Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Marriage - Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 10)

The Marriage - Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 10) - Responsive Blogger Template

Simbarashe akasvika pamba pake zuva rave kudoka. Akawana paine vashandi vega mudzimai wake asipo. Akafara kuti aive ega nekuti hapana chaaida kana waaida kutaura naye. Akambotenderera mumba asina kugadzikana muhana make. Aifunga kufa kwakange kwaita mwana waNorest akatarisa. 

Aifunga zvakare kuti akange ave kutadza kuona zvese zvaiitwa naChiedza kubvira pakange patsemuka monitoring mirror raigara mumba mairara musikana uyu. 

Mambokadzi vekumvura vakange vakatsamwa uye vakange vasinawo mufaro. Vakange vabviswa masimba avo pamusoro pevanhu vese vakange vaunzwa naSimbarashe Chibaya sechibairo kuhumambo hwavo. Simba akange achitadza kugara pasi nekudzikama. Aifamba imba yese achifunga zvekuita. Aitarisa pawachi yake panove paaitaura naMambokadzi vekumvura. Pese paaitarisa akange ave kuona rima. Kureva kuti vakange vasina chekumuudza, uye kuonana kwavo kwakange kusisina kujeka semazuva ese. 

Mamiriro akange aita zvinhu panguva iyi, akange ave matengumutinya nguwo dzeuswa. Mumwe nemumwe akange orwira upenyu hwake. Uye sekuziva kwavo, Mambokadzi vaive mweya waitonga venyama. Kana paine zvaizovanetsa kutonga, vanhu venyama ndivo vaizoraswa nekuoneswa nhamo pasi pano.

Simbarashe akarohwa nehana achifunga izvi. Ko Norest akange amubvira nepiko? Kuti vafare vakange varwadzisa vanhu vakawanda. Vakange vaparadza upenyu hwevakawanda. Waive mufaro rudzii waiparadza vamwe. Zvino yakange yasvika nguva yekuti ivo vanamuparanzvongo vachichemawo nekushanduka kwakange koita zvinhu.

Vashandi vemumba maSimba vakabaiwa nekutukwa nekumhanyiswa vachiitirwa hasha yezvinhu zvavange vasingazive. Aitozeza kuona mudzimai wake Charity, aitotya kuona mwana wemukoma wake Chiedza nekuti aisaziva zvimwe zvitsva zvaizoitika.

Achiri kufunga kuti odii, nhare yake yakarira ndokuona vari amai vake. Akarega ichirira kusvika yanyarara. Kugara pasi kana kurara kwairamba. Kunwa hwahwa ndokwega kwaitozomubatsira kuti akanganwe nhamo dzake. Achinwa kudaro Charity naChiedza vakabva vapinda. Vese vakashamisika asi vakafara zvakare kuona baba vemusha.

Chiedza akakwazisa babamunini vake achiratidza kufara zvakanyanya. “Bamudiki sorii henyu nenyaya yemota. Asi ndinotenda Mwari Mozi haana kufa. Mupenyu and atobuda muhospital nhasi.”
Simba akangonwa hwahwa hwake akanyarara. Charity akabva ati; “Tangouya kuzogeza daddy. Tiri kuenda kugomo naApostle. Madeko hatina kumborara, kune vanhu vanonamata aaah. Mumba maamai maiita semune hondo yekudenga. Apostle vakauya nemaPastor avo vatatu chete. Asi pavainamata zvaiita sekuti mumba makazara vanhu. Handisati ndamboona zvakadaro. Jesu ari padyo nesu zvakanyanya. Umm handei daddy hupenyu hwakaoma wena.”
The Marriage - Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 10)
Charity akatsanangura ndokumbofema; “Amai vakanamatirwa vakapora asthma mufunge. Makaona kuti mazuvano ese vaingogara vari mu attack. Apostle vakatoti dai zvakaramba zvakadai vaigona kutofa chaiko.” 

Chiedza akaenderera achiwedzera zvakange zvasiirirwa namainini vake; “Oh, Apostle vakati zvakare, ambuya vakarwara nekuda kwechimwe chipo chihombe chavakapiwa nemumwe munhu..”

Charity akagamha Chiedza ndokuti; “Imimi daddy, Apostle vati vanoda kukuonai. Kubvira na3am kusvika na7 chaiyo vange vachingoti tikunamatirei imimi. Vati zvinhu zvakawanda ndimi mungatonzwisisa sababa vemusha kuti mochengetedza mhuri sei.”

Hana yaSimbarashe yakaita seyatsemuka pakataurwa izvi. Akafunga zvaakange ataurirana naNorest vari kuDurban. Hama dzake idzi dzaitaura kuporeswa kwaamai vake, panguva iyo mwana waNorest aitandadza nekufa nechirwere chimwe chete. Akafunga kuti pese paaitaura nezvekurwara kwaamai vake, Norest aiita seasungwa rurimi. Hoo nhaika. Matsotsi haagerane.

Simbarashe akaita hasha ndokusimuka paange akagara achidonhedza girazi rake richidonha nekudeukira pasi richipwanyika. Akafemedzeka asi zvaimunetsa zvaisataurika pavanhu vaaive navo.

Chiedza akabva ati; “Apostle vange vachitaura nezvemhuri yese bamudiki mufunge. Vataurawo nezvekutyoka musana kwaTafara nekudhakwa kwaTinashe …”

Simbarashe akabva amudimbudzira achiti; “Hanzi vadii?”

Chiedza akabva ati; “Hanzi a curse was put upon their life, Tinashe akaiswa vagabond spirit, mweya wehurombe. Uyu Tafara hanzi haana kumbotyoka musana, asi akaiswa spirit of infirmity. Kuti angoneta makumbo ake atadze kufamba …”

Charity naSimbarashe vese vakaseka. Charity ndokuti; “Sekai zvenyu daddy. Inini ndazotadza kuseka nekuti Apostle vacho is just too serious. Mwana akatadza kufamba for three years now muchingomuendesa kuma Doctors ese onzi nhasi haarware.”

Chiedza akabwaira maziso nekurwadziwa. Kuseka kwavo kwakatimudza rufaro rwaive mumwoyo make rwekupora nekufamba zvakare kwemwana wamai vake.

“Inga mbuya vanamatirwa Asthma ikaenda, tichaona kuti Tinashe achadzokera kumba here uye Tafara wacho zvavabvisa spirit of infirmity achafamba here.” Chiedza akadaro.

Simba akanyemwerera ndokutarisa Chiedza achiti; “Ndiri kuona even iwewe watosunga dhuku nezambiyaka mwanangu. Madzoka kumunamato wave overdressed. Kana munamato we one day uchidai kuzoti mukapinda chechi yacho full time muchaita sei?” Simba akadaro seaiseka asi chinangwa chake kwaive kuda kuziva kuti madzimai emhuri yake aya vakange vafunga kuteverera Mupostori uyu akange aunzwa muupenyu hwavo kusvika papi.

Chiedza akaramba akatsikitsira. Nhare mbozha yake yakabva yarira akatarisa ndokunyemwerera achidavira; “Mamma, muri sei? Ndange ndichitoti ndichakufonerai after charging my fone.” Akamboterera zvaitaurwa naamai vake ndokuramba akaudyura meso ashama muromo. Akabva aita kuti nhare yake itaurise vese vanzwe zvaitaurwa namai Chibaya kwaGutu. 

“Ndina babamudiki namainini pano now. Matii mamma?” Chiedza akadaro achida kuti amai vake vadzokorore.

Mai Chibaya vakange vakafarisa; “Ndati….. tiri kubva naTafara kuHospital izvozvi. Tange tangoenda kugeneral check up yake iya yepamwedzi. Doctor vacho vabva vataura zvimwewo. Hanzi anofanira kuona Physiotherapist amboedza kufamba. Zvavaiona sekuti musana wakatyoka ndouri kumutadzisa kufamba hazvisirizvo. Vaita matests ese vakati musana wake wakanaka. Mamwe matests vatumira kumaLab kuMasvingo. Asi kwaPhysio anototanga mangwana. Ave kuzofamba zvakare hanzvadzi yako Chichi.”

Amai nemwana vakamboridza mhere yekufara nekukorokotedzana. Chiedza akataura zvakare nababa vake uye naTafara wacho uyo akange oratidza upenyu zvakanyanya kupinda mamwe mazuva.
“Wange uchiti Apostle venyu vati chii? Hanzi Tafara akaita sei?” Simba akadaro hana yorova zvakare achida kunzwisisa. Zvinhu zvakange zvichiitika kwaari zuva nezuva kubva pauya Moses muupenyu hwavo zvaingomurovesa nehana.

“Vakati ange akaiswa demon, a curse yekuti all doctors hapana anoona chirwere chake chaicho. So vakanamata nezvazvo vachibvisa all spirits mufamily avaiti ari kukonzeresa mamwe maproblems akangotangawo mazuva ano.” Chiedza akadaro ave kufunga upenyu hwake nehwevana vaamai vake.
Simba akange orohwa nehana, airamba achitarisa paWatch yake kuti zvimwe mambokadzi pane zvavangataura asi pakange pasina chinhu. Chiedza namainini vake Charity vakange vachigadzirira kundobatana nevamwe vesangano raApostle Chinembiri kundonamata. Chiedza akasiya amainini nababamunini vake vari vega iye oenda kumba kwake kumbonogeza nekurongedzera zvekuenda nazvo kugomo. Ndipo paakazokwanisa kunyatsotaura naamai vake achivarondedzera zvese. Vabereki vake vakabvumirana kuti vaizouyawo kuHarare kuti vazosangana nemunhu waMwari uyu akange aponesa vana vavo. 

Sevanhu vakuru vakange vambofamba kwavaienda vachindoudzwa mamiriro emhuri yavo. Asi hapana chakange chashanduka. Vaiudzwa twakawanda wanda twaigumira munzira pakupona kwavo. Vakange vaudzwa zvakawanda wanda kun’anga nemaporofita kwavaifamba zvaibata nyaya dzemumusha mavo. Vakada kundoona vaChinembiri ava vakange vataura zvaienderana nekupora kwemwana wavo. 

Pakabuda Chiedza mumba umu, Charity akati kumurume wake; “Apostle vataurawo about marriage yedu. Hanzi mumba muno mune spiritual wife ndoiri kutitadzisa kuita mhuri. Saka vati tinofanira kuzoita confession yezvinhu zvatakamboita muno mumba.”

Charity akabwaira bwaira ndokuti; “Vati ndizodaidzawo my ex husband. Nekuti ndakamupa mari yenyu…….. mari iya yaive in our bedroom……..”

Simba akatarisa mudzimai wake mumaziso ndokuti; “Ndozviziva kuti wakamupa mari yangu kuti avhure business. And ndozviziva kuti maionana. Une nhumbu yake yemwana wenyu wepiri so. That Apostle is on point.” Simbarashe akadaro Charity ndokuramba akamira achihuta seaipindwa nechando. Aitarisira kuti acharohwa zvakaipa.

Asi Simbarashe akabva ambobuda oenda kukabhawa kaive pedyo nepamba pake. Akange achida kumbove ega kuti anyatsofunga zvaive muupenyu hwake. Nyaya yaimutyisa ndeyekurwara kwaaamai vake. Kwevamwe vese akange achiziva. Asi kwaamai vake kwakange kwamuratidza kuti muSecret Society yavo maisave nehukama hwechokwadi. Akabvunda achifunga zvese zvaakange aitirwa naNorest. Zvese zvaaifunga kuti kubatsirwa pane paaizvibhadhara chete. 

Akange akatsamwira Norest zvakanyanya. Akaona kuti aive murima pane zvakawanda zvaaifunga kuti vari kuita vese. Akagara imomo panguva iyoyo, akabva afonerwa neimwe shamwari yavo aigarawo kuDurban.

“Murehwa ndeipi?” Simba akadaro akaneta asingade zvekutaura nevanhu vaimukanganisa zvaaifunga.

Murehwa vakabva vati; “There is fire on the mountain iwe sha. Imba yaNorest yatsva kusara pasina chinhu, kunge yange yakagadzirwa nemapepa ………..Yatsva mudzimai nemwana wake ange asara vakafiramo. Saka paari kuuya kunhamo ari kuzoviga musha wese wena iwe.”
“Why? How?” Simba akazhambatata otadza kugara pasi.

“Hapana ari kuziva and Queen havasi kutaura nemunhu. Iwewe ndiwe wakaunzwa muSociety naNorest handiti?” Murehwa vakapedzisa nemubvunzo.

“Eeeeh ….. eheeee” Simba akadaro achidemba kuti dai asiri mumwe wechikwata ichi. Akademba kuti dai mhinduro yake apa yaita handikuzivei.

Murehwa vakambokosora ndokuzoti; “Asi pane wekumba kwenyu ari kufamba nema ‘touch not my anointed one’ Nekuti kana zvikadaro Queen vanotanga kuparadza akakuunza. Vanotsvaira pese havana tsitsi. Kana votora zvavo vanokanganwa kuti even pavaikupa pane zvawaivapawo.”
Simbarashe akabva ati; “But boys maidii kutaura zvese izvi pandakatanga kupinda? Dai ndakapindawo ndichiziva. Zvamave kutaura iyezvino zvawandisa zvekuti handichaziva pekutangira kugadzirisa.”

Vese vakambonyarara, Murehwa ndokuti; “Bible ndiro rine nhoroondo yechokwadi yevatendi varo. Muchinda uya weBible ndiye anonyatsotaura chokwadi kuti huyai kwandiri titakudzane mitoro. Haanyepere vatendi vake kuti kana atendeuka nhamo dzichapera. Asi anofamba navo sekuvimbisa kwake, and anoregerera vanenge vakanganisa ndosaka akafa pachipiyaniso. Kwedu uku shamwari kana ukakanganisa unoripa neupenyu hwako nehwedzinza rako rese.”

Simbarashe akaridza muridzo wekupererwa ndokuti; “dai ndakaziva zvese izvi mazuva andaichema ndisati ndasangana naNorest dai ndakaziva zvekuita. Kushaya mubereki kwakaipa, vanhu vanoita zvavanoda newe.”
Murehwa akabva ati; “Asi wakasarudza wegaka kuti utevere Queen. Chitosarudza wega kubudamo or face spiritual death.”

Simbarashe akabva afonera Chiedza ndokukumbira nhamba dzenhare dzaApostle Chinembiri. Akange afunga kundovaona. Paakange oda kupinda mumota make, akatanga kuona kumberi kwake sekune ziTv zihombe hombe. Akaona tsaona yemota yaMoses mumaziso ake, kubondera nekutenderera kwayakaita. 

Akaona kuumburudzwa pasi kwayaiitwa nemweya yainge vanhu avo vaaisisangana nayo pasi pemvura. Akanzwa kubitiridzwa nekuti akafema mvura yegungwa nehove dzayo seaive mumvura.
Paakada kupinda mumotikari yake, akaona combi yakange yaremadza Tafara mwana wemukoma wake. Akaona kumhanya mumugwagwa kwayaiita mutyairi achitadza kuidzora. Akaona vasikana vemugungwa vachiisa chiutsi mumaziso emutyairi nekushaisa simba maoko ake kuti atadze kutyaira.
Pakazondozorora combi yatungana nemuti akaona mumwe wevasikana ava vachibata makumbo aTafara. Tafara akapera simba ndokuita seafenda. Vasikana vese ndokunyangarika, vanhu vaive muCombi vachisara vachipepukawo. Zvese izvi zvaiita sezviri kudzokorereka musi uyu. Akatya nekuzeza mota yake.

Naizvozvo akafonera vaChinembiri kuti vauye paaive apa. Apostle Chinembiri nevamwe vavo vakange vagadzirira hondo huru yemhuri yekwaChibaya iyi. Paizove kekupupura nekuramba hutongi hwusiri hwaMwari vekudenga. Paizove nekupupura kune vemhuri pane zvakakanganisiranwa. Yaive hondo yaida kusimba nekuti vanhu vanotonga nyaya dzemweya vachishandisa mafungiro nemaitiro enyama.

Vakasvika paive pakamira Simba vakagadzirirwa kurwa nezvaive paari … For every knee shall bow and every tongue confess, that Jesus Christ is Lord. Ibvi rimwe nerimwe richapfugamira Ishe wamadzishe, Mambo wamadzimambo. Uye rurimi rwega rwega rwuchapupura kuti Denga nenyika zvina Mwari mumwe chete Jehovah Elshadaii!!!

Mumwe nemumwe achandomira nezvake pamberi paBaba … Romans 14 verse 11
THE END
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion