Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira

Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 3

The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 3 - Responsive Blogger Template

Pakutanga kwemwedzi waFebruary, vazhinji vakange vadzokera kumabasa avo. Vese vaichema chirwere chaNdira vakange vofara mari yauya uye vana vave muzvikoro.

PaLiving Faith Pentecostal Church, musi weSvondo zvakare, vanhu vakange vapedza kunamata voda kuenda kudzimba dzavo apo mai Makuni vaive mudzimai waElder Makuni vakasimuka ndokuti; “Musi wa6 January raive Birthday ramamma Pastor Rejoice. Gore negore tinongotaura nezveBirthday rababa nekuti ndorinoita tisiri pakutsanya. Asi gore rino tafunga kungoita birthday raamai vedu zvakadaro.”

Pastor Charumbira nemudzimai wavo vakatarisana vachishamisika zvakanyanya nezvakange zviri kutaurika. Vese vakange vasina kuzvitarisira. Sangano rese rakaombera, vana vadiki ndokutanga kuimba “Happy Birthday to you …..” vairidza vakaridza chaizvo vamwe ndokutosimuka votamba.
Mai Elder Makuni vakaramba vakamira mberi, pakanyarara vanhu vese vakabva vati; “Isu seruwadzano rwemadzimai, takakumbirwa nababamudiki Doctor Jonathan kuti tivabatsire kugadzirira birthday raamai vesangano redu.” Vanhu vese vakacheuka kwavaiziva kwaigara Dr Jonathan nevana vavo David naDaniel. Jonathan akangonyemwerera ndokusimudza ruoko ndokuramba akagara pasi.

Mai Makuni vakadaidza vakomana nevasikana veYouth ndokubatsirana kupa vanhu vese vaivemo chikafu. Venziyo vairidza zvakasiyana siyana munhu wese achifara. Kudya, kutaurisa, kutamba kuseka kwakazadza imba yese. Vamwe vakuru vaivemo ndivo vakange voenda kumberi kwaive naMufundisi Rejoice vachindotaura navo nekuvaita makorokoto ekuwedzerwa kwemakore ekurarama muupenyu hwavo.
The Pastors - Stories By Lovely Rutendo Nzira - Chitsauko 3
Nekufamba kwenguva munhu wese akange abata nhindi dzenyama mbiri nemachipisi nechinwiwa chinotonhorera. Vana vadiki vakange vawedzerwa mazepe (zap nax), majiggies nezvihwitsi. Nyama yakange yabikwa nemadzimai eruwadzano nerudo rwekuitira amai vakuru vesangano. Baba namai Charumbira vakange vangotarisa vana vesangano ravo vachifara. Dr Jonathan vakange vatenga zvese vega, vachiitira amaiguru vavo. Zvirokwazvo vakange vagona kuunza kisimusi kutanga kwegore muchechi umu imwe ichangopera.

Mai Elder Makuni vakazoti vanhu vese vagare pasi, ndokubva vadaidza babamudiki Dr Jonathan. Mukomana akasimuka kumashure kwaaive ndokuzomira kumberi kwesangano rese. Jonathan aiperekedzwa neshamwari dzake shanu vaivewo machiremba vakange vauya kuzomubatsira kupemberera zuva rekuberekwa kwaamai vake. Vaviri vavo vaivewo nhengo dzesangano iri.
Jonathan akandomira mberi kwevanhu vese, vamwe vake ndokugara kuzvigaro zvaive mberi. David naDaniel vana vamufundisi Charumbira vakabva vandomira nababamudiki vavo mberi kwevanhu vese. Jonathan akaona mukoma wake namaiguru vachizevezerana vachiseka. Akaziva kuti vaimuseka iye nekuti vaiziva kuti haadi zvekumira mberi kwevanhu. Akabva atsikitsira, muromo nemaziso zvese zvave pamicrophone yaakange atambidzwa kuti ataurise. Vanhu vese vakange vanyarara vatereresa. Mapepa emazepe neezvihwitsi ndoainzikwa kuita ruzha kubva kudivi rakange rakagara pwere.
“Amen……. Church. Makadii mose…..” Jonathan akadaro vanhu vese ndokumupindura mukati mekuseka.
Chiremba vakananzvira miromo yavo ndokuti; “Ndoda kutenda Mwari pamusoro pamamma……. I mean Pastor Rejoice, for her birthday. I am sure most of you mange musingatozive kuti Pastor mai Charumbira vane birthday wo sababa Charumbira. It’s because of the time, taingotaura tiri kumba kuti happy birthday mamma, meal yeFasting isingachinje. Taingodya air-pies dzekutsanya on her birthday. But this year, ndafunga kutenda Mwari nekurangarira birthday ravo chero rakapfuura, almost a month ago.”
Vanhu vese vakaombera ndokumboimbazve happy birthday.
Jonathan akaenderera nekutaura pakanyararwa rwiyo; “It’s just that ndaifanira kuwana reason to eat and celebrate with the whole church, ndosaka ndakati tiite tese happy birthday as Living Faith family.”
Jonathan akambonyarara achifunga ndokuzoti; “Ndati tiite tese nekuti ndinoziva kuti mese munodiwa zvakanyanya naPastor Rejoice. Celebration kwavari haina kukwana kana imimi church musipo.” Vanhu vese vakaombera maoko.
“As you all know, Pastor Rejoice is my mother, ndini first born yavo ……..” Jonathan akadaro ndokumbobwaira bwaira achitarisa amaiguru vake seaida kuchema. Vakasanganidzana meso vese ndokunzwisisana muchinyararire.
Dr Jonathan vakatarisa sangano rese ndokuti; “Over the years, ndichigara naPastor Rejoice, ndakavaona vachisiya ndiro yavo yesadza vasati vadya vachimhanyira kwamunenge mavadaidza kuzokunamatirai. Ndakavaona vachimuka pakati peusiku vachinamata nemazita enyu. Ndichizokuonaiwo muchipa maTestimonies paPulpit ino. Vamwe pazvinongokuitirai vachibva vabuda chechi. Vamwe pazvinongoita vachitsamwa kana vakabvunzwa chegumi.”
Vanhu vakambozevezerana vamwe vachitsigira zvaitaurwa vamwewo vachishora kuti angati chiiko ivo vafundisi dziri hama dzake.
Jonathan haana kuita hanya nezvaizevezerwa nevanhu. Akange asingazvinzwe uye akange asinei nazvo; “Zvakawanda zvandingataure zvandinoona muupenyu hwaPastor Rejoice vachiita. What I can simply say is, she is a woman who sacrifices a lot for others.”
Jonathan akambonyarara ndokuzoti; “Pagore rangu rekupedzisira kuUZ, maiguru mai Davie ava, vaive vachiri teacher kuBudiriro High uko. Mukoma vakange vatove kuBible school. Tese taichengetwa namaiguru mai Davie. Ndinozviziva kuti pamakore maviri iwayo she never bought any new clothes for herself. Ndakange ndave kutovanyarira vachisekwa nevana vechikoro. Asi mari yavo vese vaiisa pakudzidzisa inini. Ndinotenda Mwari zvakanyanya nekuda kwamai vangu ava Pastor Rejoice.”
Jonathan akambonyarara muromo waoma neshungu dzezvaairangarira zvaiitika makore acho; “So nhasi ndiri kuti happy birthday, my Pastor, my mother, my friend, my confidante ……” Jonathan akabudisa kabag kadiki diki kubva muhomwe make. David Junior naDaniel vakabva vaswedera padyo nababamudiki vavo vachisekerera nekufarisa.
Jonathan akatarisa vana vemukoma wake ndokuti; “Pastor Daniel, ipaika mamma present yavo.”
Vakomana vese vari vaviri vakabvutira babamudiki vavo kabag kaive nechipo chaamai vavo. Hapana wavo akada kuregedza. Babamudiki vasati vatsiura, kabag kaye kakabva kabvaruka napakati, zvaivemo ndokudonhera pasi. Daniel akanhonga makey emotikari akange abuda mukanhava aka ndokumhanya nawo pana amai vake.
Akandogara pamakumbo avo achifemereka kutiza David kwaakange aita, ndokuti; “Mamma, bamudiki vatenga mota hombe kupinda yavo, iri panze, handei mundoiona, mamma handei.”
Mufundisi naMufundisi Charumbira vakabatirana svombonoro dzemotikari dzavakange vatambidzwa nemwana wavo ndokufamba vachibuda panze. Jonathan nemasahwira ake vakatevera kumashure kwavo. Jonathan ndokutaridza amaiguru vake Toyota Fortuner yaakange avatengera. Vese vakafara, kutenda nemisodzi mumaziso.
Vakazodzokera muchechi maive nevamwe vakange votamba “Kana maropafadzwa regai kuzokanganwa kutenda Mwari,” vachidya keke ramai Mufundisi.
Iri rakave zuva rakange rakanaka chaizvo mukati mesangano reLiving Faith Pentecostal Church. Izuva ravakataura kwemasvondo ese aitevera apo vaiona vafundisi vavo vachifamba nemotikari iyi.
Kana kumba kwavo, mhuri yekwaCharumbira vakaita mazuva vachitaura nyaya iyi yekupemberera kuzvarwa kwamai vemusha uyu.
“Imi babamudiki, chiroorai. Pano taguta mari yenyu.” Mai Charumbira vakadaro vakafara chaizvo mushure memwedzi mitatu vatengerwa motikari nemuramu wavo.
Jonathan akaseka chaizvo ndokutarisa mukoma wake achiti; “Nditsvagirei akaita semi moms. Ndobva ndaroora.” Amaiguru nababamunini vakaseka vachirovana maoko, asi mufundisi Charumbira havana kuona zvaisetsa.
Vakabva vati; “Unomuwanepi anenge mai Davie kana usina kutotora mai Davie vacho? Hausi kuona kuti watokura so, uchingotevererana namaiguru mukitchen uchitadza kuroora ubikirwe nemukadzi wako.”
Jonathan akachonya amaiguru vake ndokuti; “Aiwa mukoma, inga ndakati kana ndavaka paStand yangu kuMabelreign ndobva ndaroora.”
“Unoroora ani?” Mufundisi Charumbira vakadaro zvakare.
“Aaaah nhai daddy, vasikana vanopera here?” mai David vakazodarowo.
“Kuda ndimi makaratidzwa musikana wacho. Imimi amaiguru vacho ndimi mave kunge girlfriend yake.” VaCharumbira vakadaro ndokuturikidza makumbo voverenga bepanhau ravo.
Jonathan akasimuka ndokuti; “Ok ok mudhara ndakunzwai. Ndichaita sezvamataura.” Jonathan akatarisa amaiguru vake ndokuti; “And the Pastor thinks am after his old chick…..” vakaseka vese naamaiguru vake chiremba ndokubuda mumba umu.
Pastor David vakati kumudzimai wavo; “Heaven knows I love this young man. I pray awane a God fearing wife. Kuvasikana veYouth hakuna munhu kwaye here Doctor wedu asanyura muvasikana vemazuvano?” Vakatarisana ndokuseka vachirovana maoko.
Amai Charumbira ndokuti; “Wauya kuipa sha, but you are right. Ko kana tikaita so, toita maDinner pano inviting vasikana and their parents vari muchurch muya. Tikawana 3 families haaa bamudiki vanosarudza wavo isu tiri kure zvedu.”
“Yes yes, and hativaudze, torega zviitike zvega. Mwana wamai vangu angakanganiswa nevanhu venyika ava.” Vafundisi vakaenderera nenhaurirano yavo vachitandara zvavo.
Pavhiki yakatevera, Jonathan aishanda usiku kubasa kwake. Uye aidaidzwa nguva ipi zvayo. Musi weChipiri apo vaiita Bible Study mumba mevafundisi, Dr Jonathan vakabva vafonerwa kuti vauye kubasa kuMedi-Park Private Clinic kwavaishanda muguta. Akabva angopinda mumotokari yake ndokuona mugwagwa oenda kubasa kwake.
Mushure meBible Study vanhu vese vakaenda kudzimba dzavo, mhuri yavaCharumbira ndokusara vega. Amai vakabika ndokupa mhuri yavo chikafu babamudiki vasati vauya. Vakomana David naDaniel vakamboramba kudya vachiti vakange vachida kumirira babamudiki vavo. Asi nguva padzakange dzosvika kuna 9pm, amai vavo vakazobata shamhu vana ndokudya nemisodzi padama.
David akaenda mumba mevabereki vake mokurara ndokutora runhare rwaamai vake ndokuridza kuna babamunini vake. Parwakarira kaviri akabva adzima. Pasina nguva, babamunini vakafona.
“Chii nhai Dr Dave?” Babamudiki Jonathan vakadaro pavakangonzwa inzwi remwana wemukoma wavo.
“Muri kudzoka nguvai? Ndokumirirai? Ndatopedza homework.” Mwana akadaro.
“Eish, my boy, enda undorara. Today munhu ari kurwara is a small cute baby like you my boy. I can’t leave him. So ndinouya kumba after 10pm. Iwewe enda undorara ungazotadza kumuka makuseni. Ndokuona in the morning Dr Dave, handiti. Ita good night to Pastor Daniel namamma nadaddy.” Doctor Jonathan akadaro.
David Junior akabva ati; “Ok bamudiki, can I wait for you ndakarara on your bed then?”
“Yes, yes, sure my boy.” Jonathan akadaro ndokudzima runhare sezvo akange ave kushanda kuchipatara kwaaive.
David Junior akadzorera nhare yaamai vake payakange yakaiswa pamagetsi ndokudzokera kwaive kwakagara mhuri yese. Akanyemwerera ndokugara padivi paamai vake.
“Bamudiki vati good night everyone. And vati I can wait ndakarara pabed pavo.”
Daniel akatarisa mukoma wake ndokuti kuna amai vake; “Me too handiti mamma?”
Mufundisi Charumbira baba vevakomana ndovakazoti; “Ko sei wafonera bamudiki uchiziva kuti vari kubasa? Inga takati hativafoneri kana vari kubasa kwavo.”
“Sorry daddy, but I beeped vakafona. Vange vati vanokurumidza tozoita homework tese………..” David Junior akaedza kuzvitsanangura. Runhare rwaMufundisi David Charumbira rwakabva rwarira.
Vakanzikwa kuti; “Hoo, Daniel, taura naye. Vari kuramba kurara vakomana vako avo. Chokwadi chitomuudza iwewe vandorara.”
Vakabva vatambidza Daniel runhare ndokubva aonekwa kusekerera mavende ese panze. Mwana aingonzikwa kuti; “Ehe, ehe bamudiki, ndinoita kudaro, ehe….” Pamwe achingogutsurira. Akapedzisira masiriri ekufara ave kuerera ndokutambidza amai vake runhare avo vakangotaura zvishoma vachiseka nababamudiki vavo.
Mufundisi Charumbira vakabva vazoti vachinyemwerera; “Nhasi afona zvakanyanya chiremba wenyu uyu.”
Mai Charumbira vakabata Daniel vogadzirisa pyjama rake vachiti; “Zvakuri kufunga boys dzavo. Hanzi there is a baby aita first degree burns. So he is monitoring him. You know bamunini havadi zvekusiya varwere vavo. Isu regai zvedu tinamate tindorara.” Amai vakatarisa vana vavo ndokuti; “Junior, tipewoka worship song.”
David Junior akapfugama ndokutanga kuimba “We magnify Your name, as we honor you ….” Vese vakapfugama ndokuimba vachinamata ndokundorara.*******
Mufundisi David Charumbira vakamuka kuhope nharembozha yavo ichirira. Pavakati vachiipindura, yakabva yanyarara, vakaona yanyora kuti 2 missed calls, kubva kunhamba yakafanana yaifona iyoyo. Apo vange voda kufonera nhamba iya, yakabva yafona zvakare.
“Mukoma Charumbira, ndini Chris Tapfuma, Dr Chris ndinoshanda paMedi-Park naDr Jonathan. Jonathan aita accident ave kutouya kumba. Huyai izvozvi …………”
Vakazopedzisa kuterera vave kutopfeka vachibatsirana vese nemudzimai wavo. Amai Charumbira vakasara pamba sezvo vana vavo vaive vega. Mufundisi David Charumbira ndokutyaira Toyota Fortuner vakananga kuchipatara. Amai Charumbira vakageza kumeso ndokukwesha mukanwa.
Vakatora Bhaibheri ravo ndokuvhura mapeji vachishaya pekunanga. Maoko aidedera, hana yairova. Vakazokwanisa kupfugama, ndokungoti; “Mweya Mutsvene ivai nesu” Vairamba vakatarisa runhare rwavo kuti murume wavo achafona ovataurira zvaive kuchipatara, asi hazvina kuitika.
Pakazochaya 5am, Mufundisi David Charumbira vakabva vasvika pagedhe repamba pavo. Mai Davie vakamhanya kundovatambira ndokubva vapinda vese mumba. Mudzimai akagara pasofa murume ndokuramba akamira.
“Nhai daddy, hamusi kutaura wani, vari sei babamunini?” mai Charumbira vakabvunza.
“Rejoice my brother is dying. Why God, why? Rejoe, my only brother is dying……..” Mufundisi Charumbira vakadaro vakabata musoro vakafuratira mudzimai wavo. Mai Charumbira vakandomira mberi kwemurume wavo ndokuona misodzi yakazara mumaziso ake.
“Aaaah, nhai David, is it that bad? Gara pasi undiudzewo. Wawana vari seiko babamudiki Jonathan?” Mai Charumbira vakadaro dikita rave kuerera.
“He is in ICU, vati aita serious head injuries. Aita accident just padyo neMedi-Park paye. Angozvikorohwa nerhori yange ichitove in the wrong lane, maybe chidhakwawo zvacho. But it’s bad.” VaCharumbira vakazokwanisa kurondedzera.
Mai Charumbira vakanga vabata kumeso vakatsikitsira, hana ichiwedzera kurova. Vakazotura befu ndokuti; “Asi vapenyu handiti? Vari muICU vari vapenyuka?”
Mumba makamboita runyararo. Vese vairwadziwa zvakanyanya. Pastor Rejoice vakabva vazoti; “Regai ndifonere vana Elder Makuni varonge prayer band. We need to pray shamwari. Let’s pray Jonathan wedu adzoke kumba…………”
“No no mai Davie. Hazvidi munhu izvi, zvinotongoda iye Jesu chaiye.” Mufundisi Charumbira vakadaro ndokuzunza musoro ndokuzoti; “What is it I haven’t done for God in this life? Mwari sei kundirwadzisa zvakadai? Not even a warning. Pakashaya amai vedu, I was just a youth asi Mwari makandiratidza zvese. And the Holy Spirit was guiding and comforting. What is this now? Rejoice chiiko ichi?” Mufundisi Charumbira vakademba nemwoyo wairwadziwa.
Mai Charumbira vakabwaira misodzi ichierera ndokuti; “Baba Davie, you remember mai vaye vekwaMutoko vatakanamata nevana vavo paPhone vakapora? Ko munin’ina wamai Makuni akange anzi brain surgery, akapora futi tanamata naye. Ko ………”
VaCharumbira vakabva vati; “Ko murume uya wekuBeatrice aitenderedzwa musoro uchitarisa kumusana, nezvidhoma chaizvo”.
Mufundisi Charumbira vakatandavadza maoko avo ndokuti; “Rejoice, Jesus used maoko angu aya kubvisa things I don’t even know kuti zvii up to now. Why can’t I do that to my own brother? Why Jesus why?”
Mai Charumbira vakabata murume wavo maoko ndokuti; “You see baba Dee? We are hurting, we are too weak to pray. All we are doing is questioning God. Zvichabatsira bamudiki sei izvi? We need to wrestle with the spirit of death David please. Regera ndifonere Elders.”
“It’s fine my darling. It’s ok, do what you have to do. Handisi kuda kuona munhu. I want to be alone.” Mufundisi Charumbira vakabva vaenda kumba yavo yekurara. Vakaterera kuda kunzwa kana mudzimai wavo aitevera. Paakanzwa ave kutaura paphone vakaerera misodzi yekurwadziwa.
Vakange vaona mwana wamai vavo akazvimba musoro wese uye ropa richakazara kumeso. Kubvira pavakange vasvika pachipatara kusvika vadzoke, machiremba vakuru vaaishanda navo vakange vakamuunganira vachimushanda asi hapana chakashanduka. Vese vakange vachingotura befu kuti akange achiri mupenyu.
Mufundisi vakatarisa mubhedha wavairara nemagumbeze awo, mbatya dzavo nedzemudzimai wavo dzakange dzakazara muWardrobe yaive madziro mativi maviri ese. Vakapinda mumba yekugezera vogeza kumeso nekukwesha mukanwa. Maive nepombi dzegoridhe, zvese zvaipenya nekunaka zviri zvechizvino zvino. Vakandomira pahwindo pavakanga vakamisa Toyota Fortuner. Zvese zvavaisangana nazvo nemaziso avo zvaingodaidzira kuti Jonathan, Dr Jonathan Charumbira.
Murume mukuru akaeredza misodzi achipfugama pasi ndokuti; “Mwari torai zvese izvi mundidzorere munin’ina wangu ……….mwana wamai vangu iye mumwe chete ega here nhai Mwari …………………”

• Miedzo haiperi kuvashandiri vaMwari.
• Pastor and Pastor Charumbira vachadii nemuedzo wapinda mumba mavo?
•Dr Jonathan aivachengeta achadii?
• Vachakwanisa here kuda Mwari sezvavaiita pakutanga imo mumba mavo mave nezvimwe zvigozhero zvinovashaisa nguva nevamwe.
• Vachakwanisa here kuramba vakatendeka kuna Mwari ivo vana vavo vachichema?
• Get answers by getting your own copy
• Contact +264 81 484 3456
Stories By Lovely Rutendo Nzira - All My Stories Are A Work Of Fiction, Imagination and Creative Writing - Stories By Lovely Rutendo Nzira
Donate Us

Discussion