Simbarashe naamai vake vakazoenda kwaGutu kundotsvaga hama dzekwa baba vake. Amai vaiperekedza muzvakanaka kuti mwanakomana azive verudzi rwake. Asi mwana akange ane zvake zvaaida kubva kuhama dzake.
Vakafumira mambakwedza emusi weMugovera, vakasvika achiri mangwanani chaiwo. Vakananga kumba kwambuya Mamoyo, mai Simba havana kuda kundosvika pamba pamai Tawanda. Vakazosara pamba pambuya Mamoyo apo mbuya nemuzukuru vakaenda kumba kwaigara Tawanda. Ndiye akange asara pamba pevabereki vake apo vakange vatama vogara kuMasvingo.Vakawana mhuri yese iripo, vana nemudzimai waTawanda. Mbuya Mamoyo vakaita kuti vana vanyamunhu vazivane, vakomana ndokukwazisana. Vese vaishaya kuti vofara here kana kuti vobvunzana kuti kudii, pakudii. Uye pazera ravo vakange vakasiyana nemakore gumi nemasere ese. Apa Simbarashe paaive ne27years, Tawanda akange atove baba vane 45years.
Tawanda akange ave kunzi baba vaChiedza, iye Chiedza uyu akange ave mhandara aive mugore retatu kuUniversity, achiteverwa nemukomana Tinashe aive Form 6, uye rugotwe aive mukomanazve Tafara aive Form 2. Vana ava vari vatatu vaiyemurwa neraini rese mavaigara uye kuzvikoro kwavaipinda. Kana kuchurch yavo kuRoma kwavaienda semhuri, vana vekwaChibaya ava vaizivikanwa nekuimba, kuparidza nekuwanikwa vachiita zvakawanda mumba maMwari kumapato evechidiki kwavaive. Paiitwa misangano yechurch kumaDiocese, baba namai Chibaya ava vaitoziva kuti mumwe wemwana wavo aitosarudzwa nesangano rese kuenda kundomiririra sangano ravo.
Chiedza ari kuUniversity kudaro, akange achiri kupfeka uniform yake yeNzanga yaMaria yaipfekwa nemhandara dzaitevedzera nekukudza hutsvene hwaMai Maria Musande amai veMuponesi. Paiburwa nziyo itsva dzesangano reRoma, vese Chiedza naTinashe vaiendeswa nesangano rekwaGutu vondodzidza vouya kuzodzidzisa vamwe. Baba namai Chibaya ava vaiverenga zvikomborero zvavo vachiyeverwa nevana vavo.
Nharo nenhaurirano dzaiitwa nevana vavo pamba kwaive kuimba nziyo dzekuchurch kwavo vachiita makwikwi vari vega. Kana kuita nharo dzenyaya dzemuBhaibheri vakomana vachiita makwikwi ekuti ndiani averenga machaputa akawanda pazuva iroro. Ndoyaive mhuri yaTawanda Chibaya.
Zvisinei, musi wasvika Simbarashe pamba pavo. Tawanda, baba vaChiedza, semunhu mukuru ndiye akazoti; “oh, baba vaigara vachitaura nezvako. Takatomboenda kwana sekuru vako kwaMukaro asi takandokushaya. Ndiwe wega mwana wababa vangu. Ndinofara wazonditsvaga.”
“Ko baba vakakuudzai here kuti sei takaparadzana kweupenyu hwese kudai?” Simba akadaro achirova rova coffee table nekey the Benz yaaifamba nayo.
Tawanda akangonyemwerera ndokuti; “tingateedzera zvevabereki here munin’ina? Godo ranaaamai, kusanzwisisana kwemadzimai hakunei nesu. Asi hapana baba vanokanganwa mwana wavo.”
“Vangu vakandikanganwa.” Simba akadaro, mumba makamboita runyararo.
Tawanda akabva ati; “Saka unoshanda kupi nhai munin’ina?”
“Ndine business muHarare nekuDurban.” Simba akadaro. Tawanda akada kubvunza kuti business rei asi akanzwa usimbe, dai Simba wacho aida kumuudza angadai akamuudza.
“Takuonai mukoma. Kana mauya kuHarare motiudzawo.” Simbarashe akadaro, ndokuzoti; “Ndingamboendawo muBathroom?”
Tawanda akafamba naSimba ave kundomuratidza kwaive nechimbuzi chemumba umu chaishandiswa nevana nevaenzi. Simbarashe akapinda umu makange makabatana chimbuzi neshower nebath tub zvekugezera. Maive nematauro nembatya dzemukati dzevana zvakange zvakayanikwa umu. Simbarashe akatora zvese ndokupinza mumaoko ejacket rake reDenim (jean material) raakange akapfeka.
Akazotevera ndokuwana vamwe vese, mbuya Mamoyo, mukoma wake Tawanda naamaiguru mai Chiedza mudzimai wamukoma Tawanda vamumirira pamotikari yake.
“Nhai babamudiki, motikari zvainenge nyowani asi makaitenga manje manje?” Mai Chiedza vakadaro vabata Benz yemuramu wavo.
Simbarashe akangonyemwerera, baba vaChiedza ndokuti; “Zviri pachena motikari itsva iyi. Latest model. Muri kuita mari bamunini heeey!”
Mai Chiedza vakaenderera vachiti; “Chiedza ari kuita Degree kuNUST, Accounts. Ari kutsvaga attachments kuHarare kwenyu ikoko. Kana muchikwanisawo kubatsira mwana wenyu nhai babamunini……”
Baba vaChiedza vakabva vati; “Mave kuremedza muenzi mai Chichi. Kana tikazoshanyira babamunini kuHarare tozondotaura zvakawanda.” Tawanda akadaro akatarisa mudzimai wake.
Simbarashe akatarisa mukoma wake mumaziso ndokuti; “Chokwadi mukoma. Mugotaura nababa tiende kuDNA, maiguru vasati vafarira babamuni vasiri ivo.”
Tawanda akabvundisa miromo nekunyara, akaseka seka ndokunyarara. Mbuya Mamoyo vakabva vati; “Handei mundoona amai vaSimba, vasara kumba kwangu. Kana muchazofambidzana semukoma nemunin’ina, vatovewoka mbuya vana Chichi. Handei.”
Mai Chiedza vakatarisa pata-pata dzakasiyana dzavange vangopfeka kuti vabudise muenzi kusvika pamota yake. Vakafunga kumbodzokera mumba kundotora dzimwe shangu dzekupfeka asi misuo yeBenz yakabva yati twii-twii yakiinurwa nababamunini veJoni, vakati ndingasare.
Vakasunungura Zambia ravo raive nematsito ndokupotsera paveranda ndokukwetsura musuo weBenz ndokupinda kushure kwemutyairi. Mbuya Mamoyo vakabva vatenderera vondogara kumashure kwaTawanda akange agara padivi pemutyairi. Vamwe vese vakapinda mumota Simbarashe ndokundovhura kumashure kwemota okanda zvaive mumaoko ejacket rake.
Mai Simbarashe naTawanda vakafara kuonana, vakashamisa vamwe vese votaura nyaya dzakange dzaitika maMupandawana makore makumi maviri neanoraudzira akange apfuura. Vakaseka nekutaura zvakawanda zvaiitika kuCreche kwaishanda Magreth Musoni uye kune dzimwe nzvimbo kwavaimboenda kundotandara. Izvi zvakashamisa Simbarashe zvakanyanya. Mumusoro make aiona hovhiyo chete pamusoro pamai vake nevekwababa vake. Mudzimai waTawanda, mai Chiedza vakafarisa kuwana ava vamwene vatsva.
Mbuya vaChiedza vaitaurisa nekushushira mwanakomana wavo mumwe chete iyeyu, Tawanda - baba vaChiedza kuita sevakange vamuzvara nepavo vega pasingazvarwi nevamwe, ah. Zvino navamwene ava zvaizoita nane, ko handiti vakange vangoberekawo mwana navatezvara vavo, saka vaive vamwenewo zvakare.
![]() |
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 6) |
Mai Chiedza vakafunga munin’ina wavo rugotwe rwekumba kwavo. Akange asati awana murume musvinu aida kumuwanawo. Ndokutarisa Simbarashe ndokuti; “Zvino nhai babamunini makaroora here?”
Magreth akaseka ndokuti; “Nhai muudzeiwo bamudiki venyu ava kuti dai achiroora.”
Simbarashe akangoseka ndokuswedera kumukoma wake vave kuonekana kekupedzisira. Mai Chiedza vakasekerera nekuti vakange vaziva kuti babamunini vaisave nemukadzi kumba. Dai vaive nyangwe nemusikana aizivikanwa naamai vavo zvingadai zvakataurika ipapa.
Simbarashe naamai vake vakazopinda mumugwagwa vodzokera kuHarare. Vakange vachine zvakawanda zvekuita. Pamba pavo patsva paida kugadzirwa sezvavaida, kudyara maruva, miriwo, kugadzira panze pese. Mukati vane zvavaipenda nemakabhodhi aigadzirwa patsva. Vaitoda kuti zuva riite maawa makumi mana kuti zvavaida zvibatane.
Mai Simba hana yairova nemufaro zuva nezuva vachindotenga midziyo yemumba mavo. Simba aida kuvhura mahofisi ake ekutengesa motikari. Masahwira ake ekuDurban vakange vati aifanira kuonekwa kuti ane business rine mapepa achibhadhara mutero wehurumende nekupinza vamwe mabasa.
Iye aizoita zvekutenga nekutengesa dzimotikari, nekugadzira dzakafa achitengesazve. Vana makanika vekumushandira vakange vakawandisa vaidzidziswa nehurumende kumaTechnical Colleges vasina kwavaizoenda. Akange atowana vakawanda vaida basa paGarage pake.
Pakadzokera baba namai Chiedza kumba kwavo madeuka zuva aya, vaingotaura nezvababamunini Simbarashe. Tawanda akatora mukana uyu kuudza vana vake nemudzimai wake nezvamainini vake Magreth. Vana vakaterera ndokuzosiya vabereki vavo vagara vega ivo voita twumabasa twepamba apo zuva rakange rodoka.
Tinashe hanzvadzi yaChiedza akasvika paive naamai vake ndokuti; “Nhai mhamha mambotora matowels edu mubathroom medu? Chiedza ndiye anosiyanika panze ari kuti nhasi haana kumbobudisa. Tiri kumashaya.”
“Angagoendepi iwo ange atobvarukawo zvawo.” Mai Chiedza vakapindura vachiseka.
Tafara gotwe repamba apa akabva ati; “Ange achingovemo zuva rese mhamha. Asi bamunini veBenz ndovega vangopindamo, maybe ndovatora …………..”
Mhuri yese yakamutarisa vachiti vese; “….aaaah……”
Mwana akacheneruka miromo nenyadzi, kana shoti raakange akapfeka akanzwa serakurisa.
Mai vakamudzvokora ndokuti; “Haunyare kuita pfungwa dzine honye kudaro pamunhu wawaona nhasi? Babamudiki vaunodaro ndovachakucheng
etai. Ndomhuri yenyu veropa renyu vamunofanira kudada navo kuti kwaChibaya kwaitawo munhu anonzi havo vaNhingi vakamira apo avo. Wajaira vana babamunini Jeramuromo vanonhonga nhonga zvese vachirongedza nemarara ese kana vobva pano.”
Mai Chiedza vakambofema ndokuenderera; “Babamunini venyu Jeramuromo vanoti vachipinda muno imba yese tinoita setichafenda nekunhuhwirwa nebhutsu dzavo. Kunge tichavasoka muSta-soft. Nhasi waonawo hama yako yekuti utevedzere success and style wovati vatora towel rako. Mashura avo, vachiridii?”
Baba vaChiedza vakatarisa mudzimai wavo ndokuti; “Ko Jeramuromo adii? Ingotsiurai mwana kuti asataura nezvevakuru kudaro.”
Tafara akatsenga tsenga mukanwa ndokuti; “Mhaaaamha, ndangofunga kuti kuuuuuuda bamunini vafunga kuti zvikorobhooooo…. vakatora vakapukutisa Benz yavoooo.”
Mai Chiedza vakasaidzira mwana vachiti; “enda undovhura drawer repadressing table yangu utore mamwe matowel arimo manyowani mugezese. Murege kungotaura twusina maturo.” Amai vakazodaro mwana ndokufambisa awana kubva apa.
“Baba Chiedza, bamunini zvavasina kuroora, Chiedza achandogara nambuya vavo ava, mai Simba paachaita attachment yake. Uyu munin’ina wangu, mainini Tracey zvavanogara vachingotaura kudhura kwerent muHarare, dai ndatovaudza, kuda vangabatsirwawo.”
Baba vaChiedza vakangonhonga remote ndokuwedzera ruzha paTv yavo ndokudaidzira vachiti; “Chichi ndibikirewo tea wena. Nhasi sadza repano tichadya here mai vachingoronga zvekuita nababamunini veJoni.”
Mai Chiedza vakatarisa murume wavo ndokupotsa varidza tsamwa. Vakasimuka voenda kukitchen kwavo kundobikira mhuri yavo.
Simbarashe akange awana zvaaida pamba pemukoma wake. Akange awana chaimubatanidza kuvana vemukoma wake. Paakapedza kugadzira imba nemahofisi ake, akatakura mukwende waakange atora kumba kwemukoma oenda nawo kuDurban kundopira kunaMambokadzi wake.
Achidzoka akafonerwa namukoma Tawanda vachiti mhuri yese yakange ichiuya kuHarare. Mwana wavo, rugotwe rwavo Tafara akange aita tsaona ari muCombi akatyoka musana. Akange atumirwa kuchipatara chikuru kuHarare kuti ararame. Vabereki nambuya nasekuru vese vakange vakabatira ura mumaoko nekuti machiremba vakange vati mwana aigona kungofa. Sekuru nambuya vakaenda kumba kwedzimwe hama dzavo vachizosangana nevabereki vemwana kuchipatara. Tawanda nemudzimai wake vakandogara kuAvondale kwaive naSimba naamai vake.
Usiku uhwu, Simbarashe akafonera shamwari dzake vaive vanaChiremba vakuru muguta reHarare vaizorapa mwana wemukoma wake. Vakagara pasi nevabereki vemwana vachivanyaradza uye kutsanangura mamiriro akange akaita utano hwake. Kunyange zvavo vakataura zvainyaradza uye zvaive netarisiro yekuti aizorarama, mari dzakataurwa apa dzakavabudisa ziya.
Mukoma Tawanda vakangonyarara vaterera babamunini Simba vachingobvumirana nemachiremba kune zvainzi mwana anoda kuti arapwe asafa.
Vakazoti vaenzi vaenda pakati peusiku, mukoma ndokuti kumunin’ina wavo; “Babamunini, tinotenda zvese zvamuri kuita. Asi mari yataurwa iyo tinoiwana kupi? Ndinenge ndatotengesa imba yana baba nemidziyo yangu yese, nekutobatanidza nePension yangu neyamai Chichi. Handina mari yakawanda kudaro.” Tawanda akadaro maziso atsvuka nekurwadziwa. Mumoyo make akange otogadzirira rufu chairwo rwemwana wake.
Simbarashe akamboita nguva akanyarara, ndokuzobata mukoma wake ruoko ndokuti; “Mukoma, don’t worry, tinobatsirana mwana ndewedu tese. Imi chishingai mugoshingisawo maiguru nevamwe vana. Sezvamaona maDoctors ayo are my very good friends, tichaita kuti zviite. Kana vakatadza muno, ndinoendesa mwana kuSouth Africa. Ndine friends too vanoshanda in good hospitals. Don’t worry mukoma.” Tawanda akatura befu achitenda mwana wababa vake, akange amubvira nepi panguva yakaoma kudai.
Pazuva rakatevera, vakandosangana vese pachipatara mwana ave kuendeswa kundoitwa Operation yaifanira kumuraramisa. Vakange vakamira vese semhuri imwe chete. Mai Simba namai Tawanda vakangokwazisana ndokudzvokorana vari kure. Muroora mai Chiedza akange achingochema akagukuchirwa navamwene vake vatsva mai Simba. Simba aingotenderera nemotikari yake achibuda nekupinda pachipatara achindotenga twekudya nekunwa. Chicken Slice neNando’s Chicken vakadya kusvika vangotarisa, vachidzvova, pasina achazvida. Zvekunwa pa100% juice nezvimwe zvaitonhorera vakagundurudza semadiro avo.
Peter Chibaya akazoswedera paive namai Simba ndokuponda maoko achitenda chaizvo basa rakange raitwa naSimba pamwana wemukoma wake. Magreth akatarisa kwaive kwakagara mai Tawanda akaona maiguru ava vakamutarisa neziso raida kuziva kuti havaizoronga kuita mumwe mwana here vachembera kudaro.
Magreth akangoti kuna baba vemwana wake; “Muchitendeiko, regai vana vanyamumhu vachengetane, tinotofara kuti havana kuda kurwawo shanje dzamadzimai. Ko ivo mai Tawanda havana kuzoitirawo Tawanda munin’ina kubva paya?”
Mubvunzo uyu hauna kupindurwa. Manheru aya, Tafara akazobuda maaishandwa nemachiremba ari mupenyu. Asi akange asingakwanisi kufamba kweupenyu hwake hwese. Aizoda kugara muWheel chair kuti akwanise kuzvifambira ega. Vese vakatenda babamunini Simba kuti dai vasivo mwana angadai akafa.
Babamunini Simba vakatengera mwana wemukoma wavo Wheel chair yekuti aizvifambira ega, sekudriver mota. Uye yaimubatsira kana achida kugara pasi kana kukwira pamubhedha. Kana kumba kwemukoma kwaGutu vakagadzira toilet nebathroom zvakange zvakafanirana nemararamiro akange aita mwana Tafara.
Pamwedzi mitatu iyi yakange yakatevedzana, Simba akandotora motikari dzekugarage kwake katatu pamwedzi wega wega. Dzese dzichitengwa sechingwa dzichipera vamwe vachisara vachida dzimwe. MaCompany, zvikoro nezvipatara, vese vaitenga motikari nemabhazi kwaari. Vamwe vaiuya vachishaya yavaida chaiyo kwaari vaimirira kuti avatsvagire. Kana iye hana yairova, aiita saiye ega ane garage rekutengesa motikari muHarare.
Simbarashe akabudirira mune zvaaiita zvakanyanya. Mari yake yaitomunetsa kuverenga. Kwaive neyaibva kuGarage kwake, kozoita imwe yaibva kwaaiziva iye ega. Akavaka imba yake yaive yakakura chaizvo kuBorrowdale ndokusiya amai vake vachigara vega.
Kumusha kwaChibaya akange oendawo nevamwe. Vese vakange voziva kuti mwana wavakamboparadzana naye akange adzoka kuzove neveukama hwekwake.
Ndufu dzese, michato, kurohwa kwemakuva nedzimwe ungano dzese dzaiitwa mumusha, Simbarashe akange achiita kuti zviite. Ruoko rwake rwakange rusingazeze kupinda muhomwe make ruchibuda rwakazara. Akafarirwa nekudiwa nevanhu vese vemumusha. Mai Tawanda vakavengwa, vakataurwa vakatsverudzwa, ndivo vakange vakonzeresa kuti mukomana uyu aparadzane nehama dzake kwemakore.
Tafara akange ari muWheel chair, asingachakwanisi kufamba ega kunyangwe makumbo ese aivepo. Uyezve pagore rakatevera, mukoma wake Tinashe akange ave muForm 6, akasiira chikoro panzira ndokutanga kunwa nekuputa achigara pamabhazi achitonga vatyairi nevaizvifambira havo. Chembere nevana vadiki vaiziva kuti paRank maMupandawana kuna Mukoma Tinashe, mukuru wema hwindi airova nekutorera vanhu zvinhu zvavo. Vakadzi vaipfuura vakapfeka zvipfupi nezvinobata miviri aiginyabvura sandiye akavasika. Akave chazezesa mutunhu una mago paMpandawana Growth Point.
Baba vake akange avarova chibhakera pavakaedza kumutsiura. Amai vakange vasaidzirwa vakatyoka ruoko adzoka kumba pakati peusiku vakamutsiura.
Chiedza akange aita gore rese achishanda paLamia Garage, Company yababamunini Simba. Akaenda akandopedzisa chikoro ndokudzokazve ozoshanda chaiko paGarage rababamunini vake. Vakange vamuita iye shefu wevanhu vese aiona kufamba kwemari.
Simbarashe aiziva kuti iye pachake chikoro nemanhamba zvaimuitisa dzungu. Saka pana Chiedza akawana munhu wake, akadzidza, wemumba waaivimba naye.
Mari yaitambiriswa Chiedza apa akakwanisa kugara muFlat rake ega rakanaka, uye kuzvitengera motikari yake yakanaka chaizvo. Uyezve kubva paLamia Garage apa, aikwanisa kutora motikari yaaida zvichienderana nekwaaida kuenda. Babamunini Simba vaisave nehanya nazvo, musikana uyu aivewo Boss-madam pachake.
PaGarage apa paive nevarume vemazera akasiyana, kubva kuvadiki vemakore 20 vakange vachidzidzira zvekugadzira motikari, vemazera epakati uye vakwegura. Chiedza akange amboitisa vese vakwasha vababamunini vake, Boss Simba.
Vakomana vaida kudzidzira kubvisa hujaya hwavo, masadzimba aida kuchinja usavi, nevaive nenzara kumba kwavo, uye madhara ainwa yekusimbisa misana, vese vaiziva kuti Chiedza aivabatsira, aivapakurira akafara asinganyunyuti.
Chiedza akange asingakwanise kudzungudzira kana kukwidzira munhu wechirume mapipito. Kubvisa mbatya dzake dzemukati kwakave nyore sekukosora. Wese aikumbira aipiwa. Kana vari vakomana vechidiki ndiye aitovabhadhara kana vanyatsomufadza. Vaitandara naye vondodaidzawo masahwira avo kuti vazopedza nyota patsime raive risingapwi remwanasikana wekwaChibaya.
Vabereki vake baba namai Chiedza, vakarwadziwa nemaitiro emwanasikana wavo. Vese vakashaya kuti mwana wavakarera netsika neunhu, aive mhandara yakakwana akange azomuka chibhebhenenga kuita nzara yekuda nekugutsa varume zvakadaro seiko.
Vakave chiseko chemhuri yese nekuda kwezvakazove vana vavo. Asi vaitenda babamunini Simba kuti vaivabatsira nezvevana vavo. Tafara aive nezvikwanisiro zvake ari muWheel-chair kudaro. Chiedza aive nebasa rakanaka, kana ari Tinashe, babamunini vaipota vachienda naye kuDurban kundotora dzimwe mota.
Aimbobvawo muBus Terminus kwemavhiki achirega kuvanyadzisa nemaitiro ake ekurwa nevagari vemunzvimbo vese vaizivana nevabereki vake.
Simba paakaona kuti amisa business rake sezvaaida chaizvo, uye akange achifarirwa nemukoma wake zvakanyanya, akabva afunga kuenda kuchurch kundotsvaga mudzimai wekuroora. Ndipo paakasangana naCharity aigara nemukoma wake mai Makono………….