Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 7)

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 7) - Responsive Blogger Template

Musi weMugovera kuLogos Church kuWarren Park, semaitiro avo, kwaive nemusangano wana baba uye madzimai nevasikana vaichenesa mumba mekunamatira.

Mufundisi Dzindipfaure vakange vasina chekuudza vana baba musi uyu. Mushure memunamato wekutanga, vakayeuchidzana mari dzaifanira kubviswa uye humwe hurongwa hwaivepo. Mufundisi vakange vadaidza maElders ese nemaDeacon kuti vaite musangano navo. Simbarashe Musoni aivepowo pamusangano uyu, mufundisi pachavo ndivo vakange vamudaidza kuti azozvinzwira zvavaida kwaari.

Mufundisi Dzindi havana kupedza nguva, vakabva vangoti; “Musangano uno ndewekukuzivisai kuti mukoma Simba Musoni vave Elder Musoni. Ndovachange vari responsible for all our Fund Raising projects pano paLogos Pentecostal church. All programs dzine chekuita nemari dzingaitwe kumapato ese echurch ndiye Elder Musoni vachaita zvese.”

MaDeacon nemaElder vakatarisana vese, vamwe vakange vasingatoziva kuti Elder Musoni ndiani. Asi vakazotanga kuzevezerana vese vatarisana naElder Bere sezvo varivo vakange vachiona nezvemari dzaitsvagwa nesangano iri.

Mufundisi Dzindipfaure vakaziva zvaida kubvunzwa nedare ravo rese vachibva vati; “vaBere, ndimi maiita izvozvo kwemakore mashanu ese hapana zvatakaona zvamakachinja. Sezvo muri Carpenter mopota muchitigadzirira mabhenji nezvimwe zvemiti zvinenge zvodonha muChurch medu umu. Or better still mobatana nemadzimai eDecor kuti vasakwira paLadder vachirovera zvipikiri. Moita imimi Décor yakasimba munhu wemurume.”
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 7)
Hapana akapindura, mufundisi ndokuenderera mberi; “Munoramba zvenyu muri Elder, nekuti mune hunhu. Munoona vana Phiri vakazobuda muChurch muno tavakurura mabhachi ehuElder nekuda kwepamuromo nekuda kuonesa zvisinei navo. Tinofanira kuzvininipisa nekuziva kuti Mweya unosarudza waunoda panguva iyoyo kuti basa raMwari riende mberi. Iyezvino Elder Musoni vabatiswa chikwama cheLogos Pentecostal Church nedenga, isu vanhu venyama ngativatsigire.”
Mufundisi vakambonyarara ndokuzoti; “Elder Musoni, iri ndiro dare repano paLogos Pentecostal church ramuchange muchishanda naro. Deacons and Elders. Ndichati mumwe nemumwe ataure zita rake nezvaanoita mumba maMwari. For now, ndinokukumbiraiwo kuti mutaure mashoko mashoma ekubvuma chigaro chamave nacho pano pasangano redu.”
Simbarashe Musoni akasimuka ndokuramba akatarisa pasi, haana kuda kusanganidzana meso nevamwe vakuru vaainzi achashanda navo. Akabva ati; “Ndinotenda baba vaDzindi. Ndinotenda hutungamiri. Kana paine zvinoda kutengwa kuti maFund raising projects aitwe, each department ngariunze budget. Sirivha nendarama ndezvaShe, vanotipa sekuda kwedu. Amen.” Mukomana akabva agara pasi, vaMakono babamukuru vaCharity ndovakatanga kuombera maoko vachifarira chaizvo, vamwe vese ndokuzotevererawo.
Mufundisi Dzindipfaure vakaomberawo vachicheuka cheuka kune vamwe vavo vachiona kuti munhu wese ange agutsikana kuti Mufundisi vange vagona basa. Pashure peizvi vese vakazotaura nyaya vachizivana uye vaBere vakabva vatanga kutotaurira Simba zvaiita department raakange apiwa ivo vachitorerwa. Havana kuda kupomerwa godo neshanje nevamwe vaivepo.
Musi wavo waizouyawo, uye vakafunga kuzoona Simba wacho kunze kwekereke kuti avabatsire nezvebhizinisi rekumba kwavo. Ndiko kavaidya sadza, kwete pachechi, saka vakaona zvirizvo zvakakosha. Zvekutsamwira zvinzvimbo zvepaChurch sepaidyiwa sadza vakazviramba.
Mushure memusangano uyu, Simbarashe akatorana nehama dzake dzekwaMakono ondovasiya kumba kwavo. VaMakono vaifara zvakanyanya nekuti rhori yavo yavakange vapiwa kubva kuLamia Motors yakange ine mazuva matatu yasvika pamba pavo. Vaigadzirisa zvemutero nemamwe mapepa kuti vagotanga basa nayo.
Musi uyu Simbarashe akafarirwa zvekutopinzwa mumba vakagara vese vonwa zvinotonhorera. Mai Makono vakabva vati; “Ko secretary wenyu ndiye anoendesa motikari dzese dzamunotengesa here?”
“Ndiani iyeye? Ndange ndisiri kuGarage handizive kuti ndiani akaunza rhori yababamukuru.” Simbarashe akadaro.
“Hanzi Chiedza? Ndiye akauya nemumwe driver.” Mai Makono vakadaro.
“Oh she is the manager haasi secretary. Hoo akauya, ndakamuudza kuti yaive special delivery, maybe that’s why.” Simba akatsanangura.
“Asi mumuudze mushandi wenyu adzikame. Anofanira kuzvibata uye kupawo macustomer enyu respect.” Mai Makono vakadaro, vaMakono ndokutarisa mudzimai wavo vangoshama muromo.
Murume mukuru akakosora kosora ndokuti; “Aaaah nhai mai Lee, muchinayo nyaya iya chokwadi. Inga mwana aingozvifarira.”
“Aiwa regai ndivataurire babamudiki vandogadzirisa vashandi vavo. Hatingajairirwe nevanhu vanoshandira hama yedu.” Mai Makono vakadaro vasina mufaro.
Vakaenderera mberi vachiti; “Akauya pano musikana iyeye ndokutanga kutamba nabamukuru venyu ava achivarova-rova nekuvabata bata. Hamuna kutombokiswa here baba imi? Hunhu rudzii ihwohwo…..”
“Inga takangoti mwana aizvifarira achitengesa mudziyo muhombe wekubasa kwake.” VaMakono vakadaro.
Mai Makono vakadzungudza; “Mogotadza kumureverera sei imi mainakidzwa nazvo? Kana mbatya dzamange makapfeka dzakasara dzichingonhuhwirira perfume yemusikana iyeye. Mubedroom medu mune mbatya idzodzo nanhasi tinongomufema. Perfume rudzii inodhura kudaro isingaperi nemhepo zvekumhanya?”
Mumba makambonyararwa, mai Makono vachifemereka, Simbarashe ndokuzoti; “Ndichataura naye adzikame. Chiedza mwana wangu chaiye ndosaka kuda achifarisa otadza to behave professionally.”
“Hezvooo heya, ihama yenyu?” Mai Makono vakadaro vadzikama zvishoma, vakabva vaderedza inzwi.
Vakaenderera; “Bva pane basa. Mumuudze atishanyire timudzidzise kutaura nevanhu vakuru zvakanaka uye kuremekedza vanhu vechirume. Anozobhinywa akatamba nevarume pese pese.”
“Zvakanakai maiguru…….” Simba akadaro.
Charity akabva apindawo achibva kumba yekubikira kwaaive ndokusvika ogara pasi. Akabva ati; “Sisi nababamukuru, Simba akati anoda kundoroora. Mutaurewo natete mupiwe date.”
VaMakono namai Makono vakatarisana vachishamisika. Maiguru vevanhu ndovakazoti; “Inga mune mwedzi mitatu chete madanana hamudi nguva yakareba here yekumbodzidzana nhai babamunini?”
Simba akaramba akatsikitsira ndokuzoti; “Maiguru marriage yakanaka inobva kuna Mwari. Kudanana 1 week ne 1 year zvinongozofanana nekuti hapana munhu waunoziva zvese zvake kunze kwekunge matogara mese. Uye kana munhu akada kukunyepera anongoita makore ese achinyepa. Anotaura chokwadi anongotaura zvese in one day. Zvandinoziva about Charity zvakakwana kuti ndimuroore. Even tikadanana gore rese handimboziva kuti anoita ngonono akarara. Handimboziva kuti achatuka amai vangu nekuti anovatuka nekugarisana, haangavatuke kana avashanyira. Saka kuroorana kwedu nhasi kana gore rinouya kwakangofanana.”
Charity akanyemwerera achibata mudiwa wake ruoko, baba namai Makono ndokungotarisana ndokunyarara. Mushure menguva mai Makono vakabva vati; “Ndichataura natete vedu, ndokuudzai kuti vati chii. Inga marriage yenyu yakurumidza chaizvo.”
Mazuva akafamba, Simbarashe akandoroora kumba kwana Charity. Mufundisi Dzindipfaure havana kunyanya kufara nekuti vakange votofunga kutsvagirawo Elder Simba mukadzi kurudzi rwekwavo. Zvisinei pasangano iri paLogos ndopakarongwa muchato waCharity naSimbarashe Musoni.
Muchato uyu wakagadzirwa mumwedzi miviri, Simbarashe akange asina hanya nazvo zvemuchato, aiitira mukadzi wake uye church yake kunyanya. Akange asina hanya nezvipo kana mari yaizouya nevanhu. Aingoda kuti mudzimai wake nehama dzake vafare vachidya mari yake.
Charity akange akafara chaizvo achimhanya mhanya nehama dzake kugadzira muchato wake. Murume akange amuroora uyu akange aratidza kuti haazeze kubudisa mari achipa mudzimai wake.
Mushure memuchato, vakabva vaenda kuDurban kuHoneymoon yavo. Charity akandofara nevamwe vakadzi veshamwari dzemurume wake vaakasangana navo uku. Akatenga zvekupfeka nezvekushongedza mumba make kusvika aneta ave kungotarisa.
Mushure mevhiki mbiri, vakadzokera kumba kwavo kuHarare. Vakati vachisvika vorongedza zvinhu zvavo, Charity aive nezvaakange atengera vamwene vake uye zvimwe akange atengerawo mhuri yavakoma vake mai Makono.
“Uri kuendesa zvinhu zvamaiguru riini ndikuperekedze?” Simbarashe akabvunza mudzimai wake.
“Ndoda kumbozorora. And pataive kuDurban ndairwara inini ndakakuudza wani. We need our quality time, hauna kana kundibata throughout the two weeks pataive kuDurban. Tairara kunge hanzvadzi nehanzvadzi, ndiyo honeymoon yacho here?”
“Takambozvitaura wani, kuti you were always busy muchingofamba ….” Simba akadaro asina hanya nazvo.
“Iwe sha, mumba mana Karekwaivenane ndaiita madzikirira zuva nezuva. Sometimes ndaimuka but ndotadza kukuona but ndaipera simba kutadza kukudaidza. Then pandaizomuka makuseni ndaingozofara kuti uripo.”
“Ko wakadii kutaura tiriko?” Simba akabvunza akatarisa divi.
“Ah ndaitofunga kuti iwewe uchanditsamwira. Ndakatadza kukufadza on our honeymoon nehope dzangu dzainge kurwara. Kuita sendainwa madrugs.” Charity akadaro asina mufaro.
Simba akaseka ndokutsvoda mudzimai wake achiti; “Don’t worry, inga tiri tese now…… ” runhare rwakabva rwarira Simba ndokudaira achibuda mumba mavo mekurara maive nemudzimai wake.
“Hie sha, uri sei? Takasvika bho.” Simba kadaro kushamwari yake Norest.
“Uri free here titaure…….?” Norest akabvunza.
“Ya, very free.” Simba akadaro achicheuka ofambisa kuti aende kure nemudzimai wake.
“Havana kunetsa here madam pakusiiwa vakarara vega?” Norest akabvunza.
“Not at all, haasi kutonyatsoziva kuti chii chaiitika.” Varume vakafa nekuseka vese.
Norest akabva aenderera mberi achiti; “But Queen havasati vambodaro munhu paHoneymoon yake, iwe vakakuteerera. Boys dzaitoshamisika kuti why vakakudaro.”
Simba akaramba akanyarara achifunga zvaiitika usiku hwega hwega nguva dzekurara. Haana kuda kuramba achizvifunga akabva ati; “Business is good. Ana tezvara nanaamai vari kufara.”
“Good. But iwewe usazoita soft kumukadzi wako. Anozoona kuti something is going on. Kana ukadaidzwa naQueen usiku, makuseni unomuka uchimupopoterawoka kuti sei a married woman achirara sedanda kudaro. Haufanire kunzwisisa stereki. Unomuka une hasha womutukirira kusvika ati sorry. Ukaita sekuti zviri normal anozoita too many questions.” Norest akaraira.
Simbarashe akaseka asi achishamisika nezvaairairwa. Norest akaenderera achiti; “Ukamuvhundutsira nekuti ari kutadza kukupa your conjugal rights uchaona anoita busy nezvimwe kuda kukufadza osiyana nehope dzaari kurara dzekupenga idzo.”
Vakaseka zvakare Simbarashe achibva ati; “Yaa, ndanzwisisa, ndichakufonera manheru.” Apa akange atarisana naCharity akange amutevera.
“Ndave kuenda kwasisi mai Makono.” Charity akadaro.
“Ok, uende nadriver andokusiya womufonera kana wave kuda kudzoka. Ini ndiri kuenda kuOffice.” Simbarashe akadaro kumudzimai wake.
Charity haana kupindura, akangotendeuka ndokudzokera ondorongedza zvinhu zvake.
Mai Makono vakandofara chose apo vaivhura mapasuro avakange vavigirwa. Paive nembatya dzavo vese uye macurtain eimba yavo yese. Vakafara chaizvo nekutenda munin’ina wavo nazvese zvaakange auya nazvo.
Vakagara pasi vave kuita nyaya, vakoma vange vakafarisa, vaine zvakawanda zvavaida kuziva.
“Ko kuneta here nhai mainini? Asi watove nenhumbu yave kukunetsa patwo weeks idzodzi? Zvaunenge uchakotsira wakamira nhai?” Mai Makono vakazodaro vaona zvanyanya.
“Yes ndakaneta. And kumba kwataigara haaa, I don’t know….. handizive kuti ndotsanangura sei, but ndaisarara ini.” Charity akadaro achiratidza kunge munhu ane hope chaizvo.
“Waigorara sei iwe wakafarisa nezvaiitika zvemurume munyowani naidzo shopping dzisingaperi dzamaiswerera.” Mai Makono vakadaro vachiseka. “Wakamboona vanorara here paHoneymoon yavo?”
“Hatina kumborara tese. I mean hatina kumboita bonde. Nanhasi 2 weeks after muchato hatisati tamboita bonde…..?” Charity akadaro atsikitsira.
“Hezvooo ini ndichitoti wave nenhumbu nhai? Ko sei? Marriage yako inoshamisa mwana wamai vangu nhai.” Maiguru vakadaro vachishamisika.
“Hameno maWine atainwa mumba mataigara. Aindiitisa hope zvakanyanya. Ndairarisa kunge ndanwa masleeping tablets.” Charity akatsanangura.
“Ko iye murume wako aiti chiiko nazvo? Aidii kukumutsa?” vakoma vakada kunzwisisa.
Charity akamboita nguva achifunga maitikiro aiita zvinhu pavainge vakarara kumba kwaNorest.
Akabva azoti; “Aiwa, haana zvaakambotaura…
………. Aive asipo………?” Charity akapedzisa nemubvunzo waakashaya kuti aibvunza ani airara navo pamubhedha wemuchato wavo. Akaruma ruma mukati memuromo achishaya mhinduro kune zvaive mumusoro make. Akafunga kumbotsanangura kuna sisi vake.
“Ndaiita madzikirira ndorota asipo. Ndaiedza kumuka kuti ndimumutse. Asi ndaimushaya……. No, ndairota asipo pabed. Ndaizonyatsomuka makuseni zuva rabuda aripo.”
Mai Mukono vakaseka ndokuti; “Iwe wainwirei maWine zvausina kujaira. Zvino wainwa everyday zvinhu zvaikurwarisa kudaro, why?”
Charity akaramba akanyarara, zvaakange audza vakoma vake handizvo chaizvo zvaaida kutaura. Asi akange asina mashoko chaiwo ekutaura zvaiitika kwaari. Aiita seari kuudzwa kuti usataure izvi, taura izvi chete. Ndiyo yaive marriage yake iyi, muchato wake, imba yake.
Akataura befu ndokuti; “Simba haana hanya nebonde………. Nyangwe pandairara kumba kwake tisati taroorana ange asingandibate even ndikafamba ndakashama mberi kwake. But now……… zvanyanya, am his wife………. Ari kurara nani?”
“Umm hakuna murume akadaro. Kwake kugona kuzvibata here?” Mai Makono vakazodaro.
Charity akakwidza mapipito achirembedza muromo asinawo mhinduro.
“Unofanira kukurumidza kuita nhumbu umuzvarire vana vake vaviri kana vatatu. Nemari yaanayo kana pakaita anouya nemwana wake, unotutiswa twako twese ukasiya vashandi vese muMansion vatove nevamwe madam.” Vakoma vakaraira.
Charity hana yakarova, asi akaseka chaizvo abata vakoma vake ruoko avo vaingonyemwerera.
Charity akabva ati; “Ichokwadi vashandi ndakawana varipo, ndikarambwa ndinovasiya asi vaimboshandira inini. This life.”
Maiguru vakanyemwerera ndokuti; “Aiwa, hatisati tasvika ikoko. Just be serious chete nemarriage yako.” Maiguru vakadaro ndokusimuka zvakare votambanudza zvavakange vavigirwa. Charity akazosimukawo ndokubatsirana kuisa maCurtain matsva aakange avatengera.
Masikati emusi uyu Charity akaenda kuNorton kundoona mwana wake aigara nambuya vake amai vababa vake Vincent. Sezvo akange ave nemari, akange atengera mwana nambuya vake mbatya nechikafu zvakawanda chaizvo. Kunyangwe mbuya vaNenyasha vakange vakatsamwira muroora wavo uyu, zvekudya nekupfeka zvavakatengerwa zvakavadzikamisa.
Asi Nenyasha akaita seakange asingachaziva amai vake. Akavatarisa ari kure achiramba achitevera mbuya vake asingade kusiyana navo. Vaimbove vamwene nemuroora ava vakataura nyaya dzakawanda-wanda, kupisa kwezuva, zvematongerwe enyika nezvaiitika munyika. Vese hapana akakwanisa kutaura nezvemuchato waCharity kana kuda kutaura kwaive naVincent.
Charity akazooneka ave kuda kudzokera Harare nguva dzekubva kubasa dzisati dzakwana. Ndipo pakabva pasvikawo Vincent. Baba namai vaNenyasha vakambotarisana kwekanguva vese vachivhunduka kuonana vasingatarisire.
“Ko handina kumboziva kuti muchazoona mwana. Muri sei nhai mai mwana?” Vincent akadaro.
Charity akambonyarara apo vakaramba vakabatana maoko naVincent. Akange ave nenguva asina kumbobatwa ruoko nemunhurume. Kubatwa naVincent kwakamuvaraidza zvakazomutsamwisa paakazvifunga. Asi Vincent akafara nazvo.
Charity akaita kuvhunduka ndokuti; “Oh, ndave kutoenda. Mawana ndave kutobuda.”
Vincent akaseka ndokutarisa amai vake ndokuona vave kure navo. Akabva aswedera padyo naCharity zvekumukwiza neZip yejean range akapfeka ndokuti; “Seiko ropa kupisa kudai kunge kamhandara nhai mai Nenyasha?”
Charity akaerera ziya achitadza kubvisa ruoko rwaVincent rwakange rwamonera muchiuno make, akabva ati; “Ndakaroorwa ha…. hauzvizive he…..re, usandibata saaaa……izvo…..zvo.”
Vincent akasekerera akatarisa amai vemwana wake, aiziva kuti kana mai Nenyasha vokakama zvairevei. Apa matakadya kare akanyaradza mwana kuti mwiro.
“Ndichakufonera tigoenda nemwana kuPark. Bye…….. uti bye kuna mamma.” Charity akadaro ndokubuda achifambisa, muviri wese watota nedikita.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion