Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 2)

Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 2) - Responsive Blogger Template

Waive musi weSvondo muguta reHarare kuAvondale, vanhu vaibuda muchurch yaitirwa muHall yaive muAvondale makare Yaive Euthenia Ministries yaitungamirwa naBishop Isaac Gambiza.


Bishop vakange vakamira pamusuo wekereke yavo vakatarisana nemudzimai wavo, vanhu vese vachipfuura nepakati pavo vachikwazisa vakuru vesangano ravo. Vatungamiri vechurch ava vaisekerera munhu wese aipfuura apa, vamwe vaikwazisa nemaoko, vamwe vaiita hugs, vamwewo ndovaingotyora muzura vari kure. Asi munhu wese aibva ambopfuura nepedyo naBishop nemudzimai wavo.

Euthenia Ministries raive sangano range rave nemakore mashanu chete ravambwa, rakatanga vachingosangana vanhu vashoma vachinamata pakati pevhiki. Kusvika vakwanisa kumisa tent yavo, nhasi vange vave muhall hombe yavaiparidzirana nekushumira musi weSvondo wega wega. Bishop Isaac Gambiza vaive murume wechidiki aive ne32 years, mudzimai wavo mamma Doris vaive ne28 years. Vari vaviri vaitungamira sangano iri.

Chaitora moyo pasangano iri maive nevechidiki zvakanyanya, ages 16 – 40 years chete, nevashoma shoma vaive vechikuru uye Elders in this church. Uye hapana aiuya netsoka, chivanze chese paHall apa dzaive mota dzega, dzaienderana nevanhu vaive muchurch. Panguva apo Bishop vaiparidza munamato uchienderera, paive nevakomana vaibhadharwa naBishop pachavo kuti vapukute mota dzese dzavatendi panze, kubvisa guruva.

Zvaitozikanwa kuti muguta Sunday afternoon ukaona mota yakachena, ine shining body and wheels, mutendi wekuEuthenia Ministries, sangano revechidiki, the young, educated, successful and prosperous ones, ndovaive vateveri vaBishop Isaac Gambiza. 

Euthenia, a Greek word that means prosperity, abundance and plenty, mwari wepfuma yese, the god of all silver and gold, mwari wezvakawandisa, zvizhinji. Ndiye aiparidzwa paEuthenia Ministries apa. Saka musangano iri hapana aitambura, vana vesangano vaibudirira kumabasa avo nekumabusiness avo. 

Kana zvafaya kumubati wemaoko avo, vaiuya vachitenda Mwari nekupa muchurch mavo, vaiita makwikwi ekubudisa mari yaipinda muBank Account resangano. Vese vaishanya kana homwe isina kumira zvakanaka vamwe havaizodzoka zvachose. Asi vaivemo vaifara nezvaivemo uye zvaivaitira, nhamo nekushaya chaive chitema musangano iri.

Mudzimai waBishop Gambiza, Doris aitsigira mharidzo dzemurume wake, dzekubudirira. Kana usina mari, zvaireva kuti hauna Jesu. Vakadzi vemusangano umu vaitevedzera mai Bishop, mai Mufundisi wavo kugona kugeza nekupfeka zvemhando yepamusoro soro. Vaiita misangano yavo, yeWomen’s Fellowship, Kitchen parties, Baby Welcome parties uye Birthday party ramai Bishop raiitwa gore negore kumahotel akaita seRainbow Towers neJameson Hotel vachivapa zvipo nekuvakudza pahutungamiri hwavo. 
Too Busy To Die - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Mrs Doris Gambiza vaive mudzimai wanhasi aigona kudzidzisa madzimai esangano rake kugeza nekubata dzimba dzavo nevarume vavo zvakanaka. 

Birthday raBishop Isaac Gambiza raiitirwa paOrphanage kana pasi peBridge pane maStreet kids vodya nekunwa nevana ava. Paidaidzwa vanhu venhau vese zvavo vaiwanikwa muHarare, kusanganisira nemaAdmin epaFacebook neepaWhatsapp kuti nhau dzisvike kwese kwese. Uye nyika yese yaifanira kumboita svondo rese ichigovana nhau nemifananidzo yaBishop Isaac Gambiza on all social networks.
Nerimwe gore Bishop vakapotsa varegera kuita birthday party yavo nekuti kwakange kwashaikwa weZBC aiuya kuzotora nhau nemifanikiso, Bishop vachidya nekunwa nevana vanoshaya vanorara pasi peBridge. Izvi zvairongwa nechurch administration yeEuthenia Ministries, under the instruction yaBishop pachavo.
Hutungamiri hwechurch iyi hwakange husina kukura aiwa, kunze kwaivo Bishop nemudzimai wavo, kwaivewo naPastor Richard Dube nemudzimai wavo Mrs Molly Dube, vaivewo vechidiki vaishanda musangano iri.
Aive secretary wechurch aive musikana ainzi Hazel Moyo aive neCompany yake yaigadzira madrinks muHarare makare, ndiyezve aive mukuru wePraise and Worship team. Tsikombi iyi yaiimba zvekuti waiti ane magitare mumuromo here, ndiyezve aive Personal Assistant waBishop.
Ko iyo Euthenia Ministries yakambotanga sei chaizvo…….
Isaac Gambiza akange aita degree rake reSocial Work paUniversity of Zimbabwe, akaita makore matatu basa richinetsa kuwana. Akazowana basa maTM Supermarket maive ari Till Operator, aingowanawawo mari yekuti ararame ari ega, sejaya.
Aiendawo kuminamato nevamwe muEvangelical Church maakange akurira. Aigona chose kuparidzira vechidiki nekutungamira Bible Studies, uye Counselling yaakange adzidza paaiita degree rake yakaita kuti vana Mufundisi vamufarire vachiendesa vanhu vese kwaari kundopiwa ruzivo nekubatsirwa kuronga zveupenyu hwavo. Ruzivo rwake rweCounselling techniques nekuzobatanidzira neShoko raMwari zvakamuita munhu ane chiremera pakati pevezera rake nekuvakuru zvese.
Paakaona nevanhu vakuru vakaroora nekuroorwa vouyawo kwaari, mukomana akamera manhenga ePeacock chaiwo. Akati ko izvi zvikandiitisa mari ndinenge ndakanganisa chii, kushandisa chipo changu chekugona kutaura, ndichiudza vanhu zvavanoda kunzwa. Asi vakuru vesangano havana kuzvitsigira zvachose nekuti Church yavo yaiita free Christian Counseling.
Isaac akatanga kurwadziwa nekuti dzimwe nguva aifamba netsoka zve5km ashaya mari yeCombi, osvika hembe yake yakatota nedikita muhapwa nemusana, apa hembe yacho yange yasefeka, collar yapindurudzwa kuti awane chekupfeka. Bhutsu yake yange yapera divi, yanzwawo nekusonwa kuti awane kutingura netsoka mutara achienda kubasa nekuchurch.
Aiwana pachurch pane vanhu vakaita mudungwe vachida kupiwa mazano naye. Apedza kuvabatsira zvavaigutsikana, vaipinda mumota dzavo voenda iye ozotevera netsoka. Mufundisi vaisara vomutenda nemuromo, vaimubata musoro vomunamatira voti Mwari achakukomborera.
Paakazoita mazuva matatu achirara nenzara iye asiri kutsanya, akavhura WhatsApp group rake. Group iri raive revanhu vekuchurch vese uye vakawanda vamwe vaaive nemacell numbers avo vakange vangouya kuChurch for Counselling. Mukomana akagara pasi ndokutevedza mazita evanhu vese vemuChurch aaive nawo achibvisa vaive nezvigaro muchurch nevaaiziva kuti vainyanya kuda church yavo, uye vaiwirirana nevakuru vesangano.
Akabva adaidza vanhu vese kumunamato padyo nekwaairoja. Sezvo wese aiuya pachurch aiendeswa kuCounselling kunaMukoma Isaac, vanhu vakawanda vaive vatsva musangano vakatevera invitation iyi vakaenda kumunamato kwaMukoma Isaac.
Pamwedzi wetatu achiita minamato iyi, vanhu vaibvisa zvipo after every prayer session. Izvi zvakabatsira mujaya uyu akaona chiedza pane zvaakange atanga, mbiri yekuparidza kwake neCounseling yake yakafamba zvekuti vanhu vange vongoudzana kuti kwaita mukoma Isaac uko.
Pakazouyawo baba namai Maruta vaive nemwana wavo mukomana akange ane 15 years. Akange ave kunyura mune zvinodhaka, drug addiction chaiyo. Vaida kuti Mukoma Isaac amunamatire. Isaac akaita munamato akabata mukomana uyu musoro asi aiziva zvake kuti waive munamato nhando, hapana zvawaizochinja pamukomana uyu, akange asina simba racho rekuita minana paupenyu hwevanhu.
Akabva azoti kuvabereki ava vamupe nguva, aida kuzoona mwana wavo zuva nezuva kwe 2 hours, everyday, for the whole month. Saka mai Maruta vakange vondotora Mukoma Isaac nemota yavo kubva kuTM Supermarket kwaaishanda kana achaisa, voenda naye kumba kwavo, ondoita 2 hours vari vaviri nemwana wavo, vozoperekedza mukoma Isaac kwaairoja kuBudiriro.
Apa Isaac akavhura mabhuku ake from the Zimbabwe School of Social Work akaverenga how to rehabilitate a drug addict at home. Akafunga zvese zvaaidzidziswa pa4 years dzaaive paGomo refundo akazviita pamukomana uyu. Aizopedzisira nekuita munamato nemhuri yese, zvekuti vabereki vakafunga kuti mwana wavo aibviswa mademon.
Mushure memwedzi wese, mukomana uyu akasiya zvese zvinodhaka, uye akange owirirana namukoma Isaac vachienda kuminamato vese. Baba namai Maruta vakafara chaizvo vakatengera Isaac mota yavakati yakange yaita mari yakafanana nemari yavakange vanzi vazobvisa kuSouth Africa kuRehabilitation Centre kwainzi mwana wavo aende for Therapy. Vakamutengerawo tent raiungana vanhu vachinamata. Isaac akabva atanga kuita minamato yake chero nemusi weSvondo akasiya zvekuchurch kwaaimboenda.
Isaac akamboita nguva achitenderera mumaPentecostal Churches ese matsva ange angotekeshera neguta achiona kuti vamwe vaparidzi vanozviita sei. Akabva azotanga kuita zvake ega, Euthenia Ministries ichibva yabarwa. Baba namai Maruta vaive vamwe vevakuru vashoma vakavamba church iyi.
Isaac aivakudza pese pese, vaive Elder and Elder Mrs Maruta ndovaaitanga kukwazisa nekumbotaura nezvavo asati ataura chinhu ari paPulpit. Ndovega vaaibvumira kubata musoro wake akapfugama vachimunamatira asati apa mharidzo yemusi iwoyo, semaElders muEuthenia Ministries. Ndovaaitanga kutenda Mwari muminamato yake paainamatira sangano rake. Vaigara kumasofa mberi kwechurch, vaive vabereki vake muchurch.
Paakaona madzimai nevasikana vonyanya kumutevera, nekumudaidza kumaDinner pakati pevhiki, kumuvigira packed lunch, kuzomuwachira nekutsvairira kuFlat kwaange ogara ega, akabva afunga kuroora. Kana baba namai Maruta ndoyange yave nyaya kuti dai achiroora sangano rawana amai, uye iye awana chiremera, achidaidzwa kunzi Baba Isaac Gambiza kwete Mukoma Isaac.
Musi weMuvhuro wega wega, Isaac aienda kuBank kundoisa mari yeTithes, Offering and Seeding ega, pacounter yeBulky Deposits paive nemusikana wechidiki aishandapo nguva dzese. Sezvo counter iyi yaive yevemari, vaigara pasi mari ichiverengwa, votombopiwa coffee and biscuits kana juice basa richiitwa.
Mukoma Isaac vakawana nguva nemusikana uyu kusvika vave kuonana kunze kweBank. Ndokuroora kwavakaita Doris, mudzimai wavo, vakasarudza aive kunze kwechurch zvachose kuti vakange vazviitisa makwikwi vega vashaye chekutaura.
Doris akagutsikana achipfimbwa nemukuru wesangano raive nembiri mazuva aya. Paakazondoratidzwa kuna baba namai Maruta, vachizoperekedza Isaac kundomuroora, akati aya ndiwo makomborero vasikana, munongonzwa imi. Vakabva vaita mwana wavo wekutanga gore iri.
Kumusha kwaIsaac kwaMutare, vabereki vake vakafarawo chaizvo nekubudirira kwemwana wavo, after years of crying, complaining and frustrations. Pavakaona achitsigirwa nababa namai Maruta, vairatidza kuve vanhu vakuru vanoremekedzwa, vakafara nazvo uye vaipotawo vachishanya vachizoona dangwe ravo achiparidza musangano rake.
Sisi Hazel vakange vatanga kuuya kuchurch apo mai Gambiza pavaive kumasungiro vandosununguka mwana wavo wekutanga. Bishop Isaac vaive vega mumba mavo kuAvondale, ndokwavakange vazotenga imba yavo mushure mekuchata, padyo nepavaiitira church yavo. Sisi Hazel vakauya vachida counselling, vaive neCompany yavo yaigadzira drinks, mamwe were to dilute mamwe ari ma ready to drink, vaiendesa kumasupermarket eMashonaland yese zvayo, mari yaisave dambudziko kwavari.
Nhamo yavo vakange vave ne30 years asi vasina murume airatidza kuda kumisa imba navo. Sisi ava vakaeredza misodzi pamberi paBishop I. Gambiza vachizvidemba kuti vave kungopfimbwa nevarume vakaroora chete, ko vasina vakadzi vacho vaivepiko.
Bishop Isaac vakataura nasisi ava, vakavadzikamisa, vakakwanisa kuti mhandara iyi ipinde church nekubvisa chegumi chebusiness rayo muEuthenia Ministries. Musikana akabva apinda muPraise and Worship semunhu ange agara achingozvigonera kuimba. Kana kuchikoro aitodaidzwa kuti Mariah Carey nekuti huro yake yaibvuma kubudisa manzwi akakwenenzverwa mushe mushe.
Sisi Hazel vakawirirana naPastor vakavimbiswa kuti vachasanganiswa nemurume achavaroora musangano iri. Asi sezvo murume uyu ange asati avepo, sisi Hazzie vaikwanisa zvavo kupota vachitandadza Bishop, vachivafadza nekudziyisa nhovo yavo, especially mazuva avakasangana aya mai Mufundisi vasipo kudai. Pakadzoka mai Mufundisi vakabva vangosanganiswa vachinzi new member aidawo orientation yamai Mufundisi.
Vakadzi vakawirirana chaizvo kusvika mai Mufundisi vatomuti aite Personal Assistant waBishop, nekuti Tithes yake yaikwana kuti Bishop vatenge ticket rendege vachienda South Africa, Nigeria kana America kumisangano yevabati vebasa raMwari. Nedzimwe nguva Bishop vaienda naPA wavo vari vaviri, amen! Amai Bishop vosara vachitonga sangano vachibatsirwa naElder and Elder Maruta.
Bishop Isaac vaisada kuzivikanwa nezvehumwe hukama hwavo nasister Hazel, ivowo sister Hazel vaisadawo kuzivikanwa nekuti vaida kuti vazowana murume musangano vagoitawo white wedding semhandara yaive ine tsika nehunhu hwakarurama. Saka vese vakaona kuti kuwirirana kwamai Bishop naHazel chaizvo ndokwaizovavhara mashoko nekutaura kwevanhu, uye kuvhara maziso evaye vaida kuonesa zvisinei navo.
Hazel pese paaienda kunze kwenyika nebusiness rakewo, aitengerawo mudzimai wemukuru wesangano mbatya netumwe twechikadzi twusingaperi. Izvi amai vaizvifarira nekuti vaidawo zvekukurira vanhu vese kupfeka imports musangano ravo.
Pastor Richard Dube ndovaive Assistant Pastor muEuthenia Ministries, mutevedzeri waBishop Isaac Gambiza. Pastor Richard aive mumwe wevakange vatanga sangano vachiri mukoma Isaac. Murume uyu aive Public Relations Officer kuNational Foods.
Pastor Isaac vaive ivo vega vaive full time Pastor musangano mavo, vamwe vese vaivabatsira asi vaine kubasa kwavaienda, nekuti vaisada zvekugurirana chegumi chaibviswa nevatendi nevanhu vese vese.
Mari yese yaipinda musangano yaive yake, Isaac Gambiza, chaive chipo chake chenjere dzake. Kana paine aisvotwa nemaitiro aBishop musangano iri, airatidzwa musuo, apa musuo wacho waigara wakavhurika kuti vanopinda vapinde, vanobuda vachibuda vaende zvachose, no regret no remorse, Bishop was not going to miss them, amen.
Once in a while vaipawo assistant Pastor wavo some allowances uye kumbomubvumirawo kuti aite matrip ane chekuita nesangano. Izvi zvaimufadza chaizvo zvaiita agare achiterera mukuru wake.
Mudzimai waPastor Richard, Molly, aitevedzerawo mai Bishop vake chaizvo, kukudzwa kurumbidzwa nekupiwa zvigaro zvepamusoro pese pavaifamba kwaimufadza chaizvo. Zvakaita kuti afarire rwiyo rweRoma rwavanoimba vachiti “Kwaziwai Maria makakomborerwa pakati pevakadzi”, iye zvake pane kuti ati Maria, aizoti Molly….
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion