Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 5)

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 5) - Responsive Blogger Template

Pese paifamba Simbarashe munyika dzaaienda nebasa achityaira marhori, haana kumboita shamwari yaakawirirana nayo zvakanyanya. Aigara kure kwake ega, uye hasha paive pamusha. Akange asingatani kusimudza chibhakera achirova wese aiita seamuseka kana kumushora. Munhu ega waaiterera kutaura kwake vaive amai vake.


Izvi zvakamukanganisa kunyanya kunyaya dzevakadzi. Aipfimba nehasha achiita zvekumanikidza rudo, kana vechipfambi chaivo vaaiwana mubhawa vaibva paari vachitiza vomuti gara nemari yako.

Nguva yese yaaienda kuDurban nebasa, akange asingagare nevamwe, aigara pake ega oputa fodya nekunwa doro zvakanyanya kusvika akotsira.

Musi watiri kutaura uyu vaive muDurban vatopedza kurongedza maGonyeti avo kuti vabude muSouth Africa vachienda kunyika dzakasiyana siyana. Mumwe murume aishanda naSimba akasvika paari ndokuti; “Unodiwa kuOffice kwashefu. Izvozvi.”
Simba akashamisika nekuti shefu wavo aisadaidza vanhu panguva yekufamba.

Vakaenda vese kuhofisi yemukuru webasa.
Supervisor wavo akangosvika achiti; “Iwe Musoni ipa Jeche uyu makeys etruck rako, ndiye ave kubuda naro. Wondotora anything chako chiri muTruck nekumuratidza all necessary documents ugodzoka muno.”
Simbarashe naJeche uya vakabuda vese ndokuenda kundoita zvakange zvataurwa. Jeche akaedza kubvunza Simbarashe kuti zvakange zvaita sei, iye aizoenda kupi asi Simba wacho aisada kutaura uye aisave nezvekutaura zvacho. Mumusoro make aiona zvakange zvagara zvichiitika kumaCompany ese aakange ashandira. Kungodzingwa basa zvisina tsarukano.

Akaita hasha dzaasina kubudisa kune mumwe wake waaishanda naye. Aifunga zvaakange aita naamai vake paakabva kumba mavhiki mana akange apfuura. Vakange vandogezeswa nemvura yegungwa, akapiwa zino reshumba kuti agare naro muhomwe make. Akapiwa muswe wengwindi kuti ugare mumotikari yake yebasa. Uye dehwe rekatsi yaakange anzi auraye ega nemaoko ake.

Zviviri izvi zvakange zvakaomeswa akazviisa pagirazi remberi kwerhori yake. Vese vaiona vaingoti kushongedza motikari kwemutyairi asi zvaimubatsira kuchengetedza upenyu nebasa rake sekutaura kwen’anga yakange yamubatsira padambudziko rake.

Paairongedza akaita hasha akatarisa zvinhu izvi ndokuzvipfonyera mubag raive nembatya dzake achifunga kuzozvipisa kana adzokera kumba kwaairara. Sekuru vakange vamubatsira vakange vati achaita lucky rakakura chaizvo kubasa kwake zvichifambiswa nevakuru vebasa. Asika apa akange atotorerwa truck raaifanira kubuda naro, ndokwaive kupera kwebasa here?

Mushure mekupedza zvese zvavaifanira kupanana, Jeche akatyaira gonyeti ndokubuda. Simba ndokudzokera muhofisi yemukuru webasa paTruck Depot paaishanda apa. Akasvikogara pasi ndokumirira kuti mukuru webasa ataure.
“Oh Musoni, ndakamirira driver ari kubva kumba kwaBoss kuzokutora.” Supervisor vakadaro, izvi zvakashamisa Simba zvakanyanya.
“Boss? Boss ndiani?” Simba akada kuziva.
“Muridzi weCompany ino. Mr Karekwaivenane, ndovaregesa trip yako vanoda kukuona.”
Simba akaramba akanyarara, mazuva ese aifunga kuti Supervisor ava ndomuridzi weCompany.

Asati apindura pakabva pamira mukomana wechidiki pamusuwo wehofisi, ndiye akaenda naSimba kumba kwamuzvinabhizimisi Karekwaivenane.
Vakasvika kumasabhabha eUmdloti muDurban kwaigara Boss Kare. Simbarashe aiona dzimba dzakange dzakavakwako, motikari dzaifambako kusanganisira neyakange yauya kuzomutora. Akabvuma kusiyana kwevanhu pasi pano. Akafunga basa rake raiita akafunga kuti aizovakawo riini? Ava vaive nezvakadai vakange vaita chiokomuhomwe naMwari here kuti vapiwe mari yese yaivapa rugare urwu.

Akazoona vopinda pamwe pamba akaziva kuti vakange vasvika, akangodzungudza achiona zvaivepo. Akandopinzwa mumba ndokuratidzwa pekugara. Zvese zvese, yaive goridhe, mibato yemisuwo chaiyo, goridhe. Kana girazi raakapiwa mvura nemusikana aishanda mumba umu, raive nemupendero wegoridhe.

Akagara kwe15 minutes ari ega maziso achimhanya mhanya kuona zvakamutenderdza. Pashure pakazopinda murume wechidiki. Vaive zera rimwe chete kana kuti uyu aitove mudiki. Akange akapfeka mbatya dzairatidza kuti abva kumaSports, hameno zvaindotambwako. Asizve zvipfeko zvacho aingove mazita aye anodhura zvekunge achatenga imba yemumwe munhu.

Simba akaramba akanyarara, pave paya akazoti kumukomana uya; “Ndauya kuzoona baba vaKarekwaivenane…….”
Mukomana uya akasekerera ndokuti; “Noo, wauya kuzoona inini. Ndini ndakudaidza.”
“Ndanzi ndadaidzwa naBoss, baba vaKarekwaivenane.” Simba akadaro zvakare asingade kutambisirwa nguva.
“Munovaziva here boss venyu vaKare vacho? Makambovaona?” Mukomana uya akadaro. Simba akangodzungudza ave kufunga kuti uyu aifanira kuve mwana wavaKarekwaivenane vacho.

Akabva azotarisa Simba asingaseki ndokuti; “oh ok, I see you don’t waste time. I am your boss, Norest Karekwaivenane, the owner of Kays Trucking. Ndini ndakudaidza pano. Hapana mumwe achauya or boss achataura newe. Ndini wacho wese.”
Simba akangotarisa mukomana uyu kubva kumusoro kusvika kuzasi, aive nemakore angaite 25.
“I know you Simba very well, I have done my research. And I decided ndoda kushanda newe. Zvandinoziva about you zvakandiratidza kuti unogona kuita Company yako yakafanana neyangu. Ugoita mari seyangu kana kupfuura. Ndozvandakudaidzira". Norest Kare akadaro zvakare.
Simba akatura befu nokuti aisadzingwa basa, asi akavhiringika nezvaainzi dai aita. Kana yaive promotion, zvange zvakanaka, asi handizvo zvange zvataurwa apa. Ko Norest aizoda partner isina kana dhora rayakaisawo paCompany here?

Norest akabva ati; “Tell me about your family. Vabereki vako, vakoma nevanin’ina vako.”
“Ndina amai chete.” Simba akadaro ndokunyarara, vakaita nguva vese vakanyarara nekuti Norest aifunga kuti achaenderera mberi asi hazvina kuitika. Simba akange apedza kutaura pamusoro pemhuri yake.
Norest akaseka chaizvo ndokuzoti; “What do you mean?”
Simba akatsanangura; “Ndinoreva kuti handina baba, mukoma kana munin’ina. Ndakazvarwa ndiri ndega.”
“Baba vakafa?” Norest akada kunzwisisa.
“Vapenyu asi vakandiramba ndichiri nhumbu. So ndina amai vangu chete.” Simba akadaro achifinyama.

“Oh, ok. Kana ukanzwisisa zvandichakuudza, tikabvumirana kushanda tese, dzinza rese rekwababa vako vachaona kuti uri murume chaiye kwete zvavaikufungira kuti uchaparara.” Norest akadaro.
Vakambonyarara vese Norest ndokuzoti; “Zvakawanda tozotaura pfungwa dzako dzavhurika. Let me go and bath, then tofamba kumabusiness tichiona zviri kuita vamwe vezera redu then tozotaura zvakare.”
Pavhiki yese, Simbarashe aigara mumba maNorest Karekwaivenane. Maive nemudzimai nevana vake vaviri mukomana nemusikana vaive nemakore maviri uye vari mapatya.

Mumba umu mairaramiwa upenyu sehwemuTV. Mudzimai waNorest aingoita basa rekugeza, kuzvinakisa nekutenderera muDurban nevana vake vachitenga twusina maturo twusingaperi.

Zuva nezuva paiuya shamwari dzavo vachizodya nekunwa nekutandara manheru ega ega.
Iye Simbarashe akange aratidzwa zvaiita vamwe vezera rake akabuda mwoyo. Vakomana vezera rake vaive nemari yavo, uye vairarama sezvavanoda.

Mushure mevhiki mbiri achitenderedzwa achiratidzwa zvido zvemwoyo wake. Akazogara pasi naNorest votaura nezvake.
“Wakaonaka the kind of business randaitaura? Iwewe make a choice then the Organisation will help you pane zvaunoda.” Norest akabvunza.
Simba akambofunga ndokuzoti; “kutaura chokwadi handina business chairo randakaona riri kuitwa. Ndiri kungoona vakomana vari kudya mari yavo. Ko sei makasarudza inini? Pavashandi venyu sei makada kubatsira inini?”
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 5)
Norest akamboseka ndokuti; “Kana neniwo pane akatondinhongawo akandibatsira. Unoonekwa kuti wakashinga. Business redu harisi revanotya or vane hana nhete.”
“Why? Does that include kuuraya vanhu?” Simba akabvunza zvakare.
Norest akaseka chaizvo ndokuti; “So iwewe unofunga kuti kurambwa kwawakaitwa nababa vako hakusi kuuuraiwa? Unofunga kuti kuchengetwa namai vako vari vega vachinzi mvana or hure nevanhu vese pasina anovanzwira tsitsi hakusi kufa? Kunzi ndiwe wakasandura upenyu hwaamai vako uchivapa munyama hakusi kufa here? Don’t be stupid.” Norest akapedzisa ave kuridza tsamwa.
Norest akaenderera; “Nyaya iripo my friend is be ready to sacrifice the good to get the great. Kuchurch they fast and pray and vanobvisa chegumi. Vane lifestyle yakanyorwa in Bible yavanonzi ukaita zvakadai watsauka, ukaita zvakati wagona. Saka chero vakada kuzviita vanosungwa nemitemo yeBhaibheri ravo. That’s standard. Kweduwo tine zvatinoita give up, kuti uwane zvimwe zvinhu.”
Simbarashe akaramba akanyarara, mwoyo wake wakange uchinyanya kufunga kuti zvaitaurwa naNorest ichokwadi. Kana baba vake vakakwanisa kumufuratira kweupenyu hwese, aitadza neiwo kungowana chaanofuratira? Dai aive munhu akakosha, mwana chaiye akafanana nevamwe vana vavanavo kwavari nhasi, vangadai vakamutsvaga. Vakarega nekuti kwavari haasi munhu. Kana chibairo chairehwa naNorest vaisave amai vake chete, aizopindawo mumari maive nevamwe.

Akabva ati; “Ok. Its fine. Ndoda kundoona The Queen wamunogara muchitaura. Kana vakandiudza what to sacrifice and give up, ndinoita ndotangawo business rangu. Asi kwete amai vangu.”
Norest Karekwaivenane akasimuka ndokubhabhadzira mumwe wake musana ndokuti; “Wave murume manje. Go and talk to The Queen, vanokupa guidelines kuti woita sei zvinoenderana nevanhu vari muupenyu hwako. Vanoziva upenyu hwako hwese. Kana wadzoka ndozokuudza more about myself.”
Simbarashe asati apindura, Norest akange ave parunhare, hameno waakataura naye asi vakaronga kuti usiku uhwu, Simbarashe aizosangana newavaiti The Queen aivapa simba rekuita mari panyika pano.

Pakati peusiku, vakaenda kumahombekombe kwegungwa muDurban makare, The Queen vaigara muIndian Ocean, ndovaida kundoonekwa nevarume ava.
Simba akange akavhiringika, aisanzwisisa zvaiitika kwaari asi akavimba nevaaifamba navo. Pavakasvika apa, akanzi abvise mbatya dzese, ndokusara asina kana mutimwi. Kutotenda Mwari vakati apo neapo paite bvudzi rinovhara dzimwe nyama. Angadai akasara ari barwe rekugocha.

Akabva anzi atsinzinye maziso ake, ndokunzwa pavaive vakamira pave nechamupupuri chakasimba chakamudonhedzera pasi. Pachakapera, akange amira ega mumba maive nechiedza chishoma shoma chisina kujeka. Akatendeuka achiedza kuona zvakange zvakamukomberedza.
Akanzwa; “Simbarashe Chibaya!” akacheuka achiita seachadonhera pasi. Akaona mumvuri wakange wakange wakanamira kumadziro mumba umu, ndowaitaura naye.
Mumvuri uyu wakamuudza nezveupenyu hwake hwese. Zvimwe aiziva, zvimwe aisaziva, zvimwe kana amai vake hameno kana vaiziva. Asi zvese zvakayanikwa pachena.

Pashure peizvi akabva azonzi; “Wave kuziva mamiriro akaita upenyu hwako, kusarudza vekuunza upenyu hwavo kuno hakuchafaniri kukunetsa. Chidzokera, zvimwe tosangana kuhope, zvimwe ndinenge ndichituma vatumwa vepfuma yemumvura.”
Mumvuri uya wakanyangarika, Simba akanzwa mumaziso ake muchikandwa mavhu. Akabata kumeso achiedza kubvisa mavhu aye, paakazopedza kubvisa akaona akagara kumahombekombe kwegungwa.

Sahwira wake Norest nevamwe vaakange auya navo varipo vese. Vese vakaombera vachimubata maoko nekumukorokotedza.
Nguva dzakange dzoti 3am, ndopavakadzokera kumba kwaNorest.

Munzira mese hapana akataura nemumwe, Simba akange akaremerwa. Norest akange achimbopa mumwe wake nguva yekunzwisisa nekudzeya zvaakange audzwa. Vakangosvika vachirara pasina mamwe mashoko.
Pazuva rakatevera atove masikati, ndopavakazokwanisa kutaurirana. Simba ndiye akatanga kuti; “Ndofanira kundotsvaga baba vangu. Ndinoda kuona vana vemukoma wangu Tawanda ndopane mari yangu.”
“That’s good.” Norest akapindura achidaro. Mhinduro iyi yakashamisa Simba. Nyaya yavaitaura yange yakarema asi mumwe wake aipindura sevanzi huyai tizodya sadza.
Simba akabva ati; “Pama options avakandipa ndakavaudza kuti inini pachangu handidi mhuri. Zvemukadzi nevana izvo is nonsense to me. Handizive kuti kuve baba kuita sei, saka handina basa nevana. So ndati vatore vana vangu. Kureva kuti handifi ndakaita mwana wangu. Asi sacrifice yekutanga kuti ndipinde muSystem is my brother.”
Vese vakambonyarara, Simba ndokuzobvunza; “Ko iwewe wakapa chii to The Queen?
Norest akapindura achiti; “Ani kwete chii, Queen havadi zvinhu vanoda vanhu chaivo pane mweya waMwari.”
Norest akaenderera; “Zvekupa family first ndozvatangangoita tese. Inini ndakavapa sisi vangu, vakangotanga kupenga ari kuUZ kwaaiita Masters Degree, then ndokutozogara pamba naamai.”
Simba akashamisika; “Wange usingarwadziwe here kumuona mwana wamai vako? Imimi makakura mese?”
Norest akagutsurira achiti; “Ya, ndaisarara ndisina kuputa madrugs, it was heartbreaking. Worse paakatanga kubatwa chibharo nevanhu vachingomupa nhumbu. Till baba vazondomubvisisa chibereko. But vese ndovachengeta, they have the nicest house in Gweru. Mapiritsi ekuchipatara kungotambisa nguva kumupa. Iyezvino ndajaira, she is dead to me.”
“But why did you do that?” Simba akabvunza zvakare.
Norest akaridza tsamwa ndokuti; “Ndiye aive favorite yamai nababa, aigona chikoro. Ini ndakadzokorora kakawanda, kusvika atove mberi kwangu kuchikoro. Mai nababa vaigara vachitienzanisa vachimuita iye munhu. I wanted to show them kuti I am a man and I can do zvavanoti anogona and inini handifi ndakaita.”
“So wakaziva sei nezveOrganisation yaThe Queen?” Simba akabvunza.
“Social media.” Norest akadaro.
Vese vakambonyarara Norest ndokuzoti; “So kana wavapa your brother, zvinogara zvakadaro, haafe akafara. Chero vakafamba kupi haubatwe, vanenge vachingoudzwa endless stories no solution. What you have to do is to be in touch with them. Unovabatsira stereki with money. So pavanoda kufamba kune zvemweya munoenda mese. Ndichakuudza kuti mweya yausingafanire kuenda ndeipi uye unoiziva sei. Then vanozviti vemweya vakawanda vacho vanonyepera kubatsira vanhu, vanowana information from The Queen saka ndiwe unenge uri solution yavo. You are now the boss my friend.”
Simba akanyemwerera achifarira zvaainzwa. Norest akati zvakare; “Ok, so after your brother iwewe wati hauchaita mwana, asi ucharoora hakoka. Just be careful. Marry someone asingade zvekuzvitsvaga or anoenda kuchurch chaizvo. Inini my wife haandinetse, what these creatures want is money and shopping. Mupe mari adye afare.”
Simbarashe akabva ati; “Ko iwewe after your sister, chii chauri kuramba uchivapa? I mean ndiani wauri kuramba uchivapa?”

Norest aive nenhoroondo; “Ndine maSmall house angu four, 2 muno in Durban and 2 kumba in Zim. Vese ndakavatengera dzimba, they drive nice cars and I fund twuma business twavo twenhema. But vanoita vana vachifa, kupenga kana kuita maDown syndrome. But nekuti havazivane havambozvibate. But vana ivavo ndovari kutorwa by The Queen. And you know vakadzi ukamupa imba nemota, anotoshingirira ega kukuitira vana kuti awane reason yekuramba ari pamba ipapo. So havarege kuramba vachiedza kuzvara. But ndinenge ndichiziva zvangu kuti vari kungozvara disappointments to themselves and prosperity to me. So vana vandinavo muno mumba are well protected, hapana chinovawana. And pamaSmall house apo ndinotonoroora, kukafiwa kumba kwavo or kukachatiwa ndinoenda and support. Because ukasadaro anongwarisa akaita mwana nemumwe munhu. Kana akaita asiri weropa rangu ndinonyura. So I have to keep her and her family happy. Hama dzake dzoziva kuti isecond wife. Hakuna anoziva kuti third or fourth, everyone is second.”
Varume vakamboseka chaizvo. Zvange zvave kujeka kuna Simbarashe kuti chii chaiitika muBusiness rake idzva.
Norest akati zvakare; “Ok zvawati iwewe uri kuenda kumba kundotsvaga mudhara wako, ndini mentor wako, and ndiri kutozviona kuti wapinda. Ndichakupa mota nemari yekundosvika uri muchinda chaiye. Ukasvika uchitambura tambura hautererwi sha trust me. And also tengera amai vako imba nemari yangu. Kuti tisunge ukama hwedu. And always remember I am your mentor. Ndinokuchengeta iwe uchindichengetawo.”

Mushure memazuva maviri, Simbarashe akatora motikari nemari zvaakange apiwa nasahwira wake ndokuenda kuna amai vake kuHarare.

Akashamisika paBoarder achiremekedzwa nekubatwa zvakanaka nevashandi vepo kunge aive Minister. Havana kumupedzera nguva yake sezvaange ajaira kuvhundunyurirwa zvese zvese kunge uchavhuriswa nepasi perurimi.
Kuwanda kwakange kwakaita mapurisa mumugwagwa, asi musi uyu pamwe aipfuura vangomukwazisa, pamwe vaisatombomumisa zvachose. Bag remari yake rakange rakazorora pachena chena hapana kana akaribata kana kuda kuona zvaive mumotikari yake yese.

Kana naiye akabvuma kuti zvasiyana zveupenyu hwake. Ave kurarama samambo chaiye. Kushorwa nekuonekwa sembavha ange akusiya kuIndian Ocean. Zvainakidza izvi.

Mai Simbarashe vakashamisika kuona mwanakomana wavo achisvika asina kufona, uye ane motikari itsva yavaisaziva. Vakange vajaira zigonyetti rake raizhamba richimira pamba. Mushure mekukwazisana, vese vakandorara, sezvo paive pakati peusiku.
Kuchiedza amai vakafuma vobikira mwana wavo vamirira kuti amuke vagonzwa nyaya dzake.

Vane dzavaiziva dzaidzokorereka makore ese….. Grocery rimwe rabatwa paBoader, kana kuti rakabiwa pamba paaigara otoda kuuya. Mari yatorwa nemapurisa aisvika nehafu, rhori yazofa kana yabondera, aitoda kuigadzirisa mukuru webasa asingazive kuti achengetedze basa rake. Zvese zvaingomudzorera kumashure nekuti zvaitora mari yese yaaishanda.

Mushure mekugeza nekudya, Simbarashe akatutunura zvinhu zvaakange abva nazvo Joni. Kekutangawo zvese zvakange zvakakwana. Chikafu chese nembatya dzaamai vake dzekupfeka zvaivepo. Amai vakafara chaizvo vachipfeka nekukumura zvese zvese vachifitwa.

Pashure vapedza kurongedza zvese Simba akazoti; “Amai mugondipawo address yekumba kwababa vangu kwaMpandawana. Nyangwe vakatama havo asi munhu anogarapo anokwanisa kuziva kwavari.”
Magreth akangogutsurira ndokuti; “Kunana mbuya vababa vako nedzimwe hama dzavo dziriko kwaGutu. Enda mundoonana. Usazoti minyama yaunayo inokonzerwa nekuti hauzive baba vako. Kuda mukaonana ungasununguka.”
Vakamboita nguva vakanyararara. Simba ndokuzoti; “Nhai amai……….. pamakaita nhumbu mukasiiwa nababa vangu makarwadziwa zvekuti makada kubvisa nhumbu yacho handiti?”
Simba akabvunza akatarisa amai vake mumaziso. Amai vakahutisa miromo vachifunga zvekutaura asi vakashaya. Mubvunzo uyu vaisautarisira zvachose.
Simbarashe akabva ati zvakare; “Ko dai makawana vaida kutenga mwana? Dai makanditengesa?”
Magreth akatarisa mwana wake, akaoma mate mukanwa, akafunga gore raaive nenhumbu yemwana uyu. Baba vake vachitaura rough dzavo dzekuramba nhumbu nekusemburwa nenhumbu iyi.

Akatarisa Simba akaona huma kufanana neyaPeter Chibaya yakasungika, akaonazve miromo yaPeter Chibaya ichiti; "Mai Tawanda vakazviona vanongoona kuti chokwadi mumba mavo makambopinda hure.”
Magreth akafemedzeka nehasha, akafinyama akatarisa mwanakomana wake achifunga Peter Chibaya paaimuzevezera vakaisa misoro pamutsamiro mumwe chete. Apo achimutsvoda nekumukorovhera kuti vaite nhumbu vagovaka mhuri yavo vari vaviri. Akafunga musi waakange amuudza kuti ane pamuviri murume akamugukuchira, akamusimudza nekumunanzva dumbu nekufara.

Magreth akanzwa ziya kuteuka ofunga nhumbu yave nemwedzi mishanu baba vaSimbarashe uyoyu voti; "This pregnancy issue is overemphasized. Dai vese vane nhumbu vaidaro dzaisagarwa dzimba idzi.” Kunge akange asiriye akange ati vana maruva emuchato. Haasiye here akange ati aizofara zvekuchengeta Magreth kweupenyu hwese kana aimupa vana.
Peter Chibaya aitoronga nhumbu nhatu muwanano yake naMagreth. Marriage yacho iyi yakange yaperera mumhepo mayakange yabva namo. Hana yaMagreth yakarova nehasha dzekushaya zvekuita nekuda kwekunyengedzwa nekurambwa kwavakange vaitwa naPeter Chibaya.

Inzwi raSimbarashe raiita maungira munzeve dzaamai vake, avo vainzwa sevave kutongeswa nemwana wavakazvara vari vega. Hameno zvaibvunzwa naSimba, zvaaida kuti vapindure. Asi mai havana kuita hanya nazvo, munzeve mavo vainzwa Peter achiti; “Kwandiri if you think because une mimba you can do as you please with me nokuti mai Tawanda akatadza kuita mimba, then mimba yako inopedzisira isisina meaning kwandiri.” Now the meaningless mimba-turned-son ndiye ovabvunza zve abortion and adoption. Kufanana baba nemwana kutomuita benzi ravo ravanoitisa zvinhu. Kana rapedza pane kuti vatende votuka kuti wazviitirei. Magreth akaridza tsamwa.

Mai vakatarisana nemwana wavo kumeso ndokubva vati; “Unoda kuudzwa chokwadi? Kuti ndaida kubvisa nhumbu yako here kana kukutengesa?”
Simbarashe akagutsurira, amai ndokuti; “Ehe, ndakatopiwa appointment kuti ndizobvisa nhumbu yako baba vako pavakandiramba. Asi wakange wakurisa uye wave kutamba zvakanyanya mudumbu mangu. Ndakada kukuona, ndange ndave nerudo newe. Mubvunzo wako wepiri uyo, vanhu vaida kukutenga kukuita mwana wavo ndakavawana ehe. Asi ndakasiyana nazvo futi ndisati ndatombosunguka. Nhumbu yako yaindirwarisa zvakanyanyisa, kubva pamwedzi wekutanga kusvika ndisununguke ndaingorwadziwa muviri wese …… apa ndaive ndega".

Simba akapfugama kumberi kwamai vake ndokubatana maoko vese vave nemisodzi mumaziso, amai vakazvishingisa ndokuti; “Kana dai ndakakuparadza kuti nditevedzere baba vako vakange vati uri meaningless ndaigoti ndakafirei nekurwara nhai mwana wangu? Ndakangoti munhu anochengetwa naMwari…………..”
Vese vakambopfikura kuchema amai ndokuzoti; “Kana Mwari vakabvuma kukusika mandiri inini ndisina murume. Asi vachiregera muvakadzi vari mudzimba dzavo vane varume vanovachengeta nekuvayemedza pa9 months dzese saka zvakangonakazve nhai mwana wangu. Pachedu mwana wangu.”
Simba akagutsurira ndokuti; “Ndinotenda amai, zvange zvakaoma asi makandida zvakadaro. Ndinoziva uye ndaiona kurwadziwa kwenyu kwese. You sacrificed for me, I will sacrifice for you too.”
Vakamboita nguva vakanyarara, vese ndokuzopukuta misodzi.

Pashure Simbarashe akati; “Ndauya kuzokutengerai imba, handei kuAvondale mundoona mbiri dziriko, musarudze yamunoda.”
“Waiwanepi mari Simba iwe? Mwedzi wapera wakabva pano uchiti une chikwereti neumwe waunoshanda naye. Yazobvepi mari yekutotenga imba yese zvayo?” amai vakada kuziva.
Simba akasekerera ndokuti; “Takapiwa maLoan edzimba kubasa amai. Imi farai chete. Mugofunga kurongedza kwamuchaita imba yenyu mai Simba.”

Vakasimuka vese voenda kundosangana nevatengesi vedzimba vaive kuAvondale vakange vataura naSimbarashe.
Mai vaifunga kuti nhamo iya yazopera, asi vaishaya kuti pan’anga dzese dzavakafamba akange aipedza chaiye ndeupi, vakangoti hameno ikoko.

Mwanawo aifunga kuti aifanira kuona baba vake nemukoma wake kuti atange business rake. Aisazovanzwira tsitsi. Kana Norest akange apengesa hanzvadzi yake, yaakakura nayo mwana waamai vake, iye airwadziwa nei kuti vambochinjana upenyu nemukoma akange apiwa rudo rwese nababa vake? Aizovaratidza vese mukoma nababa kuti upenyu imbwa yemunhu.

Ivo vakange vazviita achiri mudumbu maamai vake asingakwanise kuzvibatsira. Iye aizovaitira vave varume vakuru, aida kuona kana vaigona kurwa naye. The Queen akange amupa simba rekutonga kudzinza rese rekwaChibaya, aizovatonga nemuuuro.

Vese vaifara, asi pasi pemwoyo yavo paive nekuvhunduka nekurohwa nehana nekusanduka kwakange kuchiita upenyu hwavo munguva pfupi yavaiona iyoyi ... 
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion