Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 4)

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 4) - Responsive Blogger Template

Manheru emusi wasiya Barbra mhuri yake, akaenda kuHarare nasahwira wake waakange awana, haana kunanga kumba kwaConstance shamwari yake. Akamboita vhiki rese rekutanga achigara nemuzvina Benz uyu muFlat kumaAvenues, rainzi nderemukoma wake ari UK. 

Akazoziva kuti anonzi Ben mangwana acho makuseni pavakamuka vachigezana after varara vese muHarare. Akamboravira upenyu hwaaishuvira, kana kubika nekutsvaira muflat umu kwakamunakidza chaizvo. Apa muchirungu umu aisuka maplates musink mumba makare, kwete zvaaiita kwake naVictor, mudish panze akakotama zvairwadza musana, achidzinga imbwa dzepanext door dzaida kunanzva mapoto ake, achisuka mapoto ake nekasaga kemaorange anenge adyiwa nevana vavaGwenzi, achikwesha nemavhu nekasipo kanenge reza kaaiputira muchisukiso, damn it.

Umu aive nemetal and foam scourers nevim zvaaikweshesa poto, zvisingaitise maoko ake rough, kana kusvibisa nzara dzake, mvura ichibuda ichichenesa zvese, mafuta achibva nehot water and sunlight liquid dishwasher. Wozodei?

Achigezera muviri wake mubath-tub or shower, sarudzo yaive yake, obuda akashama kana Ben aripo, kana asipo aibuda akamonera drying towel chete. Ondopfeka mubedroom raingove just opposite the bathroom, mvura iripo yese inopisa neinotonhora throughout. Kwete kwaairoja kwaaichera mvura panze nebucket, atanga adziisa mvura mugaba repaint raakatora pakaita vana Gwenzi renovation yeimba yavo nxaa.
Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 4)
Achiti kana apedza kugeza otopfeka hembe dzese seave parwendo, aitopfeka zvese kuti akwanise kufamba 10m kudzokera mumba, apa zvichinetsa muviri uchakatota, ah shit mhani, zvaimusvota sei.
Shopping everyday yaimunakidza, aiswera achimbeya munaFirst Street, Joina City, Westgate, Chinese and Nigerian stores, Boutiques kana kuGulf, achitenga nhumbi dzake dzekupfeka, nemari dzaaipota achisiirwa naBen, kuzoti dai aive mukadzi wake, aitosara neBank card rake rese zvaro hehehe!
Aizoenda kuFlat ondokanga lean beef, kana karump steak kaiibva kari mupan in 2minutes. Kwete nyama nemabhonzo avaitenga dzemazimombe achembera dzaitengeswa muMudzungairi Weshambochena Butchery, yaida kugokwata zuva rese ichingodirwa mazimvura kuti itsengeke ah hezvo, vozoidya tasting seyawachwa. Paaizvitaura onzi namai Gwenzi gutsikana nezvaunazvo, ko kana zvisingagutsi zviripo zvacho aifanira kudii?
Kana nyaya dzainakidza pamaGroup epaWhatsApp, yaibaiwa nekutsva nyama yacho ambovarairwa zvake. MuFlat umu kubika kwainakidza big time, two minutes tenderized steak yaibva, obva andorara pasofa achiona Tv, ari paFacebook akamirira murume kuti vazodya vese. Aifunga izvi achiridza tsamwa pese pese achinzwa kuvenga Victor pakumupa upenyu hwakadaro.
Asi pakazodzokera Ben kuMasvingo ukama hwakabva hwapera, sezvo kwaive nemukadzi nevana vake, uye muFlat umu maigara munin’ina wemudzimai wake aive kuUniversity. Panguva iyi akange ari paholiday kwasisi vake kuMasvingo. Vakaparadzana Barbra oenda kuWarren Park kwairoja shamwari yake Constance.
Manheru emusi weChishanu uyu, wasvika Barbra kumba kwaConstance, madzimai akarara vachiudzana zvakange zvaitika muupenyu hwavo kubvira pavakaparadzana.
Asi Constance akaramba achimuti; “Iwe udzokere undotora vana vako as soon as wangowana basa. Kana kutsvaga wekumusha wekundopa vana, haungasiye vana nababa vasina kubasa kwavanoenda uye nekudhakwa kwaanoita, vasikana musadaro.”
Barbra akaramba akanyarara achifunga kuti Victor aizoona zvekuita nevana saka zvaisafanira kumushaisa hope. Kutapirirwa kwaange aitwa pavhiki yake yekutanga muHarare, aingoti dai achiwanawo wake murume anoda kugara naye zvachose sezvaakange aita naBen.
Musi weMugovera wakatevera, Constance akaenda neshamwari yake kuSalon kwaaishanda paJoina City. Barbra akandogara zvake achinyepera kuverenga magazine iye aitarisa nekuterera vakadzi vaipinda umu. Ainzwa kutsva moyo achiona vamwe vaiperekedzwa nevarume vavo, nyaya dzaitaurwa umu dzaimupisa moyo nekudawo zvakadaro muupenyu.
Zvese zvaipfekwa nevakadzi vemuCapital City, kunyanya vaakaona vachipinda muSalon umu, zvaimutora moyo. Nemari dzavaibhadhara pazvinhu zvidiki diki zvaiitwa muSalon umu zvaidhura kunge mhosva. Vaibhadhara mari dzekugadzirwa misoro yavo nenzara dzavo kunge vairipa ngozi chaiyo. Akagutsikana kuti kune vakadzi vane mari yavo, vane upenyu hwekungobwinya nekushandisa mari.
Pakachaya 1200hrs masikati aya, pakabva pazopinda muridzi weSalon vaingodaidzwa kuti auntie Gugu, vaive amai vangaite 40years. Constance akaita vazivane naBarbra nekuvaudzawo kuti aitsvaga basa. Auntie Bee vakatanga kuverenga mari yavo yemusi uyu ndokubva vazovhara misuo yavo nekuti vakange vasingachatora macustomer zuva iri.
Pasina nguva pakabva papinda madzimai vange vakapfeka zvakanaka chaizvo vachiratidza kuve vemhando yepamusoro, uye vakawanda. Barbra akatoshaya kuti vaida kugadzirwa chimwe chii ivo vaiyevedza kudaro.
Vasikana vese vaishanda umu vakambosiya zvavaiita vachindopfugama mberi kwaMamma Gambiza, avo vakange vagara pasi, vaibata wese aiuya pavari vomudaidza nezita rake, votaura zvaive zvisinganzwike kana kunzwisisika naBarbra. Auntie Gugu vakabva vazotiwo kuna Barbra, “Enda undokwazisa mamma vedu.”
Barbra akandopfugamawo pamberi paMamma vaye, vakamubata on her shoulders ndokuti; “Barbra you are prospered; receive the golden touch, amen.”
Vese vakange vauya naMamma Gambiza vakatanga kugadzirwa misoro yavo sezvavaida. Sister Hazel nepraise and worship team yavo vakagadzirwa vese zvakafanana. Mai Pastor Dube vakagadzirwawo zvavaida, ivo mamma Gambiza vachiti mumwe ari kugadzira musoro, mumwe ari kubata bata nekukwenenzvera nzara dzavo, mumwe achigadzirisa tsiye dzavo.
Pakazochaya 2pm ndopavakazobuda vese. Constance naBarbra vakasvika kuWarren Park kwavaigara, ndokutanga kuwacha mbatya dzavo dzevhiki yese.
“Umm vakadzi vaye, ayas kubasa kwako uko sahwira, ndopanoti chirungu. Ko vaye vamange muchiti mamma, ndoaniko?” Barbra akada kunzwisisa.
“Ndimai Mufundisi wechurch iri kuAvondale uko. Ndivo biggest customer yemurungu wangu. Ichechi yevanhu vane mari yavo kwete one dollar rako mai Rumbie, hakungoendwa.” Vakadzi vakaridza chikwee.
“Vakawanda vacho vanouya kuzogadzirwa musoro muSalon medu, totoziva kuti Saturday from 12 o’clock inguva yevakadzi veEuthenia Ministries.”
“Toenda rini kuchurch kwacho?” Barbra akabvunza.
“Tichaenda zvedu, handiti ndezve one day kungondoona chete, haisi church iyo. Kunoda vakasimba moyo. Flambo chete chete, handina musi wandakambonzwa Pastor or Bishop vacho vachiitisa vanhu the sinners’ prayer receiving Jesus. Kungodaidzira mari chete nekuonererwa pledging. Handipinde church yakadaro ini.”
Barbra akanakidzwa nezvaainzwa akabva ati; “Rega ndinozvionera. Iwe unovashora kudaro hindava, ndosaka usina mari yacho. Uchenjere shamhu yaMwari uchituka the anointed ones of God.” Barbra akadaro, Constance akafa nekuseka akatarisa shamwari yake.
“Wakazoziva shoko rini iwe, rega tiende zveduka one day haudzokere futi. Zvimwe zvinhu hazvisi necessary mai Rumbie shamwari. Dzimwe nyaya dzatinonzwa vakadzi vemari ivava vachidemba mumaSalon umu iweka, zvakaoma.” Constance akadaro.
“Ini ndinongodawo zviri nane shamwari kwete zvekwaVictor izvo, ghetto handichada.” Barbra akadarowo.
“Which is ok kana ukazvishandira, asi kunyanya kutarisa upenyu hwevamwe kunounza godo, kukara nekuoma moyo, hona wakafuratira vana vako vadiki kudaro nekukara. Gutsikana nezvauri, uzvishandire slow but sure kusvika wawana zvaunoda. Mwari vanotipa zvakasiyana, kugutsikana kunongopa Mwari mbiri yavo, uye zvinokupa rugare muupenyu, hautozooni zvausina. Tenda Mwari pazvidiki ugopiwa zvihombe. Izvi zvekuti by any means necessary shamwari ummm, ndinozvitya ini.” Constance akadaro.
“Ini ndofira mukuedza wena handigare pandisingade nekutya.” Barbra akazvitsanangura.
“Be careful vaunochiva vacho ivavo, vamwe havarare mumaMansion acho nezvikwambo zvichivashaisa hope, zvamazuvano izvi, vamwe driving mapango acho zinyoka riri papassengers’ seat, gutsikane nezvaunazvo……” Constance akadaro amira akabata muchiuno achizorodza musana paange akakotama achiwachira mudish.
Barbra akaseka ndokuti; “Dai une washing machine usingarwadziwi musana so.”
Constance ndokutiwo; “Iwe do you know kuti vanhu vanopindana nedzakawanda nekuda kwetunhu tusina maturo. So ndotozviti ndiri kutambura nekuti handina washing machine? Ini ndine hembe dzacho dzekuwacha, nesipo yacho yekudziwacha? Mai Rumbie kura shamwari iwe, be serious neupenyu wanzwa?”
Barbra akadzungudza achirambirana neshamwari yake, “Varombo vese ndolanguage yavo iyoyi, vakaona ane mota yake hanzi achangofa akaisiya, saka manyatera enyu munofa mukaenda nawo here? Aita imba yake hanzi haana rugare, imi mune rugare rwupi mukadumba kane hutsi muchirara nenzara,” Barbra akafa nekuseka.
Akaenderera achiti; “Better kupiwa HIV ndiri muMansion ndichinwa maARV after ndadya proper three course meal, kana dumbu rakazara mushonga unonwika. Vakadzi vari kupiwa HIV vakagara mumba musina kana chekudya, kuti unwe maARVs mudumbu musina chinhu, ah iweeka iwe, kunge wanwa packet yerazor blades. Nhamo handiidi ini.”
Constance akadzungudza achiti; “Ungatevedza mashura ese ese here nhai shamwari. Nhamo yakaipa yes, asi ndiri kuti gutsikana nezvaunazvo, vaunochiva hauzive kuti vakazviwana sei. Even imo muno muWarren Park, kuna ambuya vanogara paduze nepamashops uko, chitopota chen’anga. Vanonzi ishasha pane zvavanoita. Sometimes unozotadza kuona kusiyana kwen’anga nezvinoitwa mune dzimwe church.”
Barbra akabva ati; “In’anga? Vanonzi ani? Wati vari kupi?”
“Vanonzi ambuya Mangena. Same road pane mashops imba hombe yegreen. Asi wafunga kuenda?” Constance akaseka ndokuti; “Regawo zvimwe zvikupfuure shamwari iwe. Ukawana basa rako, wozvinamatira uchichengeta vana vako, trust me you will be fine.”Dai Constance aiziva kuti aiudza dombo angadai asina kutambisa mashoko ake.
Manheru aya, Barbra akashamisika achifonerwa navatete vake; “Tete makadii?”
“Mai Rumbie, ichokwadi here chiri kutaurwa nababa vaRumbie?” vatete vaBarbra vakadaro.
“Kuti chii tete?” Barbra akadaro achibuda mumba kuti Constance asanzwe zvaaitaura navatete vake.
“Usazungaire wanzwa? Uri kupi?” vatete vakabvunza vachiratidza kuti havasi kutamba.
“Ndiri kutsvaga basa muHarare tete.” Barbra akadaro.
“Kurumidza kudzokera kuMasvingo undogara nevana vako. Kana kuti enda undogadzirisana navamwene vako, ukumbire ruregerero vakuchengetere vana ugopenga nenyika uri wega, wanzwa.” Vatete vakapopota.
“Ah tete, inga Victor …..” mai Rumbie akaedza kuzvitsanangura.
“Victor kuita seiko, vana vakabuda mudumbu maVictor here?” tete vakatsiura nehasha.
“Ndiri busy tete, zvamunoda kuti ndiite handizvikwanise ini.” Barbra akadaro achida kuti tete vasiyane naye.
“Babangu Moyo iwe, hanzi ndiri busy, busy uchiiteiko, kusiri kuita busy kuzvicherera guva rako wega ndichiona. Uchafa ukandisiya neBP neSugar yangu. Sorry shame.” Vatete vakaridza tsamwa.
“Tete please, kana vana vaina baba vavo, what’s the difference?” Barbra akazodaro.
“Bata mashoko angu mwana wehanzvadzi yangu, vana vaunotsvinyira kudai uchavafunga. Uri kutadza kuchengeta vana vako vakanaka kudaro, uchenjere kuzviisa panzvimbo yauchamanikidzika zvekuti kana panze haubude, speed yese iyoyo ichapera. Mwari anoona.” Vatete vakatsveta fone pasi.
Barbra akamboridza tsamwa ndokutanga kutaura ega akatarisa fone kunge aida kuti vatete vazvinzwe kwavaive ikoko; “Ndomanikidzika kuswera ndakaungana pamwana kuti zvinenge zvaita sei? Vana vandichaita next vanenge vaina baba vane mari, ndina baby sitter or vachiswera kuCreche, and I will be driving around nemwana in my car. Kwete zvekusungirirwa pamba kunzi swera nevana. Vanofudzwa imbudzi here vana vacho. Nxaaa! ”
Barbra akasekerera akatsinzinya achiona vision ane mwana waakasungirira pababy seat, ane seat belt, achimutarisa neparear view mirror akaruma kadummy. Achindopaka mota pamashops, obudisa prema kubva kuboot kwemota opinda musupermarket otenga zvaanoda asingatarise kuti zvinoita marii, achishandisa bank card rababa vemwana. Mudzimai akasekerera achigutsikana ari ega achiti nguva ngaimhanye zvakadai izvi zviitike. Inga amai mufundisi vakange vamuti; ‘You are prospered’, aizoiwana chete prosperous marriage amen.”
Musi weSvondo uyu, Constance akaenda kuchurch yaaipinda mudhorobha, Barbra akaramba akati anosara akarara, aizoenda musi wavaienda kuEuthenia Ministries. Constance aidawo kuchurch kwake svondo iri nekuti kwaive nechirairo musi uyu, saka aisada kusaririra.
Barbra akazomuka ndokuenda pamashops achindotenga chingwa, akambotanga akwidza nemugwagwa achitsvaga imba hombe yegreen sekutaura kwakange kwaita Constance. Akazowana mumwe mukomana aizvifambirawo zvake waakabvunza akaratidzwa pamba pambuya Mangena. Akandosvika ndokugara panze paive nevamwe vaidawo kupinda kuti vabatsirwe naambuya ava.
Barbra akazopinda ega, aitarisira kundopinda mune zvakawanda wanda zvinoratidza hun’anga. Asi akandogara pasofa akatarisana naamai vangaite 60 years, vange vakapfeka zvavo dress rezambia material.
“Ini handitaure ngano pamusoro peupenyu hwako aiwa, unondiudza zvaunoda ndoita zviite sekudaro. Kana zvaita wozouya kuzotenda, nhasi bvisa mari yematare ndikwanise kuona kuti zvaunoda zvacho uchazviwana here.” Ambuya vakadaro.
Barbra akaisa $5 mundiro yemuti yaive paCoffee table yaivepo. Ambuya vakadzvova dzvova ndokuti; “Vaera Moyo mwana wenyu uyo. Taura zimhandara chii chinoda moyo wako.”
“Ndinoda murume ambuya, ndinoda kuroorwa ndiite imba yangu.” Barbra akadaro. Ambuya vakamutarisa vane confused face vachibva vati; “Ndiri kuona uine murume inga wani, ndiri kuona uri mumba uye uine murume anokuda chaizvo.”
Barbra akambonyarara achifemereka kushaya zvekureva, akafunga mashoko avatete vake akati mbuya iyi ichamutaurira zvakafanana nezvavakataurawo.
“Handimude ini, ndakatomusiya, inga mati munondipa zvinodiwa nemoyo wangu.” Barbra akadaro.
“Taura chaizvo chaizvo zviri pamoyo pako. Unoda imba yakaita sei?” ambuya vakabvunza.
“Ndinoda murume ane mari, anondichengeta inini nevana vandichaita naye. Ndinoda murume ane imba hombe achanditengera mota. Itai kuti baba vevana vangu andikanganwe, asiyane neni handitombomudi kana kumuona handichada.” Barbra akadaro.
Ambuya vakatora mirror raive munhewe yeshumba yaive padivi pavo pasofa pavaive vakagara, ndokutarisa kwenguva ndokuzoti; “Uyu murume uyu, baba vevana vako anokuda zvakanyanya, wadii wati tigadzirise uyu, ndokupa mushonga weluck ambobatawo mari mugare mese?” Barbra akapotsa padiki diki kuridza tsamwa, akafemedzeka ndokunyarara.
Akatanga kufunga kuti zvimwe ange afambira mahara, akange otoda kusimuka kuti abude, ambuya Mangena ndokuti; “Zvakanaka ndokugadzirira zvaunoda. Asi zvinoti dhure nekuti ndiri kukupatsanura zvechisimba kwawange uchidiwa, kuri kuzivikanwa nevari pasi kuti ndokwawakaroorwa. Murume uyu haana kumbokutadzira saka zvinonetsa mumhepo. Asi dai ane mhosva yaakakuitira taimupomera kuti tikupatsanurei.”
“Imariiko?” Barbra akadaro.
“Unondipa $50 iyezvino, kana wawana murume waunoda wozouya ne $100 tobva tasimbisa imba yako nyowani, unozonditaurira iwe uchawana murume anokuita mambokadzi, zvese zvawataura unozviwana. ”
Barbra akasekerera ndokuti; “Pakanakai ambuya.”
“Ndinoona unombofunga vana, asi shuviro yekuwana imwe imba nekuda humwe hupenyu hutsva inokukurira. Usanetseka nezvevana ivavo. Vari kufara chaizvo, kutopinda zvavaiita uripo. Sezvandataura murume akakuroora munhu asina chipomerwa saka akawana rutsigiro nerudo chairwo anobatawo zvinoonekwa, saka vana kana ainavo vanogara zvakanaka. Rega tichiita nezvako.”
Ambuya vakambotarisa zvakare mumirror mavo ndokuvhura nhewe yavo ndokubudisa bute ravo, vakadhonza tushoma ndokupa Barbra vachimuti; “Chipfugama apo, wobva wabvisa mbatya dzako dzese. Mhiko dzinoitwa wakaita zvawaive musi wawabuda mudumbu raamai vako. Dhonza bute iro uchitaura zvaunoda zvese, nechishona chakazara, toita mhiko yekutenderana ini ndichishandisa masimba angu, iwe shuviro dzako, zvido zvemoyo wako, tobva tasungana. Handei tione.”
Barbra akabva aita zvese zvaange ataurirwa ndokupfugama, ambuya vakamufukidza nejira dema raive nemavara machena nematsvuku.
Akabva atanga kuombera achidetemba achiti; “Ndinodawo imba yangu, nemurume ane mari, ane imba, ane mota, anondichengeta zvinodhura sezvandinoona vamwe vezera rangu vachiita.” Akatanga kuhotsira chaizvo nekuda kwebute raange afemba.
Ambuya Mangena vairira vachiomba seshumba, vaidetembawo vachiti; “Vedzinza raMoyondizvo, imi vaera moyo, vana Mamoyo, vana Gono, Gonoren’ombe, mushayachirashwa, mukaka tinonwa, ganda tinokakisa ngoma, mafuta tichizora, nyanga tinoita hwamanda ayiiiiiii. Mwana wenyu anoda kupinda pakanuna, fambai naye aonekere panoda moyo wake. Gono raMutindi naGochedza, ndikafira pano wani. Imi munoenda muchidzoka zvinoita huyo, ahiiiiiii. Nhai Chirandu ayiiiiiii. Moyondizvo awuuuuu.”
Vakabva vazonyarara vese, dikita rave kuti teu teu, vakazoti Barbra achipfeka zvake mbatya dzake, vakatarisa mumirror zvakare ndokuti; “Zvakajeka, vadzimu vako nemasimba anondigonesa basa iri vachakuendesa panzvimbo yauchandowana zvinoda moyo wako. Ndinoona pachamboita kurwa, asi ushinge. Kana zvisingauye kwauri zvega unobvuta, nhaika zimhandara rangu. Kana wofamba nebango remukwasha wangu usazondikanganwa.” Ambuya Mangena vakazodaro vachinyemwerera.
Barbra akarova chikwee of happiness and satisfaction. “Aiwa ambuya, ndikakukanganwai zvino expire. Saka tiri tese nemumvura mese.”
Mbuya Mangena vakabva vazoti; “Kubvira nhasi verenga svondo mbiri, uchasangana naye murume anodiwa nemoyo wako. Udzoke tisimbise mhepo dzikubatsire, nekuti pave kuda mukadzi ane midzimu yakasimba hondo yawatanga iyi.” Ambuya vakatsanangura.
“Musandityira ambuya, zvembabvu ndozvangu ini.” Barbra akadaro achisimuka kuti achienda. Akafamba nzira yese nzeve dzichirira nezvakange zvataurika mumba maambuya Mangena.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion