Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 5)

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 5) - Responsive Blogger Template

Waive musi weSvondo, muEuthenia Ministries, Pastor Richard Dube vari mberi vachitungamira minamato yaiitwa service isati yatanga, Bishop vasati vapinda. Praise and worship team yaiimba vari kumberi, vachitsigira minamato yaiitwa nemufundisi wavo.

Pakazotevera zviziviso, vaitaura zvevairwara vaifanira kushanyirwa kudzimba nekuchipatara, vaive nemaBirthday pasvondo iri vaitaurwawo vese. Pakazotaurwa misangano yepakati pevhiki, yemapato emusangano akasiyana siyana. Zvese izvi zvaitaurwa service isati yatanga.

Barbra naConstance vaivemowo, vakagara pazvigaro zvekumberi mberi nekuti Barbra akange asingade kusarira pane zvese zvaiitwa umu. Haana munamato waakaita, aingocheuka cheuka achitarisa vaipinda vese. Akaonawo auntie Gugu vachipinda nemhuri yavo.

Bishop namai Gambiza vakazopinda muchurch vanhu vese ndokusimuka. Vange vakapfeka masuits akafanana, amai vakazadza expensive jewelry muviri wese, pese paipfekeka rings and bracelets, aivepo, baba vaive clean shaven, with a bit of make up like a magazine model. Waidzokorora kuvatarisa kaviri nekatatu ukamedzera mate, muchinda achiratidza kugeza nekunaka kweganda raive neutano hwekudya nekuzora zvemhando yepamusoro soro.
Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 5)
Praise and worship team ndovaiimba a soft worship song kusvika mukuru wechurch nemudzimai wake vandogara pamasofa aive mberi kwaive kwakagarwa nanaElder Maruta. Vakandosvika vachipfugama ndokuita munamato vakabatana maoko vese vari vana vachikumikidza service yavo kuMusiki.

Bishop nemudzimai wavo vakabva vaenda vese kumberi kuPulpit, Amai Bishop ndivo vakaendesa mabhaibheri nemabook ese emurume wavo paPulpit ndokupfuura nepaive nemurume wavo vachigadzirisa collar yake, nekudhonza kabow-tie kake kuti kamire zvakanaka (sevakange vasina kubva vese kumba) vachibva vandogara pasi. 

Yange yasvika nguva yeshoko, Bishop Isaac Gambiza vakamira kupulpit vakatarisana nesangano ravo, ndokutora microphone. Bishop vakamboimba “His love gets deeper and wider everyday” in his hoarse masculine voice, sisi Hazel vachitsigira nekanzwi kavo kakatetepera kaitapira, vanhu vese ndokudavira zvaidakadza kwazvo. Sound system ichiridza reggae beat yaienderana nema lyrics acho.
Bishop naHazel vakatanga kuimba vese, vachitamba zvakatsiga, manzwi avo achienderana, vachitarisana, kunyemwererana nekudzvokorana zvavainzwisisa ivo vega vari vaviri. Sisi Hazel “His love” yavo yange yakanangana nemumwewo asiri Jesu aiimbiwa nevamwe vese muchurch mavo. Kana pane aiona kusekererana nekufara kwaBishop nemumwe wavo, pavanhu vemusangano, aingoti mweya mutsvene uri kufamba nehushumiri hwenziyo, amen.

Mai Bishop Gambiza namai Pastor Dube vaigozviona nepiko ivo vaiimba vakasimudza maoko maziso akavharwa misodzi ichierera nekutenda Musiki parudo rwavo nekuvakomborera pakati pevakadzi. Vaingonzwa kuti paiimbiwa zvainakidza nekubata moyo mutembere umu.

Mushure merwiyo, Bishop vakazosara vakamira vega ndokuti; “I want to welcome you all in the house of the Lord, baba naamai vangu Elder and Elder Maruta, the favor of the Lord Jesus is upon you, amen. All new members and visitors, you are at the right place amen!” Bishop vaitaura vakaisa microphone yavo kure nemuromo wavo. 

Vakabva vazotanga kufamba up and down kustage kumberi kwavaive, ndokuisa microphone yavo padyo padyo nemuromo wavo nekuwedzera volume yazvese. 

Vakabva vadaidzira vachiti; “Shout seven mighty halleluias and the walls of Jericho will be on your feet, ayayayayayaya, in the mighty name of Jesus!”
Church yese yakadaidzira “halleluia” kanomwe, vesound system vachitevera nesound yekuwondomoka, zvekuti kudonha kwemasvingo eJericho kwakaumbika mupfungwa dzemumwe nemumwe aive muchurch umu.
“Today is the day!!!” Bishop vakatungamira sangano ravo in declaring victory over their life…..Today!
“You may take your seats breathren.” Bishop vakazodaro. Vakavhura vhura maBhaibheri avo vachinwa mvura vakamirira kuti munhu wese agare pasi adzikame, anzwe zvavaida kuparidza musi uyu. Vakaramba vachivhura mabook avo asi havana verse yavakaverenga, vakafamba vakabata microphone yavo vachienda kuvanhu, down the aisle.
Vaisekerera nekukwazisa vana vesangano ravo nemazita pakati pemharidzo kudai. Maitiro avo aya ekuziva vanhu vemuchurch mavo vese nemazita, nezvinenge zvichiitika muupenyu hwavo, made him a darling of all, vateveri vavo vaivada chaizvo. Paizodaidzirwa mari, mumwe nemumwe ainzwa kuti akasaendesa chipo chake Bishop vaizomuziva, kana aizobvunzwa aizonyarira paiko nhandi.
Chimwe chavaigona Bishop kwaive kushanyira vatendi vavo pakati pesvondo, vaigona chose kuita surprise visits kumabasa evateveri vesangano ravo. Vaisvika paCompany votaura nemunhu wese, prophecying and declaring prosperity and miracles in their lives, nekukomborera nzvimbo, votengera munhu wese drink voenda zvavo. Zvaiita kuti maboss ese akurudzire vashandi kuenda kuEuthenia Ministries. All indigenous business people vaive muEuthenia Ministries vaibvisa chegumi as individuals and as Companies, tithing both their profits, and their salaries.
Bishop vakazotanga kuparidza; “Vamwe vanhu vanouya kwandiri vachiratidza kushungurudzika chaizvo, vonditi, ‘man of God, ndinoda rugare chete, ndowana seiko rugare rwega, kwete mari’. Ndinovavhura njere dzemweya yavo ndovati; unofanira kuve nemari, pasina izvozvo kiss peace goodbye ayayayayayaya ameeeeen!”
Sangano rese rakadaidzira “amen!”, vachibvumirana nemufudzi wavo.
“Unonzwa vamwe vachiti, ‘it’s about peace, joy and love’, I am saying no no no , it’s about money….. ameeeen! For the Bible says, ‘A feast is made for laughter, wine makes life merry, and money answers all things’ Ecclesiastes 10 verse 19. Hanzi mari inopindura zvese, mari ine mhinduro dzese, money is the answer to everything, mhinduro iripo, mhinduro is the dollar ameeeeen!”
Mufundisi vakaenderera mberi nemharidzo, “God is trying to put material wealth into your hands. Take it! Grab it! By fire by force. Refuse to be poor, refuse to beg, refuse to be a borrower ameeeeen!”
Bishop vakambomira vachida kuti munhu wese avatarise akaterera;
“If you are struggling financially, then you have not got the victory. God did not create you to be average or poor. I am not going to call people to come and accept Jesus, you are in this place because you love Jesus ameeen! I want you to raise your hands in faith and receive the blessings of the Lord. Simukai mese tinamate. Halleluia! Halleluia! Halleluia!”
Vanhu vese vakasimuka kuti vachinamata mushure mekunge Mufundisi vapedza kuparidza. Sound system vairidza pasi pasi. Bishop vakange vabvisa bhachi ndokukanda pamakumbo amai Bishop, avo vakaritambira sevaiziva nguva yavaizorikandirwa. Sisi Hazel neteam yavo yekushaura vange vamira panzvimbo.
Bishop vakataura vachizevezera muMicrophone mavo asi nekuti it was over-amplified chero vaive panze vaizvinzwa; “The Lord told me this is the end time message. He is coming back to look for His church without spot or wrinkle. But one of the biggest wrinkles the church has is being broke. Church yakabhuroka, kirike raMwari harina mari nekuti vatendi vakaomera vanonyima muridzi wesirivha nendarama zvinhu zvake. Ameeeeen!”
“Let us pray; “Money come to me now!!” Bishop vakadaidzira sangano rese ndokufamba neprayer point iyi chaizvo. Kana Barbra akazviona achibuda dikita achifamba nemunamato.
Bishop vaikurudzira vachidaidzira nemicrophone yavo. “Poverty you are not my portion, leave me now…. Pray pray pray ayayayayayaya ameeeeen!!!”
Bishop vakabva vandogara pasi. Mai Bishop vaionekwa vachitambidza Bishop mvura yekunwa nekuvapukuta dikita rehushumiri hwavakange vaparamura. Pastor Richard vakasimuka ndokuenda mberi maUsher vachiisa mabasket ezvipo kumberi kwechurch.
“”Halleluia! We thank God for the Bread of life through his obedient servant, ngatitendei Mwari nekuomberera shoko ravo amen!” muchurch makaita mhere mhere vana vaMwari vachitenda.
“Time of tithing, vese vane mari yavo yetithing, come up front and receive your miracle” Pastor Richard vakadaro.
Vese vaibvisa chegumi chavo musi uyu vakaenda mberi vondoisa maenvelope avo mubasket rezvipo. Bishop Isaac Gambiza vaibata musoro wemumwe nemumwe aiunza chegumi chake. Sister Hazel pachavo ndovaiimba;
1. Heavenly Father, you know that I tithe and I ask you to revive me because I have obeyed you by paying tithe according to Malachi 3:10
2. Dear God, you also promised that because of my tithes, I will be prosperous, in Jesus’ Name.
Mushure mekubvisa chegumi, pakazodaidzirwa vaibvisa zvipo zvemusi uyu, sezvo kwaive kupera kwemwedzi zvakare, paive nemagrocery ekumba kwababa namai Bishop. Izvi zvakatora nguva yakareba. Praise and worship yaiimba
Giving time is blessing time
Give one, receive a hundred fold!

Zvakare vatendi vaindopfuura nepana Bishop namai Bishop vachindopa prayer requests, nekuvapa zvaida kunamatirwa kuti vanamatire zvisati zvabuda munyika, apa vatendi vaienda nemaPassport, maCV, Business proposals, Tender documents, Application letters, mvura, mafuta ekuzora. Mushure meoffering, pakazodaidzirwa vaida kubvisa seeds, sacrifices, love offerings.
Mushure mazvo zvese vakazoita munamato wekupedzisira ndokuvhara munamato wezuva iri.
Bishop namai Bishop vakandomira pamusuo vanhu vese vakagara pasi, vanhu ndokuzotanga kubuda nepakati pavo vachivakwazisa. Hazel ndiye wevamwe vakatanga kubuda, akasimudza ruoko waving to th Bishop, ndokundombundikirana namai Bishop achivaudza kuti nhasi vange vakachena nekunaka kukunda munhu wese muchurch, mai Bishop vaingoonekwa kusekerera nekurovana maoko nemwana wavo wesangano.
Barbra naConstance ndovakapedzisira vakamira kumashure kwavamwe baba namai vechidiki, pakaenda vaviri ava kuna Bishop, Barbra naConstance vakasara namai Bishop.
“Mamma marara sei?” Masahwira akadaro nguva imwe chete.
Mai Gambiza vakavabata maoko vachisekerera chaizvo ndokuti; “I am blessed sweet ladies, receive the favor of the Lord. And Connie, my sister ari kuuya nhasi, achasvika kuSalon mangwana, ubva wangomuita zvako zviya mixing different weaves, and face make up.”
“It’s fine mamma, ndinomuona auya.” Constance akadaro achifarira customer, kwaari akange awana zvaatofambira kuchurch uku.
“Uyu ndiBarbra right?” Barbra akagutsurira.
Constance akabva ati; “Mamma ndimi mune maconnections ese, mumutsvagirewo basa please, chero ramangonzwa even part time kusvika azowana zvaanoda.”
“Yes you have to start from somewhere. Do you mind remumba, mai Katsande is sick these days, you can see she is pregnant. She needs assistance for a week or two.” Vese vakacheuka vachitarisa amai Katsande nemurume wavo vaitaura naBishop Isaac.
Mai Gambiza vakabva vazodaidza mai Katsande ndokuti; “Ava ndisisi Barbra ava, anoda part time kumba, so since you mentioned kuti you are on sick leave and you need help in the house, anogona kumbokubatsira.”
Amai Katsande vakatarisa Barbra ndokumboita sevaifunga ndokuzoti; “Ohhh ok, ndichaudza vaKatsande then we can plan kuti todii.”
Mai Katsande vakaenda paive nemurume wavo ndokumbotaurirana vakabatana maoko, vakazotendeuka votarisa kwaive nanamai Gambiza voti; “Honey said it’s ok, tinokwanisa kuenda tese now kumba kwedu kana muine time ladies, so that Barbra wozouya wega mangwana Monday. Right honey?” Mai Katsande vakapedzisira vachidaro vakafuratira nekuzembera pamurume wavo uyo ange abata dumbu ravo raive nhumbu ine 5 months.
Mai Gambiza vakabva vati; “Moendaka Constance, maita zvakanaka mai Katsande”.
Bishop vakange vakaterera vakabva vasekerera vachiti; “Thank you my brother Lewis and madam Isabella”. Vakatarisa Barbra ndokuti; “You see my sister, we take care of each other in Euthenia Ministries.”
Isabella akati kuna Connie; “chiendai mundotimirira pamota yedu, tinoda kumbotaura namamma nadaddy, tiri kuuya in 10 minutes.”
Masahwira akafamba ndokundomira paToyota Hilux double cab yewhite yaive panze. Vakaita nguva vakanyarara, Constance ndiye akazotanga aseka ndokuti; “Mai Rumbie ……”
“Barbra, B-A-R-B-R-A ndozita rangu, even Bishop vanodaidza vanhu nema first names avo wani.” Barbra akadaro achiratidza kusvotwa.
“Yoweee sorry, ndaiti chikomborero kudaidzwa nezita remwana wako nhaiwe.” Constance akaseka akatarisa shamwari yake achidzungudza ndokuti; “Ungabva wanyarara kudaro here, uri dangerous kana wakanyarara iwe, uri kurongei?”
Barbra akaseka ndokuti; “Pakaipa, saka watondiwanira basa so? Ibho, mari chete rega ndishande usati wandishaudhira chikafu mumba mako.” Constance asati apindura baba namai Katsande vakabva vasvika. Vese vakapinda mumota yavo ndokuenda kumba kwana Katsande kuMabelreign.
Barbra semazuva ese aingomhanyisa meso mumba mevaridzi, achimedzera mate nekuita mabayo negodo nezvese zvaaiona mudzimba dzavanhu. Lewis naIsabella Katsande vakambopinda mumba mavo vobvisa hembe dzekuchurch. Isabella akadzoka ndokugara nevaenzi vonwa juice vese, akatanga kutaura nezvebasa raaida kuti Barbra azoita, uye nenguva dzekuuya.
Pasina nguva Lewis akabva auyawo, ndokugara paive nemudzimai wake. Isabella akabva ati kuna baba vemba, “Honey, may we go and buy something to eat, I don’t wanna cook this afternoon, a pizza for me and Junior will do us justice.” Mudzimai nemurume wake vakatarisana vese ndokusanganidza maoko avo padumbu raamai maive naJunior wavo.
Lewis akasekerera achibata mudzimai wake dama neright hand, left hand ichitenderera padumbu paive naJunior aifanira kunotengerwa pizza nababa, ndokuti; “Ok, we can go now tichindosiya vana auntie kumaCombi in town, right.” vese vakasimuka vobuda kuti vachienda.
Pavakasvika muguta, Lewis akapaka paChicken Inn vese ndokubuda.
“Ok, ladies, auntie Barbra toonana mangwana, macombi are just behind, next street, you can walk, pave paduze, chiendai henyu.” Lewis akadaro ave kukiya mota yake vese vabuda.
“Tiri kutotengawo lunch yedu, maita zvenyu.” Barbra akadaro ndokubata Constance ruoko achimudhonza, vakabva vapindawo muChicken Inn ndokundogara pasi kutable yaive kure nechekumashure. Baba namai Katsande vakangonanga pacounter vondotenga chikafu chavo.
Constance akadhonza chair ndokuzevezera achiti; “Iwe unopenga here? Tine mari yeChicken Inn here isu?”
“Zvino tovhairirwa nekamukadzi kari kutotengerwawo? Isu ngavazive kuti tiri kuzvitengera pano.” Barbra akadaro achifinyama akatarisa vaizove madam vake.
Constance akaseka ndokuti; “Handichafamba newe futi, saka tichagara pano kusvika zvaita sei?”
“Kusvika tawana rimwe benzi richatitengera Chicken Inn. Ariko mapenzi akawanda in trousers anosiya wives and kids vachidya necovo asi richitengera warisingazive Chicken Inn, kuri kuda makumbo ikoko, hanzi ndokutaridza kuti ndine mari, idiots. Mira uone in 30 minutes rinopinda.” Vakadzi vakamboseka chaizvo vachirovana maoko.
Barbra ndokuenderera; “Muno hamusi mekubuda zvekumhanya kana wambofema huku yavo, ukasaidya unoita BP nezemo, zvese zvinokwira zuva rese.” Barbra akadaro, Constance aiseka achinyara nekushamisika sahwira wake, akange ave kuda kubuda umu.
Vakazoona vana Katsande vave kubva paChicken Inn voenda kuPizza Inn. Barbra akange akangotarisa zvake achifunga zvakange zvataurwa naambuya Mangena.
“Zvakajeka, vadzimu vako nemasimba anondigonesa basa iri vachakuendesa panzvimbo yauchandowana zvinoda moyo wako. Kana zvisingauye kwauri zvega, unobvuta …..
Paakazoona vabuda vachienda kumota yavo, akabva agara akatarisa paCounter paisvika vaitenga. Pasina nguva akangozosimuka asina zvaataura, ndokusvika achimira padivi pababa vechikuru vakange vachizvitengerawo chikafu chavo.
Constance akaramba akatarisa akabata muromo, achiona baba vaye vachitarisa shamwari yake vakaterera zvaaitaura vari serious, ndokuona vave kuseka chaizvo, zvekutorovana maoko naBarbra. Akaona vave kupiwa order yavo asi vachiramba vakamira, ndokuzoona Barbra ave kutambidzwawo order yakewo.
Vakamboita nguva vakamira vachitaurirana ndokuparadzana baba vaye vachienda kumota yavo, Barbra achidzoka paive pakagara Constance.
“Lunch is served my friend, handei kumba tinodyawo Chicken Inn like any prospered woman.” Barbra akataura achitevedzera matauriro amai Gambiza pavaigaroti “you are prospered.” Constance akange achiri kushamisika.
“Wa … wa …. Wavaudza kuti chii?” Constance akabvunza achiri kushamisika.
“Ndavatika ndodawo kudya pano paHuku Mukati, asi mari haitambe, imi munayo tengai neyanguwo, vakatotengaka.” Barbra akadaro achigadzirisa mapepa ange akaputira chikafu chaange atengerwa.
“Just like that…? Unonyepa iwe…..” Constance akadaro achidzungudza.
“Iwe waona ndine pfuti here? Waona ndaenda pacounter apo ndine mari yabvepi futi? Handei kumba tinodya. Uri kutotadza a simple thank you chaiyo.” Vese vakaseka ndokufamba voenda kumaCombi ndokuenda kumba kwavo.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion