Magreth akananga Harare paakabva maGutu-Mpandawana. Akandosvikira pamba pemwana wavatete vake aigara kuMbare. Sezvo akange ane kamari kaakange achengeta, akangogara kwevhiki imwe chete ndokuwana pakewo pekuroja kuGlen View 7.
Magreth aive netarisiro yekuwana basa sezvaaiita kwaGutu, asi Harare yakange yakasiyana. Akatenderera nzvimbo dzese achitarisa maCreche nemaDay Care Centers kuti ashande asi hapana chaakawana. Vaida zvitupa nemapepa ekosi, zvese akange asina. Aingove netsamba yekuti akange amboshanda kuTiny Tots chete. Akapedzisira asiyana nazvo ndokuitawo musika wake wemiriwo yaaindotenga kuMbare.Magreth haana kuda kumira nzvimbo imwe chete achitengesa, asi aifamba mudzimba nemiriwo nemichero achitengesa. Semunhu aive nemwana mucheche waaisiira vamwe vaaigara navo, aizokurumidza kudzokera kumba. Izvi zvakamuraramisa makore maviri ekutanga mwana achikura.
Asi zvakamuwanisa mari yerent nekudya chete, uye zvekupfeka zvemwana. Amai havana kubatikana nekupfeka zvitsva, chero vaive nechekufamba vakasimira, zvaive zvakaringana.
Pakazotanga Simbarashe Grade 1 amai vake vakabva vatanga kubika sadza vachitengesera kuvarume vaiveza. Vakatanga vachitenderera nedish raive nesadza nendiro dzavo, kusvika vazovaka musasa wavo paaibika ari. Vese vaipfuura nepo vaiziva kuti sadza raMai Simba rinonaka uye rinobikwa zviri smart chaizvo.
Pakutanga vaiveza vega ndovaitenga, asi nekufamba kwenguva pakange pouya vese vese nevekumaOffice, nevaipfuura nenzira. Pakazotanga kuuyawo vaizopaka motikari dzavo kuti vadye maguru nematumbu zvaibikwa namai Simba, kunyanya masaimba aye aive nevakadzi vaiti guru rinonhuhwisa mumba uye rinonetsa kubika. Gare gare mai Simba vakange voita mifushwa, miboora nechimukuyu vachiisa dovi. Vakaita mari yavo yakavararamisa nemwanakomana wavo.
Simbarashe akakwanisa kuenda kuchikoro nemari yesadza. Vakange vatojaira kaupenyu kavo vari vaviri kudai. Vachiwana chekudya chemusi iwoyo.
Gore rakanyora Simba O’Level, ndipo amai nemwana vakakwanisa kuenda kumusha kwavo kwaGutu kwaMukaro. Vakandosvikira mumba mababamunini vamai Simba vakange vavarera kubva vachiri musikana pakashaya vabereki vavo. Mhuri yese yaivepo sezvo yakange yave nguva yeChristmas. Apo manheru mhuri yese yapedza kudya vana varara, baba vaMusoni ava, nehanzvadzi yavo vaive vatete vaMagreth vakagara panze vachikurukura.
“Nhaiwe mai Simba mwanangu, une tsika yekuti ukaenda Harare kwenyu uko, unoenda zvachose, faifi yezi haudzoke. Wakapedzisira kubva panp Simba ari giredhi 7. Modzokazve atopedza chikoro. Dai ndaisangana naye ndaitotadza kumuziva. Ko kudzoka kumusha mwedzi nemwedzi zvinoita vamwe nhandi?” babamunini vakadaro vasina mufaro.
![]() |
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 4) |
Magreth akaramba akanyarara akatsikitsira. VaMusoni vakabva vazoti; “Gore rapera iro vaChibaya vakauya pano, vaitsvaga mwana wavo. Tese takashaya kuti tomuudza kuti chii huye uri kupi.”
Magreth ndopaakazopindura; “Ah nhai baba, pandakazobuda maGutu ndichienda Harare ndakakuudzai wani zvakaitika.”
Magreth ndopaakazopindura; “Ah nhai baba, pandakazobuda maGutu ndichienda Harare ndakakuudzai wani zvakaitika.”
“Zvekurambana kwenyu zvinei nemwana? Iye Simba atokura uyu. Achakunetsa kana oda kuona baba vake. Apa vanenge vakatamawo maMupandawana. Unovawanepi?”
“Ah iye Chibaya pandakasununguka haana kuzoona mwana, akatuma mukadzi wake kuzondituka nekundityisidzira achiti anoda kundiuraya ini nemwana wangu ndosaka ndakatiza. Nhasi zvaita sei?” Magreth akadaro inzwi ratokwira nehasha dzezvakaitika makore akange apfuura.
Baba vakatanga kuputa chimonera chavo vakambokweva utsi ndokuti; “Ndakamuudza akaita sekuti haazvizivi kuti iwe nemukadzi wake makambotaudzana. Aitokupomera mhosva yekutiza nemwana wake.”
Magreth akaridza tsamwa achifunga mai Tawanda vachimushura pamba paairoja apo ange achangosununguka Simbarashe. Akaramba akanyarara akatsikitsira. Akanzwa hasha dzake kuan Chibaya nemukadzi wake, asi pange pasina pekudzirasira, ko inga zvakange zvapfuura.
Vatete ndokuti; “Asi iwe unofara hako here nemwana wako? Muri kurarama zvakanaka?”
Mai Simba vakagutsurira bundu reshungu dzekwaChibaya rave kudzikira zvishoma.
Vatete vakabva vati; “Taive kumusangano kuchechi kwedu kuZiyoni uku paHirosi muna Ogasiti mai Simba wena. Pane zvakataurwa pamusoro pako. Ndini ndakatokuitira munamato wekuti uuye kumusha uzozvinzwira.”
“Kwanzi ndaita sei?” Magreth akadaro achipukuta kumeso, uye kunanzvira miromo yake yakange yaoma kuti gwa.
“Ave makore manganiko uchishanda muHarare nhai mai Simba? Awa ……” vatete vakasimudza zvigunwe zvavo vachiverenga. “16 yezi muguta, asi hauna kana chaunacho. Iwe nemwana wako, atove murume mukuru kudai munorara mu 1 room nekuda kwekushaya. Kana chekupfeka chaicho, pawaive maMpandawana waitopfeka nekuratidzika zvakanaka. Pane mhepo yehurombe nemunyama iri pauri inoda kubviswa. Zvikasadaro uchangoshandira sadza seshiri upenyu hwese.”
Magreth akabwaira bwaira misodzi ndokuerera; “Ichokwadi tete, mwedzi wandinobata mari yakawanda chaizvo ndinobirwa kana kuti Simba anorwara zvinotora double yemari yandinayo. Pandaitiwo ndotenga midziyo yemumba, Simba akatyoka gumbo kuchikoro. Nanhasi ndichiri kubhadhara chikwereti ichocho. Ndakange ndichangobirwazve midziyo yese yandinoshandisa pakubika kubusiness rangu. Mari yacho hapana chainoshanda.”
Babamunini navatete vemunhu vakaterera vachiona nhamo yaaive nayo. Kana babamunini vakange vakatsamwa kuti haauye kumusha vakadzora moyo. Vakange votofunga zvekumurongedzera kana odzokera kuti andobatsirika kana adzokera.
Vatete vakaruma ruma muromo ndokuti; “Wakambozvifambira here zvese izvi munyama waunawo?”
Magreth akakwanisa kungodzungudza musoro wake. Vatete vakaenderera; “Ko Harare zvakuriko kune n’anga nemaporofita ane mbiri yekumutsa newakafa, wakadii kundobatsirwa? Ungangogara mumba uchichema chokwadi?”
“Motoita zvekuchechi kwenyu tete. Mwana anoda kubatsirwa uyu.” Babamunini vakazodarowo vapererwa.
“Munyama wacho unonzi wakabva kumukadzi waChibaya. Akatsamwa chaizvo nekuvepo kwako uye akaparadzanisa baba nemwana kuti havafe vakaonana.” Vatete vakatsanangura, “Nedzimwe mhepowo dzemudzinza medu dzinokusanganisa nevasina hanya nekurwadziwa kwako. Zvotoda nyasha.”
“Inga takatoparadzana wani 17 years dzese, Simba haazive baba vake, chero foto chaiyo handina.
Kutambura kwedu kudai kunogovabatsirei?” Magreth akadaro akaneta chaizvo.
“Hanzi akakugadzirai kuti muve neupenyu hwakaoma nekuti wakamutorera murume, ukatoita mwana kuti umubudise mumba make. Uyezve akafuratidza mwoyo wehama dzese. Hapana achamboita shungu nekutevera mwana uyu.” Vatete vakadaro.
Babamunini Musoni vakabva vati; “Zvenhoroondo nemashoko chisiyai vatete. Hapana chazvinobatsira. Imimi mese mangwana mofumira kuvaporofita mai Simba naSimba vandogezwa munyama vatange upenyu hwavo. Izvozvi mati Simba akanyora fomu 4, ari kuenda fomu 5 here?”
“Umm handikwanisi, zvatokwana zvaakaita. Totobatsirana pabusiness. And chikoro chacho chaitomunetsa. Grade 7 akadzokorora. Fomu 3 akadzokororazve. Hameno kana akapasa Fomu 4 yacho. Akatoita zvekutsvaga mari tibatsirane kurarama zviri nane.” Magreth akadaro zvakare.
Babamunini ndokuti; “Kana zvisina kugadzirwa ndopatinozoona mwana angozungaira, atove mbavha paMbare chaipo. Tozodii zvikadaro?”
Vese vakanyarara vasina mufaro. Pazuva rakatevera, mhuri yese yakaenda kuchechi kwaive nevaporofita. Pakasvika muporofita mukuru akatanga nekudaidza Simbarashe Musoni. Mwana akasimuka hana ichirova ndokumira ari padyo nasekuru vake.
“Unonzi Simbarashe Musoni asi uri mwana wekwaChibaya, Musoni izita rasekuru handiti?” Muporofita akadaro achitambisa tsvimbo yake yaive nemusoro wainge musuva webhinya.
“Ndizvo chaizvo, Mweya uri kutaura chokwadi.” vaMusoni, sekuru vaSimba vakadaro vachisimukawo votsigira muzukuru wavo.
Simba uyu ari kurasirirwa mhepo dzese dzemumusha waChibaya. Vanoziva kuti uri ropa rekwaChibaya, asi vakakuparadzanisa nababa vako kuti pashaye rudo rwemubereki nemwana wake. Zvese zvinovatambudza nezvavanoda kugadzirisa, vanoisa pauri. Ndine urombo, asi mumanzwi mashoma ndingati unoshandiswa sechikwambo chinovaitira mari nazvese zvinoita vabudirire. Asi iwe uchidzaita nenhamo. Wakabva watopawo naamai vako munyama. Hapana chinobatika chavachaita.”
Muporofita vakambotambanudza bhande ravo kunge vaiverenga upenyu hwaSimba ipapo ndokuenderera; “Sezvo zviri zvinhu zvinoitwa nemusha wese, kupabuda pakadai apa, ummmm unofanira kutoshinga. Tokushandira chaizvo kusvika wasununguka todzorera zvese kune vanorasirira pauri.”
Sangano rese rakange ranyarara, madzimai atsikitsira, varume vachiita sevaipindwa nechiutsi mumaziso vakabata tsvimbo dzavo vakagara pasi vachiterera manzwi emweya. Sangano rese rairwadziwa nehushereketwa hwaiitwa nemunhu wenyama, mupenyu akasikwa nemufananidzo waMwari veDenga. “Chandave kutoona iyezvino, wakapedza chikoro, asi zvekuti pane kwaungandoshanda hakuna. Uchangodzungaira uchidyawo masadza anotengeswa namai kuti urarame. Wotozotanga kunwa nekuputa zvinodhaka kuti ukanganwe nhamo dzako nedzawakapa amai vako. Wozoita mbavha, woita upenyu hwekupinda nekubuda mujere. Wozofa nekurohwa nevanhu. Upenyu hwako handione huchienda kure. Uri chituko nechiseko kuna amai vako.”
Muporofita vakatsanangura vachidaro.
Sekuru Musoni vakabata ruoko rwemuzukuru wavo uyo akange oeredza misodzi nezvaitaurika pamusoro peupenyu hwake nemanzwi eMweya.
Muporofita akavatarisa vese ndokuti; “Angatadza sei kuita chituko kuna amai vake ivo vakanyengedzwa nekunyeperwa vakura? Ndiani anoita zvakadaro? Vese vanomitiswa vachirambwa zvinoitika panhumbu dzekutanga vachiri pwere. Zvino amai vanongochema kuti chakandiwana gore riya, kumitiswa ndachembera zvakatadzika ndichiri mhandara. Asi vanokuda zvakanyanya amai vako, vakapira upenyu hwavo kwauri zijaya. Ukashingirira nemuteuro unokunda. Chienda pavadzidzisi apo mugoronga zvekuenda Jorodhani kundogezwa munyama.”
Manheru aya amai nemwana vakazoenda kumapopoma kundogezwa munyama. Vakazodzokera kumba kwavo kwatodoka. Amai nemwana vairemerwa mumwoyo nemupfungwa, zvakange zvataurika pachiporofita zvakavaremera vakaona kuti vaizove nemakata erwendo kuti vagadzirise zvainetsa muupenyu hwavo.
Simbarashe akaramba akanyarara, aitarisa amai vake orwadziwa neupenyu hwavakange vararama vachimuchengeta. Nedzimwe nguva vaimuudza nezvehanzvadzi dzake dzakange dzashaya zvakakonzera kuparara kweimba yavo.
Nezvababa vake vakange vataura zvishoma, zvizhinji akange atozvinzwa pazororo iri vakuru vachitaura. Uyezve sekuru vake hanzvadzi yaamai vake vaaiswera navo vakange vambotaurawo zvavaiziva zvakange zvaitika mazuva apo amai vake vaive maGutu – Mpandawana vachidanana nababa vake.
Nemashoko asekuru vake, avo vaive vadiki kuna amai vake uye vaishanda maMpandawana mazuva azvarwa Simbarashe, rudo rwavabereki vake rwakange rwusina kupedza gore. Asi pamwedzi yavakange vave vese, vakange vapengesana zvekuti vese vekwaMusoni vakange votogadzirira muchato. Peter Chibaya, baba vaSimbarashe akange afara nehama dzekwaMusoni uye kuvachengeta nekuvatengera twunonaka nezvakakosha pese pavaipinda muGrowth Point. Vakange vafara kani, zvekukanganwa kuti mai Simba vakange vasina kubvisirwa kana svosve haro rinofa nekutswanywa nechigunwe.
Sekuru vakarondedzera nyaya yese ndokupedzisa vachiseka vachiti; “Togoti chiiko muzukuru, tongoti ndoyaive mereji yacho.”
Simbarashe haana kupindura, akaramba akanyarara zvakavhundutsa sekuru vake voshaya kuti aifungei. Vakademba kuti dai vanyarara nyaya iyi sezvo mwana akange achakaremerwa nemashoko akange abuda kumaporofita.
Pakangopera Christmas, musi wa27, Simba namai vake vakabva vadzokera kuHarare. Vakazondoona kutanga kwegore vave 1 room yavo kwavairoja. Pakapfuura mazororo ekupera nekutanga kwegore aya, Simba akabva awana basa muGlen View 7 makare. Akatorwa navamwe vaiita basa rekuveza midziyo. Aizovabatsira pabasa ravo iri vachimupawo pashoma paienderana nemashandiro avaizoita. Akave mumwe wevakomana vatatu vaishanda apa.
Izvi zvakaita kuti amai nemwana vachitangawo kuroja 2 rooms, vobatsirana kubhadhara rent. Simbarashe akashanda apa kwegore rese nehafu. Asi hapana chakanyanya kuchinja muupenyu hwavo, vakaita sevave kutonyanya kurarama mumunyama wakange wataurwa kumusha pazororo reChristmas. Nezvavakange vasingaone kwemakore ese, vakatanga kuzviona mazuva aya.
Kusafarirwa pavaigara, kusaremekedzwa, kungopomerwa zvakaipa nezvinoshoresa, kuonekwa nekubatwa semhuka nevavakidzani vavo, uye vamwe vavaigara navo. Zvese vakatanga kuzviona zvichiitika kwavari vese kwavaiswera kwakasiyana. Kana business resadza vanhu vakange vonyenyeredza mapoto amai Simba. Vakange vodzokera nesadza nenyama kumba zuva nezuva. Imbwa dzeraini rese dzakange dzovaziva, ndodzaivachingamidza pavaidzoka kubasa kwavo manheru ega ega. Dzakange dzakora nemvere dzese nekudya nyama yakashisha yamai Simba.
Kubasa kwaSimba zvaimusvota sei kugara achingotumwa iye kuti atsvaire, abike, andotenga mabhotoro nekundotsvaga mvura yekuti maCapenter anwe vachishanda. Apo vamwe vakomana nevaive vadiki kwaari, vaakange atangira kupinda basa, ndovaidzidziswa kubata sando nekurovera zvipikiri iye achitumwa kundobika sadza nekusuka ndiro. Vamwe vachiratidzwa glue raibatanidza matanda nekuaveza zvine shape kuti sofa ribude zvakanaka iye onzi chimbotsvaira marara awandisa.
Pakazomurwadza ndeapo mukuru webasa paakatengera munhu wese hovhorosi yebasa, iye ndokumupa aproan yebasa. Akavaridzira tsamwa achiikanda pasi. Akafamba achibvapo ndokuenda kwaipakwa macombi. Musi uyu haana kuenda kumba kwaive naamai vake kana kudavira foni yake. Ainzwa hasha achifunga zvese zvaiitika muupenyu hwake.
Akarara nemahwindi achiputa nekunwa zvavaiputa zvaakange asingazive kuti zvii. Asi chaanoziva ndechekuti zvakaita kuti arerukirwe mumusoro make chaizvo. Akanzwa kuve murume nekusununguka chaizvo. Akavhunduka paakapepuka ndokuona zuva rakwira, ndokushamisika nguva dzichiti 1 o’clock masikati. Akange atove mangwana akangorara nekudhakwa. Mudumbu make maiita kukwenga nenzara. Akaoneka vamwe vake vashoma vaivepo ndokuenda kumusika wesadza wamai vake.
Mai Simba vakatura befu kuona mujaya wavo achisvika ari mupenyu asina pakakuvara.
“Wange uripi kubvira nezuro nhai Simba? Handina kurara ndichingorota uchigogodza uchiti wadzoka. Sei kundidaro mwana wangu?” Mai vakachema chema.
Simba akangonanga papoto ndokuzvipakurira sadza reimbwa nhatu ndokuridya rese nenguva shoma shoma.
“Asi wange uchiputa mbanje? Ko kuzodya sewabva kujere zvaita seiko?” Mai vaingotaura vega, Simba akange akanyarara.
Akaita mazuva matatu akagara pamba achiswera akarara. Pazuva rechina amai vakakurumidza kudzoka kubva kumusika wavo wesadza kuti vataure nemwana wavo.
Zvawakaramba kudzokera kubasa kwako, woita sei neupenyu hwako nhai Simba?” Mai vakabvunza.
“Dai ndine mari ndanotora drivers licence. Ndodriver maCombi nemaGonyetti. Ndomabasa evarume chaivo vasingasweri nevakadzi sezvandaiitwa uko.”
“Iripo mari yako. Uende mangwana kwazvinoitirwa undoita zvese. Ungatsamwira shefu vako ndibaba vako here?” Iwe hauone kuti watove murume mukuru here ipapa?”
“Makaiwana kupi mari iyoyo.”
“Ndomarika yawaindipa kuti nditenge chikafu nekubhadhara rent. Ndaiziva kuti mumwe musi uchaida. Asi kana wada zvekudriver zvekudhakwa uchiregera.”
Ndomaendero aakazoenda Simbarashe Musoni kuvaridzi vemakombi vakasiyana siyana achindotyaira makombi avo. Akatanga achityaira emuHarare, ndokupinda mumabhazi aiita boader to boader. Sekutaura kwemuporofita, munyama wake waisada kuti aite chakanaka chinoonekwa. Apa wakazove wekuti bhazi rese raaibata kuti atyaire raisaita matrip matatu, raibva rafa zvekutadza kugadzirika. Nedzimwe nguva raitsva zvisinganzwisisiki. Aibva azodzingwa nevaridzi vemaCompany hapana aida zvakadai.
Akazofunga kusiyana nemabhazi ndokuenda kumaGonyeti aifamba Southern Africa yese.
Ndokwaakazosangana namuzvina business ainzi Norest Karekwaivenane akazomudzidzisa imwe mhando yekuita mari yakabva yashandura upenyu hwake zvachose.