Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 3)

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 3) - Responsive Blogger Template

Sekuru Madziva, baba vaVictor, vakasvikira kuRujeko kwaive nemwana wemunin’ina wemudzimai wavo akange ashaya. Vakawana mwanakomana wavo Victor aripowo nevamwe. Sezvo mudzimai waVictor akange asina kuuya, vakafunga kuenda kwaMajange kundoonawo vazukuru vavo. 

Vakabva vaenda vese nemun’ina waVictor, aive dangwe rastepmother wake ainzi John.

Vakawana muroora akarara zvake vana vachitamba panze, Victor akatanga apinda ega ombondotaura nezvekusvika kwevaenzi achiisawo grocery raange atenga mumba. Vakapinda mumba vakandogara vese ndokubvunzana upenyu. Pavakaita nguva vakanyararisana, Victor akavhura coca-cola yaange atenga ndokupa vaenzi vake avo vange vongotaura taura nevazukuru, miromo yakaoma.
Victor akabva azoti; “Eeeh, mai Rumbi, ndatenga some chicken cuts, unogona kungotibikira kasadza tigodzokera kunhamo kune vamwe.”
“Ko imi bamudiki John, message yangu haina kusvika here?” mai Rumbie vakadaro vakatarisa munin’ina wemurume wavo.
“Message yekutiiko nhai maiguru?” John akadaro achisekerera amaiguru vake.
“Kuti tofa nenzara pano nhai, mukoma wenyu haasi kushanda, dai matiunzirawo chibage chehupfu nenyama, mbudzi yese zvayo.” Barbra akadaro ari serious.
Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 3)
Sekuru Madziva naVictor vakatsikitsira, babamudiki vachibva vati; “Sorry amaiguru handina kuwana message iyoyo. Takabva kumusha tave kumhanyira nhamo, next time ticharongedza izvozvo.”
Barbra akaseka achizvitsvaira maoko ake; “Zvemumusha maMadziva zvakaoma, kuroorwa uku, unoonerera chokwadi. Saka message dzekuti munhu afa ndodzinosvika, asi dzekuti vanhu vanoda kurarama hadzisvikeba? Serious? Saka tototanga tafa kuti muuye makarongedza something pano apa …..”
“Mai Rumbie, simuka kani nhai uchibika, tinoda kudzokera.” Victor akadaro ave kuda kuti vachibuda umu. John akabva anyarara haana chaakapindura.
Barbra akaridza tsamwa ndokuti; “Iwe Victor tikwanire apa, ndibaba vako ava, ngavazive kuti vazukuru vanorara nenzara everyday pano apa. Imi sekuru Madziva, mukadya machicken cuts ari kutaurwa acho moziva kuti vazukuru vanorara nenzara nhasi namangwana nezuva richatevera. Iko muri kuda kubikirwa imimi muri kunhamo, why?”
Pakashaya akapindura izvi, muroora ndokuenderera, “Imi masiya ndiro dzaverengwa kuRujeko uko, dzenyu included, saka munoda kudyirei pano? Muchawana matumbu nemaguru zvagwamba, nhunzi dzadonhera mumapureti enyu. Tozobika kana mashanya pano, nhasi mauya kunhamo itai zvekunhamo.” John akaridza tsamwa ndokubuda panze andomirira baba vake.
Sekuru Madziva vakabva vati; “Ndazvinzwa muroora wangu, tichatumira chibage chamuri kuda. Ndafara ndaona vazukuru vangu. Regai tichidzokera kunhamo kune vamwe.”
“Ehe endai kunhamo, semi vakuru vemusha madheka atosetwa kudhara, vanotoshaya kuti sekuru Madziva vari kupi. Motononotsa vana Mufundisi kudya vakakumirirai pahigh tebhuru.” Barbra akadaro achisimuka.
Sekuru Madziva vakabudisa $10 ndokutambidza Barbra vachiti; “Mozotengerawo vana zvavangade.” vakasimukawo ndokubuda. Barbra akatambira mari iya ndokuisa pasi pepillow yake ndokufamba achibudawo navo.
Barbra akabata Victor ruoko ndokuti; “ko iwe mari yawatengesa mapaperbag maviri ese aya waiwana kupiko?”
“Inga Diana akatumira marands nezuro…..” Victor akadaro.
Barbra akaita seachadonhera pasi nehasha, Victor akafambisa achitiza mudzimai wake ndokundobatana nehama dzake vange vatove kuroad vamumirira.
Victor akati achisvika John ndokuti; “Mukoma munozoti hatikudei hatikushanyirei, haaa, mukadzi wenyu akataura so baba vasipo ndichamurova makajaidzana zvisina kunaka. Ndiri kunzwa kuvaviwa nekuda kumurova, ndichamurova chete, haazowondomoki kutaura zvawakamujaidza izvo.” Sekuru Madziva vakangodzungudza ndokupukuta kumeso kwavo chinyararire.
Barbra akasara ndokuvhura handbag yake, akaona kuti imwe mari yakange yatorwa, akaita hasha akatarisa mapaperbag ange auya naVictor. Akabuda panze achida kutevera murume asi Combi yavakakwira yaitosimuka. Akasimuka akatsvuka maziso nehasha zvekuti kana vana yaingove rough yega yega.
Manheru pakadzoka Victor, akangosvika achitambirwa nemubvunzo; “Watora mari from my handbag, tange tataurirana? Wandibira mari kuti utengere baba vako sadza ivo vakambokutengera riini?”
Barbra akatora leather belt raivo baba vaRumbie ndokutanga kurova murume seairova pwere, Victor aingotenderera mumba achiti; “Sorry amai Rumbie, sorry Barbra.”
Murume akazokwanisa kubuda ndokundosenerera paFence yana mbuya Tumbare ndokundogara mumba mavo. Barbra akatevera ndokundomira pamusuo wavo achiti; “Kana usina $20 iyoyo usatombodzoka zvako kumba, utsvage kwekurara.”
Ambuya Tumbare vakatuma Rudo kuti aise mvura inopisa kuti atove Victor ange azvimba muviri wese. Ndokwaakazodya sadza manheru aya, ambuya vakaramba vachimuti adzokere kumba kwake asi akatya, kusvika Rudo azomupa $20 ndopaakazoenda kumba kwake.
Victor naBarbra vakaita mazuva maviri vasingataudzane, Victor aifunga kuti mudzimai ange akatsamwira mari, izvo kwaani, mudzimai ange afunga kusandura upenyu hwake. Aitya nekuzeza zvaaida kuita asi akange azvipira kusiya zvese. Aizobuda muMasvingo achisiya zvese murume nevana achienda kundotanga upenyu hutsva hwaaifunga kuti hwaive nane husina nhamo nematambudziko aaiona pakugara kwake naVictor Madziva.
Hapana waakada kutaurira nyaya yake, aiziva kuti hapana anomutsigira pane zvakadai. Saka akaita fungira mumoyo rwendo rwembwa. Paakabvumirana naConstance musi wekuti aende Harare, akabva arongedza ndokusiya vana nababa vavo. Ange agara ari maitiro ake kuswera asipo achisiya baba nevana, saka Victor akangoti amai vachadzoka.
Barbra akandomira kuhighway kwaimirirwa private lifts aienda kuHarare. Pasina nguva pakamira Benz ndokuridza hooter. Vamwe vaidawo kuenda Harare vakangomhanya asi muridzi wemota akazodzokera kumashure ndokundomisa mumakumbo aBarbra.
“Hie gorgeous, we meet again.” Barbra akaramba akatarisa mutyairi uya achifunga kwavakamboonana. Paakamuziva hana yakarova ndokubva aseka seka. “Hoo ah, ndimi, machinja mota nhasi?”
“Yaa wandizivaka, ko woti ndakutengerawo Wimpy, wotiza nemakumbo, sei kudaro iwewe?” Barbra paakaona mutyairi asina hasha, akanyemwerera ndokuti; “Ndakange ndiri kumashure nenguva wena, asi nhasi ndiripo.”
“Manje ndiri busy, ndiri kumhanya kuMashava now, then ndoenda Harare around 5 manheru, I always drive at night. So handizive ndokuona nguvai beautiful? Or ndokubata ndadzoka after a week.”
“Toenda tese kuHarare manheru acho, ndange ndichitotsvaga hike so.” Barbra akadaro.
“Ka1 gorgeous, ndiwe une number yangu, yako wakaramba nayoka, call me around half past four, tiende kuSunshine City.” Benz yakapfumbura huruva ndokuenda. Barbra akaita sechaumburuka pasi nekufara. Akandopinda maTM ndokutenga chikafu chekudya masikati aya, ndokumbodzokera kumba kuvana ondoswera navo samai kwavo.
Manheru aya, Victor nevana vakadya zvakange zvatengwa namai ndokurara. Victor akapepuka pakati peusiku ndokufunga kuti akange arara asina kukiya musuo, uye Barbra aisavepo. Akaedza kufona asi phone was not reachable. Sezvinhu zvaigara zvichiitika, haana kuita hanya nazvo, akafukidza vana gumbeze ravange vabvisa ndokudhonzawo rake ndokurara zvake.
Pakachaya 10 mangwana mangwanani Barbra asina kudzoka, Victor akakiira vana mumba ndokubuda omboenda kumadhiri kuRank.
Mai Gwenzi pavakaona kuimba yavo yekuseri kwakanyararwa zuva rese, vakabva vaendako. Pavakasvikapo vakanzwa kuchema kwemwana mumba, vakadaidza Rumbie asi mwana aisakwanisa kubuda nekuti ange akakiirwa mumba.
SaLandlady vakatora spare keys ndokuvhura musuo. Rumbie ange akagara pasi pafloor akazvinyorovesa nekuti paisave nekwekuenda kuti andorasa mvura yemumuviri wake, aichema chaizvo, ave kubvunda muviri wese.
Kahanzvadzi Tadiwa kange karara misodzi nemadzihwa zvakati pororo kumeso kwese. Mwana aifemereka kuratidza kuti ange achema kwenguva yakareba akazonyarara nekurara. Mumba mese mainhuwa nekuti kakomana kange kazviitira tsvina ndokurara kakadaro.
Mai Gwenzi vakatora vana vese ndokuenda navo kumba kwavo, vakandovagezesa ndokuvapa chikafu, vakandotengawo diapers ekupfekedza mudiki.
Ndopavakazofonera Barbra akavati; “Ipai vana ivavo kuna baba vavo munonetseka neiko? Ndodzoka next month.”
Mai Gwenzi vakapererwa, pakadzoka murume wavo vakataurirana ndokudaidza Victor votaurawo naye.
“Dai maendesa vana kumusha vandogara zvavo naambuya vavo, amai vacho zvavari kuti vachaita mwedzi wese vasipo.” VaGwenzi vakadaro kuna Victor.
“Hakuna ambuya vacho vanokwanisa kuvachengeta, stepmother vangu vakatukana namai Rumbie zviri serious, saka havatomboda kuona vana vake. Tete vakewo vanorwara vane BP neSugar saka vangatoda nemusikana webasa anovabatsira kuchengeta vana. Nedzimwe nguva vanomboita mwedzi wese vari kuSouth Africa kuvana vavo. Saka handina hama inokwanisa kuchengeta vana vangu.” Victor akatsanangura nhamo yake.
Mai Gwenzi vakabva vati; “Saka motochinja maitiro babamunini, moregera kunwa doro, motomboshanda serious, kuti muwane mari yekuendesa vana kuCreche, kuseri uko pane Day Care Centre panokwanisa kuswera vana vakachengetwa, imi muri kubasa. Zvekusiya vana vega hazvitomboiti, vanokuvadzana, vanokwanisa kutsvira mumba, anything can happen.”
VaGwenzi vakabva vati; “Find a solution to this, tingatonotaura naStepmother vako vadzore moyo, this is not about Barbra, it’s about the poor kids. Musadai vakomana, what kind of parents are you? Kana usina solution wobva pano, this is a time bomb, inotofanira kuve Police Case chaiyo, Barbra adzoke achengete vana vake.” Vakazopedzisira kutaura vachiratidza hasha dzavaive nadzo.
Victor akangoramba akanyarara, mushure akazobuda ndokuenda kumba kwake. Akandobikira vana ndokuvararisa. Pakarara vana akabva aenda kwaambuya Tumbare.
“Mamma, munokwanisa kumbosara nevana here mangwana ndimbodzingirira madhiri angu?” Victor akadaro akatsikitsira. Rudo akabva ati; “Ko mai Rumbie varipiko vatisina kumboona nhasi wese?”
“Havasi muno muMasvingo, vachamboita nguva vasipo, saka ndokumbira kubatsirwa.” Victor akadaro.
Ambuya Tumbare vakambotarisana nemwana wavo Rudo vachibva vati; “Pakanaka baba vaRumbie, asi mukurumidze kudzoka.”
Rudo akaseka ndokuti; “Madhiri eiko baba vaRumbie, ndoda $20 yangu, chaive chikwereti. Musangoita madhiri muchidhakwa musingabhadhare zvikwereti apa.”
“Handichanwa ini, ndombotryer kubatanidza kuda amai Rumbie angakurumidza kudzoka.”Victor akadaro.
“Kuregera doro nekuti hauna mari yekuritenga hakusi kuregaka nhai.” Rudo akadaro achiseka Victor, asi murume akaramba akanyarara.
Rudo ndokuenderera, “Asi serious baba vaRumbie, kana usina zviri straight zvauri kuita mangwana, uya undibatsire ndiri kundoita Décor kumuchato mutown, unondibatsira ubhadhare chikwereti nekuti ndinositora vakomana vaye vanotengesa kurank uko vachindibatsira, ndichizovabhadhara.”
“Handizvigone ini, décor chii ichocho?” Victor akadaro.
“Haiwawo ndosaka wairohwa nemukadzi” Rudo akadaro ndokufa zvake nekuseka.
Ambuya Tumbare vakabva vati; “Iwe Rudo kana paine zvaunoda kubatsirwa tauriranai zvakanaka kwete kudaro kumurume mukuru, vana Rumbie vachakunzwa uchiseka baba vavo kudaro, hazvina kunaka.”
Rudo akabva ati; “Alright, alright, unenge uchikwira pamachair kana pamatables ini ndokutambidza sando nezvipikiri ndichipeta machira angu ndichiita zvangu Art dzangu. Chete. Ungazvitadza here izvozvo zvinoitwa naRust uya akadhakwa everytime? Unomuziva here Rust Neza anotengesa maWatch kuRank?”
Victor akasekerera ndokuti; “Zvakanakai amainini Rudo, toenda tese ndiripe zvikwereti chokwadi. Mamma Tumbare ndinotenda chaizvo, vana mati munosara navo, pamusoro pazvo mumba menyu ndowanawo basa rekuita.” Victor akasimuka ndokubuda ondorara kumba kwake.
Pazuva rakatevera Rudo naVictor vakafumira kuHall kwaindoita Rudo decoration yemuchato. Vakabatsirana vese naVictor vakagadzira zvakanakisa zvakafadza varidzi vechirongwa. Nguva nenguva vaikumbirwawo maphone numbers nevakange vaonawo basa ravakange vaita pamuchato uyu.
Ndozvakazogara Victor achiita, kwemazuva, mavhiki nemwedzi yese yakatevera. Akabva atodzidza zvese zvaiitwawo naRudo. Izvi zvakamudzikamisa vana vachichengetwa zvakanaka, zvakamupa rugare mumoyo make. Uye respect nekukudzwa kwaaiitwa naambuya Tumbare nemwana wavo, kwakaita aite serious aisada kuvanyadzisa kana kuvatsamwisa kuti vamudzorere vana vake. Saka ange ongotevera achishanda basa seriously nemazvo.
Kana kuchurch kwavaienda ange oendawo, akatanga achiita zvekungovaperekedza kuti asasare pamba ega. Nekufamba kwenguva ange ave nemashamwari kuchurch kwacho zvekuti ange onakidzwa nako nekubatana nevamwe varume muchurch.
Mamwe mazuva vaimbopiwa mota yababamukuru vaRudo kuti vaite basa ravo kana vaiwana basa kunze kwedhorobha reMasvingo. Victor akawana mukana wekudriver, mari yaakange abhadharirwa navaGwenzi kuti atore drivers’ licence haina kunge yaendera mahara sekuseka kwakange kwaita mudzimai wake.
Kana ivo vaGwenzi nemudzimai wavo vakafara nezvakange zvoita baba vaRumbie nevana vavo. Vakatendawo mbuya Tumbare nekubatsira kwavange vaita mhuri yechidiki iyi. Kana business vange vovabatsira Victor naRudo kuwana macustomer.
Kubhadharwa kwacho kwaaizoitwa naRudo kwaive nemuseredzero, vaitaurirana mari dzacho dzavanenge vashanda vese vobvumirana. Rudo aibva abhadhara rent kwana Gwenzi, otengera vana nababa zvekupfeka, opa amai vake mbuya Tumbare mari yekuti vawedzere chikafu nekuti Victor nevana vake vakange vodya kwavo zuva nezuva.
Uye Rumbie akange oenda kuCreche, yaindobhadharwa zvakare nekutengera mwana zvese zvaidiwako. Victor aizopiwa chenji chete kana iripo, nedzimwe nguva yaishaikwa chenji yacho. Victor paaibvunza ainzi unoda kutenga chii chausina, aibva angonyarara voenda kubasa vese vondogadzira imwe mari.
Nemumwe musi Victor akandoitawo madhiri ake mutown akawanawo kamari kake, akafunga kutenga zvinhu zvaivabatsira pabusiness raaiita naRudo. Akasvika pamba pambuya Tumbare ndokuwana vakagara mumba nevana vake naRudo.
Paange oda kugogodza akanzwa Rumbie achiti; “Amainini Rudo hamudi kuita mamma vedu?” Ambuya Tumbare vakaseka, Tadiwa ndokuti kuna Rudo; “Ndiwe mamma angu unondipa porridge yangu, unondibereka naambuya mese.”
Vakuru vese vakaseka asi hapana akakwanisa kupindura vana. Rumbie akabva ati; “Amainini Rudo munoita kuti daddy vaseke, mai Rumbie vairova daddy vochema.”
Tadiwa kakabva kasimuka ndokutora bhutsu yambuya vako ndokuedzesera kurova nekupotsera bhutsu mumba sezvaigaroita amai vavo. Vana vakambonyarara vakatarisa amainini Rudo, kunge vange vakamirira mhinduro.
Rudo akasimuka ndokuti; “Ok ok ndini mamma venyu, asi chitorai macoloring books enyu, ndave busy now ndoda kusona zvinhu zvangu.”
Rumbie akabva ati; “Asi Tadiwa anodya macrayon angu handidi kumupa,” Rumbie akadaro vave kurwirana kapacket kemacrayon.
Ambuya vakatora macrayon ndokupa Rumbie, ndokucheka orange vopa vese, Tadiwa akasiyana nezvemacrayon ombonakirwa nekuisa zvekumuromo. Vakavaparadzanisa kuti mumwe nemumwe achiita zvake.
Victor akambopukuta maziso akamira panze paainzwa izvi, akamboita nguva achifemedzeka ndokuzogogodza. Mushure mekukwazisana akabva ati; “Amainini Rudo nhasi dhiri rangu rafaya mutown umu.” Akataura achiratidza kufara chaizvo.
“Titengerei madrink baba vaRumbie kwete kungovhaira muchidya mari mega.” Rudo akadaro achiseka zvake, Victor akabuda panze ndokudzoka nezvaange atenga.
Victor akasvika ndokuisa pasuro yake padivi pesofa pakange pakagara ambuya Tumbare, akabva ati; “Madrinks mangwana. Ndatenga ladder rekuti tishandise kubasa, kukwira pamatable emacustomer hakuite wena, ndatengawo netool box yangu iyi. Iwewe waiti uri kutsvaga white material yekuitisa chair covers, ndawana pange pachitengeswa machira ndikatora uyu, ndiwo here mucheka wacho kana usiriwo ndonodzorera, 50 metres. Nyatsotarisa.”
Rudo akabata bata mucheka uya ndokuti, “Haaa haa excellent ndiwo chaiwo 100% linen yandaitsvaga, haaa waita hako Victor”
Musikana akadaidzira ndokuzoona ambundikira Victor nemufaro mukuru achitenda. Vese ambuya Tumbare nevana vange vangotarisa Rudo sharing her surprise joy and appreciation.
Victor naRudo vakatarisana mumaziso vakambundikirana kudaro, Victor akapotsawo anamira kiss pamuromo waRudo dai vasiri ambuya vakatiwo panguva iyoyo; “Maita basa baba vaRumbie, Rudo aishaya mucheka uyu, nyangwe paaituma vanhu kuHarare hapana akakwanisa kumutengera, iyezvino kana mave nemachair covers mochajawo pakuru, hamuchaite ekuhaya zvaibudisa mari yakawanda.”
Tadiwa akamira pakati paamainini Rudo nababa vake, mwana akavatarisa vese achiseka zvekubuda masiriri neinner joy, ndokuti; “daddy …..” akazvimonera nedress raRudo achitenderera pana baba vake achivamonerawo nedress riya, achiti; “namamma….”
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion