Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 2)

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 2) - Responsive Blogger Template

Makore makumi maviri nemanomwe akange apfuura; Magreth Musoni amai vaSimbarashe Musoni vaigara paMupandawana Growth Point, kwaGutu kuMasvingo. Mukadzi uyu aive nemakore makumi matatu, 30, uye akange arambana nemurume wake. Aishanda paCreche muGrowth Point makare, iyi yaive Creche yavamwe muzvina bhizimisi vaive maGutu makare.

Magreth aisave mudzidzisi weCreche aiwa, rake basa kwaive kutsvaira tsvaira nekubikira vana nevadzidzisi. Aizoitawo zvekugezesa vana kana vapedza kutamba voenda kudzimba dzavo.

Musi uyu akatumwa nevakuru vebasa rake kundotenga chikafu chevana kumaWholesale muGrowth Point makare. Akaenda maChifamba Wholesale, ndokutenderera achinhonga zvaaida. Achitenga kudaro trolley yake yakange yazarisa kusunda kwave kunetsa, uye zvimwe zvange zvongodonhera pasi. Muchitoro umu maive nevanhu vakawanda zvekuti kana mushandi wekukumbira kuti amubatsire akamushaya. Paaiedza kudzorera twunhu twake patrolley akabva aona trolley iya yabatwa, akacheuka ndokungoti; “Makadii, mazvita henyu mandibatsira.”

“Ndatoti vatete vangu zvovotyoka musana ndiripo. Chimirai padivi apa ndipushe. Queue yacho yakareba zvekuti totombozorora.” Murume uya aibatsira Magreth akadaro.

“Asi mune tuckshop? Zvamakazadza trolley yese nemajiggies nemazowe, nemasweets.” MuSamariya akanaka uya akange anyuka muupenyu hwaMagreth akadaro.

Magreth akaseka ndokuti; “Aiwa ndezvekuTiny Tots Pre-School. Ndezvevana.”

“Hooo, Ok. Now that mataura nezve Pre-school, makatora porridge here kuCouncil? Nhasi ndange ndichinetsana nemaOfficers angu kubasa nekuti store-room yakazara nema porridge ari meant kupiwa maCreche ese.”

Magreth akadzungudza achiti; “Umm ndisingazive zvangu shefu wedu asi ndini ndine makey eStoreroom takapedzisira kuwana porridge kuCouncil 6 months ago.”

“Oh that’s bad, ndonosvika kuOffice ndichigadzirisa, either muchavigirwa or your head achanzi auye kuzotora.” Murume uya akadaro zvakare.

“Imi munoshanda kuCouncil?” Magreth akazodaro atarisa baba vaye kumeso.
“Yes, yes sorry, tangotanga nyaya pasina introductions. Ndinonzi Peter Chibaya. Ndiri Social Worker, ndinoshanda saCommunity Liason Officer kuGutu District Council.” Peter akadaro achitandavadza ruoko rwake achinyemwerera kuna Magreth uyo akaseka chaiko achitsikitsira.
“Ndinonzi Magreth Musoni, ndiri Care-taker kuTiny Tots.”

Sezvo vange vasvika pakubhadhara, vakambonyarara vese vave kuisa zvinhu zvavo patill. Vakafamba kusvika pamusuwo paimakwa mareceipts avo.
“Une transport here? Uri kuenda nei nezvinhu zvese izvi?” VaChibaya vakazobvunza.
“Ndinohaya zvimota izvi ………..” Magreth akadaro ave kutonongedza zvimota zvaive panze.
Peter akafambisa trolley airatidza kwaive nemotikari yake, “aaah ok, handei ndinokusiya, mota yangu iyo Toyota yewhite. Handei.”

Vakafamba vese ndokuenda kumota iya ndokundorongedza tunhu twavo. VaChibaya vakandosiya Magreth kubasa kwake, ivo ndokuendawo kwavo kubasa.

Mushure meawa imwe chete, motikari dzekanzuro dzakauya pakireshi apa neporidge yaipiwa mahara kuvana vezera diki. Vadzidzisi vakafara kutambira izvi. Muridzi wekireshi akafonera vakuru vekanzuru achitenda. Magreth akazoita basa rake rekubika nekurongedza chikafu chevana.

Mazuva akafamba, pakupera kwevhiki iyi, musi weChishanu paTiny-Tots Pre-school vaipedza basa na1300hrs, nguva yekudya. Magreth nemukuru webasa ndovaisara vega kusvika na1600hrs vachichenesa nzvimbo nekugadzirira zvemusi weMuvhuro.

Pavakachaisa, mumwe nemumwe akatora nzira yekumba kwake. Magreth akati achingosvika paiperera fence yeTiny Tots preschool, akabva aita mahwekwe naPeter Chibaya aine motikari yake. Peter akasekerera achimisa motikari padivi penzira, murume akabuda mumota ndokukwazisana nasahwira wake mutsva uyu.

“Ndange ndichitoti kana ndave kubva kwandiri kuenda uku ndopfuura ndichikuona. Uri sei nhai Maggie? I regretted kuti handina kuzotora phone number yako musi uya.”

“Ndinofara zvangu makadiiwo. Kuri sei kubasa kwenyu?” Magreth akazodaro azembera pamotikari.
“Kuri bho, tachaisa, hoza Friday. Pinda mumota ndinokusiya kumba. Ndiri kuenda kuLocation uko kundosiya zvinhu zvambuya vangu, then ndozoenda kumba.” Peter akadaro achivhura musuwo wemota.

Magreth akabva apinda mumota ndokugara. Motikari yakatanga kufamba, nziyo dzaitonga mazuva aya ndokutanga kurira. Vakamboita nguva vakanyarara Peter achitevedzera rwiyo rwairira umu rwaimunakidza chose.
Vakasvika pamba pambuya vaChibaya murume ndokubudisa saga rechibage opinda naro mumba. Magreth akasara mumota umu akamirira zvake. Mbuya nemuzukuru vakazoperekedzana kusvika pamotikari, Magreth nambuya vakangokwazisana chimhukutira, hapana introductions dzakaitwa.
Peter akapinda mumotikari make ndokuti; “Handei kumba kwangu kuChomfuli ndinosiyawo zvandiinazvo mumota ndozondokusiya kumba kwako.”

Magreth akadzipwa nemate ake ndokuti; “Ko mudzimai wenyu mai Chibaya varipi? Munondoti ndini ani?”

Peter Chibaya akaseka chaizvo ndokuti; “Ndingadaro here? Mai Chibaya takanetsana vakaenda kumusha kwavo. Ndinogara ndega.”

“Saka hamuna vana?” Magreth akada kunzwisisa.
“Tine mwana one, Tawanda ari fomu 6 kuGokomere. Paholiday anouya kuno kana kuenda kuMasvingo kuna amai vake nanambuya vake.”
Magreth akabvunza zvakare; “Ko makanetsana nenyaya yei?”

“Zvakawanda. Pakutanga yaive nyaya yevana. Inini ndaida or let me say, ndinoda vana vakawanda asi nhumbu yepiri yakaramba kubata. Then I adjusted, ndakange ndagutsikana nemwana mumwe chete watinaye iyeye Tawanda. Dzimwe nyaya dzichingouyawo kusvika taona kuti kugara tese kwave kutonetsa. Vaidzidzisa paMpandawana High School apa. Now vave kuMasvingo Christian. Tinosangana kuVisit yemwana chete.”
“Oh ok.” Magreth akadaro ndokunyarara.
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 2)
“Now wave kundiziva, chindiudzawo about yourself. Who is Magreth?” Peter akadaro akatarisa mukadzi kumeso. Akange oyeverwa naye.
Magreth akanyemwerera ndokutsikitsira.
“Zvamatoona ndozvese zvandiri.” Magreth akadaro achinyemwerera.
“Haa usadaro. How old are you? Wakamboroorwa here?” Peter akabvunza.
“I am 30 years old. Ehe ndakange ndakaroorwa kuChivhu uko. Ndikaita vana vaviri. Wekutanga akafa neMalaria, aive ne5 years. Wechipiri akadonhera murwizi aenda natete kundowacha, aive ne3 years. Zvakaitika mwedzi mumwe chete. Murume akabva angoti tichipedza kuchengeta mwana wepiri ndokuenda zvachose. Ndakamirira asi haana kudzoka kusvika ndadzokera kumusha kwangu. Ndogara kuno kwaGutu, kwaMukaro uko ndokune hama dzangu. Amai nababa vakashaya asi hama dzangu dzese ndokwavari.”

“Eish, sorry hako wena. Inga wakasangana nazvo. But it wasn’t your fault, sei murume wako akakuomesera kudaro?” Peter akadaro achinzwa tsitsi chaizvo.
Magreth akangorembedza muromo ndokunyarara. Akange asingade kuramba achitaura nyaya iyi. Vakabva vasvika pamba pavaChibaya, murume akakiinura ndokupinda vese.
“Uya ugare pasofa apa, ndimborongedza a few things.” Peter akadaro vachipinda mumba mekutandarira.

Magreth akaringa ringa zvaive mumba umu, yaive yakakura, ine midziyo yamazuvano yairatidza kudhura. Achiri kuona zvese zvese vaChibaya vakadzoka nemazoe uye kandiro kaive nemabiscuits.
“Imbovarairwa ndiri kuuya manje manje.” Murume akabatidza Tv ndokubva aenda kudzimba dzemberi kwaive neimba yake yekurara.

Magreth akavarairwa neZimbabwean Soapie yaLovely Rutendo Nzira yairatidza paChannel yemaMovies and Soapies eZimbabwe yainzi The Pastors. Pakatevera Movie yaDr T.M. yainzi The Unforgettable Mission, mukadzi akanakidzwa zvekukanganwa paaive.
Akavarairwa zvekuti haana kuona kuti inga akange atogara kwenguva yakareba akamirira vaChibaya.
“Sorry wena ndakugarisa uri wega. Ndabva ndatombogeza.” VaChibaya vakadaro vachigarawo pasofa voona Tv, asi pange potobuda mazita emaEditor nemaProducer emafirimu aya.
“Ndave kuda kuenda.” Magreth akadaro atarisa Peter Chibaya uyo ange apfeka khaki short net-shirt yesky blue.
Murume akanyemwerera ndokubva vasimuka vese ndokubuda mumba umu.
Vakamboita nguva vakanyarara Chibaya achikiya misuo yake ndokuzopindawo mumota. Akambofambisa motikari muchinyararire ndokuzoti; “Ndokumbirawoka kuzotsvairirwa mumba mangwana, Saturday. Ndozokutora kumba kwako as early as 7am chaiyo. Kuwacha nekutsvaira pese pese. Ini ndichange ndiri kuOffice, ndine Meeting nemaTraditional leaders. I will pay you.”
“Zvakanakai, ndinokutsvairirai.” Magreth akadaro.

Vakabva vatarisa mugwagwa vese, Magreth ave kuraira kuti vaizosvika sei pamba pake paairoja murukishei rweHwiru yaive High Density Surbub yemaMpandawana umu.

Magreth akavhura one room yake yaairoja yaive kuseri kweimba hombe paaigara apa. Vakandopinda mumba vese Magreth ndokutora chair yaakange akapeta akaisa kuseri kwemusuo.
“Nhasi muchagariswa pamubhedha………” vese vakaseka vaChibaya vachimisa chair zvakanaka ndokugara pasi.

“Ah zvandatotambarara newe nhai Magreth. Rega ndikusiye, handinwi doro, saka maFridays so ndoshaya zvekuita. Ko ndikadzoka kuma7 manheru ano ndozokutora, tonotsvaga chekudya kunze uku. Kwave nenzvimbo dzakawanda dzekugocha dzine good food.”

Magreth akangonyemwerera ndokunyarara. VaChibaya vakasimuka ndokubuda. Magreth akamira pahwindo rake akadongorera achiona murume uyu achienda. Akanyemwerera ndokuzvikanda pamubhedha pake. Akazomuka ndokugeza ndokurongedza nekugeza omirira kuzotorwa naPeter Chibaya.

Pazuva rakatevera sokutaurirana kwavakange vaita, Magreth akandotsvaira nekuwacha kumba kwavaChibaya. Akaita zuva rese achiita izvi, muridzi weimba asipo. Akaita nemwoyo wese sezvo ange atoona kuti awana basa rekushanda weekend yega yega.

Kana pakadzoka vaChibaya mumba mavo, vakafara chaizvo nekuchena uye kurongedzwa kwakange kwaitwa imba yavo yese.

Peter Chibaya akaringa ringa ndokuti; “Mumba muno hamusati mambochena nekuita order sezvamaita nhasi. Chero mai Tawanda varipo handina kumbogara mumba makachena so. Ndosaka zvichinzi men make houses, women make homes.”

Magreth akangonyemwerera ndokunyarara, akabva adzima chitofu chaaibikisa ndokubvisa poto yaaive abikira mupunga.

“Ko wabika zvese izvi ndezvei?” VaChibaya vakadaro vachivhura zvakange zvabikwa.
Ndabika chikafu chenyu chevhiki yese, rice iri, umu chicken stew, umu beef stew, umu mune beans. Kana zvapora mozoisa mu deep freezer. Everyday mongodziisa zvamunoda pane kundotenga take away everyday.”

VaChibaya vakatora ndiro ndokumbozviisira chikafu chese chese chakange chabikwa, vachiravira. Vakagara mukitchen imomo ndokudya zvese ndokupedza.

Vakanwa magirazi maviri emvura ndokuti; “Ummm ndadya zvandisati ndamboita mumba muno. Ndozvimwe zvatainetsana namai Tawanda. Zvaaibika zvaishata. Zvaisadyika. Paaiita maStudies ake kuUZ, aindisiya ndega for a month. Aindobhadhara vanobika kumusika uko kuti vandivigire sadza.”
Magreth akazoona aseka zvekubuda misodzi asi hapanazve chaakataura. VaChibaya vakaenderera; “Funga masadza ekuMusika aya ndoandaizonzi ndichidya. So kuzvibikira better. Plan yako iyi is the best, but inoda munhu anogona kubika, nekuti zvakawanda. 5 plates dzestew dzabikwa namai Tawanda ummm ndingatorwara ndikarutsa nekushatirwa.”

Vakamboseka vese, vaChibaya ndokuzoti; “Mumba muno mabva maratidza kuti mambopinda mukadzi. Waita hako wena. Chaigonekwa namai Tawanda kuonererwa hedu tichiratidzana rudo publicly. Taingofamba takabatana, kissing in public apa ndichidzvova tsvina dzaaindibikira muno or ndichitove nenzara. Even decent water glasses and dinner plates, ndakazotenga aenda. Taingodyira mumaplastic sezviri kumusika kwaaihodha sadza uko.”

Vese vakaseka zvakare, Chibaya ndokubudisa mari muWallet make ndokutambidza Magreth. Magreth akashama muromo ndokuti; “Zvamandipa hafu yesalary yangu yemwedzi wese nhai.” Vese vakaseka asi vaChibaya vakange vagutsikana nebasa rakange rashandwa mumba mavo.
Magreth akatenda chaizvo ndokuti; “Ndave kuenda kumba kwangu. Kana mave kuda cleaning again, mongondiudza.”

“If possible, come every Saturday.” Peter Chibaya akadaro.

Vese vakabuda voperekedzana kumba kwaMagreth. Havana kunanga kumba kwake, vakambotenderera vachiona nzvimbo nekuita nyaya vachizivana zvavo pahusahwira hwavo.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion