Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Marriage - Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 9)

The Marriage - Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 9) - Responsive Blogger Template

Chiedza akavhura drawer raive muOffice make maoko achibvunda nezvaakange anzwa nemupurisa. Akabudisa makey ange akawanda wanda ndokutora eimwe motikari yepabasa pake yaaikwanisa kushandisa manheru aya. 

Akananga kuchipatara kwaaida kundoona kuti Moses akange aita sei. Akafamba rwendo rwese achiti akambomira ofona zvakare panhare yaMoses achitaura nemupurisa.
Musikana akasvika paCharge office Constable Murindagomo vakamumirira. Vakambomubvunza chino nechocho asi vakaona kuti hapana zvakawanda zvavaitaura naye nekuti akange achiri kurohwa nehana nezvakange zvaitika kushamwari yake. Vakandopfuura vachimuratidza motikari yake kwayakange ichangoiswa nemapurisa. Chiedza akapotsa adonhera pasi. Motikari yakange yave chibhora chaicho kupetana, mupfungwa dzake akaona Moses ari ronda rimwe chete, aizorarama here abuda pakadai?
Vakabva apa vonanga kuchipatara. Vakandobvunza vakoti vaivemo ndokutaridzwa paive pakarara Moses muchipatara umu. Chiedza akashamisika nezvaakandowana Moses ari, handizvo zvaaitarisira mushure mekuona motikari yake.
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 9)

Moses akange akagara pamubhedha akatandavara asina maronda aionekwa.
Chiedza akambundikira Moses achifemedzeka nekutura befu, achidzikama mukutya kwakange kwakazadza hana yake.
“Mozi sha………… ko what happened? Wabuda sei mumota yaparara kudaro iya?” Chiedza akadaro nemufaro mukuru.
Moses akangoramba akanyarara ndokusekerera achitsikitsira, Constable Murindagomo vakabva vati; “Tinotenda Miss, ndange ndisingatarisirewo kumuwana akadai, ndasvika paScene ye accident atove muAmbulance. Maonawo zvange zvakaita motikari yaabuda.”
Moses akatarisa Chiedza ndokuti; “Ndaparadza mota yako Chiedza, ndiregererewo.”
“Tozotaura izvozvo tave kumba. I am so happy you are alive.” Chiedza akadaro achiti akafunga zvange zvaita motikari yake hana inorova. Mukoti akabva asvika pavaive ndokubata tsoka dzaMoses achiti; “Chapera here chiveve? Mave kunzwa kuti muri kubatwa here kumakumbo?”
“Yes, zvave kunzwika, maoko chapera chiveve. Thank you sister.” Moses akadaro achiedzwo kufambisa zvigunwe zvake.
Nesi vakacheuka vachitarisa kumusuwo kwaipinda nevanhu ndokuti; “Baba Chinembiri vamati tidaidze vabva vasvika. Constable thank you. Murwere ange ane chiveve neshock chete. Mangwana anobuda zvake. ”.
Mupurisa akatambidza Moses nharembozha yake ndokubuda, Moses ndokuti kuna Chiedza; “Mira uone Apostle vangu.”
Moses navaChinembiri vakakwazisana, vaChinembiri havana kumubvunza kuti ainzwa sei vakangoti; “You are a child of the Most High God, saka Shoko ravo pana Psalm 91:11-13 came to pass in your life nhasi. ‘God will put His angels in charge of you to protect you wherever you go. They will hold you up with their hands to keep you from hurting your feet on the stones. You will trample down lions and snakes, fierce lions and poisonous snakes.”
Moses akapedzisa mashoko epandima imwe chete aitaurwa nemukuru wake. Chiedza ange odhonza dhonza chisiketi chaange akapfeka kuti zvimwe chingati rebei kupinda zvachaive. Akademba kuti dai charudunuka mupendero chati rabei. Baba Chinembiri nemumwe mufundisi wavaive naye ndivo varume vega muupenyu hwake vakange vamutarisa senyama yakaora akanzwa kunyara nekusada zvaaive.
“Amai venyu vari kupi?” Apostle Chinembiri vakadaro vakatarisa Chiedza.
“Vari kumba kwaGutu.” Chiedza akadaro akatsikitsira.
“Ko muno muHarare hamuna hama?” VaChinembiri vakabvunza zvakare.
“Kuna ambuya vangu, amai vabamudiki vari ku …………..” Chiedza akadimbudzirwa.
“Torai number yangu. Muti vandifonere. Tingafare kuzoita all night prayer mumba mavo.” VaChinembiri vakadaro vatarisa mufundisi wavaive naye, uyo akagutsurira nemuviri wese.
Chiedza akabudisa nhare yake ndokupa Moses uyo akabva anyora nhamba dzababa Chinembiri. Chiedza paakaona vave kutaura naMoses, akabva awana mukana wekuoneka ndokufambisa achibuda umu achinge achazvipinga akadonha ega ega.
Musikana akasvika ndokuzvivharira muFlat make seaitandaniswa. Akacheuka cheuka ndokutora tauro rake rekugezesa omonera ndokugara murima mumba make mekutandarira. Ainzwa seakashama. Maziso avaChinembiri aiita seaiona zvese zviri seri kwembatya dzaange akapfeka. Akange ajaira kutariswa nevarume matarisirwo iwawa ekuongororwa seakashama asi vachirwerwa rute.
VaChinembiri vakange vamutarisa zvakafanana nevamwe varume vese. Kumuona seakashama asi ivo vakange vasina kurwerwa rute bodo. Vakange vasemeswa naye, akazviona kuti vakange vasemeswa nekushora nezvavakange vaona. Asi pavakataura naye vakange varatidza tsitsi dzakanyanya. Vakange vataura naye sevanotaura nenherera yarara ichirakashwa nemvura iri panze yashaya ane hanya.
Akatarisa zvinhu zvese zvaive mumba make nekunaka kwazvo, nekudhura kwazvo, hana yake ikarova. Kekutanga muupenyu hwake akatya midziyo yake, haana kuifarira.
Akafunga amai vake vachiti; “Haaa zvinhu zvako unombozviwanepi? Hapana wezera rako anotenga furniture yakadai. Zvakanaka asi hazvingonakidzi kuona so.” Akavaseka nekuti akange afunga kuti vaireva kuti varume havade mukadzi ane midziyo yake nekuti vanotya kutongwa.
Asi panguva iyi akaita manzwisisiro matsva ezvakange zvataurwa namai vake. Midziyo iyi yese yaibva nababamunini Simba kuDurban. Pese pavaienda vaimuvigira twunhu twakanaka twekushongedza mumba make.
Akafonera mbuya vake amai vababamunini Simba achivataurira zvakange zvataurwa navaChinembiri. Mai Simba vakafara chaizvo kuti mumba mavo muzoitirwa munamato.
Chiedza akasimuka kubva pasofa paange akagara ndokuenda mumba make mokurara. Kumusoro kwe head board yake kwaive negirazi, mirror, raive rekushongedza mumba. Raive rakatenderedzwa rakashongedzwa nehove dzainge njuzu. Akakwira pamubhedha pake ndokuritora kuti arionere padyo. Ndopaakafunga kuti ndowaive musi wake wepiri kubata girazi iri, kubva musi warakauya. Babamunini Simba vakange vauya naro vakariturika vega.
Chainakidza pamirror iri, aiti akatarisa pariri, pane kuti aone kumeso kwake, aiona mvura yaierera. Saka rairwadza maziso kuramba akatarisa ndosaka asina kuita hanya naro kubvira musi warakaturikwa ipapo. Rakange rakanaka chaizvo. Shamwari dzake dzese dzakange dzapinda umu dzakange dzarifarira uye kumubvunza kuti akange ariwana kupi.
Akafungazve kuti kubva musi kana kuti mazuva araturikwa, airota akarara nababamunini Simba semudzimai wavo. Hope idzi dzaimushungurudza chaizvo, hapana waakange akwanisa kutaurira. Uyezve kubva musi uyu, varume vese vaimufarira hapana akange achada kurara kusvika kwaedza mumba make. Vamwe vaitoramba kupinda mumba make mekurara, vaitamba naye pasofa voenda.
Akarangarira mainini Charity vachipopotera babamunini Simba muOffice mavo. Vachivapomera mhosva yekushaikwa pamubhedha wavo wekumba kwake. Paaiterera zvese zvavaitaurirana, zviroto zvake zvaidzoka achinyatsoona babamudiki Simba vakarara naye pamubhedha wake. Uye aimuka akaneta chaizvo sekunge arara akabata gejo remumunda pamusha paari muranda. Zvese izvi zvakadzoka mumusoro make.
Akatsveta mirror riya pamubhedha pake ndokuridza nhare yababamunini vake achida kuvaudza nezvetsaona yaMoses. Nhare yakarira kusvika yanyarara isina adavira. Akasimudza mirror oda kuridzorera ndokubva radonhera pasi ndokumwandauka kuita zvidimbu zvidimbu. Ipapo nhare yake yakabva yarira babamudiki Simba vachifona.
“Hie…… bamdiki………..” Chiedza akadaro achishama n’ai dzekuneta nezvakange zvaitika manheru aya.
“Chii chaputsika icho? Hee? Hee? Chii chapwanyika iweee iwe!!” Babamunini vakazhambatata vari kune rimwe divi.
Chiedza akashamisika zvakanyanyisa; “Ah, mange musati mave pafone paputsika my mirror, mazvinzwepi?”
“Imirror ripi iroro raputsika?” Simbarashe akabvunza zvakare achinzwikwa kuti inzwi rake raibvunda nekutya.
Chiedza akambonyarara ndokuzoti; “Moses aita accident daddy, mota beyond repair, ari kuhospital ku ………” Chiedza akagurisirwa rondedzero yake zvakare.
“Don't worry about that car, I will get you a new one, the latest version yeyawanga uchishandisa.” Simba akadaro achiita seasununguka. Chiedza achiri mukushamisika kudaro, Simba akaenderera, “As for that idiot friend of yours, he will be in that coma till his Jesus comes t o take the living and the dead.” Simba akanzwikwa kuseka zvine ruzha.
“Haasi muComa, ari kutobuda muhospital mangwana ……….” Chiedza akazoona kuti ange otaura ega. Babamunini vake vakange vasisiri panhare. Uye vakange vasina kunzwa mhinduro yake zvachose. Chiedza akagadzirira ndokurara zvake achiremerwa nepfungwa dzake dzairamba dzichitenderera pane zvange zvaitika.
Pazuva rakatevera, Chiedza akazoenda kubasa zuva rakwira uye ave kufonerwa naWorkshop Supervisor vachida kusainirwa mapepa ebasa. Chiedza akaenda akarembera nehope dzekuneta uye kufungisisa. Akange arara zvekutadza kurangarira zvaakarota asi akangomuka akaneta. Akashamisika kuona babamudiki vake vasipo asi vakange vasina kumbomuudza nezverwendo. Aiziva kufamba kwavo kupinda mainini Charity. Asi musi uyu amainini vake vakamuudza kuti babamunini vakange vaenda Durban mangwanani aya.
Mushure menguva achikotsira akagara muhofisi make, akabva afunga kuenda kwambuya vake amai vababamunini Simba. Sezvo vakange vabvuma kutambira vana baba Chinembiri mumba mavo, vaida kubatsirwa kurongedzera vaenzi.******
Simbarashe akasvika kumba kwaNorest asi haana kumirapo. Akabva aenda kundoona mambokadzi wavo. Mushure mazvo akazoenda kumba kwaNorest Karekwaivanane ndokubva vatanga kukurukura. "Shamwari pandimire pakaoma, ndawana Queen vakatsvuka kumeso kwese nehasha. Nyaya iripo ndeyekuti mwanasikana wamukoma anenge akatamba nevanhu vanogona kuzomubvisa pandakamuisa zvinhu zvikaminama.”
Simba akadaro hana ichirova zvakanyanya. Akatarisa Norest ndokuti; “Iwewe hauna kundiudza kuti pane zvinhu zvakawanda zvinoramba zviri hidden kwatiri. Zvese zvandiri kuita iyezvino ndaisatarisira kuti zvichadaro. Ndabva ndafunga zvandakamboudzwa nevamwe mufundisi kwatakamboenda namai vangu kare kare ndiri fomu 2.”
Norest hana yange yorovawo. Akange asisina mhinduro pamibvunzo yaive neshamwari yake.
“Muparidzi iyeye akati satani haakupe chinhu mahara. And satani haakuchengetedzi. Akatizve, satani attracts you nezvaunoshuvira muupenyu hwako kuti unyatsoita that decision wega kuti ndave kusiya zvaMwari ndave kutora zvandinoda. Musi wekutongwa mhosva inove yako wega.” Simbarashe akataura izvi misodzi yazara mumaziso.
Simba akaenderera; “Queen vakandiudza kuti that boy anoita accident ichamugarisa muComa kwenguva yakareba kusvika azofa. Time yaanenge ari muComa yange iri yekuti Chiedza atye atevedzere zvese zvandaizomuudza kuita achifunga kuti ndiri kubatsira kuti shamwari yake ararame. Now I was shocked, tese naQueen we were shocked haana kukuvara.”
“Wakanyatsoita that procedure here sha inokonzera accident? Or pane zvawakakanganis
a?” Norest akabvunza meso abuda.
“Iwe hakasi kekutanga kuita the procedure, ndaizotadza pane uyu ega kuti zvadii?” Simba akadaro asina mufaro.
Norest akagutsurira, aiziva kuti vaiita zvavaida nevanhu. Hapana munhu wavakamboitira “procedure” akapunyuka pane zvavaida.
Simba akaenderera; “That boy akabuda mumota imomo asina kana scratch, it was like akasimudzwa kubva mumota ikazosara yobondera neku roller iye atobuda. Handina kuzviona till ndave kuno. Also the mirror which was controlling Chiedza rakaputsika. Now I have lost control. Worse still even Queen vange vachiita sevasingazivewo kuti chii chiri kuitika kumba kwangu. And vange vakatsamwa chaizvo.”
Norest akashama muromo ndokuti, “Mwana wako akasangana naivo chaivo vana ‘touch not my anointed ones and do my prophets no harm’. Akashaya zvekuramba achitaura mberi. Vese akanyarara. Kusaziva zvemberi nezvaiitika muupenyu sezvavange vajaira kwaivanetsa chaizvo.
“Saka Queen vati chii?" Norest akazobvunza.
Simba akagomera ndokuzoti; “Chiedza has to die, so that I cut all ties nema touch-not-my-anointed-ones aya. Ndiye akavaunza saka kubva kwake in my life ndiko kuchaita kuti vabudewo in my life.”
“That’s a better solution.” Norest akadaro.
SImba akadzungudza, ndokuti; “Kwete izvozvo zvega. Anofanira kuzotsiviwa. And hanzi anotora nzvimbo yake ndimai vangu.”
Norest akabata musoro ndokumbofuratira shamwari yake ndokuita nhanho nhatu achibva paaive ndokuzodzoka ndokuti; “Whaaaaat!!”
“Yes, imagine that. Besides kuita zvaiita Chiedza kutorwa ne different men, Queen added scandals………….” Simba akambonyarara achifunga.
“What do you mean scandals?” Norest akada kunzwisisa.
“Kuti amai vangu will be dating younger guys of my age. Hanzi young married guys breaking marriages zvichibuda mumaNewspaper. Then my business will be sustained. Nekuti parave now mashamwari aChiedza ayo will destroy everything.”
“Saka wati chii?” Norest akabvunza otya zvaive muupenyu hwavo.
“Ndati ndichambonofunga. Vandipa a golden watch to switch on kuti zvichitanga kuitika. You know how the Queen operates.” Simba akadaro ndokunanzvira miromo yakange yacheneruka kuti mbembe.
“Chokwadi, Queen makes sure ndiwe wazviitira wega nyaya dzehama dzako havakubatsire. Vanongokuudza zvekuita nekukupa masimba acho chete.” Norest akatsigira mumwe wake.
“Amai vangu vane chirwere cheAsthma unozviziva iwe. Havararami pakadai.” Simba akadaro, Norest ndokuramba akanyarara.
Simba akaenderera; “Ivo ndaitovaseka kuti sei kuita Asthma muchangopinda muMansion, vakavhunduka good living here.”
Norest akaramba akanyarara, Simba akaenderera; “Ndiyo imba yandakavatengera nemari yawakandipa rangu business risati ratanga paye.” Norest haana kupindura zvakare. Vakabva vapinda mumba vese umo vakandotanga kunwa zvinodhaka vakanyarara vese.
Vakanwa kusvika pakati peusiku. Vatoonekana kuti vandorara, vakanzwa mudzimai waNorest achiridza mhere ari kudzimba dzekurara kumusoro. Vese vakatarisa ndokuona mai ava vakasimudza mwana wavo aive nemakore masere, vachimhanya naye pavaive vakagara.
“Aita asthma attack, daddy. Our baby is dying Norest. Inga you promised kuti hazvichaitika wani nhai.” Mudzimai waNorest akadaro ararisa mwana pasi. Vese vakatarisa vachifunga zvekuita.
“Daddy call an ambulance please.” Mai vemwana vakadaro.
Norest akapukuta kumeso ndokuramba akagara akatarisa mudenga achifunga. Asati awana zvekupindura, mudzimai akaridza mhere, vese ndokutarisa ndokuona mwana achitandadza, akapindura maziso ndokufema kekupedzisira.
Ndopakazopepuka Norest baba vemwana, vomhanya mhanya kuenda nemwana kuchipatara asi vakange vanonoka. Uye vese vaizviziva kuti kwave kuenda nechitunha kumochari.
Pakubuda kwezuva, hama neshamwari dzavo dzaiuya nekufonerana vachiita hurongwa hwenhamo yakange yavawira. Norest akawana mukana wekumbotaura naSimba, uyo akange otodawo kudzokera kumba kwake kuHarare.
“Ndave kuenda shamwari, zvamati muri kutevera nemwana by road, tichabatana kana masvika. Once again my brother, ndine urombo nezvakaitika.” Simba akadaro amirirwa nemotikari yaimuendesa kundokwira ndege.
Samba akati zvakare; “Ndingadai ndamira taenda tese asi unongoziva zviri kuHarare. Izvozvi ndawana message mudzimai wangu achiti vakarara kumba kwamai kuAvondale. Hanzi kwaive nemunamato usiku hwese. Hameno ndivananiwo………….”
“Oh oh ok ok ndosaka mhni nxaaaa!!” Norest akadaro ndokufamba achidzokera mumba achisiya Simba asinganzwisisi. Simba akapinda mumota ndokuenda kwaaindokwira ndege.
REMEMBER TO PURCHASE YOUR OWN COPY OF
#THIS LIFE#, and ALL OLD COPIES are still ON SPECIAL OFFER. $10 for 4 Copies!!
CONTACT +264 81 484 3456 FOR DETAILS (Please forward your requests and questions on WhatsApp & FB Page inbox. Please do not put your order in comments…..)
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion