Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 8)

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 8) - Responsive Blogger Template

Mwedzi mitatu yakatevera yakapera Simbarashe achipinda mumba make kwave kuedza achiti aibva kubasa. Kana paaivepo pamba nemudzimai wake, vaiita maparty kana kushanya kwevamwe kwavaindoita maParty kusvika kwayedza. Charity akambonyarara, asi paakabvunza mhinduro dzacho dzaimusiya iye achinge ndiye atokanganisa kubvunza.

Zvese izvi zvakaita kuti nyaya mumba dziite shoma. Baba vepambapa chavaigona kupa mudzimai wavo card rekuBank kuti andotora nekushandisa mari yaaida. Uye kwete iye ega, aipawo neveukama hwake vese vakadya nekuchakunya mari yemwana waMagreth Musoni naPeter Chibaya. Zvese izvi Charity aiita ega, Simba aisateverera mashandisirwo emari iyi.

Izvi zvakamboita kuti Charity afare kwemazuva ekutanga. Asi nekufamba kwenguva zvakange zvave kumusvota. Mbatya dzaaitenga aidawo kufamba nemurume wake akadzipfeka, zvaaironga kuita nemari, aidawo kuita nemurume wake. Chaizomushamisa, kunyange Simbarashe aisarara pamba, asi musi weSvondo vaienda vese kuLogos Pentecostal Church. Kunyange Charity paaibva pamba murume asipo achienda kuchurch, munamato waizopera vagara vese padivi napadivi sababa name Elder Musoni.
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 8)
Nemumwe musi weChipiri mangwanani, Charity akazomuka zuva ratokwira chaizvo. Akaona murume wake atomuka kare. Akatenderera imba yese achimutsvaga ndokumushaya. Akadzokera mumba mekurara ave kuwaridza pavakange varara.
Nharembozha yake yakarira kuratidza kuti maipinda message. Akatora ovhura overenga ndokuona ari Vincent aimubvunza kuti vaizosangana nguvai kuPark sekutaurirana kwavakange vaita. Charity akanyemwerera achipindura kuti aizofona.
Achiri pakupindura kudaro Simbarashe akapinda mumba umu ndokuti; “Ndave kuenda kuDurban, ndiri kuperekedzwa naDriver kuAirport flight ya12.”
Charity akapererwa nenzendo dzemurume uyu dzaingotubuka pese pese sehwowa mupengo. Asi musi uyu akafara kuti hapana aizoita kuti atsanangure kwaaenda nekwaaswera. Akasekerera achifunga zvaakange aona muWallet maSimbarashe kapepa kaitaura nezva Sanskrit the sex goddess mwana waPrajapati Daksha. Vakange vaseka vese Charity achibvunza kuti aizvidii zvekutsvagana nezvimwari zvebonde zvepasi pemvura. Asi apa akati chimwari chechikadzi ichi chakange chamuswededza kuna Vincent.
Akabva ati aidawo kuperekedza murume wake. Simba akafara nazvo ndokubva vatanga kurongedzerana nekubika twunonaka twekudya mangwanani aya. Vakadyisana vachifara kwazvo, mumwe nemumwe aifarira zvaaizoita mumwe wake asingazive.
Mushure vakaenda vese kuAirport uko Charity akazobvapo ndege yanyatsosimuka ikabhururuka zvekusaonekwa. Aida kunyatsoona kuti murume aenda zvedi. Akasvika kumba ndokudzokera kurara akagumbuka chaizvo nemaitikiro aiita zvinhu pamba pake. Asi pfungwa yekuti aizoswera nemwana wake naVincent yakamunyaradza chose.
Pazuva rakatevera, akafumira kufonera Vincent kuti vasangane mudhorobha. Vincent akange auya nemwana wavo sekutaurirana kwavakange vaita. Vakambofamba vachitenderera vese kusvika vazogara paPizza Inn apo vakadya nekunwa vachiita nyaya dzavo.
Vincent aitaurira aimbove mudzimai wake nezvekutsvaga basa kwaaiita mazuva ese. Charity akazoti; “Ko kudzokera kuBusiness rako riya rekutengesa maComputers zvinodii?”
Vincent akapindura akasuwa; “Inga unoziva wani kuti ndaitora nechikwereti, and pakatadza vanhu veCompany iya kubhadhara ndopakaparara zvese.”
Charity akabva ati; “Yes ndoziva zvese, Company iya vakakubira Computers and disappeared. Ndakange ndambokuudza kuti haungape munhu mumwe chete ten computers at 0% deposit ukati iwewe ishamwari yako, muDeacon, unovimba naye. Hona wakazopedzisira watora chimbadzo to pay off maChina aye, vaitoda kukuuraya chaiko. Kusvika vezvimbadzo vazotorarwo furniture yedu. Zvange zvakaoma paye asi wakange waita nharo.”
Vese vakambonyarara vachifunga mazuva avaitiza pamba kana kugara mumba musina kubatidzwa mwenje usiku kuti vatize vanhu vezvimbadzo vaivatsvaga zuva nezuva.
Vakamboseka nhema dzavaimboreva vese vachitiza zvikwereti, uye kuhwandisana kwavaiita kana vagogodzerwa nevanhu vezvikwereti vasingatarisire.
Charity akabva ati; “Wakapedza here kubhadhara zvikwereti?”
Vincent akambonwa kokora yake ndokuzoti; “Ndasara nezvehama chete. Maiguru havachada kutaura neni nekuda kwemari yavo. Asi mukoma vanonzwisisa havo nekuti vanotoziva kuti grocery ravanotumira amai ndopandinodyawo.”
Vakamboita nguva vakanyarara vese, Vincent achipota achidyisawo mwana wavo nekumubatsira kudya.
Akazoti; “But unozivei hako, maCompany ese andakambotengesera Computers vachiri kundifonera vachinditsvaga. Ndinobva ndaita sendichachema kuti ndowanepiko mamwe ekutengesa.”
Charity akambofunga ndokuzoti; “Ndoda kukupa mari yestart utangezve business rako remaComputers.”
Vincent akadzipwa nebhotoro raainwa ndokukurumidza kusimudza musoro achiti; “Watii?”
“I mean it. Ndoziva vamwe vanhu vanoenda kuChina kundotenga zvinhu zveBusiness ravo. Unoenda navo, wondotenga everything Cash. Wondozvitsvagira maSupplier ako. Wotangira ipapo. Mari yacho iripo.” Charity akadaro achifara nekushamisika kwaVincent.
“Ko murume wako anoti chii? Zvinoita here izvozvo?” Vincent akada kunzwisisa.
Charity akatsanangura; “Ndine Bank account yaasingambotarisi kuti mune marii. And kumba kune box raanochengetera cash, haamboziva kuti mune marii. I don’t have to explain anything about my money to you. But mari ndinayo. Hande kuBank ndinokuitira transfer.”
“Zvinoita here shamwari kuti nditore mari yemumwe murume nhai mai Nenyasha?” Vincent akadaro achitadza kuziva kuti otambira mari here kana kuti orega, asi mari aiida.
“Zvakasiyanei nekukubhadhara maintenance nhai Vinny? Mutemo weMaintenance unoti anenge achiwana mari kupinda mumwe ndiye anochengeta mumwe. Asi nekuda kweCulture zvave kuita sekuti varume ndovanofanira kupa vakadzi mari ye mantainance chete.”
Vincent akaseka achidzungudza nekutsikitsira.
“Handei tinotora mari yacho.” Charity akadaro vese ndokusimuka. Vakaenda kuBank uko Charity akandopa Vincent mari. Murume akafara zvekukanganwa kutukwa nekushorwa kwese kwaakange aitwa pavakasiyana.
Vakabva apa ndokuenda kuNorton kumba kwaamai vaVincent. Mbuya vaNenyasha ava vakange vasipo vaenda kuruwadzano kuchurch kwavo. Nenyasha haana kuda kugara mumba nevabereki vake. Akange atengerwa zvakawanda wanda zvekutamba nazvo. Akandozadza zvese pachivanze, pasina nguva twushamwari twake twaaitamba twakabva twauya votamba vese.
Charity naVincent sevanhu vakange vadya vakaguta, vaingoda kuita nyaya chete. Vincent akange akafara kuti business rake rakange ramuka zvakare. Kuseka nekufara kwakange kwawanda vachiudzana urongwa hwebusiness rababa vaNenyasha. Vakazopedzisa nyaya dzavo vave mumba mairara Vincent vombodzora ndangariro dzemasikiro avakaita Nenyasha.
Simbarashe akasvika kuDurban uko ange akamirirwa neshamwari yake. Akange afambira nyaya dzemotikari dzake dzaaizotora kuDurban uku. Asi senguva dzese vaizoita musangano neshamwari yake vachiudzana mafambiro aiita upenyu hwemari.
“But inini ndakati handidi vana, handina kuti handidi mukadzi. But the way yazvave kuitika handichanzwisisi.” Simbarashe akadaro asina mufaro apo vakange vagara pamba paNorest.
“Oh that, handina kukuudza here kuti Queen is full of surprises? Pane zvimwe zvichangoitika zvavanenge vasina kukuudza”
Simbarashe akashama muromo achiedza kufunga kuti zvitsva zvichauya zvichange zvakaita sei.
Akatura befu rekutya nekuzeza ndokuti; “Do you know kuti kubvira ndakaroora ndinotoverenga mazuva atinoita bonde nemudzimai wangu? Akatanga achimboshinga achinyarara but ummm acharamba akadaro here?”
“Just make sure she avoids scandals. Zvimwe hazvina basa.” Norest akadaro achiseka.
“Excuse me? You mean hazvina basa kuti my wife arare nemumwe murume nekuti medu mumba ndatadza?” Simbarashe akabvunza inzwi rakwira.
Norest akaseka chaizvo akatarisa shamwari yake. Akambonwa chinwiwa chake ndokuzoti; “But iwewe hausi kuona kuti pamwedzi mishoma so watove nemari like most of the old guys? Kana your business in Zim, riri kubudirira more than expected. Some guys vari kutoti Queen favors you.”
Simbarashe akadzungudza ndokuti; “Because I have sacrificed too much. And they don’t know that.”
“Don’t worry my friend, uchajaira maSystem acho.” Norest akazodaro.
“I love my wife, dai ndakaziva kuti ndozvazvaizove dai ndakaroora munhu wandisingade. Ndaingomuitawo place holder business rofaya then ndotsvaga love from outside. Manje mukadzi wangu ari kumba is everything I want in a woman.” Simbarashe akadaro asina mufaro. Norest akaramba akanyarara ndokuzoti; “Like I said, uchajaira masystem acho. Its just that Queen vanoita zvavanoda hapana chamunobvumirana. Just play along.”
Varume vakaramba vachiita nyaya dzavo kusvika vazoparadzana pakundorara. Kuchiedza, Simbarashe akadzokera kumba kwake kuHarare.
Pazuva rakatevera, Simbarashe akaenda kumahofisi aive kuGarage kwake kwaitengeswa motikari. Akawana vanhu vese vachiita mabasa avo akasiyana siyana paCompany apa. Akapfuura achikwazisa vese nekumboita nyaya navo sezvo aida kuziva vashandi vake vese. Uye akange asina kukanganwa chazuro nehope, aiziva nhamo nemarudzi ayo ese nechimiro chayo chese. Yake yaive tema yainhuwa kubva boader Nyamapanda kusvika boader Beitbridge. Saka nhamo dzevamwe ava dzaive diki uye nyore. Uye dzaive dzemari, iyo yaaive nayo kuti avabatsire achivayambutsa ivo vachimushandira.
Akamboseka navo vese ndokusiya atuma vakomana kuti vandotengera munhu wese lunch yemusi uyu. Yaive tsika yake kana ambofamba kuti anodya nevashandi vake vese uye ndiye aivatengera.
Simbarashe akafamba oenda kuOffice kwake uko kwaivewo kuchishandira Chiedza. Akawana Chiedza akagara nemumwe murume here, kunge mukomana, waasina kuziva uye waasina kuita hanya naye nekuti macustomer avo akange akawanda apa vaive varume.
Chiedza akafara chaizvo kuona babamudiki vake. Mushure mekukwazisana nekumboita nyaya vachibvunzana mufaro, Chiedza akabva ati; “Bamudiki uyu ndiMoses, shamwari yangu. Mozi, this is daddy vangu vandogara ndichikuudza, owner of everything I own.”
Simbarashe naMoses vakatarisana, Simbarashe akasunga chiso, Moses akanyemwerera ndokutambanudza ruoko rwake okwazisa vaMusoni.
“Ari kudei pano nguva dzebasa so?” Simbarashe akadaro kuna Chiedza achiita kunge Moses akange asipo.
“Oh, nhai bamudiki, Moses is my friend, anditengera lunch. Mange muchida kuti ndidye masadza ekwamai Rio amunotengera boys dzenyu here?” Chiedza akadaro ndokuvhura handbag yake otora lipstick tsvuku tsvuku ozora pamuromo pake. Akasara miromo yati piriviri seakange anyudza mazino murwatata yemombe yekonde konde.
“Its not yet lunch hour Chiedza. Haunzwi?” Simba akadaro inzwi rakwira, Moses akavhunduka akada kusimuka, asi Chiedza akaseka chaizvo akatarisa babamudiki vake; “C’me on big man. Take a chill pill. Moses anoenda after lunch.”
Simbarashe akagara pchigaro pake ndokuvhura computer yake. Akazoti kuna Moses; “Unoshanda kupi mupfana iwewe?”
“Ndiri lecturer kuPoly.” Moses akapindura achitarisa veseshamwari yake Chiedza nababamudiki vake.
“Unolecture nezvei?” Simbarashe akabvunza zvakare.
“Electricals …..” Moses akadaro vakatarisana mumaziso naSimbarashe.
Vakaramba vakadzvokorana. Simba achitaridza kuti ane zvaaida kutaura zvaizogumira parurimi.
Akazoti; “eee…. I mean….. besides Poly lecturing ….. unoita nezvei futi?”
Moses akamboruma miromo ndokuzoti; “Hooo…. eeeh ndiri kuBible School, I am a student Pastor.” Simbarashe akafinyama achitarisa paComputer pake.
Chiedza akaseka akatarisa babamudiki vake ndokuti; “Try reading the Bible bamudiki, it’s not so boring after all. Kana Mozi achiverenga zvekuBible School ndiri kutonakidzwawo. It’s interesting.”
Simbarashe haana kupindura, akasimuka ndokubuda oenda kundodya nevashandi vake achisiya Moses naChiedza muOffice umu. Samba akange akagara panze paaidya nevashandi vake vachiita nyaya vese asi ziso raive kuOffice kwake kwaakange asiya Moses nemwanasikana wemukoma wake.
Moses akazobuda muOffice maChiedza ari ega ndokundopinda mumotikari yaChiedza ndokutyaira oenda kuguta. Apa Simbarashe akabva adzokerawo muOffice make.
“Wapa kakomana ako mota yako? Why? Are serious Chiedza? Ko wave meboyfriend nhai Chichi?” Simbarashe akazhambatata kumwana wemukoma wake.
Chiedza akapukuta maoko akae ange akazara chikafu chaakange adya naMoses masikati aya achiti; “Moses is just a friend nhai daddy. Why mamumaka kudaro?”
Simbarashe akadzungudza musoro ndokuti; “Pamashamwari ako ese hapana andakamboona uchipa motikari yako. Wazviitirei?”
“Ane class kuBible College manheru so ndangoti since tichiita audit nhasi inopera kuma 8 achauya kuzonditora.” Chiedza akatsanangura.
“But kupa mukomana mota yako? Unopenga here?” Simba akadaro aina mufaro nazvo.
Chiedza akarembedza muromo ave kusvotwa nezvaitaurwa nababamudiki vake, ndokuti; “Haa, it’s my car nhai. It’s not like he is the first man to drive my car. Baba vaye, friend yenyu used to drive my car, ikandorohwa window nemukadzi wavo you did not complain. Mudhara uya futi anotengesa madrugs aitora mota yangu hamuna kumboita basa nazvo. Vese ivavo where my boyfriends. What’s your issue naMoses? He is just a friend.”
Chiedza akasimuka pachair yake achienda kuFridge yaive umu uko akandotora juice. Akadira mugirazi rekunwira ndokutarisa bamudiki vake ndokuseka. Akavanongedza negirazi riya achiti; “You know what? Pane vese, varume ava vaidriver my car, Moses is the only one andisina kurara naye, and he is a good brother. Kwete mamwe madhara maface enyu anondishandurudza husiku hwese senyama yemugango repaGrowth Point. I like Moses bamudiki.”
Baba nemwana vakambonyarara kwekanguva, baba ndokuzoti;
“Saka kuBible School anoitei?”
Chiedza akatarisa munin’ina wababa vake achiratidza kusvotwa ndokuti; “Anoruka musoro.” Akazoenderera oti; “C’me on big man. Moses is a student Pastor. Ari kuverenga Bible A to Z, I mean Genesis to Revelations.”
Simbarashe haana kuita hanya nepfocho yange yopindurwa naChiedza, ane zvakadzama zvaaifunga, akabva ati; “Hoo…… Mentor wake ndiani?”
“Apostle Chinembiri …… vaye vaye vekubuda muSunday Mail vachidzinga maSatanists hanzi kupiwee that Boarding School?”
Inzwi raQueen rakaita maungira munzeve dzaSimbarashe richiti; “Tine list yevanhu nemachurch ausingafanire kupinda zvachose…..Ugare kure naDaniel Chinembiri, usapinde muchurch make, usafambe kana kutandara nevanhu vekuchurch yake. Humambo hwedu haudyidzane…..”
Simbarashe akaerera dikita; “Wakasanganepi naye?” akazoshingirira kudaro.
Chiedza akazoseka achiti; “Oooooh….. nhai bamudiki? Why why? Do I even remember? Siyanai naye anotozvitamburira uyo. But he is just a good friend of mine”
“Udza vana boys vekuMaintanance vandotora mota yako. Hamuchaonana futi naMoses iyeye. Haafanire kusvika pano.”
Chiedza akaseka ndokudzipwa nejuice yaainwa, akaita nguva achikosora misodzi ichibuda maziso atsvuka.
“You are talking to Chichi daddy. I am not Charity your wife. Endai mundoudza mukadzi wenyu kuti azive zvekushanyira mwana wake chete, kwete kuita tsika nditsikewo nababa vemwana wacho zvese. Musiyane neni.” Chiedza akadaro ndokubva vambotarisana naSimbarashe kunge vachasaidzirana.
“I am serios Chiedza. Haufanire kuonana naMoses zvachose. Zvatoguma nhasi.” Simba akaita kukakarara neinzwi raive pamusoro.
Chiedza akavhunduka kuzhambatata kwakange kwaita babamudiki vake ndokubva anyarara. Akatora mafaira ake aaida kuzoshanda nemaAuditors manheru aya.
Simbarashe akasimuka pachigaro chake ndokuti; “I warned you.”
Charity akaridza tsamwa yakaperera mumazino ikasanzwikwa nenzeve dzekwayaifanira kuenda.
Manheru aya, Chiedza akasara pabasa pake nevaaishanda navo vachiona zvemari nemabhuku emari apo vamwe vese vange vachaisa. Pakachaya 8, vamwe vese vakabva vaenda kudzimba dzavo. Iye ndokusara akamirira Moses aive nemotikari yake kuti azomutora. Pakasvika 8:20pm, musikana akafona, asi nhare mbozha yaMoses yakangorira isina akadaira.
Chiedza akangoti zvimwe mukomana aityaira achiuya kwaaive kuzomutora sekutaurirana kwavakange vaita. Pasina nguva nhare mbozha yake yakarira ndokuona ari Moses, akanyemwerera ndokuti; “Hie sha, ndaneta kumirira…………….” Haana kuzopedzisa adimbudzirwa neinzwi raibva panhare yaMoses.
“This is Constable Murindagomo, Central Police Station. Munozivawo Moses? Ndiri kuona ndimi mapedzisira kumufonera 15 minutes ago …………”
Chiedza akapindura hana ichirova; “Yes, yes Officer ndinomuziva, he is my friend. Ndakatomumirira anofanira kuuya kuzonditora kuLumia Garage Southerton.”
Chiedza akambotarisa cellphone yake achiona zita raMoses rakanyorwapo asi iye achitaura nemupurisa.
Mupurisa akaenderera oti;“Aita accident nemota, the car is a right off and iye ari kuHarare Hospital. Mungauyewo here kuPolice Station mutibatsire
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion