Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

This Life - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 2)

This Life - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 2) - Responsive Blogger Template

Tsitsi akandomhanya mhanya pamba pamai Ndoro pavaishandisa seLodge. Apa pairara vaipfuura nepaGokwe Center kana vaiuya kuzoita zvemabhizimusi avo. Tsitsi ndiye aive mubiki nemutsvairi wepanzvimbo iyi. Apa aipafairirawo nekuti ndopaaiwana mari chaiyo isiri dheka resadza nemuto sekumusika, hwaive upenyu, kushandira sadza seimbwa.

Vairarapo vazhinji vamwe vaizokumbira kuwachirwa kana kubikirwa tumwewo, vaizomubhadhara mari yake isinei namai Ndoro. Vamwe vaifarira basa rake vaimutendawo, zvisinei ne receipt yepaLodge apa. Vamwe vaizomusiirawo mafuta ekuzora, sipo, kana chikafu netwumwe twakasiyana siyana. Zvese izvi zvaimubatsira zvakanyanya kurarama upenyu hwake.

Manheru aya varume vekuCompany yemaGonyeti yainzi Power Trucking vakapaka maGonyeti avo kuSpar ndokupinda vese mumusoro weGonyeti raSupervisor wavo Sithole, vorara pamai Ndoro. Vakange vaswera vachitakura marasha kubva kwaChireya vachiendesa kuMunyati.

Seraive basa rake, Tsitsi akaona vese vauya ndokugadzira tafura yechikafu chavo ndokumirira kuti vadye akagara panze. Sekunze kwaipisa, varume vese vari vashanu vakazviisira chikafu chavo ndokubuda panze paive naTsitsi vondodya.

Vakatanga vachitaura nyaya dzavo vega dzekubasa kwavo, mumwe wacho ndokuzoti; “Ko iwe Tsitsi asi hauende kuchikoro?”
“Ndakapedza O’Level.” Tsitsi akadaro akatsikitsira. Mubvunzo uyu waimusvota zvakanyanya. Aidawo kuve muchikoro sevamwe vezera rake. Sei vaifunga kuti zvaimunakidza kuswera achitosvorwa nechiutsi achibika sadza, achiripwa nesadza?
“Ko course? Endawoka kumaCollege kunoenda vezera rako.” Mutyairi weGonyeti uya akadaro zvakare. Tsitsi akaramba akanyarara.

Mumwe murume akange akagara nechekunze akati; “Iwe Chiza, unoti dai aikwanisa aisaenda here? Une makore manganiko Tsitsi nhai? 16 or 17?”
“17 years.” Tsitsi akapindura akangotsikitsira.
“Yes une zera rimwe chete ne second born yangu, ari Form 5 manje.” Murume aive padyo naTsitsi uye ari Supervisor wavo akadaro.
Chiza uya akabva ati; “Mukoma Sithole, what I mean is, ari kushanda pano apa, even mari dzisingabatane, basa iri can be done during weekends and after school. Mari iyoyo can be used for fees and uniforms. Ndichavabvunza mai Ndoro.”
VaSithole vakatambidza Tsitsi ndiro yavange vapedza kudya ndokuti; “Tsitsi ave negore rese achishanda pano uyu. Ihama yamai Ndoro. Iwe Tsitsi, ava ndivaChiza, ava vaMazare, ava vadiki vaviri ava ndiMlambo naTungwa. Havazive mashandiro ako ndosaka vachitaurisa.”
Varume vese vakambotarisa Tsitsi uyo akaramba akanyarara akatsikitsira. Musikana akabva asimuka opinda mumba kundosuka ndiro.
VaSithole vakasara vachiti; “Siyanai nazvo, zvinenge zvine backgrounds. Kana muchida kubatsira Tsitsi ingoitai makanyarara. Dai asiri pano akatofa nenzara.” Vamwe varume vese vakabva vanyarara, vese vakange vapedza kudya Tsitsi ave mumba ave kusuka ndiro.
Mlambo akasimuka achibatidza fodya yake ndokuti; “Todii varume? maRoom aambuya ava anobhowa tinorariswa two/two setiri muhostel, tokecha sei?”
Chiza akashama n’ai ndokuti; “ah vapfana imimi kurai mhani. Ndimi munoita kuti vanhu vese vangoti maGonyei drivers tisu tinonyanya chipfambi nekuparadzira AIDS. Dzikamai, mangwana we will be busy zvakaipa, inga shefu Sithole vatipa program wani.”
Mlambo akafa nekuseka ndokuti; “Saka iwe ndiwe ungagadzirisa reputation yechipfambi cherudzi rwese? Uri wega pasi rese? Kana maTeachers taingonzwa kuti vanonyanya chipfambi, kana maSoldiers and Police Officers futi, nemaDoctors anongotaurwa the same. But avo basa ravo riri panzvimbo imwe chete. Isusu nekuti tinofamba kwakawanda vave kunyanya kutitaura. Asi ipapa wave kutorara wega, achazviona ndiani kuti agoti haasi magonyeti drivers ese anohura? Kuti audzewo vamwe kuti Chiza anotorara ega kana madam yake isipo. Such is life wena.” Mlambo akakachidzwa nekuseka kwaaiita.
Vese vakamboseka vachiterera zvaitaurwa nemumwe wavo. Tungwa akabva ati; “Iwe mudhara Chiza uri kurara na8pm so, mukadzi wako anozvibvuma izvozvo kuti watorara wega? Ko hama dzake? Ko shamwari dzake? Paanongoti baba vari paGokwe Centre svondo rese, vese vanomudemba vomuudza kuti kana vadzoka muite makadzivirira. Wodyisirwa sweet mupepa mumba mako futi shame! Mugoenda kuNew Start, womirira window period ichakwana after dzimwe 10 trips. Kana yokwana wotangazve. This life, zvakaoma.”
Chiza akaseka ndokuti; “Ndogara ndichimuudza ini mudzimai wangu kuti asi munoti handityewo kufa here? Uye ngatiraramei zvemumba medu. Tingararame zvekwevamwe here? Torarama nekuti vanhu vanoti chii about basa rangu here? Saka kana ndichichengeta mhuri yangu mukadzi ngaasiyane nezvekunze.”
Tungwa akasekawo achiti; “Ya, muri good boy mudhara, well done. Asi mukaona imi baba muchifarira kurara mega so, chizivai kuti amai ndovari kutandadza vanhu pese pamunobuda. Marriage kusanganisa imbwa nemunhu. Kana usiri iwewe imbwa, saka mumwe wako ndiye.” VaChiza Havana kuzopindura izvi, vakaridza tsamwa ndokupinda mumba mavaindorara.
Amai Ndoro vakabva vasvika ndokupaka motikari yavo. Vakakwazisana nevarume vese vaive panze ndokuti; “Wapedzaka iwe Tsitsi handei ndinokusiya kwambuya vako.”
Tsitsi akandogara mumotikari mamai Ndoro achivasiya vachitaura nemaCustomer avo.
“Mother tine washeni woka toda kuwachirwa mahovhorosi edu.” Tungwa akadaro.
“No problem, budisai zvese tiverengerane mari dzacho. And mangwana by the time yamunodzoka na5 manheru, dzinenge dzaainiwa dzese dzave kunhuhwiria sezvamunoda.” Mai Ndoro vakadaro varume vese ndokupinda mukati vondouya nembatya dzavo dzaida kuwachwa. Mai Ndoro vakaverenga zvese ndokureva muripo wavo wavakabva vapiwa ipapo. Vakaonekana, amai vechikuru ava ndokuperekedza Tsitsi kumba kwavo sezvo kunze kwakange kwadoka.
Tsitsi akawana mbuya vake vachakagara mukitchen mavo, vaidya nzungu nyoro dzakakangwa. Vakakwazisana Tsitsi ndokutora kanduro ondogeza muchimbuzi. Akadzoka pasina nguva ndokutandara nambuya vake.
“Ko nzungu madziwanepi?” Tsitsi akabvunza ave kudyawo.
“Dzauya neshamwari yako Tinashe. Auya nevamwe vakomana vatatu vakatandara chaizvo pano. Ndivo vakanga nzungu idzi. Vabva pano manje manje vange vachifunga kuti uchakurumidza kudzoka vachiri pano, asi vazoona kwanyanya kudoka vakaenda.”
Tsitsi akashama n’ai achiti; “PaLodge panononoka nekuti ndinosiya ndasuka zvese, kumusika tinosiya zvimwe tosuka makuseni. Inga Tinashe aita hake.” Tsitsi akadaro achishama n’ai dzekuneta.
“Dai Mwari vachikupai zvamunokumbira muzukuru wangu. Shamwari yako Tinashe munhu akanaka. Munochengetana.” Mbuya vakadaro neinzwi rairatidza kushushikana neupenyu.
Tsitsi akanyemwerera achiti; “PaEaster kana maiguru vake vakauya, vachanditsvagira nzvimbo yekundoita kosi. Muna September ndotonodzidzira kuita nurse ambuya.”
Mbuya vakanyemwerera, kahana kachirova netarisiro iyi; “Tinotenda Mwari. Nhamo yese iyi ngaisakubata muzukuru wangu. Zvenhoroondo dzemisodzi yakare, dai Mwari adzima pauri.”
Tsitsi akabata mbuya vake ruoko ndokuti; “Idzo nhoroondo dzamusingade kutaura vana babamukuru vanogara vachizvitaura. Kana ndikaita nurse zvenyu ambuya, vachakuregereraiwo. Ndigoroorwa naTinashe vagodya pfuma yese. Kana vadaro vachatifarirawo. Tigovewo mhuri imwe chete navo.”
Mbuya vaTsitsi vakagomera gomera ndokuti; “Ndiwe ungaripa mhaka dzezvivi zvangu zvese here, nhai muzukuru wangu? Chakandiwanawo muupenyu hwangu.”
Tsitsi akambofunga ndokuti; “Kugara vakatsamwa kunotipa munyama nenhamo yese iyi ambuya. Asi kana vakadya roora rangu ndiko kuvaripa kwatichaita ndobva ndakuchengetaiwo ndave nurse. PaChristmas chaipo ambuya, ndinenge ndave nemari. Handiti munoziva kuti manesi vanobhadharwa vachiri vana vechikoro? Christmas yegore rino tinenge takachena, takaguta ambuya.” Tsitsi akadaro ndokuseka vachirovana maoko nambuya vake.
This Life - Stories by Lovely Rutendo Nzira (Part 2)
Tsitsi akaenderera mberi nenhaurirano iyi yairatidza ramangwana rakasiyana uye rakajeka; “Kana maziso enyu aya, kana ndave nurse ndichaziva Doctor anokwanisa kukugadzirai. PaChristmas apa chaipo ambuya munenge mave kutoona zvakanaka nemaziso ese.” Pakave nekuseka kwekufara nekukugutsikana neupenyu.

Tsitsi akasimuka, aive netwumisodzi twekufara mumaziso ake. ndokundowaridza magumbeze avo kwavairara, akadzoka ndokubata ambuya vake ruoko ndokufamba vondorara. Ambuya nemuzukuru vakamboita nguva vachironga upenyu hwavo hutsva. Vese vaiona kuti gore iri raizopera upenyu hwavo hwasanduka zvachose.

Pamazuva ese aitevera Tsitsi aindoshanda paLodge, aitsvaira nekubikira vatyairi ava. Musi weMugovera vese vakafuma vachienda. Akazosvika paLodge apa pasisina munhu.
Akasara owacha nekuchinja magumbeze ese avakange vashandisa pavakange varara kwemazuva mana aya. Akanhonga nhonga mafuta ekuzora, twekudya twakange twasarira mufiriji, uye vese vakange vamusiirawo mari vachimutenda pazuva rakange rapfuura mai Ndoro vasati vazomutora.

Mushure mekuwacha nekuisa magumbeze aya panze kuti aome, Tsitsi akapinda mumba ndokutsvaira achirongedza. Paange amirira kuti zvaive panze zviome, akapinda mune imwe imba ndokurara. Akange aneta chaizvo sezvo kutsvaira kwake kwakazosanganisira nekusakura pachivanze. Akati ndomborara, ndozomuka ndoayina nekurongedza maSheets ese nemagumbeze.

Musikana akange akabatirwa nehope zvakanyanya paakanzwa achibatwa pakati pemakumbo. Akasaidzira maoko aimubata kuhope ikoko ndokunzwa onyanya kubatwa, akabva avhura maziso. Vakatarisana, Tsitsi achisanganidzana maziso navaSithole , supervisor wePower Trucking vasina kusimira, vakashama kuti hwiru kunge vachangobuda mudumbu raamai vavo. Murume mukuru uyu akange ari pamusoro pake.
Iye Tsitsi akaona skirt yake yaive ne elastic muchiuno yave kumabvi, vakange vaedza kumukumurawo. Akaona asara nekaT-shirt kega.
Akaedza kumuka vachibva vamusaidzira pamubhedha pakare. Akaridza mhere isina kure kwayakaenda nekuti vakamuisa gumbeze mukanwa. Vakabva vadambura bhurugwa rake romukati ndokukandira pasi.
“Nyarara mhani, what’s your problem? Ndinokuda iwewe, you are so beautiful.” VaSithole vakadaro ziso ravo rakatsvuka zvakanyanya nenzara yechirume. Upenyu hwake hwese Tsitsi akange asina kumboona ukasha sehwaakaona apa mumaziso ababa ava. Kumeso kwababa ava kwaireva rufu chairwo. Akapfiza pfiza achiedza kuvhara makumbo ake asi simba remurume uyu rainge gonyeti raaityaira.
Akatsimbirirwa maoko ese akanzwa seachekwa nebanga pakati pemakumbo. VaSithole vakange vamudambura humhandara hwake. Vakaramba vachiita zvavaida vari pamusoro pake, vachitamba naye semudzimai wavo, sekuda kwavo.
Tsitsi akarwadziwa mweya wake, vakange vamubvarura zvese; nyama, mwoyo nemweya vachimubata chibharo muLodge umu masikati machena. Akarangarira achiita seave nedzungu ndokufenda. Kutya, hasha, kupererwa, zvese neshungu zvakange zvakamubata zvakanyanya. Upenyu uhwu hwakange hwamuita zvinorwadza.
Akazomuka pave paya ndokuona akarara ega, pamubhedha paive neropa uye mamwe magumbeze aive pasi. Akazvimanikidza kumuka, akaunganidza mbatya dzake, kabhurugwa kake kakange kabvaruka zvakanyanya, kaisapfekeka. Akambotenderera musoro achifunga zvakange zvichangoitika. VaSithole vakange vamubata chibharo.
Akayerera misodzi achifunga kuti otanga kundoudza mai Ndoro? Oenda kuna mbuya vake kumba here kana kuti ongonanga kumapurisa? Zvese izvi zvakamuvhiringa. Paakasimuka pamubhedha, musuo wakavhurwa vaSithole ndokupinda zvakare. Tsitsi akarohwa nehana achivaona, akashaya kwekutizira, akaramba akatarisa maoko avo akange amudzvanyidzira zveubhinya. Akasimuka ndokudududza vakatarisana ndokuzogumira ave kumadziro pasisina kwekuenda.
Akatarisa maziso avo, hana ikatanga kubika manhanga nekutya. Vazhinji vaibhinya vanhu vaivauraya, vaisada kureverwa kumapurisa saka kuuraya kwaiparadza umboo hwese. Akatarisa maoko avaSithole kuti aisazonanga pahuro pake here kuti vachimupedzisa. Aisatya kufa, inga amai vake nababa vake vakange vafa wani.
Kufa kwaive nane pane kuzogara achirangarira kuti akambonyesvuriwa navaSithole. Kufa kwaive nane pane kutarisana naTinashe achimuudza kuti ndozvaitika kwaari. Musikana akapererwa. Akafunga ambuya vake akati ko kana akafa vaizodii? Ndiye munhu ega waaifanira kutanga kuudza nyaya iyi. Vaimuda uye vaiziva zvekuita nenhau yakadai.
VaSithole vakasekerera ndokuti; “Kavhijini kangu, come to daddy. Wanakirwa zvekubva wafenda here? Come here, huya pano apa.”
Tsitsi akaramba ari mukona memba maange agara, aidemba kuti dai madziro aya avhurika akwanisa kutiza asi hazvina kuitika. VaSithole vakamutevera ndokumudhonza vachibva vagara vese pamubhedha. Muviri wese waTsitsi waibvunda, vaSithole vakabva vati; “Come on, unotya chiiko musikana mukuru akadai? Rara apa timboita futi, I will be gentle this time. And believe me, you will enjoy it and ask for more. Wave mukadzi manje……..”
Tsitsi akadzungudza achisimuka oda kutiza. VaSithole vakamubata vakabvisa mbatya dzavo ndokuti; “Hazvicharwadzi manje, relax. Kana tikaramba tichiita zvinobva zvapora, rara apa dear.”
VaSithole vakadaro vachisaidzira Tsitsi zvine simba pamubhedha, vakamubvisa skirt zvakare ndokutamba naye kusvika shungu dzavo dzapera. Tsitsi akavatarisa achidemba kuti dai vachingomuuraya zvavo. Pavakamuka apa vaSithole vakabva vaenda naTsitsi mubathroom yaive mumba makare vondogeza.
Vakamugezeza, vakamuratidza kugezeswa kwavaida ivo kwaifadza nyama yavo. Pamwe vaida kubatwa, pamwe vaida kunanzviwa, pamwe vaida kudyiwa, pamwe vaida kurumwa chaiko. Zvese izvi vakaitisa Tsitsi. Tsitsi akanzwa kuti mweya wake waive mujere. Akademba kuvauraya. Kana nyama yake yaizoiswa kuChikurubi avauraya, so be it. Ivo vakange vamupinza mujere remweya chairo, airibuda sei?
Vakawacha duvet rakange raenda ropa raTsitsi vese. VaSithole vakapa Tsitsi mbatya itsva dzavakange vamutengera ndokupisa dzese tsaru dzaaive nadzo. Vakabuda vese ndokuenda kuSupermarket kwaNyaningwe. VaSithole vakandotenga grocery rakawanda chose ndokubva vaenda naTsitsi kumba kwaive nambuya vake. VaSithole vakateverera Tsitsi vachiona kuti hapana paasara achitaura ari ega nambuya vake. Vakangosvika vachisiya zvese zvavakange vatenga ndokudzokera kuLodge kwamai Ndoro.
Vakabva vadzokera vese zvakare kuLodge, Tsitsi akange ave nedzungu rekutya zvange zvoitika kwaari nababa ava. Vairatidza kuti vakange vasiri kuzomusiya. Vachingosvikako, amai Ndoro vakabva vasvikawo. Vakakwazisa vaSithole nemufaro mukuru.
Tsitsi akafara zvikuru kwazvo kuona mai Ndoro. Asi chakamushamisa mai ava havana kumutarisa, vakangotaura navaSithole ndokubuda. Tsitsi akasvetuka achivatevera, akawana vagara mumota mavo kugedhe ndokubva ati; “Tete, vaSithole vandirheee…. Vandirhepa.”
Mai Ndoro vakafinyama ndokuti; “Asi unopenga, mukadzi mukuru ane 17 years unobhinywa wakatarisepi? Unoti handikuone uchizvimisa misa, chiuno kongonya, pavarume vanouya pano? Wave kutonyepera vaSithole vanotokuda so?”
Tsitsi akashamisika zvekutadza kufema nezvakapindurwa namai Ndoro; “Chokwadi tete handisi kunyepa …….”
Mai Ndoro vakafinyama ndokuti; “Ko grocery range rakazara trolley ramatenga kwaNyaningwe range riri rei?”
Tsitsi akahutisa miromo ndokutadza kupindura, mai Ndoro ndokuridza chikwee; “Wakabhadharwa zvishoma wave kuvanyepera nyayaka? Ndakamuudza Sithole kuti mahure eparuzevha haana brain dai achitobva nemunhu kuHarare. Ndikunzwe uchitaura zvakadaro futi. Handidi nyaya dzemapurisa paBusiness pangu. Nonsense, hautende wakaita sei? Anokupa grocery remwedzi mitatu after 1 hour ndiani, in this life? Hee? Ucharoya iwe, tibvire apa.”
Mai Ndoro vakamutsa motikari yavo ndokuenda, Tsitsi akada kumhanya achibva apa ndokubatwa ruoko. Akavhunduka zvakanyanya zvekusvika achidonhera mumaoko avaSithole avo vakamubata voenda naye muLodge mamai Ndoro. Lodge iri rakange rave jere kwaari.
VaSithole vakakiya musuwo ndokuti; “What’s your problem? Haudi kudiwa handiti? Chii chawange uchiudza mai Ndoro? Kuti ndinokuda? Vanozviziva avo, unoti sei vasina kukutsvaga kubasa nhasi? You are mine iwewe.”
Tsitsi akatarisa vaSithole akada kurovera musoro wavo kumadziro, asi akaona kuti kwaive kungofunga haaizvigona. Vakarara vese usiku hwese, Tsitsi ari mudzimai wavaSithole zvakare. Kuchiedza vakamupa mari vachiti azvichengete ndokusimudza gonyeti ravo voenda Harare kwavaigara.
Tsitsi akananga kuna mbuya vake paakangoona kuti awana mukana wekubva apa. Mbuya vakafara kuona muzukuru wavo sezvo akange arara asipo. Vakatura befu kumuona ari mutano, ari mupenyu, achifamba.
“Zvandakarara ndakagara nhaiwe mwana waAleck, wakabva pano ndokuenda zvachose. Kutanga riini uchirara kunze. Usadaro Tsitsi, zvakaipa izvozvo.” Mbuya vakadaro vachifara chaizvo.
Tsitsi akagara padivi pambuya vake, akaisa musoro kumusana kwavo ndokueredza misodzi yaibva pakurwadziwa kwepasi pemwoyo wake. Mbuya vakabwaira bwaira vachiita mwoyo murefu kuti muzukuru apedze shungu dzekwaakange abva agovatsanangurirawo. Tsitsi akachema misodzi kupinda yaakachema musi washaika amai vake.
Mushure menguva refu, Tsitsi akazoti; “VaSithole vakandirhepa ambuya, vakandiita mukadzi wavo ……” Ziso rambuya Charamba raiona racho rakati misodzi do do do vachigukuchira muzukuru wavo. Vese vakanyarara zvekunzwa kubhururuka kwenhunzi dzaive kudanga rembudzi yavo imwe chete.
Tsitsi akakwidza madzihwa misodzi ichimokoteka ndokuti; “Mazvinzwa here ambuya? VaSithole vaye vandakauya navo pano, vakatenga zvese zviya zvekudya nembatya idzi, vakange vachindibata chibharo.” Tsitsi akadzokorora aona ambuya pasina zvavataura.
Mbuya vakabata rushaya; “Ndakunzwa mwana womwana wangu. Chandakatadza pasi pano chikuru. Ndine ngozi neDenga here ini? Nhai Mwari mopinda nekuvazukuru vangu here Jehovah? Inga mazuva ake Jesu panyika pano aidya nezvifeve nembavha wani? Hwangu ufeve hwakanyanyokuny
angadzai zvakadaro seikovo nhandi Samatenga? Ko dai ndachingofa hangu, ndinoraramireiko ini?” Mbuya vaTsitsi vainzwa muviri wavo wese uchipisa zvakanyanya kwazvo nehasha neshungu dzekutadza kuchengeta muzukuru wavo sekuda kwaiita mwoyo wavo.
Vakamboerera misodzi ndokuzoti; “Enda undodana medhemu Ruzive kuchikoro kuNjelel uko.”
Tsitsi akasimuka ndokuenda kuchikoro ondodaidza mai Ruzive vaidzidzisa paNjelele High School, vakadzoka vese nemota yamai ava pasina nguva. Mbuya vakakurudzira muzukuru wavo kuti ataurire mai Ruzive zvakange zvaitika pakati pake navaSithole. Mudzidzisikadzi Ruzive akashama muromo nekutya zvakange zvaitikira nherera yekwaCharamba iyi. Mai ava vakamboita nguva vachifunga maziviro avaiita mhuri yekwaCharamba, kusanganisira nana baba vaTongai. Kuzivawo kwavaiita mai Ndoro neukama hwaamai ava nemapurisa enzvimbo aidyawo pamusika pavo.
Nguva zvayakareba vakanyarara, mbuya vaTsitsi vakabva vati; “Ndinorangarira ndichiri kutambira maWasara-Wasara umu, takatorwa nemapurisa vachiti pfambi dzawandisa. Vamwe vakakwanisa kutiza ndikasara inini neshamwari yangu. Akazofawo zvake makore apfuura aya. Mapurisa aya aive aya amabhasikoro, vakaenda nesu kuCharge Office kwavo. Ndaiti tichandovharirwa tozonzi bheiri mangwana.” Mbuya vaTsitsi vakambonyarara misodzi yoerera maziso ese zvino.
Vakazoenderera; “Takandopinzwa mune imwe office, mapurisa aye vari six, ndokuita usiku hwese vachitichinjana kubata chibharo aahhhhh. Takachema kusvika tanyarara. Ivo vaiti handiti ndozvatange tichitsvaga kubhawa. Hapana akatinzwawo kuti taisazvida, hapana akanzwisisa kuti kwaive kutirwadzisa. Vakazoti tiende mambakwedza. Takatofara kuti taregererwa.”
Mbuya vaTsitsi vakafemedzeka ndokuti; “Takazonzwa mushure memakore neimwewo NGO yekodzero dzevanhu kuti chibharo chibharo chete kana musina kubvumirana. Chero uri pfambi mubhawa, kana musina kubvumirana chibharo chete. Kubatwa chibharo ikoko ndokwakazoita nditeverere vaCharamba vaive nemhuri yavo, kuti ndiwanewo murume anondichengeta kubva muubhinya hwevarume vese vese.”
Mbuya vakambonyarara vachirwadziwa. Ivo vakange varwadziwa nekubatwa chibharo asi vakange vatojaira mutambo wacho. Ko Tsitsi mwana mudiki asina chaaiziva airwadziwa sei? Mwoyo wemuchembere wakabvaruka neshungu.
Vakaenderera; “Vakadzi takasikwa zvakaipa, murume akakubata anoita madiro. Zvino …. Iyeyu mwana wangu mucheche, iyeyu Tsitsi vakati adiiwo? Ini ndaizvitsvaga mubhawa asi pandakambunyikidzwa ndakarwadziwa, kuzoti muzukuru wangu asingazive varume? Pasi pano hapana tsitsi. Haaaaa upenyu uhwu, uhwu upenyu uhwu, haaaa.”
Mai Ruzive vakasimuka ndokuti; “Haaa. Upenyu uhwu. Regai ndinotaura navaRuzive tione kuti todii, tigoenda kumapurisa.”
Vakabva apa pfungwa dzavo dzichitya vasingazive zvekuita. Vaida kubatsira Tsitsi asi zvakange zvakamukomberedza zvakavanetsa kushanda nazvo. Vakabva vangonanga kuna mai Tongai vondotaura navo nyaya iyi. Mushure mekutaura namai Charamba vakuru ava, mai Ruzive vakaenda kumba kwavo vondomirira kuzonzwa zvavakange vawirirana kuti zvaizoitwa kubatsira mwana uyu kundotaura nyaya yake.
Tsitsi nambuya vake vakange vatadza kudya neshungu musi uyu. Chikafu musi uyu chaivemo chose, sezvo chakange chatengerwa nharo navaSithole. Vakange vakangoringa nzira vakatarisira kudzoka kwamai Ruzive nemapurisa. Zuva rotonyura ndopavakaona maiguru mai Tongai namai Ndoro vachisvika pamba apa.
Tsitsi akarohwa nehana, inga mai Ruzive vakange vati vachataura navaRuzive nemapurisa chete wani? Ko ichi change chave chii zvakare? Mai Charamba ndovakati; “Iwe Tsitsi, isu zvekunyadziswa hatidi. Ndakakanganisa here kukutsvagira basa kwatete vangu vawave kuda kuvharisa business ravo nenyaya dzekunyepa?”
Vese vakatarisa Tsitsi asi mwana akange apererwa, mai Ndoro vakati; “Wakatanga kubikira vaSithole nezuro here? Uri kutya kuudza maiguru nambuya kuti hauna kurara pamba? Uri kutya kuvaudza kuti magrocery akatengwa wagona kufadza murume mukuru?”
Mai Charamba vakaseka vachizvirova maoko, “Zvitsva here? Bvunza mbuya vako ava vanonyatsoziva kurara vachimuka pese pese? Tibvirei apa. Generational curse yechipfambi nechihure. Saka munoti zvinoperera kwatete mai Ndoro? Zvirema zvavanhu. Imi mbuya vaTsitsi ndozvakakuvharai maziso, makaona varume vakawandisa vakashama imi mai imi. Maziso akaneta ega akavhara.”
Mai Ndoro namai Charamba vakaseka zvaive nehasha mukati. Mai Ndoro ndokuti; “Kana wabatwa chibharo ko mbatya itsva dzawakapfeka dzakabva kupi? Magrocery ari mumba umu matambira wani? Tibvirei apa. Uregere zvekuudza vanhu vese vese kanyaya kako. VaSithole vakubatsirai mese, tendaiwo imi mbuya vaTsitsi.”
Mai Tongai Charamba namai Ndoro vakapinda mumota yamai Ndoro ndokuenda vachisiya mbuya nemuzukuru vapererwa.
“Kuda vakazvironga havozve………….” Mbuya vaTsitsi vakazodaro misodzi ichierera. “Ndosaka bhinya racho rakati ugeze nekuwacha zvese, kubvisa umboo hwese. Ndosaka rakakuvharira usiku hwese kuti muite semaiwirirana. Ndosaka rakakutengera zvese kuti uite sepfambi. Iih muzukuru wangu?”
Mbuya nemuzukuru vakatarisana nemeso airwadziwa uye nekupererwa. Vakasimuka vopinda mumba mavo kuti vagadzirire kurara, mbuya vachifunga kuti voita sei kuti muzukuru abatsirikane pane zvange zvamuwira. Upenyu uhwu, hwaivarwadza.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion