"Sisi Bee, asi hamumuke nhasi, ndamboti ndikuregei but zvanyanya, kuWedding Cake takanzi tizotora na10:30am, and it’s almost quarter to, then kuSalon na2pm, chimukai.” Uyu aive Bianca munin’ina waBeauty aitaura akamira mumba memukoma wake mekurara.
Beauty akamuka ndokugara pasi ndokumboshama n’ai, akatarisa dumbu rake ndokumboribata bata, rakange rave kumutyora musana sezvo nhumbu yange yave nemwedzi mitanhatu kudai.
Akasimudza musoro ndokutarisa munin’ina wake ndokuti; “Boy or girl, what do you think?”
Bianca akangoseka ndokuti; “Dai makangoenda kuscan, nyaya yenyu yekuda surprise mave kutiitisa guess work every day.” Vese vakaseka ndokurovana maoko, munin’ina achibatsira mukoma kusimuka kuti amuke.
Akasimudza musoro ndokutarisa munin’ina wake ndokuti; “Boy or girl, what do you think?”
Bianca akangoseka ndokuti; “Dai makangoenda kuscan, nyaya yenyu yekuda surprise mave kutiitisa guess work every day.” Vese vakaseka ndokurovana maoko, munin’ina achibatsira mukoma kusimuka kuti amuke.
“Ko Ronnie aripi?” Beauty akadaro zvakare achimonera tauro kuti andogeza mubathroom yaingove mumba mavo mekurara.
“Vari kune vanhu vari kuisa tent for Saturday night, after party. And pane vamwe tete vavo vasvika manje manje vange vachida kukuonai.”
Beauty akakurumidza kugeza munin’ina wake achimubatsira kurongedza mumba make mekurara.
Pavange vave kukama misoro nekusungana bvudzi ravo, murume waBeauty, Ronald Madondo akabva apindawo mumba umu, akangosvika achimbobata bata dumbu ravadzimai vake ndokumutsvoda achiti; “Amainini Bia, make sure my wife haana anything chaachaita zvakare.
Nezuro akazorara after midnight makumbo azvimba, I don’t want that on Saturday, our wedding day. Mukabva kuSalon nhasi, massage her anyatsozorora. I want both mother and baby at their best on our day, it’s just a day and a half away.”
“Ok ok bamukuru, mitemo munoiwanza. But ndichaita zvese to the dot.” Vakambosekererana vese vachiwanzirana, ndokubuda.
Umu maive muMasvingo, Eastvale Surbubs, paigara Ronald Madondo nemudzimai waaive nemwedzi mina aroora. Vakange vaita chipata pata kundobvisa roora nekuronga muchato wavo mushure mekunge vaita pamuviri apa. Imba iyi yaive yeMeat Market, Company yaiita zvenyama dzese ichitengesa munyika nekunze kwenyika zvese. Ronald Madondo ndiye aive chamakonya, chamangongongo General Manager weCompany iyi muMasvingo. Mudzimai wake Beauty Ncube aive mukoti paMasvingo General Hospital.
Musi weChina uyu, mazuva maviri kuti zuva remuchato wavaviri ava usvike, pamba pavo raive jakajiriri reveukama hwavo vese, vairongedzera muchato. Vaperekedzi vaive pavowo nemunhu akange apinzwa basa rekudzidzisa vechidiki kutamba zvemusi uyu.
Vana ambuya nana tete raive besanwa, vachienda nekudzoka kuchurch yeRoma nekuHall kwaizoitirwa muchato.
Vazukuru nemasahwira vaimisikidza tende nezvigaro pamba apa kuti paizopera muchato usiku hweMugovera vagozogara vachigocha, kudya, kunwa nekutamba mhanzi kusvika kwaedza kuti hwee, vachizivana paukama. Sezvo pakange pasangana mhuri mbiri kudai, pane vechidiki vakange votochonyana nekufarirana, zvekuronga wavowo muchato.
Mota dzekubasa kwaRonald kuMeat Market dzaivepowo Chenjerai Poshayi aive Supervisor paCompany iyi ndiye akange auya nenyama yakange yatengerwa muchato uyu. Vakange vauya vari vatatu pamba paShefu wavo. Vaive vashandi vaitengesa nyama yekuCompany kwavo, uye masahwira aitsigira muchato wemumwe wavo wavaishanda naye. Vakarongedza nyama yese, yemombe, yembudzi, yehuku nemasoseji zvavakange vauya nazvo muDeep Freezer hombe yaive mumba yekubikira pamba apa.
Ronald nemadzimai ake vakazobuda vese vondoona vamwe veukama vainzi vange vasvika mangwanani aya. Tete vadiki vaRonald, vari amai vaTawanda, vaigara kwaMutare ndovakamhanyira Beauty vachimufarira chaizvo, vakakwazisana vachimbundikirana vachiseka nekupururudza nemufaro wakapetwa.
Ronald akatevera pavaive achinyemwerera ndokuti; “Is there any need for introductions here? Ndotete mai Tawanda ava, vekwaMutare, imi tete, ndiye Beauty my wife. Makaonana mafotos, mukataura pafone, nhasi masangana.”
Tete vakaramba vakabatana maoko nemudzimai wemwana wehanzvadzi yavo. Beauty akanyemwerera ndokuti; “Makasona maternity dresses angu here tete amaitaura aye?”
“Handei ndinokuratidza izvozvi, ndakaita latest African trend yakafitana newe kani. Ndikaita rimwe reuniform, uchaenda kubasa handiti usati wasununguka?” Tete mai Tawanda vakadaro.
Ronald akadzungudza ndokuti; “Pane kwaanofanira kuenda now nhai tete, mozoratidzana manheru kana vadzoka.”
“Uri kuendepiko ini ndichisvika, iye munhu akurirwa kudai achaitirei twakawanda wanda.” Tete vakadaro vakafara chaizvo.
“Ndiri kundotora cake tete, handei tichiita nyaya zvedu, ndiri kuenda naBianca uyo atomira kumota yangu uko.”
Madzimai akafamba achibva apa, vakapfuura nepaive naamai vaRonald naamai vaBeauty, avo vakange vachigadzira maribbon evanyarikani nemabasket emaflower girls, vaivezve nematumbler akange ane zviso zvevachati akanyorwa kunzi “Thank you for being with us on our special day”. Tukapu utwu twaizopiwa munhu wese aiuya pamuchato uyu musi weMugovera.
Chembere dzaitambanudza, kuverenga, nekuona zvese vachigadzirira kuenda nazvo kuHall kwaizoitirwa muchato.
Beauty, vatete mai Tawanda namainini Bianca vakapinda mumotikari yaBeauty ndokuenda kwaMucheke kwaive nemudzimai akange avabikira keke remuchato wavo. Amai ava vaibika makeke emuchato zvemhando yepamusoro soro paShop yavo yaive kwaMucheke imomo muMasvingo makare.
Pavakapinda mumota vese, Ronald akavhura nekuvhara musuo kwange kwakagara mudzimai wake aityaira. Akagadzirisa chigaro achiona kuti dumbu ravadzimai harina pariri kubondera here zvaizokanganisa utano hwavo nehwemwana, ndokunyatsoona kuti mudzimai wake ange agara zvakanakisa. Vakatarisana mumaziso ndokunyemwererana vachitsvodana mumhepo.
Ronald akabva ati; "Honey utyaire zvakanaka please! Tinashe Chikuse wepaPower FM radio anogara achiti, “It’s better to be late than to be the late'. I don't want to lose you dearest!”
Beauty akanyemwerera achimutsa motikari achiti; “Trust me, you know I am always careful sweetie!” Akadaro Beauty achidududzisa motokari kuti itarise kugedhe ravaizobuda naro.
Ko zvese zvainge zvakarongekaka , vanhu vese vaifara, hama dzese dzaipembera nekubata bata kugadzirira zuva guru remusi weMugovera.
Pakabuda mudzimai wake achienda nemotikari yavo yaive Benz, Ronald akasara achipindawo mune imwe mota, yaive Nissan Sunny yemuzukuru wake Tawanda waaishanda naye kuMeat Market, voenda kunobhukisa macheya avaida kuzorongedza patende ravakange vadyara pachivanze pavo.
Pfungwa dzake dzaiva pakuda kutangira mukadzi wake kudzoka. Mazuva aya vese vainge vapiwa mazororo ekuti vakwanise kugadzirira svitsa tsvene pasina chinovhiringidza. Ronald ari mumota umu aingofunga mudiwa wake. Hana yake yaimborova pese paaifunga kuti aripi. Uye paifunga,kuti mupenyu here? Dzimwe nguva hana yairova zvakare paaifunga kuti musi weMugovera kuchange kune muchato here kana kuti zvichangonyamarara zvakadaro. Aizvituka nekuzvishora pese paaifunga kuti pane chakaipa chingangovawira zuva remuchato risati rasvika kana zvimwewo zvingaitika zvikakanganisa zuva iri. Vakange vaenda kuna chiremba wavo kakawanda kundoona kana mudzimai aive neutano hwaizokwanisa atore mabasa ese emuchato zvaaive nepamuviri kudaro.
Masanganirano akaita vaviri ava vaiti vakaafunga vaifa nekuseka zvavo. Gore rakange rapfuura, waiva mumwe musi weMuvhuro apo Ronald ainge anonoka kubasa. Aivhetemesa motokari yake yeCompany yaive Isuzu twin cab achimhanyira kundima. Zuva iri kwainge kwanaya chose, zvino nekuparara kwakange kwaita migwagwa mizhinji, migwagwa yaiita senzizi nekuda kwemvura yainge yakanjenga mumakomba ainge azere mumugwagwa.
Mugwagwa waaifamba nawo waipfuura nemudhorobha ozopfuurira oenda kumaIndustry kwaive neCompany yenyama kwaaishanda.
Akaona vanhu vange vakamira kuti mota dzipfuure ivo vagodimbudzirawo mugwagwa. Meso ake akandoti mha pane imwe tsvarakadenga yakange yakapfeka mbatya dzechinesi, musikana uyu akange akamira kwake ega kure nevamwe. Uniform chena yaive pamusoro pemabvi ichisiya gumbo panze raive muCameo socks rakayevedza Manager ava vakavarairwa zvekutadza kuona kwavaienda. Mwanasikana ainge akaumbwa iyeye. Hapana chaishoreka paari . Chida paakazocheuka achitarisana navaMadondo vangu avo vakazoona chiso chinenge chengirozi, haiwa rume rakabva rangooma mutezo.
Shasha yakazopepuka yakupira mwana wavanhu mvura yainge yakatsvuka nemadhaka. Ummmm mukunda akati aviruka nehasha, achiona mbatya yake chena yatsvuka nemadhaka. Zvazvinoita vakomana kuita sepane chinodaro, mvura iyi yainge yarohwa nevhiri remota zvine simba, zvekuti yakaita madodzi etsvina pauniform chena nekumeso kwemwanasikana.
Ronald akandomisa motikari padivi pemugwagwa ndokuburuka achimhanya ndokunosvikozvityora pana mukoti uya achikumbira ruregerero.
Asi musikana ange akatsamwa chaizvo; "Makakwana here mukoma imi shuwa munga.....haa munondishura shuwa!"
"And I am so sorry, ndavarairwa and made a terrible mistake, handina kuziva kuti pane gomba rakadzika kudai.....!" Ronald akatsanangura.
Musikana akafinyama ave kupukuta nemawipers aakabudisa muhandbag make, rumwe ruoko akange akabata umbrella yake.
“I am Ronald, ndoshanda kuMeat Market ……………..”
“So what? Ndaona mota yandizadza madhaka yakanyorwa kudaro iyo, saka uchandipa nyama to compensate for my uniform?”
Vakatarisana ndokuseka vese musikana ndokuita serious zvakare. Ronald akabva ati; “I feel so bad, muri kuenda kubasa? Regai ndikuperekedzei kumba kwenyu, mondochinja then I drop you off kuhospital.”
“Aiwa ndiri kubva kunight duty, ndatochaisa, ndiri kutoenda kumba, asi ndange ndichida kumbotenga some things mutown, ndozondorara ndisati ndadzokera futi manheru anhasi, manje ndofamba sei ndakanyangara kudai?” musikana akadaro atambanudza maoko achitarisa madhaka ange azara pauniform yake.
Ronald akabva ati; “Handei mundochinja and I drop you off back in town, ndozoenda zvangu kubasa, that’s the least I can do. I am really sorry.”
Mukoti akaramba anyerere. Hunyoro hwa Ronald hwakamudzikamisa. Mukomana akabva angobata ruoko rwemukoti ndokumudhonza achimupinza mumota. Mukoti akamboda kuramba asi akazonyara vanhu vainge vakatarisa. Mota yakarohwa yakananga kuMucheke kwaigara Sr Beauty Ncube ava.
Beauty pamba paaigara paisava pamba pake pauzima asi aitoripa mari yekamuri raaigara, ari roja. Mumugwagwa mese naRonald vainge votaura zvakanaka pasisina kunyombana nekutsamwirana. Vakataura zvekumabasa kwavo uye zvaiitika mudhorobha iri mazuva aya. Vakasvika pamba Beauty ndokubuda ega achisiya ati Ronald amumirire. Murume akamboda kutevera asi akazviti pfavira ngoma, wanyatsonzi sara pano ndiri kudzoka, saka kwaunoti tocha tocha uchienda ndekupi iwe usina kudaidzwa, ko ukawana murume wake arimo woti chii, kadzungu keshanje kakamuputira paakaita pfungwa iyi. Akasara akagara mumotikari make, ndokutora mukana uyu kufonera secretary wake achimutaurira kuti aizononoka kubasa musi uyu.
Sezvo aiva iye chamakonya hapana akambomupikisa. Ko Ronald ndiye wevamwe vanongozvarwa makomborero achifashukira paari. Kubvira paakatanga basa achibva kuUniversity, aingowana mabasa akanaka epamusoro uye aimupa mari yakawanda. Zvaisabvumika kuti pamakore makumi maviri nemapfumbamwe munhu ange atova General Manager. Beauty akazodzoka mushure memaminitsi angasvika makumi maviri.
Ainge apfeka rokwe dzvuku raive rakanamira nemuviri richitevedza kuumbika kwake, pese pakange pakaurungana zvakarurama pamusikana uyu. Akange akabata kakwama kadiki kaikwana mari nenharembozha chete. Gomana rakamedzerera mate, vakasanganidzana meso musikana ndokutsikitsira ave kunyara matarisirwo aaiitwa, maziso ababa ava ainge aivurura kupinda seri kwedhirezi rake. Musikana akangopinda mumota ndokubva mota yatanga kufamba.
Ronald akazopedza runyararo achiti; “Here is my card, call me any time!"
Beauty akangonyemwerera zvake ndokuti, "Ndokufonerai anytime kuti mave taxi driver here? Anyway, maita henyu, mondisiya mutown paPost Office apo, muchienda kubasa mungazonodzingwa basa mukadzi nevana venyu vakachema neni!"
Ronald akaseka chaizvo ndokuti; "Handina mukadzi ini, ndichiri kutotsvaga. Zvisinei waita basa shamwari, ndakumhanyira kubasa but at least we have to communicate since tave friends. I will call you paweekend if you are free, tombosvika kuGreat Zimbabwe. My weekends are lonely.”
Beauty akangonyemwerera asingabvume kana kuramba zvaitaura sahwira waakange azviwanira musi uyu. Akavhura musuo wemotikari vasvika paaida kusara ndokubuda oenda.
Kubvira musi uyu, vaviri ava vakazotanga kutaura padzinhare, kushanyirana kasingaperi, kushanya dzimwe nzvimbo vese pamazororo. Vaviri vakazongoudzana kuti ndokuda, ndakuda pave paya, asi vainge vatodanana zuva ravakatanga kuonana. Vaive vavimbisana muchato vasati varara vese asi miedzo yakavakunda ndokubva vatyorana makumbo. Ronald akazoita chipata pata kubvisa pfuma ndokutora mukadzi ogara naye. Asi muchato havana kukanganwa.
Zvese izvi zvaive mupfungwa dzavo umwe neumwe ari kwaaive vachienda kunogadzirira zvemuchato. Beauty ainge asati anyatsova mutyairi ave neruzivo rwemumugwagwa sezvo ange achangowana chitambi.
Madzimai ekwaMadondo aya akasvika pakange pagadzirwa keke ravo vakandowana ravamirira, ndokutora vodzokera kumba kwavo kuEastvale. Beauty aityaira hake motokari zvinyoro nyoro paaive murukisheni umu maive nevanhu vakawanda uye muchifamba pwere.
Apinda mumugwagwa muhombe, waaikona kupinda mudhorobha akatarisana neMasvingo Poly-Technic College, akawedzera mafuta oda kukurumidza kufamba nekuti pane zvakawanda zvange zvakavamirira mangwanani aya vasati vadzokazve mudhorobha kuzogadzirwa misoro yavo. Motikari ndokuita kusvetuka yobvuma mugwagwa.
Achangowedzera mafuta, mugwagwa uyu ndiwo waive nemagonyeti aienda South Africa via Ngundu-Beitbridge, akabva angoona munhu aive nepfungwa dzisina kukwana achisvetukira mumugwagwa achibva musango, ndokumira kumberi kwake pakati pemugwagwa. Apa mberi kwake kwaibva gonyeti rakatarisana naye. Mukadzi akabva angooma mutezo akadaro, akashaya kuti otsika benzi riya here, kana kuti ondoita dhuma dhuma, huma nehuma negonyeti raiuya.
Mota yakanonzvenga benzi riya asi haina kuzoramba iri mumugwagwa, yakabva yananga pamuti payakanorovera ndokubva yapetana kuita kabhora kesimbi, pakapwititika chiutsi neguruva vanhu vaive paMasvingo Poly Technic College vakamhanya kuzoona, vashoma vachibatsirawo.
Vamwe ndovaive busy kutora mifananidzo nemavideo ekuzoposter paApp nepaFacebook kuti maPage avo nemaAccounts avo awane a 100 likes and 200 comments, nenhamo nekurwadziwa kwemumwe pamugwagwa. Vaiita sevachamboti mapurisa nevakoti imbomirai kubatsira timbotora mavideo .
Tete mai Tawanda vakange vakagara kumashure vakakwetsura musuo motikari ndokubuda vachimhanya sevakange varasa njere. Vanhu vaive apa vakavabata vovadzikamisa, vakatanga kuzhambatata ndokufenda. Pakazosvika Ambulance neFire Brigade vakacheka motikari kuti vabudise vanasikana vekwaNcube. Vese vange vangoti rabada, ropa richichururuka.
Varapi vakabata bata varwere vatatu ava ndokutora vatete mai Tawanda naamainini Bianca vomhanya navo kuchipatara.
Mapurisa akasara orongedza Beauty Ncube, vakamufukidza negumbeze dzvuku, ndokumuisa mubhokisi resimbi votevera kumashure kweAmbulance. Dai keke raitaura rairova nhoroondo ine misodzi, kwaraifanira kuenda, neparagazoguma rasangana nemavhu apa.
Benzi riya rakange rakonzera mabiribobi aitsemura moyo aya, rakauya pamota ndokutanga kunanzvira kunaka kwekeke rakagara pasi. Rakandinyira kudya sekunonzi hakuchina mangwana, iwo mafufu ange aungana padivi pemotikari iyi, mamwe ari panze, mamwe achiri mumabhokisi .
KuEastvale, amai Madondo vakange vachigara pasi zvino vachisekana nemumwe wavo, amai vemuroora wavo, pavaimbotadza kusunga maribbon sezvavakange vadzidziswa nevairongedza dzitafura. Vakatarisa kugedhe ndokuti; “Vasikana vaenda kundotora keke ava dai vachidzoka, ko kwaMucheke kure here?” Vakadaro vachifona runhare rwatete mai Tawanda, vakaisa nharembozha yavo panzeve ndokuti; “Ko muchiri paiko? Hospital, mati imi muri mupurisa? ah ah, yuwiiiiii! Varipi ok ok totouya.”
Amai Ncube vakatarisa mumwe wavo voda kunzwa nyaya yakange yanzi hosipitari.
“Varoora vaita accident, vese vari vatatu vanzi vari kuhospital, handei, uyu adavira cellphone yatete Mai Tawanda mupurisa, achiri paaccident scene. Handei, Ronald nemuzukuru Tawanda avo vari kutosvika, handei nemota yavo tindoona kuti vakadii, zvino nhumbu haikanganisiki here kana akaita pressure yakanyanya muroora wangu?”
Amai Madondo vakadaro vachingotaura vega vachizvibvunza nekuzvidavira sezvo mumwe wavo amai Ncube vakange vaoma mukanwa nekutya zvavaisaziva zvaive kuchipatara.
Chembere dzakananga kumota kwaive naRonald nemuzukuru wake. vakazotaura nyaya yavo vatove mumota vananga kuchipatara.
Ronald haana zvaakataura akaramba achiedza kufona nhare yemudzimai wake, nyange yaiti not reachable akaramba achingoedza chete. Vakasvika pachipatara, muzukuru ndiye akange akati simbei pane vese ndiye akataura nevakoti ndokubva vaenda paive namai vake avo vakange vabaiwa jekiseni rekurara kuti vambodzikama kuvhunduka kwavange vaita, sezvo vaingoridza mhere kunge vasangana nechipoko.
Bianca akange akararawo makumbo ake ari chiveve chega. Vakabva vaudzwa kuti Beauty aive kuTheatre, ndopavakandomira kwe15minutes chaidzo asi dzakaita se15 days nekuti vaida kunzwa kuti chii chamuitikira. Pakasvika mapurisa naBeauty, manurse akaona kuti aive nepamuviri uye mwana aitotamba mudumbu, vakabva vamumhanyisa kuti andoitwa operation, kuti vabudise mwana achiri mupenyu.
Machiremba vakabuda muTheatre umu vakadungamidzana vachidikitira huma dzakapetana, vakasunga miromo vasingade zvekutaura nemunhu, ndokupfuura mhuri yaBeauty vakanyarara. Sister in charge vaivepo ndovakazotora mhuri iyi vondogara navo pasi muhofisi yevakoti yaive muward umu.
“Ndine urombo netsaona yaitika, vabereki. Sr Beauty vange vave kuitwa operation yekuti kuda mwana angararame, asi zvaramba ……”
Chembere dzakaridza mhere yekurwadziwa, Ronald handizvo zvaaida kunzwa, mbuya nesi ava vainonoka kutaura seiko.
“So where is she? Aripiko mudzimai wangu, we can have ten more babies amai please. Nhai nurse, aripi Beauty?”
Mukoti vakabwaira bwaira, Beauty aisangove murwere sevamwe, Beauty aivewo sister pachipatara apa, akange amhanya macorridor nemaWard achiraramisa vamwe vakange vaitawo tsaona mumigwagwa. Akange asunungutsa madzimai vachibuda vachinyemwerera vakabata mwana mumaoko baba vakabata kabhege kepreparation. Akange amhanya neOxygen tank kune vakange vopererwa nemweya wekufema akavabatsira vakadzoka kuupenyu, nanhasi vaifamba panyika.
Zvese izvi zvakange zvaramba kumushandirawo musi waakange azvida. Machiremba vakange vadaidzana vari vatatu, manesi vakauya vakuru vacho, vakaita zvese zvavakange vadzidza muchikoro nepabasa kuti zvinoitwa muchipatara kuti mumwe wavo ararame. Asi mupi weupenyu akange atotora.
Sister in charge vakatadza kuita basa ravo nemazvo, sezvo vakaeredza misodzi pamwe chete nemhuri iyi vachiti; “Sr Beauty vasvika pano vatoshayika, vangadai vananga kumochari asi mwana ange achiri mupenyu, azofawo panguva yatange tichiita operation. Tiri kurwadziwa tese ……”
Tawanda akachiona musi uyu, vana ambuya vachiumburuka pasi, sekuru Ronald vachishaya pekubata. Vakatora nguva vachiedza kufunga zvazvaireva kuupenyu hwavo. Manesi ese aishanda pachipatara apa vakaungana vachichema mumwe wavo, nekudzikamisa hama idzi.
Kana pakuenda kumba, mumwe mukoti ndiye akazoperekedza madzimai vodzokera Eastvale ari maoko chete. Mashangurapata, mwanasikana, muroora, mwenga akange afamba famba, nemucheche akange ateverana naamai paupenyu hwavo. Vachisiya baba vari vega vachiita sevari muhope dzemadzikirira dzisingamukwe. Vachisiya hama dzakange dzaunganira muchato dziine zana remubvunzo kunaSamatenga tenga. Raive dzungu rega rega kune vadiwa vakange vasara. Asi ndozvakange zvatoitika.
Muchato wakaita shandukuminya ukave rufu rwemwenga.
Ambuya vaTawanda pavakanzwa nyaya iyi vari kwavo kwaMutare, vakaeredzawo misodzi vari pafone nemuroora wavo mai Tawanda vachiti; “Amuna woyeee diii, inga raifi yakutiritayi tuubhedhi, mweya wake uzorore murugare diko.”
Mangwanani eMugovera vachienda kumakuva, Ronald akashaikwa paive nevamwe, kudomutsvaga yakave batai batai, pavakaona musuo wemubedroom rake wakakiiwa, uye vachimunzwa kutaura ari ega, vakaponda musuo uyu sezvo akaramba kuvavhurira.
Vabereki vakawana murume mukuru akazvambarara pasi akazvimonera newedding gown raifanira kupfekwa nemudiwa wake Beauty musi uyu. Mhere yakamborira zvakare vese veukama hwepedyo vakatarisa dhirezi jena iri. Asi vaifanira kundoviga mudzimai uyu, akange asisina nzvimbo pakati pevapenyu, dzakange dzangove ndangariro, vairerutsa nekuridza tsamwa. Upenyu hwakange hwatonga mhuri mbiri idzi nebakatwa chairo. Zvairwadza vasara.
Ronald akachema akazvirega, “Nhai Mwari wangu chandakakutadzirai chakakura sei chaita kuti mundibaye panyama nhete kudai! Zvandaiti ndavewo nemhuri yangu zvino mabva mandibira ndisati ndambonziwo ndavawo baba! Mandicheka nerakagomara changamire! Dai manditora henyu ndatevera mhuri yangu! Ndoraramirei hangu panyika pacho! Regai ndizviuraye hangu zvipfuure! Ndisiyei hey ndife hangu!”
Madzihwa nemisodzi zvaiva zvakapushira kumeso kwaRonald uyo ainge asingachamboratidzi semuremekedzwa pakambani paaishanda. Vanhu ndovaiva vakamubata kumudzivirira kuti asazvikuvadze! Akachema zvaipisa tsitsi murume mukuru achisvimha zvaichemedza kana nemuroyi wake!
![]() |
Chances [Chapter 1] Stories By Lovely Rutendo Nzira |