Zuva raipisa zvakanyanya masikati emusi weMugovera uyu, Baba namai Makono vakange vakagara pamba pavo kuWarren Park vachangobva kuchechi kwavo. Mai Makono vakange vaenda nemunin’ina wavo Charity kundoshongedza muchechi mavo kuri kugadzirira zuva ramangwana acho reSvondo.
VaMakono vakange vaendawo kuchechi uku kumusangano wevarume, kana kuti China chevarume chaiitwa musi weMugovera wega wega pachechi pavo. Murume nemudzimai wake vakasvika ndokuzorora pamba pavo vachiita nyaya vachiseka nyaya dzaiitika musangano ravo.
“Saka nhai mai Leo, mati motikari yange ina Elder Samaita kumusangano uku, ndeyake?” VaMakono vakabvunza vasina mufaro.
“Ndozvandanzwa vana vachitaura, baba Leo. Kana patazofamba tichibva kuchurch, vatotipfuura pakona apo vakatoridza bhera. Ndivo Elder Samaita vange vachitodriver mufunge.”
VaMakono vakasimuka mumumvuri weverandah mavakange vakagara. Vakafamba vachienda kudivi kweimba kwakange kwakapakwawo motikari yavo yaive rhori T35. Vakasvika vachidhonza tende rakange rakavhara mudziyo wavo uyu. Yakange yakazara guruva, mavhiri achiti fototo, yave kutanga kuita ngura.
Murume akakwenya mhanza yaisavava, akarova rova motikari yake achirwadziwa nekuparara kwayaiita zuva nezuva. Mudzimai wavo akaramba akavatarisa achionawo kurwadziwa kwaiita baba vemusha pamusoro pemota yavo. Kunzwa kuti Elder Samaita akange azotengawo motikari kwakange kwavarwadza. Elder Samaita pane nguva yavairarama nezvikwereti, ivo vaMakono nemudzimai wavo vachitovapawo mari yekutenga chikafu chaicho mhuri yarara nenzara. Ndiye munhu akange atenga motikari itsva, asi yavo ichiwedzera kuparara. Zvaivarwadza.
Vakange vashandisa motikari iyi vachihaiwa nevanhu vakasiyana siyana. Vaitakura vaitama, vaitenga midziyo mitsva, vaivaka, vaienda kurufu, vaienda kumichato nevaienda kuminamato. Payakazodzoka ichimira vakatadza kuimutsa vakange vaenda kuMbungo Defe Dopota, ku Masvingo, nevatendi veZion vaindonamata.
VaMakono vakambobata bata rhori yavo zveshungu pasina chaicho chavaiita. Vakaramba vachitaura vese nemudzimai wavo. Vainyanyotaura zvekuti vowanepi mari yekuti vatange rimwe business raizovapa mari. Hurukuro yavo yakazodimbudzirwa panzira nekumira kwakaita kamotikari kakange kakashama pamusoro pagedhe pavo.
Baba namai Makono vakatarisa vachida kuona kuti aive aniko akange avashanyira nemotikari yaidhura ikadai. Motikari yakamira, misuo yacho ndokupekuka ichikwira mudenga sesiketi yemhandara yanakurwa nechamupupuri munguva yechirimo. Vakashamisika kuona mainini Charity, munin’ina wamai Makono achisenerera kubuda nepakange papekuka paye.
Kune rimwe divi remutyairi kwakabuda murume wechidiki akange akapfeka zvainwisa mvura. Baba namai Makono vakakwanisa kungotendeuka ndokudzokera muveranda mavo ndokundogara pasi vamirira kusvika kwavaenzi vavo.
Mainini Charity vakasvika ndokukwazisa mukoma nababamukuru wavo. Vakakurumidza kupinda mumba ndokundobuda nezvigaro zviviri vogara pasi.
“Babamukuru uyu ishamwari yangu, anonzi Simbarashe Musoni. Simba, ava ndibabamukuru vangu nasisi vangu vandinogara navo.” Charity akadaro.
Simbarashe akaombera ave kubvunza vaMukono namai Mukono mufaro.
Mushure mekwaziso baba namai Makono vakaramba vakanyarara vachingotarisana vachishaya nyaya nemuenzi wavo.
Charity akazoseka seka ndokuti; “asi mamukanganwa Simba? Ange aripo wani pachurch, ndiye ange akapaka Ford Ranger yered. On Thursday evening prayers ndiye aive nebenz yeblack. Mamuziva here?” Charity akadaro achisekerera.
Mai nababa Makono vakabva vati; “Hoooo” vese nguva imwe chete. VaMakono vakazoenderera vachiti; “Ndabva ndaziva, hooo. Saka munoita nezvei nhai …….?” Vakashaya kuti voti babamunini here? Asi nekuda kwezvaivapo pana mainini vavo havana kuwana simba rekudaidza sahwira wamainini uyu kuti bamunini.
Simbarashe akapindura achiti; “Import and export of foreign goods.”
“Hooo. Zvakangonaka.” vaMakono vakadaro ndokunyarara. Charity akatarisa hama dzake ndokuchonya sisi vake asi vakoma havana kutirimuka.
![]() |
The Marriage - Free Short Story By Lovely Rutendo Nzira (Part 1) |
Simbarashe akazviona achibva asimuka achiti; “Ndafara kukuonai uye kuonawo pamba panogara Charity. Ndave kuenda.”
Charity nemuenzi wake vakasimuka, vaMakono vaifunga kuti mudzimai wavo achasimuka asi amai vemusha vakaramba vakagara. Murume akazosimuka otevera amainini vake nemuenzi wavo.
“Asi bamukuru mambotarisa lorry yenyu nhasi? Muchiita zvamunoita everyday kunge makatarisa mwana ane chronic disease ave nemadays mashoma kuti afe?” Charity akaseka babamukuru vake.
Vese vakaseka, vaMakono ndokuti; “Amainini Cha nhai, ndosadaro sei ipo pari ipo pange pane mari yangu yese? Now business rese zero zero hapana. Ndoswera pamba kunge munhu asina pfungwa”
Simbarashe akafamba ndokutenderera pamotikari iya ndokudzoka oti kuna vaMakono; “I know kwamunokwanisa kuiita exchange, you get a better one, moita rent to buy. Zero percent deposit.”
VaMakono vakavhura maziso vafarisa, “Serious? Asi zvikwereti handidi hangu, ndingatorerwa imba yangu.”
“Don’t worry bamukuru. KuGarage kwangu inini. Lamia Motors. What I can do is, mangwana I will send my guys vozoitora voenda nayo. Imimi mondotora imwe yamunoda on my account. Then kana business rasimuka tozotaura payment plan.”
VaMakono vakapotsa vadonhesa masiriri murume mukuru nekufarisa nezvaitaurwa nemuenzi wavo. Murume mukuru akatyora muzura achiponda maoko nekutenda nemoyo wese.
Simbarashe akasekerera ndokuti; “Ndimi vakuru vanotidzidzisa kuchechi uku. This is the blessing of the Lord and an answer to your prayers. Ndinofara kuve ini ndatumwa naMwari to answer your prayers.”
VaMakono vakatenda zvakare ndokubva vaperekedza muenzi wavo kumotikari yake achibva aenda. Vakadzoka vese ndokugara muveranda maive namai Makono avo vakange vofemereka nehasha.
“Iwe Charity, ndochiiko chauri kutiitira pano pamusha? Ndianiko uyu wawauya naye?” Mai Makono vakadaro kumunin’ina wavo.
“Ko ndadii nhai sisi mai Lee?” Charity akadaro asina hanya nehasha dzavakoma vake.
Mai Makono vakaratidza kupererwa ndokuti; “Watove neboyfriend iye murume wako akati achauya pano kuzokutora? Tinozomuti chii?”
Charity akaseka achida kurova vakoma vake maoko asi havana kutandavadza maoko avo; “Muchiri kufunga zvaVincent here? Anonditora anei iye asina kana mari yekutenga half bread yekupa mwana wake?”
Mai Makono vakafinyama ndokuti; “Saka uyu Simba ndiye ane mari yekukutengera Lobels yese zuva nezuva? Kana marriage ichinzi for better for worse, mukuwana nemukushaya, unenge uchiti zvinoreveiko?”
“Ah imi munonetsa imi. Munoda kundichengeta kusvika riiniko?” Charity akadaro kuna vakoma vake.
“Kana usingade kuchengetwa tsvaga basa Cha, wazvinzwa? Tsvaga basa kwete kuchinjanisa varume zvawave kuita izvi ………” Mai Mukono vakadaro zvekare vasina mufaro.
“Hoooo, zvakwana nhai.” vaMakono vakadaro vachibata mudzimai wavo ruoko achibva anyarara. Madzimai ese akatarisa murume, vese vaterera zvavaida kutaura.
VaMakono vakambofunga ndokuzoti; “Amainini Cha, vakoma venyu vane point ine musoro chaizvo. Babamudiki Gavaza, Vincent murume wenyu, haana kukurambai. Ndimi makatiza imba yenyu. Paakatevera pano tikataurirana, hapana imwe problem yatakaona yamaiita kunze kwekuti mumba mange musina mari. Onai kana isusu zvinhu zvakatiomera. Nyika yese zvinhu zvakaoma. Asi hatiparadzi musha nekuti zvinhu zvaoma.”
Mai Makono vaigutsurira chaizvo vachitsigira murume wavo.
Charity aidzungudza akazoti; “Imimi mune imba yenyu, mune furniture yenyu. Kushaya mari kwenyu kuri temporary. Hapana chinobatwa naVincent chine upenyu.” Charity akambofunga ndokuti; “Aaaah, imi bamukuru, pamakapedzisira kufambisa lorry yenyu, maive naye Vincent handiti mazviona? Chaabata chese anoparadza.”
Mai Makono navaMakono vakaramba vakanyarara vachifunga. Charity akabva ati; “Chakanyanya kunditsamwisa kutorerwa furniture yangu yese yandakatenga pandaiita temporary teaching. Zvese zvakatorwa nekuda kwezvimbadzo zvake zvaaitora achiti ari kugadzirisa business rake. Handichamudi Vincent. Irombe handidi kana kumuona.”
VaMakono vakapukuta kumeso kwavo ndokuti; “Mainini people make mistakes. Mukatanga zvakare muri mese padiki padiki zvinoita. Chandakaona kuna bamunini Vincent vane hunhu uye munhu anoshanda nesimba chaizvo. Kana patakataura pavakafona nezuro, vaitoti vari kuenda kumaInterviews kuti vawanewo basa muwane pekutangira.”
Vese vakambonyarara, mai Makono ndokuzoti; “chitiudzawo nezvaSimba abva pano uyu. Wati iwewe ishamwari yako…… wakamutaurira here kuti uri mudzimai akaroorwa? Mukadzi wemunhu haaite shamwari dzechirume, especially dzisingazivikanwe nemurume wake.”
Charity akamboruma ruma miromo yake, akazora mafuta pamuromo ndokuzoti; “Ndakaudza Simba kuti I am divorced. Iye akati anondida ….”
Mai Makono vakatarisa mwana wamai vavo ndokuti; “Yowee, Vincent haana kukuramba. Unopenga here nhai Charity……….”
Charity wacho akange ae kusvotwa nenyaya dzaVincent; “Muudzei azotora gupuro or auye negupuro racho whatever it is. Ndichamufonera tipedzerane. Handidi zvekunetswa ini. Nhamo handichaidi.”
“Ko anoda nhamo ndiani? Babamunini Vincent vari kuedzawo asi zviri kuramba saka unoda kuti vaite sei? Kana vamwene vako vakatotora mwana wenyu wani kuti mutange patsva.” Vakoma vakadaro zvakare.
“Simba is younger than Vincent, ane 6 cars, garage kune brand new cars chete. Ane imba kuBorrowdale ine 25 rooms, vashandi hameno kuti vangani. Room yese inenge two bedrooms dzepano ndo wardrobe yake. Kana ndikamusiya ndoshavi renhamo chairo.” Charity akatsanangura.
Charity akasimuka ndokupinda mumba, akaita foni yekujojonya nesimba achitsvaga paive nenhamba nezita rababa vemwana wake Vincent Gavaza. Vincent akafara chaizvo kuona zita remudzimai wake richiratidzira pambozhanhare yake.
“Yeeeeees, Mrs Gavazaaaaa, finally wazondifonerawo shamwari.”
Charity akambofemedzeka ndokuzoti; “Inzwa iwe Vincent Gavaza. Handikudi, handina kumbokuda, you are the worst mistake of my life. Mistake iyoyo inoguma nhasi. Usandifonera usanditsvage. Kana ndichida kuona mwana wangu ndinoziva kwaari.”
“Chery………. Cha…………. Are you serious? I am your husband remember. Ndini baba vemwana wako………..” Vincent akashamisika chaizvo. Dai yaive message angadai akazvifadza nekuzvinyaradza achiti kuda haasi Charity anyora. Asi apa raive inzwi rake uye akange ataura zita rake kuti mashoko ese aive akananga kwaari.
“Oh yes chero mapenzi epaRank can father kids. Siyana neni. Usafonera sisi vangu or murume wavo. I introduced you to them, I de-introduce you today.” Charity akapopota.
“Waita seiko nhasi nhai mai mwana? Seiko kutsamwa kudaro?” Vincent akada kunzwisisa.
Charity akaenderera mberi nekunyomba; “Imbwa isina chinhu. Rombe randakawana rine underwear hwani rakabooka! Vezera rako vanovaka double storey houses, and drive mercs and sports cars! Iwe uchichinjana matommy namai vako. Une demon rePoverty. Nhamo inonhuwa nyika yese kudaro.” Charity akaseka zvekusvotesa ndokudzima runhare rwake.
Akagara pamubhedha kumeso kwave kusinina dikita, miromo ichibvunda neshungu. Dikita raibudawo nekuda kwenyadzi dzaive kure kure ave kufunga hunyoro nekuvimbika kwaVincent Gavaza baba vemwanasikana wake, Nenyasha aive nemakore matatu.
Runhare rwakarira ndokubva aregera kudavira nekuti aisada kuramba achitaura naVincent. Rwakasvika pakunyarara ndokutangazve, akanhonga ndokuona ari Simba aifona.
“Babes, am lonely, can I come pick you up?” Simba akadaro.
Charity akaedza kufara fara ndokuti; “Noo, I can’t, mwana wangu not feeling well so ndokwandave kumboenda nasisi……………”
“You said anogara kuNorton, handiti? I can come drive you mese namaiguru, no problem…………” Simba akadaro.
“Aiwa aiwa, its fine ndokuona mangwana.” Charity akadaro hasha kuna Vincent dzichiwanda. Akange audza Simba kuti iye naVincent havana kumboroorana. Vakangopanana pamuviri uye amai vaVincent ndovaichengeta mwana. Kana varume ava vaizosangana zvaisazobuda zvakanaka. Vaisafanira kusangana zvachose, Vincent akange ave marara, chamupupuri chaingonyuka chichimuisa mavhu mumaziso.
Simbarashe akange akagara kumba kwake kuBorrowdale ega. Pamba pake paive nevashandi vaviri panze uye madzimai echikuru vatatu mumba vaiita zvekubika nekumutsvairira. Imba yakange yakamukurisira.
Akange awirirana naCharity waakange asangana naye kuLogos Pentecostal Church. Akange atoendera kuchurch uku izvozvo. Kundotsvaga nekuwana musikana waaizoroorawo nekugarawo naye mumba make.
Aida vasikana vekuchechi vakadzikama, vaisataurisa. Akange asingade zvemunhu wemunyika aizoda kuzivisisa nezvebusiness rake. Musikana wemuchurch aiterera murume, achiziva nzvimbo yake yemukitchen nemubedroom asinei nezvakawanda sezvaiita vemunyika.
Charity ndiye akange atora moyo wake. Musi weMugovera uyu akange atevera kuchurch akandomirira Charity achipedzisa kushongedza muchurch.
Pastor vavo vakange vapfuura nepaakange akapaka, ndokutaura senyaya kuti vaida kuti vatendi vabvise mari yekutenga twumacheya nema toy eSunday school. Mukomana akabva atoenda navo vakandotenga nekutengazve zvese zvaidiwa nevana veSunday school yeLogos Pentecostal church. Akazobva pachurch apa achisiya Mufundisi ne committee yavo yese vachifara nekutenda nemoyo wese.
Mufundisi Dzindipfaure weLogos Pentecostal Church akandorara achifunga kuti pamaElder aaive nawo muchurch, ndiani waaizogumura kuti Simba aitewo Elder. Akange aona mukomana uyu kwamasvondo mashanu akatevedzana muchurch mavo. Aisaziva zvakawanda pamusoro pake, kwaakabva kana zvaaiita. Asi mubhasikiti rezvipo makange mave kuwanikwa mune maPounds, maRands nemaUS dollars airatidza kuti ainge akandwa nemunhu mumwe chete. Mari yese iyi yaifanira kuve yaibva kuna Simbarashe Musoni.
Mufundisi vakafunga kuzomudaidza kuti vamudzidzise nezve Tithing, seeding, sacrificial giving, alms giving, nekumwe kungopa kwakawanda wanda kwaizokomborera mufundisi. Vaizomudzidzisa kuti kupa nekuchengeta mufundis Dzndipfaure kwaizoita kuti upfumi hwake husadyiwe nezvipfukuto negwatagwata sezvaireva bhuku dzvene.
Ko iye Simbarashe Musoni uyu, akange apengesa Charity nekumurambisa murume zvachose….. Akange afungisa Mufundisi Dzindipfaure kugumura mumwe wevakuru vechechi, vaaiziva vaakange ashanda navo kwemakore, akange ambobva kupiko?
Ngatimbotarisai upenyu hwaSimbarashe Musoni uyu ……… 27 years years ago ……