Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Chances - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 4)

Chances - Stories By Lovely Rutendo Nzira -  (Chapter 4) - Responsive Blogger Template

Nekufamba kwemazuva, Ignatius akange asingachanwi doro nevamwe pabhawa sezvaaigaroita, asi aindogara muchitoro maMarozva umo aionekwa akagara paCounter, kana kuseri kwayo, nguva nenguva. 

Aionekwa achinwa doro kana zvimwe zvinotonhorera, nendiro dzenyama yakagochwa ine mhiripiri kana maguru akakangirwa svoto. Nedzimwe nguva tunzungu twaivavira, zvese zvaisatengeswa umu, asi baba vaKudzai Mazani ndovega vaiwana zvakadai izvi muchitoro umu.

Kana kuenda kumba kwake kundodya masikati akange asingachaenda sezvaaisiita kare. Akatanga achindomisa motikari pabhawa, ofamba netsoka kuenda kuchitoro kwaMarozva. Nekufamba kwenguva, akange ongomisa motikari yake pachitoro pacho.
Zvaishamisa vagari venzvimbo iyi kuti ko mukoti wavo, Sekuru Mazani vanenge vachiiteiko pachitoro pakavharwa usiku hwakadaro? Iye mutengesi mutsva uyu airwara zuva nezuva kudai, aimbonzwei chisingapori, chaiita adaidze mukoti mukuru wenzvimbo zuva nezuva? Bva aitoda vana mazvikokota veHarare, nekuti chirwere chake change chakakomba. Miromo nerurimi zvakatanga kufamba kutsanangura zvaionekwa nemeso, pamusoro pemukoti nemutengesi, zvavaiita pachitoro paMarozva.

Musi weSvondo, vanhu vemunharaunda umu vaipinda paCalvary Pentecostal Church, paitungamirwa naMufundisi namai Jaravaza. Pakapera munamato, vanhu vese vakabuda vachikwazisana sezvo vese vaizivana pakugarisana kwavo muraini umu.
Amai Mazani vakamira panze ndokufonera murume wavo kuti azovatora, sezvo iye aipinda svondo nenguva dziri kure, mazuva mazhinji kwaingove kuzosiya mhuri iye odzokera kumba.
Mai Kudzie vakafamba ndokubva pachivanze chepachechi voenda kumugwagwa kwaizomira murume wavo.
Vakamira ipapo, amai Jere namai Mabwe vakabva vauya pavaive vomira navo.
“Ko zvawave kutoenda amai Kudzie takwazisana here?” amai Mabwe vakadaro vachikwazisa mumwe wavo.
“Ndakushayai ini, and ndokukwazisirei takaswera tese nezuro. Ndakuonai kuti munofara. Ambuya vaKudzie vati ndikumhorosei, nezuro makatandara navo zvavakafara chaizvo. Hanzi shamwari dzako dzekutaurisa vanodzoka rini.”
Madzimai akamboseka vese vachirovana maoko.
“Kana ukaendazve kuVisiting yaKudzie kuchikoro kwake kana Shopping zvako kuJerera kana kwaNyika unongotidaidza. Unoziva varume vedu tikati tiri kuuya kwambuya Mazani, no probhuremu. Ndiamai vavo vese, tinouya shamwari.” Amai Jere vakadarowo.
Amai Mabwe vakaseka ndokuti; “Kwaaniko tainakidzwa neDover stove yako tichibika mabhanzi, takamakanya zvese namafetikuku, saka tinodzokazve, waimboregereiko kutidaidza kare kwese?”
Vese vakaseka, amai Mazani pavange voda kupindura, vese vakacheuka pakasvika mumwe mudzimai wavaisaziva vese. Vese vakamutarisa vakanyarara iye ndokusekerera chaizvo achivakwazisa nemazita avo.
“Asi hamundizive? Ndiri amainini vamai Gunguwo, ndinoshanda muShop maMarozva.”
“Hoo ok, ndakangonzwa baba Kudzie vachiti Tindo haapo mazuvano, muri sei zvenyu amainini?” mai Mazani vakadaro.
“Ndinofara zvangu amaiguru, ndidaidzei kuti amainini Jessie, ndaingokuonerai kure asi ndinokuzivai mese, after church hatisitaudzane so ndafunga kukukwazisai zvangu nhasi. Ndatove nethree months ndauya muno.”
Amai Jere vakaramba vakatarisa Jesca vakafinyama ndokuti; “Hamuna mwana here tingakudaidzai nezita mukadzi mukuru akadai zvaita sei?”
Mai Mazani namai Mabwe vakatarisa mumwe wavo nemaziso aive nemubvunzo uye kunyara.
Amai Mazani vakaseka seka ndokuti; “Zvamai Jere vasikana, ko zvine basa rei? Mumwe nemumwe ane madaidzirwo ake aanenge achida.”
Amai Jere havana kuita hanya nazvo, vakati zvakare; “Ko murume wenyu aripi? Ndoziva kuti munogara mega paShop apo.”
“Hoo ah baba nevana vari kuSouth Africa.” Jesca akadaro ndokufamba achibva apa oenda kwaive namai Gunguwo hama yake.
Achibvapo masahwira matatu aya vakasara vakambonyarara amai Kudzie kwave kuzoti; “Iwe mai Jere shamwari, ko rough ndeyei kumunhu wausingazive?”
“Ndibvirei apa, imi makamutarisa hamuoni kuti akangoita wechipfambi-pfambi here uyu? Ane murume upi ipapa?”
“Nyangwe asina murume kuita single mother imhosva here?” mai Kudzai vakadaro zvakare.
“Ehe imhosva, akarambirwei?” amai Jere vakadaro vakatarisa Jesca.

“Vasikana musadaro, tinoswera tanzwa kuti Jere arohwa nemota akafa uko, iwe ukaswera wave single mother, humvana hauna warambwa kana wafirwaka, ungazofare kana vanhu vese vave kungokutora sepfambi here?” Mai Kudzai vakadaro zvakare.
Mai Jere vakadzungudza ndokuti; “Imi ndiri kutaura zvandinoziva mhani, ndakamuona kakawanda kumba kwamai Gunguwo. Handiti munozivaka kuti mai Gunguwo varipo ava vakapinda mumba mavari umu neukopo kopo, neback door by ginya. Imi mai Kudzie makange muchiri kuMasvingo. Amai Gunguwo vakuru variko, vakangorwara zvisinganzwisisiki. Ava vamunoziva vaitengesa mubhawa umo maMazungunye. Zvinotonzi ndovakavaroya ndokuvakwapurira murume. Saka inini zvekusekererana masinguru handiite, especially vanongonyuka ava vatisingazive kwavakabva no no, bodo ndaramba.”

“Iwe mai Jere, uchatiparira nemakuhwa ako.” Mai Mabwe vakadaro.
“Kana ndichinyepa ndopandinganyarara. Handinyepi ini vasikana. And ini ndikatarisa munhu ndikasamufarira haa pane nyaya, bad news!”
Amai Kudzie vakangonyemwerera ndokuti; “Siyanai neupenyu hwevanhu, mungazvipedza here zvinotaurwa muno?”
Chances [Chapter 4] Stories By Lovely Rutendo Nzira
“Ya hazvipere, asi vanhu havangotauri, zvakafanana nekuti vanhu vongoti mota yababa Kudzie haichabvi pachitoro paMarozva. Sei vanhu vadaro? Vadii kuti mota yavaMlambo kana yavaPoga, ivo baba Kudzie ndovega here vanotenga muchitoro maMarozva? Ini makuhwa ndinomada, anokupepusa kukubvisa mhepo dzekupusa nekuzungaira kwese, and ini ndinomatevera kana ndikamanzwa.” Mai Jere vakadaro nehasha.
Madzimai akaseka ese vachirovana maoko, vamwe vaviri vachitarisana kuda kuona kana amai Kudzie vange vanzwisisa madimikira nefananidzo zvange zvataurika apa.
Amai Mabwe vakabva vati; “Musikana webasa wamai Gunguwo pane musi waaitaura naamainini vake mukadzi waSenior Teacher, mai Chabata, ndichivaruka. Akataura nyaya yakareba chaizvo, yemukadzi aive kuJoni nemurume wake. Pakaitika nyaya yainyadzisa akarambwa akadzoka kuno, akatorerwa mwana nemurume. Ndichamubvunza nekuti musi iwoyo handina kuita basa nazvo nekuti ndaisaziva kuti aitaura pamusoro paani. Zvino ndabatanidza nezvataurwa nevavava, ndivo chete vairehwa. ”
Mai Kudzie vakaseka ndokuti; “Ok baba Kudzie vauya, handiti uri kuuya kuzondiruka mangwanaka, ndakatenga mabraids aye nezuro kwaNyika saka wouya mangwana.”
Vakafamba vese vachienda kumota kwaive nababa vaKudzai, mai Kudzie vakasvika vachipinda mumota, masahwira avo achikwazisa Ignatius ndokuparadzana.
“Nhasi makurumidza kubuda muchechi, hindava?” Ignatius akadaro achibvunza mudzimai wake, ave kufambisa mota.
“Pastor vati vari kuenda kumusangano kuMasvingo saka vakurumidza, vangoparidza chete. Ende mave kuzara muchechi macho mazuvano wena. Mune vanhu vatsva vakawanda, nzvimbo yedu iri kukura.”
“Ya vanhu vawanda………” Ignatius akadaro ziso rakatarisa kuchitoro kwaMarozva pavange vave kupfuura nepo.
“Ko hamuna kundiudza kuti Tindo akatsiviwa namainini Jessie sei, ndovatouya kuzondikwazisa nekutiudza kuti ndovave muchitoro maMarozva.” Amai Kudzie vakadarowo vakatarisa kuzvitoro.
“Heeee? Ndiani? Ati chii?” Ignatius akadaro achitarisa mudzimai wake.
“Asi munomuziva?” Mai Kudzai vakabvunzawo.
“Aniko? Zvinyaya zvemakuhwa enyu ndozvamunoendera kuchechi here? Muchagara kumba 7 days kana muchitiunzira makuhwa kubva kuchechi kwacho. Semukadzi waJere, kapenzi kemunhu, kutaurisa kwaasina kuswera.” Ignatius akadaro achivhundutsira mudzimai wake.

Amai Kudzie vakaramba vakanyarara vachivhiringika, vakazoti pave paya; “Muri kutaureiko imi? Kukwazisa munhu kune makuhwa eiko? Asi pane wamunoziva?”
“Kuziva aniko handipinde chechi ini, ndovazivirepi vanhu vekuchechi kwenyu?” Ignatius akadaro ave kumisa motikari yake pamumvuri, pamba pavo. Akasvika achigara paive naamai vake pamumvuri ipapo, Mai Kudzie vakakwazisa vamwene vavo ndokupinda mumba vobika kudya kwemasikati.

Pazuva rakatevera, Muvhuro, vekumabasa avo vaienda kundoshanda, vaisarawo pamba vaiswerawo vachiita mabasa epamba. Amai Kudzie vakange vakamirira sahwira wavo amai Mabwe akange achauya kuzovaruka musoro wake pamba pavo.
Akamirira mangwanani ese sekutaura kwavange vaita asi havana kuuya. Vakazouya ave masikati panguva dzekudya kwemasikati. Mai Mabwe vakauya naVeronica musikana aishanda kumba kwamai Gunguwo uye ari mwana wemukoma wemudzimai waSenior Teacher vekuSecondary School.
Mushure mekunge vaMazani vadzokera kubasa, madzimai akagara muverandah ndokutanga kugadzirira kurukana musoro.
“Sorry mai Kudzie ndanonoka, ndange ndakamirira kuti mwana wangu uyu Dee abve kuchikoro, baba vake havapo saka ange asina wekuzosara naye, ndosaka ndauya naye. Ndatozokumbirawo Vhoro uyu wekwamai Gunguwo kuti azondibatsira kuti tikupedze nhasi.” Mai Mabwe vakarondedzera.
“Ok pakanaka, ngatitangei…. Dee ave grade 4 handiti?” Mai Kudzie vakatarisa vamwene vavo ndokuti; “Amai munoda kugara pano here pane mabvudzi?”
Mbuya Mazani vakabva vati; “Ndiendesei kuseri kwave nemumvuri kumadziro, mondiisirawo mahewu aye, ndonwa ndigopota ndichikotsira ipapo.”
Amai Kudzai vakasimudza rupasa/ bonde nematress nemagumbeze zvaigara vamwene vavo ndokundowaridza kuseri kweimba. Vakadzoka ndokutambidza vamwene vavo dondoro ravaifamba naro, ndokuvabata nerumwe ruoko, vaviri vakatsigirana vachifamba vachimbozorora kusvika vasvika kuseri kwavaigara.

Vakasvika muchembere ofemedzeka nekuneta kufamba kwaange aita idzo 10m dzekubva muveranda kuenda kuseri kweimba. Amai Kudzai vakapfugama kumashure kwaamai vemurume wavo, vachivabata bata nekuvarova rova kumusana, chipfuva, nemapendekete zvinyoro nyoro vachivabatsira kuti vadzikame pakufemedzeka kwavo. Pavakadzikama akavatsigira nemapillow avo ndokuenda mumba ondouya nemaheu avo ndokusiya vanyatsozorora.

Amai Mabwe vakabva vati kumwana wavo, “Iwe Dee, enda undotandadza mbuya Mazani vogara vega vega kuti vadii? Toda kutaura nyaya dzedu pano usipo.”
“Veduwee anondoitei naambuya?” Mai Kudzai vakadaro vachiseka.
“Tora fone yangu iyi undoverengera ambuya nyaya yaGire paStories by Lovely Rutendo Nzira.” Mai Mabwe vakadaro.
“Kune vana Bhabhu mazuvano asi ndinoda Gire, ndaifunga kuti after Gire vachapererwa amai ivava vekunyora, asi zvotonyanya.” Mai Kudzai vakadaro.

Madzimai akaseka chaizvo mai Mabwe vachiratidza mwana nyaya yaive paFone pavo kuti andoverengera mbuya Mazani, akabva atora ndokundogara naambuya Mazani voverengerana.
“Asi Bhabhu ari pamberi, anondinakidza masasi ake shame.” Veronica akadarowo achigadzira mabraids kuti achitanga kuruka.
Mai Mabwe vakabva vati; “Asi vanombozviwanepiko zvavanonyora mai vaye? Ndakatomboona comment mumwe musi pavakatadza kuposter vachitukwa nemumwe munhu, aivati ingotaura kuti washaya zvekunyora, waiti unoramba uchingonyora ukasvikepi, kwete kutinyepera kuti technical fault.” Madzimai akaseka chaizvo.

“Ichokwadi, pane aifunga kuti nyaya yaGire ichareba kudaro here? Kuti Gire 1 and 2, ndokuzouyawo TK. Now tave pana Bhabhu, hameno zvichauya.” Veronica akadaro achiri mukati mekuseka.
“Hanzi vakati kune Gire Season 3, ichange iri pamusoro pevana vaGire. Aiwa vane chipo chekunyora, firimu rechishona asikana, unoona kunge zviri kuitika.” Amai Kudzie vakadaro vachigara zvakanaka.

Mai Mabwe vakaseka ndokuti; “Zvakanzi navaMabwe, anopenga chete mukadzi uyu, or ane demon rekunyepa. Nhai munhu anganyora zvese zvese kunge nyaya dzechokwadi? Malifestyles evanhu vakasiyana siyana kudaro anenge achizviwanepi? Town neruzevha, zvese?”

Madzimai akaridza chikwee amai Mabwe ndokuenderera; “Hanzi akanyora chipfambi unoti akamboita gore jit jiving kumaAvenues, zvemaDoctor ariko, kun’anga anokushopera zvazviri, apa Bible racho anoziva seri neseri, kuCourt anonyorazve, NGO ungati anayo, Pastor vechokwadi nevenhema anoti nemo nemo, kumasowe ndiye madzimai makuru vekrawa, paanonyora zvevarume unoti pane group revarume rinomuudza zvekunyora, asi iye achiti anonyora ega, ah. Anozvinzwa ari pai zvese zvese?” Madzimai akagomera nekuseka munyori wenyaya wavaiziva nekufarira vese pamhenenguro yavaMabwe.

“Matanga nyaya dzenyu dzekutaura zvamusingazive pamusoro pevanhu, nezuro maitaura zvakadaro futi pamusoro pamainini Jesca. Nhasi mave panyaya dzaSisi Lovely Rue paFb, dzamusingazive kwadzinobva, imika imi, verengai munakidzwe makanyarara apa.” Mai Kudzie vakadaro, madzimai aya ndokumboita nguva vakanyarara vave kuruka musoro.

Amai Mabwe vakabva vazoti; “Mai Kudzie, nyaya yaitaurwa namai Jere nezuro iya inenge yechokwadi. Ndozvandatouyira naVhoronica uyu kuti atiudze zvaanoziva zvinotaurika kumba kwamai Gunguwo kwaanoshanda pamusoro pamainini Jesca.”
“Ko vaita sei, tinei navo?” Mai Kudzai vakadaro.
“Inyaya kani nhai asikana. Kana paine zvazoitika mangwana tinenge tichiziva zvakatikomberedza.” Mai Mabwe vakadaro vachishingirira nenyaya yavo.

Amai Kudzie vakaramba vakanyarara vakaterera, havana kuda kubvunza nyaya yacho, kana kurambidza vaida kuitaura.
Amai Mabwe vakabva vati; “Vhoro waiti Jesca uya akabvepi? Aimbogarepi?”
“Ihama yaamai Gunguwo here?” Mai Kudzie vakabvunzawo Veronica asati apindura mubvunzo wamai Gunguwo.
“Vanowirirana chete, hapana ukama apa.” Veronica akadaro ndokumbonyarara.
“Mainini Jessie vaigara kuJoburg nemurume wavo, vane mwana one ane 4 years, akasara nababa vake ikoko.”
“Ko ivo vakadzokerei?” Mai Kudzie vakabvunza.
“Itsotsi mainini Jessie.” Veronica akadaro ndokufa nekuseka ndokuzoti; “Murume wavo akaendeswa kuIndia nebasa, aifanira kundogara for 6 months, ndokubva angodzoka 6 months dzisati dzapera. Akawana vane mumwe mukomana wechidiki wavaigara naye. Vakanyepa kuti yaive hama yavo, ndokubva azongotiza.”
Amai Mabwe namai Kudzie vange vabaiwa nekuseka nekutaura zvimwewo apo Veronica airondedzera nyaya yake.

“Saka zvakazoitika, vakange vave nenhumbu, ndokundobviswa nevamwewo backyard. Ndopavakarwara kupinda muComma 2 days, murume wavo ndiye akatotanga kuziva vari muhospital. Asi haana zvaakambotaura, ivo vakafunga kuti aibvuma nhema dzavaitaura everyday.” Veronica akarondedzera nyaya yake.
Akaenderera; “Pavakazouya kuno kuChristmas vakashamisika murume ave kuudza vabereki vavo zvese………… kuti aiziva kuti wavaiti muzukuru wavo yaive boyfriend, uye vakaita nhumbu vakaibvisa. Akatora mwana wake ndokudzokera ega akavasiya.”
Mai Kudzie vakaseka vachiti; “Saka mai Jere vaitaura chokwadika. Kuti amainini vaye ibad news.”
Veronica akange asati apedza rondedzero yake; “Vakazodzokera vega Joni vave kunyara vanhu kuno, ndokundowana murume atama, vakamboitazve chimwe chipfambi imomo, mai Gunguwo vanoti vakabvisa nhumbu kana 3 chaidzo. Ndokuzodzoka kuno, kumusha kwavo kuChivhu uko asi vabereki vavo vanogara muHarare, so vaMarozva vemaShops ishamwari yemurume wasisi vavo ndovakazovapa basa kuno.”

Mai Mabwe vakabva varidza tsamwa ndokuti; “Ih inga havaite, munhu angazviputsire imba yake ega kuti azoparadza dzevamwe?”
Mai Kudzie vakaseka vachiti; “Ko aparadza yaani zvaanongotengesa muShop umo ari ega. Achatowana mumwe mukana wekuroorwazve akaita imba yake. Akatodzidza so, mati achadzokorora zvaakaita pamurume wekutanga here?”
“Type idzi hadzisi dzemumba ndedzekubhawa chaiko, munoti anokwanisa kugara mumba iyeyu wakadai?” Veronica akazodarowo.

“Kuipa kwemoyo wake, kuparadza imba yemumwe iye achiziva zvake kuti kungorambanisa vakazvigarira, yake imba haina kure kwainosvika. Munoti akataura chokwadi chaicho chakaitika kwaari pane murume anomuroora?” Veronica akadaro achitenderera kumashure kwange kwapedza amai Mabwe kuruka iye achitevera achipedzisa zvavange vatanga.

“Imi asikana imimi, mazvinzwepi kuti ari kutsvaga murume? Kana waanodanana naye muno makamuonepi?” mai Kudzie vakadaro vachiseka vachizembera muchigaro chavo vonzwa mutsipa nekugara uye kudhonzeranwa kwavaiitwa musoro wavo.
“Mai Kudzie handiti unoziva hako kuti kana muraini mukaita makuhwa, pamusoro pako iwe muridzi wawo ndiwe unopedzisira kumanzwa?” Amai Mabwe vakadaro neinzwi riri pasi.
“Ya, zvagara zvakadaro, saka Jesca uyu anoudzwa nani makuhwa acho? Mamwe mashoko anongotaurwa agopera asina kusvika munzeve dzemuridzi wenyaya.” Mai Kudzie vakadaro.
“Vanhu vari kuti baba Kudzie ndochikomba chaJesca iwe mai Kudzie!” mai Mabwe vakadaro.

Mai Kudzie vakaramba vakanyarara, vamwe vakadzi vaviri vairuka musoro vakatarisana, mai Mabwe vakada kudzokorora, asi amai Kudzie vakuti; “Inga zvakaoma, makazvinzwa riniko izvozvo?”
“Patove nemwedzi wese, asi tange tisina chokwadi shamwari, taingoti makuhwa. Asi mai Jere anoti akazonzwa varume vedu vachizvitaura, uye Vhoro uyuwo akanzwawo Jesca wacho pachake achiudza mai Gunguwo. Saka nezuro paaikuti maiguru aitorevesa, ndosaka mai Jere vakamuita rough.”
Mai Kudzai vakangotura befu ndokuerera dikita vakanyarara.
Mai Mabwe vakaenderera; “Ndange ndisingade kukuudza shamwari nyaya dzekubhawa idzi. Asi Vhoro ari kuti akanzwa vachitaurirana zvekuroorwa. Mai Gunguwo vaiti vanomubatsira nemushonga zvavakaita kuti vaGunguwo vasiye mudzimai wavo mukuru ivo varoorwe.”
Mai Mabwe vakambonyarara ndokuenderera vachiti; “Saka ndati uzvizive kuti ugare wandotsvaga makudo mugomo maanogara, wondomarovera imomo. Nekuti ukasatsvaga makudo mugomo, uchashamisika azara chivanze chako okubudisa mumba mako, matangire asati akuvinga mumusha mako.”

“Asi Gina nhai, angandidaro chokwadi? Ah zvakaoma mufunge…..”
Amai Kudzie vakadaro vachibwaira bwaira kuti misodzi isabude, hana ichirova kunge ichasvetuka kudonhera pamakumbo avo.

“Kana watozviziva zvanaka, vamwe vanongozonzwa kuti kwave nemwana kana kuti munhu akatondoroorwa.” Mai Mabwe vakadaro.
Mai Kudzie vakatora fone yavo ndokutanga kuibaya baya vachiti; “Regai ndiverenge zvangu nyaya iya yaAuntie Rue ndinzwe kuti Mai Gambiza vachaitei naHazel uyu. Zvimwe zvinhu unenge uchiseka uchiti ndezvemubhuku kana zvisati zvakuitikira. Dai Mwari andibatsira”.

Vamwe vavo vakaramba vakanyarara vave kupedzisa kuruka musoro wasahwira wavo. Hapana akazotaurazve. Apa 4pm dzange dzachaya kwasara 30 minutes chete kuti vekubasa vachaise.
Vakasimuka vese mai Kudzie ndokupinda mumba mavo votora mari yekurukwa kwavange vaitwa, ndokubhadhara vaviri ava ndokubva vaenda.
Musi uyu vakatadza kana kubudisa shamwari yavo pachivanze. Vakaenda kuseri kweimba uko vakawana mbuya Mazani vachangomuka pakurara kwavange vaita masikati aya. Uye magumbeze avo ange atota. Vakavasimudza ndokuenda navo muveranda.

“Ndambokudaidza mai Kudzie ndichiti maheu aye andanwa oda kubuda asi hamuna kundinzwa, zvino ndazviitira pano. Uyu mupwere wamati ndigare naye ndiye atanga kutokotsira pamakumbo angu, paapedza kuverenga rungano rwemusikana weJerera uyu. Zvino wopiwa basa mwanangu.” Ambuya vakadaro, amai Kudzie vakangonyemwerera ndokuramba vakanyarara.

Vakatora dzimwe mbatya ndokuchinja vamwene vavo uye kuyanika magumbeze ange atoteswa. Mai Kudzie vainzwa nyama dzavo dzakaneta havana basa ravakada kuita.
“Nhasi kunotonhora, ngatichipindai mumba, kuti kana watanga kubika nekubata bata tunhu twako ndisazokudaidza mwanangu, ndichizorora kamwe. Undiisire nziyo dzavaChivaviro ndione dzese paTv nhasi.” Mbuya Mazani vakadaro vakatarisa muroora wavo achivapukuta nekuvazora mafuta.

Vamwene nemuroora pavange voda kusimudzana, baba vemusha Ignatius akabva asvika. Ndiye akazobatsira amai vake, kuvasesedza achipinda navo mumba, ondovagarisa pasofa, nekuvaisira DVD renziyo dzavaida.
Mai Kudzie vakaramba vakagara pasofa, baba vaKudzie vakapinda mumba mavo mekurara, ndokuchinja mbatya dzekubasa dzavange vakapfeka.
“Ko asi wotobuda nhai baba vaKudzie?” mbuya Mazani vakabvunza vatoona kuti mwana wavo atonanga kumusuo.
“Pane zvamange muchida here mhai?” Ignatius akadaro achindogara padivi pamai vake.
“Haudi kunzwa kuti ndaswera sei? Ko mai Kudzie ava, varukwa zvakanaka izvo wambozvionawo?” Muchembere akadaro.
Mai Kudzai vakaseka ndokuti; “Asi mbuya vaKudzie nhai.”
Ignatius akatarisa mudzimai wake ndokuti; “Zvakasiyana chii nezvaanosirukwa mazuva ese? Anyway, ah zvakanaka mai Kudzie.” Mai Kudzie nemurume vakatarisana kwekanguva ndokubva mudzimai atsikitsira.
“Ndombobuda, ndombonotandara nevamwe two minutes ndodzoka izvozvi.” Ignatius akasimuka ndokufamba akananga kumusuo, akazofunga kuti pane zvaasiya ndokudzokera mumba mavo mekurara.

Mai Kudzie vakabva vamutevera ndokundovhara musuo.
“Muri kuenda kupi?” Mudzimai akabvunza akamira kumberi kwemurume wake.
“Kwandinosingoenda after work.” Ignatius akadaro achiverenga mari yaange atora mudrawer make.
“KwaJesca?” Mai Kudzai vakadaro vakatarisa murume kumeso.

Ignatius akashamisika nezvakataurika kubva kumudzimai wake. Akaita nguva akanyarara, ndokuzoti; “Zvabva kupi izvozvo? Ndakakunzwa kubvira nezuro pawakabva kuchechi, une makuhwa auri kuda kundinetsa nawo.”
“Handei tese kumaShops mundotenga beer renyu muzogara pano muchinwa, kana amai vati vave kukusuwaiwo.” Amai Kudzie vakadaro.
Ignatius akaseka ndokuti; “Wave kupenga manje, ibvapo ndibude.”

“Ko taisingodaro wani. Jesca iyeye ndiye akuchinjisai zvese, ndosaka musingachadyi lunch pano, and mave kuenda nemota kubasa zvamaisaita, nekuti munenge muchingoenda kumaShops kwaari nguva dzebasa. Gina iwewe une chokwadi kundiitira chihure chinondinyadzisa kudaro? Ndakakutadzira chiiko ini?” Mai Kudzai vakapedzisira inzwi rave kuzevezera neshungu.

“Wave kutaurisa manje, uchaenda kundogara kumba kwevanhu vanokuudza izvozvo, how many times ndichikuudza kuti hatitonge nyaya dzemakuhwa pamba pano?” Ignatius akadaro achisaidzira mukadzi kuti abude.
“Muri kuramba zvinhu zvatinongoziva zviri pachena kudai sei?” Mai Kudzie vakadaro voshaya zvekuita murume ave kutobuda.

Ignatius akavhura musuo, mai Kudzie ndokudaidzira vachiti; “Ndiri kutevera ikoko, umuudze kuti ndinouya ndikamurova. Inga unondiziva wani, kuti even that one day ratakarovana wakatomira mira semurume kuti undikurire. Vakadzi hapana anomirisana neni chero vari two. Ndiri kuzomurova agotama muno, zipfambi risina chibereko.”
Ignatius akarovera musuo ndokuenda kuchitoro kwaMarozva achisiya mudzimai wake akazvimba neshungu………………
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion