Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 1

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 1 - Responsive Blogger Template

Waive musi weSvondo mangwanani muguta reHarare kuBudiriro, paLiving Faith Pentecostal church paive naPastor David and Pastor Mrs Rejoice Charumbira. Munamato wemusi uyu wakange usati watanga, asi vatungamiri vesangano iri baba namai Charumbira vakange vatovemo. 

Amai Mufundisi vakange vakapfugama kumberi kuzvigaro zvavo sevatungamiri. Baba Mufundisi vaive kumashure, vese vaitaura nendimi vachinamata nekutaura naNyamatenga tenga, mutungamiri wesangano neupenyu hwavo.

Nekufamba kwenguva vanhu vaipindawo zvishoma nezvishoma vachibatana nevakuru vavo kutanga zuva reSvondo iri nemunamato. Pakazochaya 0900hrs, mumba maMwari makange mazara, uye vanhu vakange vave panzvimbo dzavo. Pane vaive nebasa rekutambira nekuratidza vanhu pekugara, vakange vamira pamisuo, vamwe vari pakati pezvigaro. Vaiimba nekuridza magitare nengoma vakange vagarawo, zvichinzikwa kuririra pasi pasi.

Elder Makuni vaitungamira zvemusi uyu vakabva vazoenda kumberi ndokundoita munamato wekuvhara munamato nekuvhurisa zvemusi uyu. Vakakwazisa vanhu ndokuzoti; “Nhasi musi wa7 January, tichiri paTen days of prayer and fasting, kutanga kwegore. Regai ndidaidze mamma vedu Pastor Rejoice vazotiudza kuti minamato inoitwa sei pa3 days dzekupedzisira.”

Mufundisi Rejoice, vari mai Mufundisi Charumbira, vakasimuka ndokuenda kumberi. Vakakwazisa vanhu ndokumboita maSlogan ekupa mbiri kuMusiki vachitsigirwa nengoma nemabhosvo evemumhanzi. Amai vakazotanga kutaura, runyararo rwakaitika apa rwakaratidza rudo nerukudzo rwaive nesangano iri kuna amai vavo.

“Mangwana ndi 8 January, tave kuita the last 3 days of our praying and fasting. Sezvatinoita makore ese, tinoita the Esther fast. The Pastors and Elders nevamwe vese vanokwanisa, tichange tiri muchurch muno 8am – 8pm pamazuva matatu iwayo. Mese makasununguka kuuya tibatane semhuri imwe chete. Kunyangwe mukatadza kuvepo zuva rese, ingowanawo 1 hour yaunouya muno kuzonamata.” Vanhu vese vakambozevezerana vachinzwa zvaitaurwa. Amai vesangano ndokuenderera vachiti; “Uye mozorangarirawo midnight praying. Remember sangano redu rinonzi Living Faith, kureva chitendero chipenyu. Tinofamba nekutenda, kunamata kuzhinji, nekuverenga Shoko raMwari zvakanyanya. Amen.”
The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 1
Vanhu vese vakaombera amai ndokundogara pasi. Zvimwe zviziviso zvakazoenderera mberi ndokubva vazotanga kurumbidza nekukudza Musiki. Mutauri wemusi uyu Elder Makuni vakazodaidza vanhu kuti vauye kuzopupura zvavaiitirwa naMwari panguva iyi yekunamata nekutsanya.

Vanhu vakatsikana vachimhanyirana kuuya kumberi, Elder Makuni vakabva vadaidzira vachiti; “Vakwana, ndichabvumidza vanhu vashanu chete, tave mumashure menguva.”
Mufundisi David Charumbira vakasimuka ndokuti; “Yes, my Elder tiri kumashure nenguva, asi wese anoda kupupura zvaakaitirwa naMwari achawana mukana. Taneta nekunzwa zviri kunze kweimba yaMwari zvinosuwisa uye zvinorwadza. Izvozvi tichibuda muno, tinowana news dzeDisease outbreaks, accidents, kuoma kwezvinhu munyika, zvese zvinopa mbiri kuna Satani. Mumba maMwari ndimo mune mufaro usingaperi, regai vanhu vapupure kubata kwaMwari.” Vanhu vese vakaombera, vaive nezvekupupura vakabva vaenda mberi kwesangano kundotenda Mwari.
Paive nevakange vachirwara kwemakore vakange vapora, kune vakanga vapasa bvunzo dzavo mushure mekunyorera kwemakore, pane mhuri dzakange dzaparara asi musi uyu vakange vari vese. Vese vaitenda Mwari, vachitenda kushanyirwa nekudzidziswa Shoko raMwari kwavaiitwa naPastor and Pastor Charumbira, amai nababa vesangano ravo. 

Sangano reLiving Faith raifara nekupembera nezvaiitika musangano ravo nekudzimba dzavo. Mushure mekupururudza, kutamba, kuseka nekuchema zvavaiitirwa naMwari, vanhu vese vakazogara pasi urongwa hwave kuenderera mberi. Vaibvisa zvipo nekubvisa zvegumi vakabvisa mukati mekuimba nekufarira Muponesi aive pakati pavo.

Mufundisi David Charumbira vakazoparidza kubva muna Genesis 1 verse 1, inoti “Pakutanga Mwari……” Mufundisi vakatsanangura shoko vachikurudzira sangano kuti sezvo kwaive kutanga kwegore, zvese zvavaiita nezvavaibata zvaifanira kutanga naMwari. Vakazoita munamato wekupedzisira, ndokumira vese baba namai vonamatira vanhu vaive nezvaivashungurudza muupenyu hwavo. 

Mweya yeminyama, yemadzinza, yeuroyi neimwe isina mazita yakange yakasunga vana vevanhu yakazhamba nesimba raMweya Mutsvene raive nevazodziwa vaMwari ava. 

Apo nguva dzange dzotosvika kuna 2pm masikati aya, Mufundisi naMufundisi Charumbira vakazokiya misuwo yeimba yekunamatira nemahofisi avo ndokuendawo kumba kwavo vaneta chaizvo. Mufundisi David vaityaira motikari yavo yaive Toyota Vitz, yavakange vapiwa kubva kuhofisi hombe yeChurch yavo. Vaviri ava vakange vasina motikari yavo pachavo. Mufundisi vaiimba “Jesus you are the wonderful Saviour, Hossanna you are faithful Lord, we praise your Holy Name”. Mufundisi Rejoice vakazodairawo ndokutanga kuimba vese. 

Pasina nguva vakange vototaura nendimi Pastor David vachityaira motikari zvishoma nezvishoma. Pavakakonesa motikari yavo pekupedzisira vasara nemamita angaite 100 kuti vasvike pamba pavo, runhare rwaMufundisi David rwakabva rwarira. Sezvo nhare iyi yaingove pamusoro peDashboard, vakainhonga ndokupa mudzimai wavo kuti adavire.

“Hallo, yes it’s Pastors Charumbira. Kupi? Eastlea Gardens? Ok tave kuuya.” Amai vakazopedzisa kutaura baba vatomisa motikari yavo padivi pemugwagwa. 

“Hanzi tiuye kuEastlea Gardens uko, apparently mwana wavo anoita seanomukirwa, seanopenga and anoputsa zvinhu zvese achiita violence.” Mufundisi Rejoice vakatsanangurira murume wavo zvavakange vadaidzirwa.

“Oh shame, Angels of the Most High God, fight every demon terrorizing that child…..” Mufundisi David Charumbira vakadaro vave kutendeudza motikari kuti vatarise kwavakange vambobva. Vese vakange vave kunamata vachidaidza Mweya Mutsvene pabasa ravange vatarisana naro.
Vakasvika vakawana amai vemwana uyu vakavamirira pagedhe raipinda panzvimbo iyi yaive nemaFlats akawanda. Vakafamba vachiita kusvetuka kunenge kumhanya vondokwira manera aienda pahwaro hwechipiri padzimba idzi. Vakawana mwanasikana achiomba seshumba. Akange akabatwa nevarume vatatu vairatidza kuti vari kubuda dikita nekusadharara kuti vamudzikamise.
“Muregedzei.” Mufundisi Charumbira, baba vakadaro.

“Mufundisi, hazviite, anozvirovera pasi, agopwanya zvese.” Mumwe wevarume vakange vakabata mhandara iyi akadaro.

Mufundisi vakaswedera padyo ndokubata musikana ruoko, vamwe vese vakamuregedza ndokubva musikana atarisana neMufundisi. Akavaregedza ndokutanga kuzvongonyoka senyoka. Amai vemwana vakanzwa chibereko kupisa vachiona mwana wavo achisanduka kubva pane imwe mhuka kuita imwezve mumaziso avo.

Hama dzaive mumba vange vaudyura meso mwanasikana achiita seshato iri kunyangira mbudzi.
“You evil spirit, hear the name of Jesus! Bow down before the name of Jesus!!” Mufundisi vakazodaro vabatwa makumbo. Musikana akaregedza makumbo eMufundisi seaitsva. Mai Mufundisi Charumbira vakange voimba “Nothing but the Blood of Jesus delivered me!” 

Vakaita nguva vachinamata nekuraira mweya yakaipa kuti idzikinure mwana uyu. Mushure menguva ingaite maawa maviri ese, musikana achizhamba, kurutsa, kuita seaitsva, akazobva adzikama. Vafundisi vakaoneka mhuri iyi voenda kumba kwavo. Nguva dzakange dzatove 4 dzezuva rodoka.
Vana vavo vakomana vaviri ndovakavamhanyira vachivhura nekuvhara gedhe repambapa. Mukuru David Junior aive nemakore gumi ari Grade 5 uye munin’ina wake Daniel aive nemakore manomwe ari grade 2. Vakapinda mumba vese ndokuwana babamudiki Jonathan munin’ina waMufundisi David akagara pasofa akabata Computer yake.

“Maswera sei mukoma? Moms sei sei? Ko kuuya kwadoka mange muchiri kuchechi? Inga takusiyai vanhu vese vave kutobvawo pachurch?” Jonathan akadaro achisimuka.

“Pane kwatamboenda, but we are home now. Nhasi mese muri three hatina kumbokuonai in church.” Mufundisi David baba, vakadaro vachibvisa tie yavo uye bhutsu nemasokisi vagara pasofa. Mwana wavo mudiki Daniel akatora izvi uye hand bag ramai vake ndokuenda kumba yairara vabereki vake ondosiya zvese.

Babamudiki Jonathan vakabva vaenda kumba yekubikira, mai Charumbira ndokuteverawo muramu wavo.

“Mabikeiko nhai bamudiki?” amaiguru vakabvunza.
“Rice and mince, garai pasi ndokuisirai, makaneta imi.” Jonathan akadaro ndokudirira amaiguru vake mvura yekunwa. Vakabva vaisa vese chikafu ndokudungamidzana kwakange kwakagara Mufundisi Charumbira. Munin’ina akagezesa mukoma wake maoko, maiguru vachitambidza ndiro yaive nechikafu. Junior akanamatira chikafu chevabereki vake ndokubva vatanga kudya.

Babamunini Jonathan vakabva vati; “Ndiri paCall next week yese. But amaiguru, carpenter uya ndopaakati ari kuuya kuzopedzisa kitchen yenyu nekutanga maWardrobes.”

Mufundisi David Charumbira vakabva vati; “Tine Esther Fast, hazviite, carpenter anofanira kutanga neFriday.”

Jonathan akagutsurira achiti; “Ok then. Saka toona at the end of the week.”

Mufundisi David Charumbira vakabva vasimuka voenda kumba yavo yekurara. Maiguru nababamudiki vakasara vari vaviri ndokuenda vese mumba mekubikira. Maiguru vaisuka ndiro, babamunini vachipukuta nekurongedza vachiita nyaya nekuseka vese chaizvo.

“Imba yaperaka maiguru. Ngatichiitai final touches tipedzise zvese zvasaririra tigare mumba medu muri smart.” Jonathan akadaro.

“Mufunge bamunini, just last year this time, pano kaingove ka two bedrooms. Makativakira sabhabha muBudiriro muno.” Mufundisi Rejoice vakadaro vachinyemwerera vakatarisa muramu wavo.

“Maiguru, this is an achievement for all of us. Dai musiri imimi kungadai kusina Doctor Jonathan Charumbira.” Jonathan akadaro achifarawo chaizvo.

Mai Charumbira vakabva vati; “Mwari vari kutiitira zvakanaka, we are one big happy family. Kana vana Junior ndimi daddy vavo more than isusu. You spend more time nevana than inini nemukoma wenyu.”
Vakageza maoko avo vachibvisa sipo ndokuti; “Vangani vana maiguru vanobikirwa lunch nabamunini? Vangani vana vanoendeswa nekutorwa kuchikoro nekuchurch zvese nabamudiki vavo? Bamunini, when God blesses me, be triple blessed. You are such a blessing to the family Doctor Jonathan.”

Mai Mufundisi Charumbira vakadaro vopedzisa zvavaiita mumba mavo mekubikira. Vakabva vabudamo voenda mumba mavo mekurara.

“Ko daddy hamusati marara? Ndafunga kuti mambozorora.” Mai Charumbira vakadaro vakatarisa murume wavo wavakawana akagara pamubhedha.

“Lay your hands on me Pastor Rejoice, declare Psalm 91 and the protection of the Lord upon my life.” Mufundisi David Charumbira vakadaro ndokupfugama. Mai Charumbira vakabata musoro wemurume wavo ndokunamata vachidzokorora mashoko ari panaMapisarema 91 ese. Vakazopedzisa vave pana Mapisarema 23, vese vakazopedzisira nekunamata nendimi.
“Mwana uya handiti?” Mai Charumbira vakazodaro vese vogara pamubhedha.
Mufundisi David vakagutsurira ndokuti; “Umm mwana uya anetesa mweya wangu. Mweya iri paari haisi yenhando. Let’s keep praying for that family.”
“Ndichavadaidza zvakare patichaita Esther Fast. They must be delivered in Jesus’ name.” mai Charumbira vakatsigirawo vachidaro.
Mufundisi vakatarisa mudzimai wavo ndokumubata ruoko vachinyemwerera, vakabva vati; “I am the luckiest man on earth.”
“Chii nhai daddy?” Mai Charumbira vakabvunza vachinyemwerera nekuswederawo kumurume wavo uyo akange ave kukwevera musoro wavo pachipfuva chake.
VaCharumbira vakaenderera; “I have a prayer warrior and a Pastor as a wife. You complement me in the most amazing and heavenly way no human being can explain. I love you Rejoice.”
Mudzimai akanyemwerera ndokuti; “Oh my sweetheart. Pandaive musikana tichiverenga Bible, taiseka kuti sei Sarah aidaidza Abraham kuti ‘my lord,’. Kudaidza murume kuti ‘Shewe, ishe wangu.’ Ndaifunga kuti handimbofa ndakadaro.” Mufundisi Rejoice Charumbira vakamboseka nekuterera vachitarisa murume kumeso uyo akange otambisa maoko ake pachipfuva chemudzimai.
“You are my lord David. The Christ in you makes you the lord of my earthly life, mmmm …….” Mai Charumbira havana kuzopedzisa zvavaida kuramba vachitaura sezvo vakavharwa muromo netsvodo yakavatapirira chaizvo.
“Handei tinogeza timbozorora …………….” Mai Charumbira vakadaro. Murume asati apindura, runhare rwavo rwakabva rwarira. Amai vakapindura vachimonera tauro rekuti vandogeza.
Inzwi raibva panhare rakati; “Pastor Rejoice, ndiri kuenda kuInterview mangwana na9. Ndokumbirawo mundinamatire.”
“Batai Cv yenyu. Let’s speak life and success zvatakapiwa naJesu on the Cross at Calvary. In Jesus’ name, that job is yours. Receive wisdom and intelligence from Above, to take you through the interview. Amen.” Mai Charumbira vakanamata, munhu wavaitaura naye akabva atiwo amen ndokunyaradza runhare.
“Ndiani?” Mufundisi David vakabvunza mudzimai wavo.
Mai vakakwidza mapipito; “Handizivi, akata ndisati ndabvunza, ange achingoda munamato for the interview.”
“Even so, vanhuwo futi, even tikada kumunamatira more tonight todaidza kuti ani?” Vakadaro vese vofamba kuenda kundogeza.
Mai Charumbira vakageza vachifunga kusangana kwavakaita nemurume wavo. Vese vaidzidzisa paBudiriro High School. David Charumbira aidzidzisa History neGeography, akange adzidzira kuve mudzidzisi kuHillside Teachers’ College kuBulawayo.
Rejoice Gonho akange azouyawo pachikoro apa David ave nemakore maviri avepo. Rejoice akange aita Bachelor of Arts kuUniversity yeZimbabwe, pachikoro apa aive mudzidzisi wechirungu.
Vakange vawirirana, kusvika pakudanana. Rejoice akawana David achigara nemunin’ina wake vari vaviri mumba mevabereki vavo muBudiriro 5. Vabereki vavo vese vakange vashaya. Yaive imba yaive diki uye ine mipanda mina chete, dzekurara mbiri, yekutandarira neyekubikira.
Imba yekugezera nechimbuzi zvaive panze. David akange akwanisa kundobvisa roora ndokubva vatanga kugara vese. Vabereki vaRejoice vakange vachida chose kuti mwanasikana wavo wedangwe aite muchato mukuru, asi mukwasha akange atadza. Mashereni akange aramba kubatana kuti aumbe muchato.
Jonathan akange ari muForm 4 gore iroro. Ndiye wavakatanga kuchengeta sedangwe ravo. Mushure megore, vakange vave nemwanakomana wavo wekutanga David Junior.
David Charumbira ari kuBible School, mudzimai wake ndiye akasara achishanda ega. Mhuri yese yakararama nemari yamai David Junior. Pakazopedza David Senior zvidzidzo kuBible School, ndopavakazoitirwa muchato nevakuru vechechi yeLiving Faith vasati vatanga kumuendesa kusangano raaindotungamira semufundisi.
Panguva iyi, Jonathan akange ave mugore rekupedzisira kugomo refundo kwaaidzidzira kuve chiremba. Aiona kusabatana kwemari mumba, kushaiwa mukaka wemwana, kudya nemuriwo wega, nyama yaive rugare. David mucheche akange arerwa nemaheu, uye akadya poriji rehupfu achiri mudiki zvakanyanya mai vake vachienda kubasa vachichengeta mhuri vega.
Jonathan akarangarira achirongedzerwa zvese zvekuenda kuGraduation yake namaiguru vake, apa mukoma vake vakange vamboendeswa kunze kwenyika kwavaindoita mufundisi. Vakasara mumba makaoma musina kana chinhu, kana firiji vakange vatodzima nekuti maisave nechinhu saka havana kuda kutambisa magetsi. Jonathan akarangarira kupembera kwamaiguru vake vari vega vachiridza mhururu vasina mutsigiri paaitambidzwa chitupa chake nemutungamiri wenyika.
Pakatanga David Junior kutaura, aitevedzera babamudiki vake madaidziro avaiita amai vake kuti “gules,” zvakaita kuti Jonathan achidaidza amaiguru vake kuti “mamma.”
Paakatanga kushanda, Jonathan akaramba kubva pamba pavo, aiwirirana namaiguru vake zvakanyanya. Jonathan paakawana mari yake yekutanga, akapa yese kuna amaiguru vake. Kunyange vakaramba, akazovati vamubatsire kuronga zvaaida. Mushure memwedzi mishoma, vakapembera bamudiki vachitenga motikari yavo yaive Toyota twin cab, yaive itsva yavakabvisa mumapepa vega.
Jonathan akabva aenderera nekuvaka pamba pavaigara apa. Imba yaimbove nemipanda mina, yakave nedzimba dzekurara ina neimba yekubikira yakakura chaizvo. Uye yekutandarira yakange yakura sezvaimbove imba yese. Mwedzi nemwedzi babamunini Chiremba vaitenga midziyo yemumba. Maiguru vakatengerwa midziyo yemukitchen mavo nekuisirwa makabhodhi sezvavaida. Vese vaifara.
David Junior nemunin’ina wake Daniel vaifarira babamudiki Jonah nekuti ndovaivatengera zvese zvese zvavaida. Ndovaienda navo nekuvatora kuchikoro nemotikari yavo yange yakakura chaizvo. Ndovaisara navo vachivabikira nekuvagezesa apo amai nababa vaienda kubasa ravo rekuparidza Shoko reweDenga.
Bamunini Jonathan vainakidza kupinda daddy namamma nekuti vaitenga ice-cream nguva dzese. Uye musi weMugovera vaifarira kundofamba mudhorobha vachiona zvakasiyana siyana, vari vatatu. vakomana vaizobuda muguta vakabata zvekutambisa zvakawanda wanda. Bamunini Jonathan vainakidza kuita navo nyaya nekuti vaitaura zvekubasa kwavo, zvekurapa nekucheka kwavaiita vanhu muchipatara. Zvainakidza kuterera vachitsanangura vanhu vaiuya vachiita sevafa asi vaizobuda muchipatara vadzorerwa upenyu nababamunini Jonathan.
David Junior aifarira kuraramisa vanhu sezvaiita babamudiki Jonathan. Daniel aifarira kuraramisa vanhu sezvaiita baba vavo Mufundisi Charumbira. Saka babamudiki vavo vaivadaidza kuti Doctor David Charumbira naPastor Daniel Charumbira.
Sewaive mutemo weLiving Faith Pentecostal Church, kuti mudzimai nemurume vanoita vafundisi vese, Rejoice akabva azoendawo kuBible School. Mufundisi David naMufundisi Rejoice Charumbira vakabva vapiwa sangano reLiving Faith Pentecostal Church remuBudiriro…..
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion