Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 3)

The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 3) - Responsive Blogger Template

Magreth Musoni naPeter Chibaya vakaramba vachionana kutanga weekend yega yega. Kusvika vave kuonana zuva zuva, aaah kusvikira Magreth ondosiya hope kusabhabha raPeter Chibaya. 

Vakasvikawo pakuti Magreth akange owonekwa achifambidzana nambuya vaPeter vaigara kurukisheni rweGarikayi. Kana munin’ina waPeter, Robert Chibaya, aidzidzisa paGutu High school aionekwa achifarirana naMagreth zvakanyanya.

Vaifara nekuve vese pahukama hwavo. Panguva yezororo, apo Tawanda akashanyira baba vake, vakabva vaita kuti vaviri ava vazivane. Tawanda akaona kufara kwaiita baba vake naMainini Magreth, naiyewo akavafarira. Nguva yake zhinji yepazororo iri akaipedzera kuCreche kwaishanda auntie Magreth. Vese vaifara nezvaiitika muupenyu hwavo.

Pasvondo rakavhurwa zvikoro, Peter akandosiya mwanakomana wake Tawanda kuchikoro kwaaidzidza kuGokomere.

PaSvondo iri ndipo pakazivawo Magreth kuti ange ave nepamuviri. Peter akafara chaizvo kuziva kuti mudzimai waaida akange achizomuitira mwana mumwedzi mipfumbamwe yaitevera. Babamunini Robert vakafara, mbuya Mamoyo vakafara, vese vaitarisira munin’ina waTawanda mushure memakore gumi nemasere. Vaida kuona mhuri yehama yavo ichikura.

Mazuva, mavhiki nemwedzi zvakafamba. Pamusi weMugovera uyu apo nhumbu yakange yave nemwedzi mishanu, Magreth, mbuya Mamoyo uye babamunini Robert vakaungana vese pamba paPeter Chibaya vachitandara zvavo vachigocha nekunwa zvinotonhorera.
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 3)
Robert akavesa moto, mukoma wake akagara achinwa bhotoro rekokora.

“Mukoma imi, muchandoroora riini? Onai amaiguru Maggie nhumbu yakurisa, kunge vane matwins. Munoda vasununguke musati mandoroora here?” Robert akabvunza mukoma wake.

“Ko tichiri vadiki here? Ndichandomuroora zvangu hapana chekumhanyira. I am taking good care of her, she is happy. Hausi kuona kana chivakashure chanyatsomira mushe here than zvaaive? And this nice, shiny glowing skin. Iko kuseka. She is happy. Her happiness is more important than zvekundopa vanhu vekumusha kwake mari. And vabereki vake havako saka hapana chekumhanyira.” Peter akadaro achizembera muchigaro chake.

Robert akaseka chaizvo ndokuti; “Yes yes, kune zvese zvamataura. But kungopawo dignity kumukadzi ari kukuzvarirai kwakangonaka. She is a good woman. Vakuru ndimi mukoma. Am sure munoziva zvamuri kuita.”

Peter asati apindura mbuya Mamoyo vakabuda vakabata dish raive nenyama yekugocha. Vakatambidza Robert ndokugarawo pasi pachigaro chaive padivi paPeter.
Robert akabva ati; “Ko amaiguru vangu vasara vega mumba? Regai ndiende zvangu kwavari. Vari kuitei?”

“Ari kugadzira maSalads ake ekuwanda wanda nekubika kasadza.” Mbuya Mamoyo vakabva vadaro vese vakaseka. Vakatarisa Robert ndokuti; “Imbogocha nyama wozopinda mumba, unoti ndiani achasara achigocha? Iye muzukuru Maggie ave kutopedzisa anobuda manje manje.”
Vese vakambonyarara vakatarisa Robert uyo aiwaridza nyama pamusoro pemarasha. Mbuya Mamoyo vakaswedera kumuzukuru wavo Peter, ndokudzikisa inzwi ravo. Muromo wavo waive padyo nenzeve yaPeter, ziso riri kumusuwo wekukitchen kuti vaone kana Maggie aingozofamba napo vakawanikidzwa vachinyeya. Vaida kutaura pamusoro paMagreth asi vaisada kuti azive zvavaitaura.
“Iwe baba vaTawanda, ndati ndikuonese pamwe paunenge uri kurasika…..” mbuya vakatanga vachidaro.

“Chii futi nhai ambuya?” Peter akabvunza.

“Iye Maggie wako uyu. Unenge uri kunyanya kumuudza nezvamai Tawanda. Zvese zvaikanganiswa namai Tawanda anozviziva. Zvese zvakakuparadzanisa namai Tawanda ave kuzviziva. Zvino mukadzi ukamudaro ndozvega zvaanogadzirisa okubata kumeso nazvo. Kana mazove mega mumba menyu wozoona kuti aizve, ane twakewo twausina kuona musati maroorana.”

Peter akagutsurira ndokuti; “Ambuya nhai, takabvumirana kuti tinotaurirana chokwadi. If we don’t open up kune zvakakanganisika pama previous marriages edu ndozvakatoipa manje.”

“Heyaaa, usazoti mbuya havana kutaura. Iyezvino unofarira nhumbu yakatadzikwa namai Tawanda nemamwe magerofurenzi ako, kana azvara mochitanga marriage chaiyo. Muchaparana ndikaseka zvangu ini.” Mbuya Mamoyo vakaseka chikwee chavo vega.

Peter naRobert vakangoseka ndokunyarara. Asi ambuya vange vasina kupedzerana nemuzukuru wavo, vakabva vaita zvekusimuka ndokuti; “Asi muende kuDNA test. Handidi kuti ufarire mahara wozochema mangwana wanyeperwa. Vakadzi vemazuvano makoronyera …………”

“Ndapedza ambuya, huya muone muravirewo munzwe kana zvichinaka.” Magreth akadaro achisvika pakange pakagara vamwe vese ndokutambidza ambuya Mamoyo kandiro kaive nemasalads ake aakange agadzira. Akanyemwerera achidyisawo Peter nefork achiti; “Ini mataste buds angu akafa, ndinogona kutokurutsirai ipapa. Mwana wako sha andionesa moto.” Magreth akadaro achibata dumbu rake.

Mbuya Mamoyo vakatarisa vazukuru-rume vavo nemeso aiti; “Ndozvandange ndichambotaura izvi…….”

Peter akabatirira ruoko rwaMaggie achiravira zvaaidyiswa vachinyemwererana vese vakatarisana mumaziso. Vakasanganidza maoko vese padumbu raMagreth, baba vachibata pese kuti zvimwe Chirimukati angangotamba vakamunzwa.

Magreth akatora zvese zvakange zviri pamoto paigocherwa opinda mumba kundosuka.
Mbuya Mamoyo vakabva vati; “Mazvionaka, haana chaanombotaura kunze kwaiyo mimba. Kunge ndoyokutanga, atibvire apa. Iwe baba Tawanda svinura mhani iwee.”

Robert akatarisa mbuya vake ndokuti; “Iiiih ambuya hamusi mave kuzvinyanya here? Mudzimai wese ane nhumbu yemurume anomuda anotongofarira zvaakatakura. Nhumbu inochinjisa zvakawanda. All her five senses dzangoungana panhumbu nemwana. Ozvikanganwa sei zvenhumbu iye achigara achirutsa, achinhuhwirwa nezvisinganhuhwe, achikaviwa nababy, akazvimba makumbo. Musadaro please.”

Mbuya Mamoyo vakafinyama ndokunyarara. Magreth akabva abuda ndokuzogarawo paive nevamwe vave kuita nyaya vese, uye kuzodya zvavakange vabika vese semhuri imwe chete………..*****
Pamwedzi miviri yakazotevera, Peter Chibaya akange akabatikana zvakanyanya kubasa kwake, nemuupenyu hwake. Aifamba kumisangano achienda kudhorobha reMasvingo zvekuti vakaita mwedzi miviri yese Magreth asina kusvika kumba kwake. Paakazodzoka nhumbu yange yakura zvekuti kumhanya mhanya achiita basa remumba kwange komunetsawo. Zvekutsvairirana nekuwachirana zvakange zvapera.

Musi uyu, vakamira zvavo mumba mekubikira vachibika vese kudya kwavo kweMugovera manheru. Peter aibatsira mudzimai achimutambidza zvaaishandisa pano neapo.

Magreth akabika nyama yemombe yaakaisa muto ndokuisa padivi. Akachekerera hanyanisi mumuriwo wecovo waaibika, Peter ndokuti; “Ndakambonzwa mai Tawanda vachiudza maid kuti asaise onions muma vegetables.”

Magreth akapedzisa zvaaibika chinyararire ndokundoisa chikafu patafura. Vakagara vese ndokutanga kudya.

“Beef stew yako inonaka sha. Dai usina kuisa maonion muma vegetables angadai achinakawo.” Peter akadaro achinwa mvura achiri kudya.

Magreth akabva ati; “Ndakaona coat-bed yakanaka kuShop yevakomana vaye maCapenter padyo neChifamba Wholesale. Ndoda kundotengawo for the baby.”
Peter Chibaya akaramba akanyarara, pave paya akabva ati; “Mai Tawanda vaitozviziva kuti I do things at my own time. Even after tavaka imba ino patakatenga new furniture yese, ndaisambomhanyi
swa. Taingozotenga pandaida inini.”
Magreth akambofemedzeka ndokuti; “I see you miss mai Tawanda a lot. Zvamboita sei? Asi nguva yese yawange usiri muno maMpandawana maive mese namai Tawanda kuMasvingo? Instead of comparing me namai Tawanda why don’t you just tell me kuti you now feel guilty, you feel adulterous kuve neni? Wave kuona kuti kuve neni kutadzira mai Tawanda. Wakamhanyisa kutsvaga small house, usati wanyatsopedzerana namai Tawanda. Muri kugadzirisana here namai Tawanda ndizivewo? Ndinoona futi kuti idea yekuve nemwana was more exciting than kuve nemwana wacho.” Magreth akange azara misodzi mumaziso, dai aingoti bwai, yaibva yaerera nematama ake.
Peter akatarisa mukadzi nekona yeziso ndokutsikitsira. Murume akaramba akanyarara akatarisa panzvimbo imwe chete, Haana kupindura.
Magreth ndokuti; “Instead of telling me straight up kuti haudi onions in veggies unotaura about mai Tawanda nahouse maid wavo. Pane kuti ungondiudza kuti tichazotenga coat-bed yemwana kana wave kuda iwewe wave kundiudza about how you bought furniture yemuno namai Tawanda. Zvamboita seiko?”
Peter akasimudza uso achiratidza kusemburwa; “Handidi zvekupopoterwa, ma neighbours vachanzwa noise vanoti ndiani ari mumba mamai Tawanda? Iwe ndiwe ungandiudza zvekutaura nezvekusataura here? Handidi zvekunetswa.” Peter akadaro nehasha dzaive pachena. Magreth akangosimuka ndokundosuka ndiro achisiya murume akagara ega. Paakapedza haana kuzogara pasi akabva angoti; “Chindiperekedzaiwo kumba kwangu.”
Peter haana kunonoka kusimuka, vakandopinda mumota ndokuenda kumba kwaMagreth vakangonyarara.
“Murare zvakanaka.” Magreth akadaro abuda mumota
Peter akabva ati; “Mai Tawanda vari kuuya next week, saka mavisits after work tombomira.”
“Vanouya ……? Kuzodii?” Magreth akabvunza achishamisika chaizvo.
“Haaaa, pane chaunomboudzwa ukaterera here iwewe? Imba yandinogara takavaka tese namai Tawanda, tine mwana Tawanda. Saka wega haugaye kuti vanouya kuzodii?” Peter akadaro nehasha.
Magreth akaramba akanyarara. Peter ndokuti; “But pane some things zviri muFridge nemuma Cupboads, I mean some groceries zvandisina kumbotenga ndina mai Tawanda. Zviya zvawaibika in your various foreign recipes. Ndinoda kuti uzozvitora zvese mangwana. Mai Tawanda vakazviona vanongoona kuti chokwadi mumba mavo makambopinda hure.”
Magreth akashama mur omo asi akashaya chekureva. Peter akamutsa motikari yake ndokuenda kumba kwake achisiya Magreth achinzwa dzungu neshungu. Mukadzi akadikitira nekurwadziwa kwaibaya mwoyo wake. Akandotora ma ice-blocks aive muFridge make ndokuabanda ese seasvikirwa. Izvi zvakazungunutsa mwana aive mudumbu akatanga kuita chamupidigari kunge aitiza chando chaaiiswa naamai vake. Magreth akaramba akagara pamubhedha pake achiterera kutamba kwaiita mwana aive mudumbu make.
Pazuva rakatevera nguva dzekuchaisa, Peter akasvika paCreche ndokutora Magreth. Vakaenda kumba kwaPeter ndokundorongedza chikafu chaidiwa kuti chibude mumba umu. Vakazoenda vese kumba kwaMagreth ave kundosiiwa kumba kwake. Vakange vachitaura nyaya dzaiitika kubasa kwavo.
Peter akataura nyaya yemisangano yemaSabhuku nemadzishe yaiitwa kubasa kwake. Vakamboseka zvaitika, Magreth ndokuzoti; “Iiih nhasi hamuna kumbobvunza kuti baby ari sei? So unlike you, maisibvunza chaizvo.”
Peter akaridza tsamwa isina kunyatsobuda; “Ah, izvi zvotonyangadza izvi. Mbuya Mamoyo was right after all. Hauna zvimwe zvekutaura here kunze kwemimba iyoyi? There are more important things to think about. This pregnancy issue is overemphasized. Dai vese vane nhumbu vaidaro dzaisagarwa dzimba idzi.”
“Ko ndati chii? Inga ndangoti hamuna kumbobvunza nezvemwana cheeeee………..teee” Magreth akadaro ovaviwa mukanwa neshungu nekurwadziwa. Kurambwa kwake iye saamai kwaimuitira nane chaizvo pane kurambwa kwemwana nababa vake.
Peter akaenderera; “Kwandiri if you think because une mimba you can do as you please with me nokuti mai Tawanda akatadza kuita mimba, then mimba yako inopedzisira isisina meaning kwandiri because inenge yoshandiswa to abuse me and abuse vamwe vasinei nayo. Mbuya Mamoyo vakatodaro kuti ndozvega zvaunongofunga, sebenzi.” Peter akadaro nehasha ndokubva vambonyarara vese. Vese vainzikwa kufemera pamusoro, mumwe nemumwe ainyangadzwa nezvaiitwa nemumwe, asi achiedza kuzvibata chaizvo.
Magreth akambofunga, maziso akange atsvuka neshungu, akashingirira ndokuti; “Dai waitaura sematauriro auri kuita nhasi awa, nhumbu yacho isati yavepo unoti ndaizoiita here? For the past four years ndakange ndakangozvigarira ndega wani. I was not planning to have a baby. Ndakakuudza wani.”
Peter akaridza tsamwa ndokutarisa panze nepahwindo remota yake. Neinzwi rakaderera murume akati; “Nharo dzako dzinobhowa. Unonyanya kukakavara stereki. Unofunga kuti uchaita murume seni here? Ziva kuti uri mukadzi and know your place.”
Magreth akati zvakare; “Pana Mbuya Mamoyo ndaifunga kuti maybe ndiri kunyanyawo kutaura about the baby. For sure, hazvineiwo navo, my mistake.”
Magreth akambomedza mate ndokuenderera; “But handina kumbofunga kuti newewo zviri kukunyangadza. Last week ndakakwanisa kuuya kubasa 2 days pa5 days, nekuti ndairwara, musana, kurutsa zvekutadza kumuka. Ndiani wandinofanira kuudza zvakadai?”
Peter akatarisa dumbu raMagreth ndokuti; “Its part of the process, handiti uchangozvara zvigopfuura here?”
Magreth akangodzungudza ndokunyarara, vakasvika pamba paMagreth, mukadzi akaburuka ndokupinda mumba make ega, murume ndokutibura huruva oendawo kwake.
Magreth aibaiwa pamoyo neshungu. Akatarisa dumbu rake achifunga kuti chokwadiwo akange asingade mwana muupenyu hwake. Akange aitira rudo rwake naPeter rwaaifunga kuti rwuripo. Akapererwa zvekugumirwa nechekufunga. Akavenga zvese baba nemwana, apa mwana wacho akaita kunge aiziva zvaifunga amai, akabva awedzera kupfura pfura nekushanyarika akatambarara mudumbu maamai vake.
Vhiki yese yakatevera, Peter haana kuuya kuCreche kufona kana kutumira message kuna Magreth. Mukadzi akachema akazvinyaradza, akazvidzikamisa ega. Akangozviudza kuti akange odzokera paupenyu hwake hwakare. Akange asina amai, baba, mwana, mukoma kana munin’ina. Akange ajaira kuseka nevatorwa kwekanguva kadiki vachipfuura.
Asi Peter akange amunyepera, akange amuumbira rudo rwaakatadza kuchengetedza. Akange amunyemudza mhuri yaasina kuzopedzisa. Mazuva ekunyararirwa naPeter aya, akamudzorera simba rake rakare. She had survived the death of her two children and a divorce, all in one month. Izvi zvekunyeperwa nekurambwa naPeter Chibaya aigona kungozviraramazve zvikapfuura.
Chaimunetsa nekumurovesa nehana panyaya yese iyi, kwaive kushaya rudo rwakakwana kumwana aive mudumbu make. Kubvira pakange paparara imba yake yokutanga, akange ave munhu akashinga ainamata nekuverenga shoko zvakanyanya. Kuchurch kwaaipinda maGutu makare, vafundisi vese vaimuona pamweya kuti aive chaporonga mukunzwa manzwi eMweya.
Magreth ndiye aitungamira minamato, bato rema Intercessors. Vazhinji vaiuya kwaari nenhamo dzavo achivanamatira nekunamata navo vachiswera vorumbidza Mwari, minamato yadavirwa.
Ko zvaaiudza vamwe madzimai kuti vasaite, uye vasaitwe nevarume ndizvo zvaakange aita seiko? Aive satani rudziiko akange afamba nemuna Peter Chibaya? Zvese izvi zvaimurwadza nekunyorovesa mutsamiro wake usiku hwega hwega. Kana kuchurch akange aregera kuenda. Minamato yake aiita pano neapo, ukama hwake neDenga hwakange hwaparara.
Paaifunga rudo rwaMwari kwaari, asi ofungazve kuti dai abvisa pamuviri apa, kana kuti dai awana vekupa mwana uyu abve akanganwa nezvake nababa vake. Hana yairova, aizviona achipfumbidza nzira yake yekugehena. Akafunga zvaakaitirwa naMwari muupenyu hwake, akagamuchira kuregererwa nekutanga patsva paukama hwake neMusiki wake.
Pakupera kwemwedzi uyu, Magreth akaenda kuNRichards wholesale ondotenga minapukeni yemwana wake. Akabva asangana nambuya Mamoyo vachitengawo zvavaida.
“Ko seiko kurova muzukuru?” mbuya Mamoyo vakadaro vachinyara nyara vasingade kusanganidzana maziso naMagreth.
“Ndiriko hangu. Ndakati ndisakunetsai nenyaya dzenhumbu idzi.” Magreth akadaro asina mufaro.
“Aaaah, nhai muzukuru, nhumbu inganzi kunetsa here? Zvino woudza ani kana isu hama dzewawakatakura ukasatiudza?” mbuya vakadaro vakafara chose.
Magreth akabva ati; “Umm ambuya, dai makangondinzwirawo tsitsi makazotaura zvekukunetsai kwangu nenhumbu yangu ndabatsirwa. Dai makazoudza Peter nezveDNA ndasunungukawo. Hamuone kuti makamhanyisa?”
“Ko zvadiiko nhai Maggie muzukuru?” mbuya Mamoyo vakabvunza hana ichirova.
Magreth akabva atsanangura; “Ndakakunzwai muchimuudza musi uya tichiita braai. Iyewo akandiudza kuti ndozvamakataura. Musazodaro, inga muri mukadziwo anoziva kunetsa kwenhumbu.”
“Hezvoo?” Mbuya Mamoyo vakangokwanisa kudaro.
“Saka kana nhumbu ikabva, kana kuti ndikazvara mwana akafa, kana kufa inini. Muchafara handiti?” Magreth akadaro ndokufambisa oenda kune zvaaida kutenga, mbuya Mamoyo vakambosara vakamira ndokuzoendawo kwavaida.
Ave kubuda umu, Magreth akaona motikari yaPeter Chibaya yakamira panze. Akambofunga kumufonera, asi kusadavirwa kana kutaurirwa kunzi ndiri busy akaona kuchizonyanya kumurwadza pane kungorega havo kutaura vese. Asi mwoyo wake wakangoda kuona Peter ari kure kudaro. Naizvozvo akatogara pasi ari nechekure kwaizobuda nemotikari dzaibva paWholesale apa.
Mushure memaminitsi angasvika gumi akazoona Peter obuda maNRichards akabatana maoko nemumwe mukadzi waasina kuziva. Vaiseka chaizvo vachibhabhadzirana, kutsvodana nekumonerana sevaive munyika yavo vega.
Mukadzi uya ndiye akandogara kwekutyaira motikari yaPeter, murume ndokugara padivi. Motikari yakafamba ichiuya nepaaive chaipo. Vakasanganidzana maziso naPeter murume ndokukurumidza kutarisa divi. Magreth akabva aziva kuti mudzimai aive naPeter, vaive mai Tawanda.
Akange aona mifananidzo yavo, asi aisavaziva, hapana kwavakange vambosangana.
Manheru aya, Magreth ave kuda kutorara, akanzwa motikari yaPeter yave kumira pagedhe pake. Vakange vane mwedzi wese vasina kumbotaudzana kana kuonana. Akashaya kuti murume uyu aida chii. Magreth aitove nezvaimunetsa zvakawanda, zvaaishaya wekuudza kana wekubatsirwa naye.
Vakakwazisana, Peter ndokuti; “Ndauya nemari kuti uwedzere paPreparation yemwana. I saw wange wakabata some baby stuff kwaNRichards.”
“Isai ipapo.” Magreth akadaro akapeta maoko ake. Peter akaisa mari pamubhedha.
Magreth akabva ati; “Ndine serious insomnia, ndiri kutadza kurara.”
“Why?” Peter akabvunza.
“Kuda inhumbu, or zvinongoitikawo, ndinongoona kwatoedza ndisina kumborara.”
“Hayaaa, mune nhamo amai.” Peter akadaro.
“Ichapera hayo.” Magreth akadaro zvekushingirira.
“Hamenowo.” Peter akadaro zvakare.
Vakambonyarara vese, Magreth asingachaziva zvekutaura. Mhinduro dzaPeter dzese dzaimurwadza. Akaona kuti chese chaaiita nechese chaaitaura chakange chave kusembura Peter zvakanyanyanya kwazvo. Nhaurirano dzavo dzese kwange kwave kutukwa, rough nekushaya hanya pane chese chaitaurika. Nezvavaisitaura vachiseka vese, mazuva aya zvange zvongobuda sekutadza kutaura kwaMagreth. Kusemburwa kwaPeter akange otoita sandiye ane pamuviri.
Pave paya, Magreth akazoti; “Ndamiswa basa. Kubva pandakasvika 6 months, handina pandakamboita vhiki yese yakazara ndichienda kubasa. Saka nhasi vati ndiregere ndozodzoka ndasununguka.”
“Ah, nhamo dzako hadziperi. Of course hakusi kuGovernment ka kunobhadharwa vanhu vakarara, vachidya vachirutsa vari kumba kwavo. Handiti you are a contract worker? You will be on unpaid maternity leave. Mimba dzenyu idzi.” Peter akadaro ndokukosora.
Peter akabva asimuka achiti; “Saka uchadii?”
Magreth akaramba akanyarara, Peter akabva abuda ndokuenda kumba kwake.
Mwedzi miviri yakatevera yakange yakaoma kuna Magreth asi akakwanisa kurarama. Akanyanya kuwana rubatsiro kubva kune vaaishanda navo. Vakange vamumisa basa kuti vakwanise kubhadhara aizoshanda zuva nezuva asi vaimuda semumwe wavo. Nazvo vakamubatsira nemari yerent, yechikafu uye kuwedzera zvaida mwana.
Kuchechi ndokwaakatadza kuenda, akange aiswa pasi peshamhu, uye mashoko ekutsvedzemuka kwemutumwa waMwari sisi / auntie Magreth akave makuhwa ainakidza vamwe vemuchurch nekurwadza Magreth. Mufundisi vaisidada nemaSingle mothers vachipa muenzaniso waSisi Magreth semuenzaniso wemudzimai akarurama anoziva zvaanoita nekushumira Mwari vakange vakagumbuka chaizvo.
Magreth akasununguka mwana mukomana waakatumidza ega kuti Simbarashe, uye akamupa zita rababa vake kuti Musoni. Paakasununguka, pane kuti adzokere kubasa kwake kuCreche, akabva atama kuti asaonana nanaChibaya zvachose.
Vakazosara vonzwa kuti akasununguka akaenda atobuda maGutu Mpandawana. Tisingazive kuti dai aivemo vaida kudii nazvo. Mbuya Mamoyo vakange vati vanoda DNA vaizoenderera nayo here, kana mwana ainzi ndewaPeter vaizodii? Peter akange ati ane zvimwe zvekuita zvakakosha kupfuura zvemwana uyu aizowana nguva naye here?
Idzi dzaive pfungwa dzaitenderera mumusoro maMagreth achirwadziwa zvakanyanya kwazvo.
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion