Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Chances - Stories By Lovely Rutendo Nzira - (Chapter 2)

Chances - Stories By Lovely Rutendo Nzira -  (Chapter 2) - Responsive Blogger Template

Muraini rekwaRusere, munyika yeZaka, muMasvingo Province, Rusere yaive nzvimbo yaive pakati peZaka District neBikita District. PaBus Stop paive nezvitoro zvitatu, chigayo nemabhawa, atinoti maBottle Store aye, maviri.

Mberi kwezvitoro, waiti ukaramba uchitevedza mugwagwa waivepo, ukasvika pa600m paive neCalvary Pentecostal church, paive pakavakwa church neimba yaMufundisi chete. Waiti ukaramba uchifamba ukasvika pa1km paive neRusere Secondary School, muzasi macho 100m maive neRusere Primary School.

Taiti takamira mumugwagwa mukuru uyu waive netara, kumabvazuva kwaive neNyika Growth Point, iri Bikita District, kumadokero koita Jerera Growth Point, yeZaka District.
Tichiri paBus Stop apa kumhiri kwemugwagwa paive pakatarisana nezvitoro izvi, pangaite 200m, paive neRusere Clinic, yaive kiriniki yehurumende. Paishanda manesi maviri, Ignatius Mazani ndiye aive in-charge, uye Mai Muzavazi vaive nyamukuta. Uye paive nemubatsiri wavo mumwe chete aichengetedza kushambidzika kwepakirinika apa, uye kubatsirawo pano neapo sezvaaitumwa nanamukoti.

Mukoti mukuru aitonga paClinic apa aive murume aive ne38yrs ainzi Ignatius Mazani, akange azvarirwa nekukurira munzvimbo iyi. Paakapedza Form 4 akabva awana nzvimbo yekundodzidzira ukoti kuMasvingo Hospital, uko akashanda kwemakore mashanu.
Mudzimai waIgnatius, Nyaradzo Chikwati, kana kuti mai Kudzai, aibva muraini maRusere makare. Musha wavabereki vake waive mberi kwechikoro chesekondari, mufambo ungaite makiromita maviri kubva pachikoro apa.
Ignatius aive iye mukomana ega, ari wekupedzisira mumhuri yaive nevasikana vatatu kumberi kwake. Hanzvadzi yake hombe, amai Mahosi, vaive nemhuri yavo muguta reGweru mavaiita zvebusiness remakombi. Vaitevera vaive vasikana mapatya, vari vakoti zvakare, vese vakange vakaroorwa, mumwe ndokuenda UK, mumwe ndokuenda Australia.

Kubuda munyika kwakaita vasikana ava ndokwakabva kwasimudza mhuri yese. Ndopavakapa mukoma wavo nababamukuru mari yekutanga business remakombi. Rakatangwa rikaita zvakanaka chose zvekuti pagore rekutanga makombi ange aberekana. Babamukuru wavo, semukwasha mukuru uye kutenda vana amainini vavo, vakafunga kudzorera zvavakange vaitirwa.

Vakabva vavaka musha uyu patsva zvakanakisisa kunge waive mudhorobha. Kana chibhorani chemvura nemagetsi zvakaiswa pamusha apa, muchivanze chavo. Paionekwa kuchena usiku nemagetsi, masikati paingoonekwa kuti pakavakwa zvedi. Pakange pakakomberedzwa nefence yakasimba yakanaka yaive nerazor wire.

Sekuru Mazani vakabva varwara ndokufa mushure memakore maviri vavakirwa musha uyu, ambuya ndokusara vega. Pasinawo nguva, ambuya Mazani vakaita stroke yakavasiya divi ravo rese rekurudyi rafa. Ziso, gumbo neruoko zvakange zvangove zvekushongedza muviri kuti unzi une nhengo dzese dzakakwana asi zvakange zvisingachashandi. Vakange vasingachanyatsoona uye vaifamba vakatsigirwa, vaitoda munhu wekugara naye nguva dzese. Kudya, kugeza nekugara pasi chaiko vaitotsigirwa. Asi vaimuka, kugara uye vaikwanisa kutaurawo nyaya nevamwe.

Vanasikana vakabva vagara pasi nehanzvadzi yavo nemudzimai wake vachivakumbira kuti vabude mudhorobha reMasvingo,
vandogara naamai vavo paruzevha vachichengeta zvese amai nemusha.
Mukomana akamboramba asi mudzimai wake akatsigirawo vana tete vake sezvo aiwirirana navamwene vake chaizvo, kuvachengeta pakukwegura kwavo yaisave nhamo kwaari.

Amai ava vakange vamuberekera murume aimuda chaizvo, murume wake akange achichengetawo chero neve kumusha kwake. Mai Kudzie vakachengeta vamwene vavo nemwoyo wese nekutizve, vana tete vake vaimutora semunin’ina wavo. Ndomaendero avakaita kundogara kumusha Ignatius achishanda paClinic apa.

Hanzvadzi yaNyaradzo, aive wekupedzisira kumba kwavo, akange aendeswa kuBoarding kutanga paForm 3 nemukwasha wake baba vaKudzai, apo sisi vake vakaroorwa kumhuri yekwaMazani. Panguva yatiri kutaura iyi sekuru Tirivashe akange ave mugore rekupedzisira paUniversity yeZimbabwe paaiita Bachelor of Accountancy, zvese aipiwa nemukwasha wake.

Pamusha paMazani apa paitodaidzwa nevamwe vemuraini kuti pavarungu apo. Hanzvadzi dzaIgnatius dzaichengeta amai vavo zvakapetwa, mbatya nezvimwe zvaigara zvakatumirwa, mapondo mari chaiyo yaitumirwa kuti amai vaende kundoona chiremba kuMasvingo mwedzi wega wega.

Muroora wavo vaimuda zvakadzama, dai asiye vaimuwanepi mushandi aichengeta amai vavo zvakanaka kudai?
Saka mai Kudzi vaichena chaizvo paruzevha, kuchurch kwavo kuCalvary Pentecostal Church vaitokwikwidzana nematicha pakupfeka apa. Ivo vaizove mberi nekuti mbatya dzavo dzakawanda dzaibva mhiri. Zvekuenda kugarden kana kumunda nevamwe kwaive kuda kwavo, kuti vawane exercise vasaora mabhonzo vakatandavara pachivanze vachinwa rita rekokora nemabhisikiti erudzi rwelemon creams zuva nezuva.

Basa kwaive kugezesa vamwene nekuvabatsira kudya vari muverandah vachiita nyaya vachiseka zvavo.
Kudzai aibhadharirwa school fees yake yekuBoarding kwaNyika kuSilveira High School kwaaive nanavatete vake. Zororo rega rega aienda kuGweru kwavatete vake vakuru avo vaive nezita rimwe chete naye. Vaive mhuri diki yakabatana yaidanana zvaiyemurwa neraini rese.

Nemumwe musi Ignatius akabva kubasa ndokungosvika achibvisa uniform yake yebasa ndokuenda kuzvitoro ondotandara nevamwe vemuraini. Musha wavo wakange wakabatana fence yawo newe Clinic paaishanda.
Akandogara paBottle Store paye ndokutenga doro rake onwa mbichana mbichana achiita nyaya nevamwewo vaivepo vakange vakagara panze pebhawa iri, mukati nepavheranda ndomaive nemitambo ye Slug uye Pool yaitambwa nevamwe.

“Veutano makadii?” Ignatius akanzwa achikwaziswa neinzwi raibva kumashure kwake. Akacheuka ndokuona varume vaviri vaaiwirirana navo vaive maticha paRusere Secondary School.
“Eeeh, vemachoko makadii? Mabwe kwakadii, Jere long time, vadzidzisi, kuri sei kubasa?” Ignatius akadaro achichingamidza mabhururu ake.
“Tiri bho, titengereiwo beer mukoma Gina, toita nyota muripo here?” Vadzidzisi vakadaro vachigara pasi, Ignatius akabva abudisa mari yaikwana hwahwa hwevaviri ava.
“Tave kuzowana new headmaster, pange patove ne almost 5 years pasina, vanouya vese vanongoita short time voenda. Ari kuuya uyu hanzi anobva Chipinge, he is a known disciplinarian, ndiye anoiswa to all problematic schools in the province.” Mudzidzisi Mabwe akadaro akazorora zvake, akanyatsogadzirisa kabhenji kaange akagara kakazendama kumadziro sezvo kange kakatsigirwa rimwe divi nezvidhinha zvitsvuku.

Akabva avhura hwahwa hwaange atengerwa ndokutanga kunwa achibata bata kabhenji kaye kuti anzwe kuti kakanyatsosimba uye kaisazomuteura here zvekumumanikidza kukwazisana nemavhu epabhawa apa.

Jere akatsigirawo achiti; “Hanzi chingave chikoro chine vana vasinganzwi kana maticha anonetsa, muchinda iyeye haajaidzi, anoisa vanhu panzvimbo. Anonzi Tamandai kana makambomunzwa.”
Vadzidzisi vakamboseka vachirondedzera nyaya yekubasa kwavo.

Mabwe akaseka achiti; “Toda kuona kuti nyaya dzezvidhoma zvevana vechikoro anodzipedza sei? KaMiss kaye kakaita two weeks kakatiza kaona mwana achitauriswa nezvidhoma muclass.” Varume vese vakamboseka chaizvo kunge vachadonhedza hwahwa hwavo.
Gina akangonyemwerera ndokuti; “That was cerebral malaria guys how many times ndichikuudzai, handiti akatouya kuClinic ndikatodaidza ambulance yekwaMusiso Mission, akadzoka after a week atopora, arapiwa cerebral malaria here?”

“Mukoma Gina nharo dzako dzobhowa, ko macheya aifamba aye? Ko desk raHeadmaster vakasiya vaye in a month vaunzwa pachikoro apa? Handiti rakafuma riri panze kuAssembly point uko, iwo madoor ese akakiiwa, mawindow akavharwa. Kana kumba kwake aigogodzerwa pahwindo, paroof pachitambiwa zvigure, ndiro dzichibudiswa panze.” Varume vakamboseka chaizvo zvakare pakapedza Mabwe nhoroondo iyi.
Jere akabva ati; “Vanhu vemuno vanoda munhu wavo, akazvarirwa muno asi hapana ari qualified to head the school, ndosaka Ministry iri kuunza vanhu vekure.”
Gina akambonwa doro rake ndokuti; “Saka vakagonaka kuunza weChipinge, nekuti tikangonzwa kuti Chipinge chete, varoyi veZaka rese vanodzikama, uye vanoda kutenga uroyi vanotoenda Chipinge kwacho.”
Vadzidzisi vakaseka chaizvo, Jere ndokuti; “Ini ndakaudzwa pandakasvika pano kuti usarova vana ava, list yaitovepo, either madzimai avo airoya kana kuti vaipopota too bad, vaizouya vakatibvisira hembe pachikoro.”
Ignatius akadzungudza ndokuti; “Uroyi hwacho imi vanobva outside our place munozonyanyawo kuhuuona. Inini ndakakurira muno ndikaroora muno sei ndisina kumboroiwa, tibvirei apa. Ndotoona even amai pavakaita stroke, vanhu voti vakatsingwa hanzi fambai munondozvinzwa, but look here, my mother is 70years old now, she is bound to stroke, vamwe vezera ravo vari kutofa neheart failure, any organ failure is likely at her age.”

Jere naMabwe vakambotarisana, Mabwe ndokuti; “Ya, chinesi chakakupindai mukoma Gina, asi musataurisa, especially pane vanhu kuti uroyi hakuna, munoshanyirwa midnight mukaratidzwa kuti huriko.” Vese vakamboseka Jere ndokuti; “Munorevesa mukoma, moms vakastroker yes, asi mudzimai mukuru waDeputy Head Gunguwo, ava vekuPrimary, akatsingwa nesecond wife yavave nayo manje. Now
maiguru vave bedridden vakatodzokera kumusha kwavo kuvabereki vavo chaiko, kwaNyika uko. Mudzimai wavo mudiki mai Merjue vanobva kwaChiremwaremwa uko, ndovaitengesa paBottle Store pano, dhara rikanyura takangotarisa. Chitiudza kuti maiguru mai Gunguwo at 35 vakaita stroke zvakare?”

Gina akaseka achisimuka ndokuti; “Haa you guys, nyaya dzenyu dzinonetsa, handiti pakauya Pastor munyowani futi here? Ndobasa rake, achagadzirisa this place varoyi vagoshaya simba. Muuye kuClinic ndikupei sleeping tablets murare chaiko chaiko musanzwe sounds of the night.”
Vamwe vakabva vasimukawo pamwe naIgnatius.
“Mauya nemota yenyu here mukoma, tatenga nyama, mbudzi yese, tokumbirawo kundosiiwa kuchikoro, kana wakaremerwa 1km inotorwadza.”Jere akadaro zvakare. Vakasimuka vese vari vatatu ndokundopinda muToyota Vitz yamukoti Ignatius uyo akandovasiya kuchikoro kwavaigara.

Ignatius akadzokazve nepazvitoro apa ndokumira pane chekutanga chaive chihombe chacho opindamo.
Yaive tsika yake zuva nezuva kana aisvika pazvitoro, aizodzokera kumba ne1 litre coca cola raaindopa amai vake, uye zvihwitsi zvaaindoisa pasi pemutsamiro wemudzimai wake.
Ignatius akandopinda muchitoro umu ndokuona mune kamwana kaitenga pakiti remasamba, aitarisira kuona Tindo mukomana aigarotengesa umu asi makange mave nemudzimai wechidiki. Pana Tindo aingosvikoti “same order” obva atorongedzerwa zvaaigarotenga.
“Ndipeiwo macrystal mint sweets ten, ne 1 litre coke.” Ignatius akadaro akamira kuseri kweCounter.
“Maswera sei vaMazani, ok.” Mudzimai uya akadaro achirongedza zvavange vatenga. Ignatius akashamisika kuti mudzimai uyu aimuziva sei iye akatanga kumuona musi uyu, asi haana kuita hanya nazvo, paaishanda raini rese raitofanira kuziva nesi muponesi wavo. Pane kuti mutengesi uyu angotambidza baba vaKudzai zvavange vatenga nepa counter, akatenderera nazvo ndokumira mberi kwavo otyora muzura achivatambidza.
“Muno munobhowa munzvimbo menyu hamuna vekutandara navo.” Mutengesi uya akadaro achinyemwerera chaizvo azembera counter akamira padivi paIgnatius.
“Ya, zvinodaro. Ko makauya rini muno, ndoziva Tindo achitengesa muno umu.” Ignatius akadaro ave kuda kubuda.
“Oh, Tindo ave kuShop yedu iri kuMashoko, baba vakati aende ikoko inini ndimbobatsira pano, asi achadzoka tigoshanda tese. Hameno mwedzi ukapera ndiri pano. Panosvota. Even ndichida kunzwa music yangu kana vatanga kuzhambisa Macheso naJah Prayzah kubhawa uko, zvakatooma.”
Mutengesi akadaro achidzungudza nekufinyama; “Dai ndakatouya zvangu nemota yangu ndaimboti pandovhara kuma6 manheru, I would drive around and see the place. Nekuti umm rima racho rinobva ranyatsoti tsvete, kusara kwepamba penyu pane matower lights nemarobots apo.” Vese vakamboseka kuwedzerera kwaiita mutengesi uyu patsananguro dzake.
Ignatius akaramba akayeva zvake matauriro emukadzi aive mberi kwake, aiita kunge akati fundei, saka aive mwana waMarozva wezvitoro izvi here?
Magadzirirwo ange akaitwa musoro wake, make up yaive kumeso kwake, mapfekero ake ese zvaingoratidza kuti raive ruva rakatandira muminzwa, paruzevha apa.

Akange asiri wenyikadzino uyu, ipo pachikaranga kana munhu akataura chizezuru neaccent yacho chaiyo, zvinonzi anodada, kana kuti ataura chirungu. Ndomatauriro akange aita mudzimai uyu.
“Ko mhuri yenyu iripi? Dai makauya nemhuri yenyu kana mwana kusurukirwa kwaipera.” Ignatius akadaro achida kuti achiwana kutaura zvinopera abude umu aende kumba kwake.
Mutengesi akaseka chaizvo ndokuti; “Ah hezvo is it so obvious kuti ndakambozvara nhaimi? Ndimi murume ega andidaro kubvira pandakauya muno, vamwe vese vanotondiona semusikana chaiye. Anyway ndinonzi Jesca, chero musina kubvunza.”
“Ok Jesca, kana ndiri kuClinic ndine uniform ndiri vaMazani, vazhinji vanonditi Sekuru Mazani, asi kana ndapfekawo dzangu seizvi ndiri baba vaKudzie.” Ignatius akadaro.
Jesca akangogutsurira, Ignatius ndokuzoti; “Ko kuzvara kwakaipa here? Vana zvikomborero zvaMwari. And remember ini ndiri nurse, ndinokwanisa kuona kuti dumbu iro rakambozvara, or apo pakamboyamwiwa apo, ndokusiyana kwangu nevamwe vese vanokuti uri musikana. Akura sei mwana wako or vako, une 1 or 2 handiti?”

Jesca akanyemwerera achifunga zvange zvataurwa nemutengi uyu. Akabva asiyana nemibvunzo yevana yakange yabvunzwa ndokutaurawo zvake zvaange abata nekunzwisisa panhaurirano yavo; “Oh, saka nhai baba Kudzie, mange makatarisa mazamu angu muchiongorora kuti ndakamboyamwisa here kana handina? Mafadzwa here nezvamaona? Kana dumbu rangu, maritarisa kubvira kumusoro uku kwarinotangira apa panoperera mazamu? Mukadzika naroooo, maziso enyu agumira papi?”
Ignatius akaudyura meso ndokubata muromo, akambofemedzeka ndokuti; “Nooooooo, handina kumbodaro ini.” Murume akasimudza zvinhu zvaange atenga ndokubata bata muhomwe dzake achitsvaga key dzemota yake, ndokufamba achibuda umu nenyadzi oenda kumba kwake. Kumashure kwake mukadzi akasara achizvibaya nekuseka zvake.

Ignatius akawana pamba amai vakagara nemudzimai wake uye mbuya Muzavazi vaivewo mukoti vaaishanda navo paClinic apa. Vaiuya kuzoona chembere iyi uye kubatsira muroora nemazano ekuvachengeta zvakanaka semadzimai vese.

Ignatius akandosiya zvaakange atenga zvese mumba mekubikira ndokuenda mumba mavo mekurara, akasvikozvikanda pamubhedha akatarisa mudenga achifunga.
Mumusoro make, akadzokorora nhaurirano yake naJesca, mukadzi uyu akange akangwarisa here? Kwaive kufumuka here kana kuti ange akamutsa chete? She was an independent modern woman asina mupini unoera sanhu. Aive nefreedom of speech, ainge asina kupusa sevamwe vemuruzevha umu vaaiziva, kusanganisira newake mudzimai chaiye.

Vaiti hongu vachireva kwete, vaitenderera kutaura sevasingazive zvavanoda, vachitadza kungoti dyo nyaya chaiyo. Vaiuya kuClinic vachiti vanonzwa mudumbu iye ovapa MMT, nemvura yemunyu nesugar.
Asi ivo vachitadza kungoti vanonzwa chibereko, ijeko riri kurwadza. Ko mudumbu ndochibereko here, kupusa kwevakadzi kusaziva kusiyanisa zvinhu. Kwete Jesca uyu akange ataura zvaaida nezvaaiziva pachena.

Ignatius akaseka ega achifunga nhaurirano yavo yese.


Mashoko ekuti; “Mafadzwa here nezvamaona? Mange makatarisa mazamu angu….. Dumbu rangu, maritarisa kubvira kumusoro uku kwarinotangira panoperera mazamu? Mukadzika naroooo, maziso enyu agumira papi?”

Murume akanyemwerera ega ndokudemba kuti dai amuti asimudze skirt yake aone panoperera dumbu racho, akaseka paakafunga kuti angaite zvakadai here, kufumuka kudai? Asi kwaive kufumuka here kana mukadzi wacho achidenha zvakadai? Aida kumuvinga zvakare ambonzwe mamwe masasi, kana aizozviita zvakare kubvajuka kutaura so aisazomutiza aizomuti ……………

“Baba Kudzie, kuneta here uku? Ndaisa mvura yekugeza mubathroom.” Amai Kudzie vakadaro vachiisa zvihwitsi zvavakange vatorera kukitchen mudrawer raive kudivi kwavairara.
Ignatius akaseka seka akatarisa mudzimai wake, akamutarisa nemaziso ange akatsvuka nenzara yechinhurume. Akamutarisa pachipfuva, ndokudzika nayeeeee, sematarisiro aakange amboita, kana kuti aakange anzi aita muchitoro.
Akamudhonzera padyo, ndokumugukuchira, iri raive gombo rake raairima nekusakura pamadiro ake, apa aive nesimba rekuritimbinyura setarakita yekuKanzuru chaiyo. Amai vakasekerera vachizvipira kumurume wavo. Vakanakidzwa chose nekutamba kwakadai kwavange vasina urongwa nako, kwaive kujumhiwa zvaisaita baba mazuva ese.

Chiri mumoyo chiri muninga, Mwari vakatigonera ipapo, dai zvaive mumoyo yedu zvaifamba zvakayanikwa pachena, yoweee. Amai ava havaimbosekerera vachitamba nababa zvavakaita panguva iyi, nekuti baba vaitaurisa nekubata mudzimai wavo zvekupengereka, nekuda kwemufananidzo wavaive nawo mumusoro mavo.
Chances [Chapter 2] Stories By Lovely Rutendo Nzira
Nyama yababa vaKudzie yaive pana amai Kudzie, asi mweya, mifungo nendangariro dzavo, zvaichemera kupiwa mumwe mukana, just another chance, kuchitoro kwaMarozvaaaaaa ...
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion