Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Train Up A Child - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 5A)

Train Up A Child - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 5A) - Responsive Blogger Template

That Friday afternoon, Takunda akaona Sister vakamira naDorothy, akaendapo akanyatsodzikama after taking his time kunyatsovhara his shirt buttons, and tucking in his shirt nekuti zvaingogara zvakarembera inappropriately. Akabva aisawo rosary around his neck, like a Catholic child he was expected to be, kuti barika rake iri risaise attention on his scruffy trivialities.

“Sister, I want to donate some money kuvasikana veNzanga to boost their fund raising for Lent. If Dorothy can accept it. I have seen vari kutengesa tengesa twakawanda so I just wanna do my part.”
Dorothy akati; “Ko why don’t you donate kuvakomana kwauri, zvevasikana zvaita sei?”
“I am actually giving all Christian groups here, not vasikana veNzanga chete.”
“Inini ndiri Vice Headgirl not leader wevasikana veNzanga, leader wevasikana veNzanga ariko wani go and give her.”
“I am doing this anonymously my sister Dorothy, handidi kuti vanhu vazive, Sister Maria Goretti help me explain please.” Takunda akadaro boiling in suppressed anger nekuda kwerejection yaibva kuna Dorothy.
Train Up A Child - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 5A)
Sister Maria Goretti vakabva vati; “Yes Dorothy, tora undopa vasikana you will present it during their meeting on Sunday, and like he said usataure kuti yabva kupi.”
“Ndichauya nayo kuDining Hall. Thanks my little sister.” Akabva afamba achibvapo, vakadzi vakaramba vakanyarara vakamutarisa achienda, Dorothy ndokuti;
“This hooligan seems quieter this term nhai Sister.”
“Nhai Dorothy hauzive kuti you girls you mature faster than boys, iwewe at 16 you are more mature than him even at 20.”
Vakambonyarara Sister vachifunga ndokuti; “Chienda undoridza bell maForm 1 vaende kundoita cleaning kuHall mugare makachena for your Friday Movies. I will join you soon.” Vakaparadzana Dorothy ondoita zvaatumwa. Sister vakaenda to A’Level classes ndokudaidza Takunda. Vakati; “Ko hausi kuda kuona kuti parcel yawakandisiira yakandifita sei here?”
“Sure, I was going to ask, ndouya during Film time. ” Vakaparadzana like the student and staff they were expected to be.
Manheru acho, Sister vakapedzisira vave kutoita sedzashota modeling vakapfeka underwear yavakange vatengerwa nemwana wasahwira wavo. Takunda akanakidzwa navo achivatora photos nefone yake in all positions. Apedza izvi, akavapamha mutambo wemachocolate munhu waMwari akanzwa parere moyo.
Pavange vapedza dzungu rezvido zvenyama akati; “Sister MG siyanai nenyaya yaNancy nemudhara wake, stop pushing for it.”
“Nekuti zvadii, unomureverera after amai vake vakati ndinonyepa? After all she needs help mwana uya ari abused.”
Takunda akapfeka t-shirt yake achiti; “No, anozvida zvakadaro it’s her choice, her life.”
“She is being abused, mwana mudiki and amai vake is not concerned.”
Takunda akaseka roughly ndokuti; “Zvaari kuita nezvatiri kuita muno what’s the difference? You are supposed to protect me too, as a Hostel Matron, a mother in Christ, furthermore you are my mother’s friend, I am also a child, I am 18 yes but I am still a minor. Do you want everyone to see your fotos and the videos of how you are raping me in your ‘holy grounds’ Sister?” Sister Maria Goretti vakashama muromo.
“Right, let’s have a deal, if you pursue Nancy, then I will expose you too. Kana akadzingwa chikoro nemiwo Habit mokumura, I will send the video to all Social network sites and to the Media even kuna Pope zvinosvika izvi. But if you leave Nancy alone, your dirty little sex sin is safe with TK, holy virgin Sister Maria Goretti.” Takunda akabva abuda achisiya Sister vakashama muromo, vapererwa. Kubvira musi uyu the escapades stopped, vange votarisana zvekuzezana, Sister vange vanyarara, all shouting and reprimanding of students stopped.
Term iyi yakapera paSvondo raitanga Easter,Takunda was worried nekuti aisave nereport rekundotaridza vabereki vake. Teacher aisimuitira makore ese akange aenda, apa akafunga kuzvinyorera mukareport book kake kaigara kakapasiwa zvese, asi kuzowana school stamp ndokwakamunetsa.
Asi as always, mari yake yaimushandira zvese zvaaida. Maoffice ese emateacher aitsvairwa nevana vechikoro, a daily duty that students did just after breakfast. Akaenda kumusikana aitsvaira in the Deputy Headmaster’s office ndokuti;
“My sister there is something I need to check, I submitted my report here but mange mune hospital card manje I need it urgently, can I quickly check on his desk?”
Musikana aitsvaira umu akatarisa Takunda ndokudzungudza, “Mirira vauye or come back after assembly vanenge vave muno.”
Takunda akaramba akamira pamusiwo achiti; “Ndine appointment kwaDoctor now, handisi kutoenda paAssembly my sister. You are …ani zviya? The most beautiful girl in Form 3, next term paMiss St Matthias you will be crowned I tell you. And it’s organized by our class I will be one of the judges so ka1.”
“My name is Linnet, haumbondiziva iwe inhema dzako ….” Linnet akadaro.
“Yes yes Linnet we always talk about you kuBoys Hostel kuti you are Miss St Matthias, even the current Miss Zim salutes you.” Takunda akadaro seductively.
Linnet akanyemwerera achinyara nyara ndokufuratira Takunda, akatanga kupeta peta the Flags nekurongedza files and books zvaive mubook shelf yemutevedzeri wemukuru wechikoro, enjoying every sugar coated word that came from him. Meanwhile Takunda ange ave kutopedzisa stamping the necessary 3 pages in his report book. Takunda akaisa fake report mupocket yeblazer rake. Akabudisa mari mupocket make ndokuti, “Don’t tell anyone kuti I have been here handiti, ndichazoona Deputy Head kana vauya. ”
“Mange muchida chii zviya, you can just check padesk pavo mukoma.” Linnet akadaro akasekerera. Takunda akazhinyawo ndokuti;
“No no no its fine, pretty girl, see you around.”
Akabva apa ndokuenda kuHostel, aizochinja handwritings and pens to suit what his parents wanted to see.
Chikoro chakavharwa first term pasina akazobvunzazve nyaya yaNancy. Sister Maria Goretti ndovakamudaidza vakati;
“Mateacher ese anoda kuti udzingwe pano nenyaya yasekuru vako vasinganzwisisike, asi ndakakureverera kuti unyore Form 4 upedze. I promised everyone that I will counsel and guide you. Help me by telling sekuru vako vasauye pano please.” That was it, musikana akandofarira sahwira wake Takunda akange agona kuwana support yaSister Maria Goretti, God-knows-how. Takunda akaendawo kuholiday nereport raitarisirwa nevabereki vake. Rechokwadi rakange rakanyorwa kuti ave serious nechikoro haana kuribudisa zvachose asi aive naro.
Vari paholiday kudaro, nemumwe musi iri Saturday afternoon, TK akatora BMW yamai vake ndokuenda kuGlen View kumba kwana Patrick, vakomana vakambotenderera vachiita nyaya asi TK akange asina kuendera kuGlenView kundoona Patrick. Sahwira akaramba kundosvika pamba pana Dorothy, akati aizeza amai vaDorothy vaisasekerera munhu anouya kumwana wavo. Takunda akati rega ndinoona kuti vachanditema nedemo here.
Akasvikogogodza, Dorothy ndiye akavhura musuwo, musikana akavhunduka zvekuti akatombovhara musuo ndokuzobuda otarisana naTakunda;
“Unodei pano? Waratidzwa nani pano?” Dorothy akabvunza achifamba kubva paverandah pavo vachiswedera kure nemusuwo kuti amai vasanzwe.
“Ah shamwari is this how you treat visitors pamba penyu?”
“Taura kani, wauya kuzodiiko, amai vangu havade visitors pano, especially people like you.” Dorothy akadaro achida kuti Takunda achienda. Asati apindura, musuo wakavhurwa amai ndokuti;
“Iwe Chipochashe ndianiko wausingapinde naye mumba?” amai vakamira vakatarisa vana, Dorothy akafamba achidzokera mumba achisiya Takunda akamira akatarisana naamai vake.
“Ndiwe ani? Unodei pano?” mai Dorothy vakabvunza.
“Makadii mamma” Takunda akadaro achibvisa cap yake. “Ndinonzi Takunda Makonese, tinodzidza tese kuSt Matthias naDorothy”. Amai havana kupindura vakadaidzira kuti Dorothy adzoke pavaive, musikana akadzoka ndokumira nechekure namai vake. Aiziva kuti ruoko rwavo rwaisazeza kusimuka rwuchikwatura mbama at any given moment. “Unotizei nhai Chipo? Uchisiya munhu wekuchikoro kwako akuvinga uyu.” Amai vakadaro accusingly.
“Aiwa amai ari Form 6 uyu, ndotoshaya kuti anodei pano, handitaure naye ini.” Dorothy akadaro.
“Wazvinzwa? Ati haade kutaura newe chibva pano.” Amai Dorothy vakadaro vabata musuwo kuti vadzokere mumba mavo. Asi Takunda akatofamba achivatevera,
“Ndangouya kuzokukwazisai mese ini mamma, and ndanzwa kuti kuGlen View High kune some holiday lessons and discussion groups, so ndozvandange ndichida kubvunza kuti Dorothy haasi kuenda here?”
Mai vaDorothy vakashamisika, “Nhaiwe, iwe uri Form 6, Chipochashe ari Form 4, saka chaunoda kuti mundoverenga mese chiiko nhai?”
“Ndipeiwo mvura yekunwa mamma.” Takunda akadaro achiswedera kwavaive. Mai Dorothy vakaseka vachizvirova maoko.
“And vana vamazuvanoka, zvakaoma, handina kumbofunga kuti ndingatoita nguva ndichitaura newe. Chipochashe ipa mukomana uyu mvura yekunwa aende.” Dorothy akapinda mumba ndokuuya nemvura yekunwa opa Takunda.
Mai vaDorothy vakati, “Wati unonzi ani? Handidi zvangu zvevanhu vanotenderera pamba pano zvisinganzwisisike wanzwa, tamba nevezera rako, Chipo ane vasikana veForm 4 vaanotamba navo. Handidi kukuona pano futi wanzwa here? Twukomana twunongofamba twusina zvekuita, woti kana usina zvekuita wozoitira pano pamai Chipochashe?”
“Sorry mamma, ndangouyawo zvangu kuzokuonai imimi naDorothy uyu, hapana zvakawanda zvandange ndichida, and am not a stranger to her. Nhai Dorothy udza mamma kuti I am harmless.” Mai vaDorothy vakasvotwa ndokuridza tsamwa vachipinda mumba. Vakamira pamusuo ndokuti; “Ndikadzoka wakamira ipapo ndiri kukudira mvura inopisa uwane zvekundoita pamubhedha wehospital, nonsense.”
Dorothy akasimudza ruoko kunge aida kusairira Takunda ndokuti; “Chienda please uchandirovesa”
“Ndodzoka rini, handiende ngavauye vandirove.” Takunda akadaro achidhonza chair yaive paduze neverandah ndokugara.
Dorothy akafemedzeka ndokuti; “Ok ok, uya neMonday vaenda kubasa, please leave, chienda kani.”
Takunda ndopaakazofamba oenda kumota yake ndokubva pamba pana Dorothy. Amai nemwana vakasara vombogarisana dare pamusoro pemwana wekwaMakonese. Dorothy akarambisisa kuna amai vake kuti pane zvaivepo pakati pake naTakunda. Vakagotanga rwiyo rwavo rwamazuva ese rwekuti aitofanira kupasa chikoro asiyane nezvevarume hazvibhadhare, iyewo achitarisa zvaive baba vake, mashoko aamai vake aive echokwadi, uye aive ekutevedzera A to Z.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion