Pasipanodya vakadaro ndokugomera.
Robert akaridza muridzo ndokuti; “Manje imimi mufundisi kana motaura nhamo dzakadai ko isu vanhuwo zvavo toti kudii?”
Varume vakamboseka vese mufundisi ndokuti; “Iko kutova mufundisi ndicho chipiyaniso changu. Lydia anoziva kuti I cannot tolerate any scandals so anoita madiro. Ndigoti scandal yekubva kwandakaita kwaMudziwepasi, ndozotizve divorce? Then I can kiss heaven goodbye. Lydia nekuda kwaanoita media, angataura zvaanoda till church yatovhara. I can’t, regai ndigare ndakadaro.”
Robert akadzungudza ndokuti; “You need counseling in your marriage. Even nehama chaidzo. Marriage is life, you can’t live like this. Wobatsira vamwe vese to live happily but iwewe usingafari? Honestly ndozvinoda Mwari here pamusoro peupenyu hwako?”
Bishop Pasipanodya vakasimuka ndokuti; “1pm yachaya, handei kuprayer. Dai vanhu vaiziva, paye panonzi let us pray for our Pastors… vainamata nemwoyo wese……..”
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion